PHIBIE ALL NOVELS
February 19, 2025 at 04:14 AM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira*
*Group link*
https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2
STORY BY
PHIBION MANDONGWE
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 4
"Mambo nhau yamakanda mugango tainzwa asi ini ndinoonavo chiri chokwadi kuti tindopamba mambo ari kure. Sezvo muchiziva kuti ndaimbove kumuzinda kwaZvirikuzhe, ndinoziva kune mumwe mambo akagadzwa mumakore mashoma iwaya mushure mekufa kwababa vake. Mambo uyu anonzi Chikandamina, ane mombe dzakakora uye dzemukaka dzine mazamo akarembera kunge achananzva ivhu. Asi kutokwinya chaiko nokuti rwendo ,uyezve kunenge kuchitoda mhare chaidzo nokuti naiye ane hwitakwi dzinoziva pfumo chaiko". Anodaro Gwangurai rimwe remachinda amambo Dzinavatonga. Mambo vachinzwa nezvemombe dzavaida chaidzo vanonzwa rute ruchiti pfaa mumuromo mavo senge vave kutodziona mombe dzacho.
Vanorikanda muchaunga. "Hero machinda basa iro tipei zvirimunhava dzemasoro enyu tinzwe pane rakumiwa naGwangurai iro". Honyerera dzekubvuma dzinowanda asi chaive chasara kunzwa muripo wavaizopiwa asi hapana akada kuti aipakure pachena. Mudzvanyi jinda guru ndiye akazozevezera mambo kuti vapedzise nhau yemuripo mambo ndokubva vati "Munozviziva kuti pakushanda kwako ndopanobva muripo asi regai ndikuvimbisei kuti gumi pamunhu oga oga handidzitadzi".
Mheterwa dzinonzwikwa ,mufaro waive wapamhidzwa. Varwi vakave nekutononokerwa nezuva rekuenda. Gwangurai anobva ati "Madii matoti mangwana chaiye tisimuke sezvo ndareva kuti parefu kwazvo pangatoda maviri akazara tichifamba kureva kuti tichaita mashanu chaiwo tisiri muno." Varwi vakabva varovazve miridzo uku Rwaibva jinda rehondo rakabva ratoti rwatoibva "Sezita rangu kutogadzirira tikabuda kuseni kuno pakanaka."
Chibvumirano chakavepozve ndokunzi naye Rwaibva "Murwi wese mhanya undogadzirira nekuchimbidza tibude izvezvi" vose vakabva vamhanyidzana kudzimba dzavo mumwe nemumwe achiita chipatapata chekuti akasire kudzoka padare nhambo shomashoma padare paive pasvibazve. Panozosarudzwa zana chete vamwe ndokusiiwa, ivavo zana vachibva vatobuda nesuwo guru vatonanga chamhembe.Tsoka chete ndodzawainzwa kutsika tumiti nemauswa richingove dungwe rongondo pasina aiti bufu. Mudzvanyi ndiye aive mberi achiteverwa naiye Gwangurai.
"Chitungamira mberi sezvo uriwe unoziva gwara" anodaro Mudzvanyi achidziurira Gwangurai kuti aende pamberi. "Nyange muriko mukuru ndinongokuratidzai nzira kana tave kuenda nekusiko fambai zvenyu" anodarovo Gwangurai. "Hiiihi sekusaida kuitwa mukurupo, tifambire mberi zvedu mazinzeve seamagen'a".
Anodaro Mudzvanyi achimusundira mberi achiseka zvake nevaive pedyo vakabva vasekavo vakanzwa kutaura kwake. "Magona mukuru wangu, ndotochinja mutupo kubva nhasi ndave kuera tsuro sezvamandiudza".
Vanosekazve zvikanzi naMudzvanyi "Nemadiro aunoita nyama yetsuro ungairega iwe? Dai dzaipfuyiwa taiti wakafirwa namai uchangozvarwa ukasara worerwa nemukaka wetsuro nenyama yacho". Vanoseka zvavo ndokuchiramba vachiita munemo kusvika vabuda dunhu ravo ndokunyarara. Zuva rinosvika pakudoka pasina kumbotura befu.
Jenaguru rinovheneka nyika vachingotsika pasi chete. Zvave kuratidza kuti panenge pave pakati peusiku Mudzvanyi anobva amisa mhomho yose ndokuti "Tasvika tose here apo?" Ruzhinji runodavira "Eee tavepano".
"Yaaa ngatimboti zororei zvishoma tichidya mbuva dzatinadzo tobva tasimudzira pahuku yemurirakamwe". Vose vanobvumirana nemukuru wavo ndokubva vati pasi zivhaa.Hapana anorota zvaanomuka achiziva nokudaro nhambo inongonzi "Zvakwana chimuka titsike matama enzira" vose vanobva vati vhazu kubva kuhope nekuda kweinzwi remukuru wavo raive ratonga. Vanofamba kusvika ziya roteuka dzave nhambo dzemasikati Mudzvanyi anozevezera Gwangurai "Kuchiri kure zvekuti pamahusiku hatingasviki here taida kumbotura befu zvishoma?"
"Ndizvo mukuru tingangosvika nhambo dzekutanga kuvata kwevanhu asi dai tandozororera parukova rune mudzaswa urwo runonzi Mhokore tichimbomwa mvura nekutsvaga dziva rekumbozvitonhodza".
Anodavira Gwangurai.
"Zvakanaka hazvo kana pave pedyo".
Vanosvika munaMhokore ndokuramba vachidzika narwo sezvo kumusoro kwavaive vapindira kwaisave nedziva. Vanozosvika padziva raive nemvura yakachena zvokuti kana hove dzaivemo dzimwe dzaionekwa. Vanoimwa yemudziva iyoyo ndokupedza vogezazve ndokumbozorora. Vanozosimudzira narwo pachifambiwa kusvika nhambo dzerunyanhiriri vave kuona gomo Raurwi. Vanotsikana nepasi kusvika vave munaTorodo ndokumbomwazve mvura vopedzisa tunyama twaive twasara munhava dzavo. "Tasvika zvino changamire tatove parusvingo izvezvi. Suwo guru riri kumabvazuva diki ndoriri mavirira". Anodaro Gwangurai achizeveza kunaMudzvanyi.
"Waitabasa ndapabata". Anoenderera mberi ati kwidzei inzwi zvishoma. "Teererai mose uko.
Tasvika zvino asi tichati mbwaa kuvata, kuchingondoti hwee tatopinda Gwangurai nesuwo diki nevarwi makumi mana, ini kusuwo guru tiri makumi matanhatu. Zvinonzikwaka?"
Vose vanodavira "Eee".
Vanovata ndokumuka kusati kwanyatsochena.
Gwangurai anotora vake ndokuenda kusuwo diki, zvimwechetezvo naMudzvanyi sekurangana kwavaive vaita. Mushana pawakangoti dziyei vamwe nevamwe vaive vasvika panzvimbo dzavo. Ndokuchipinda nepamasuwo vachimhanya kwazvo.
Vemumuzinda vashomanani vaive vakagadzirira zvombo vakambomiramiravo chose zvokuti pavarwi zana vaive vauya kuzopamba pakasara makumi mana nevana chete. Ivo vakafawo makumi maviri nevanomwe.
Ruzhinji rwakazopepuka rakwira sezvo rwaiti tingamukirei nhasi hakuna dare nokuti mambo vakambofamba. Vaingozoona sasa rapfurwa nenhaura pfumo rakananga munhu vobva vangosimudza maoko chete kukumbira upenyu, nekudaro vaizondundurudzwa vachinangwa navo padare vamwe vachitove nedzekuzvarwa nadzo. Mudzvanyi paanopinda mune imwe imba achangobuda mune yairatidza kuve yamambo maakaona vamwe mai vaigomera kwazvo ndokubva angovakava nenhaura ndokuvasiya. Anoona imwe iyoyo muine mwanasikana akanaka kwazvo aive akazviunganidza seri kwesasa nekutya mheremhere yainge yazadza muzinda wese.
Anomumhidzura ndokumuti kapa papfudzi naye padare ndokusvikomutsveta pane varume vose vaive vaunganidzwa.
"Tiudzei chokwadi ko pfuma yenyu irikupi yatisingaoni mumatanga usiku huno?"
Anobvunza Mudzvanyi achifambafamba sehoromba yebveni kuita kukanyaira.
Pfumojena anobva aziva chifambirwa ndokukurumidza kumhanyisa pfungwa ndokukasira kudavira iye "Tine hurombo changamire tichangobva kupambiwa izvezvi rungwanani runo neimwe hondo yatisingazivi semi ndoyatora chose chemuzinda uno".
"Usatiite pwere wanzwaka ko mambo varipi?
Ndiwe mambo here?" Anobvunzazve Mudzvanyi.
"Kwete handisini. Mambo vatourayiwa nemachinda avo maviri vaita kuzvuviwa pambongoro vakaendwa navo asi pasisina achafema".
Anomboita chinhambo achifunga Mudzvanyi ndokuzoti "Saka unoreva kuti hapana kana hwai zvayo yasara here? Ko imi vanhu ndizvo here zvinorutswa nembwa iyi yodzidza kunyepa yakwegura?" Vanhu vose vanodavira kuti hongu.
Mudzvanyi anobata rushaya achizeyesa meso ndopaanozosangana nechiso chaMakanaka waaive atora munhanga make. "Ko uyu ndiani uyu? Simuka iwe". Anodaro akatendeka Makanaka. "Ndinonzi Tsvaru ndiri nherera ndakafirwa nevabereki vose ndinongochengetwavo muno mumuzinda".
"Ko zvaunenge une zvipfeko zveumambo wani?"
"Ndozvasara paurayiwa mambo nemhuri yavo yose saka zvangu zvapiswa nokuti taivata mumba mumwe" "Hoo saka uri nhereraka? pakanaka. Varume hendei nenherera iyoyi mambo vandoona kuti pachokwadi tasvika kwaChikandamina wacho" anobva anzi mhidzu papfudzi katsva ndiye nesuwo guru tande. Makanaka anoramba anyerere asingadi kuridza mhere achiziva kuti aizofamba mutunhu wese akasungwa nekudaro akaratidza seaitodavo kuendwa naye.
Anozokumbira kuzvifambira zvake achienda kwavaida ndokubva vamutendera akangoti chikuru ndatorerwa muzviso zvemuzinda wese vachasara voona zvekuita kana mambo Chikandamina vasvika.
Varwi vanosara voda kubata zvombo kutevera mhandu asi vanozoronga rekumirira mambo.
Pfumojena anosara achizvinetsa nenhema dzaaive areva kuti dzaive dzabvepi. Anozobuda mumuzinda vaenda achitevera zvishoma nezvishoma kuti aone kuti mhandu dzavo hadzingadaro dzikatora gwara rekwainda nemombe here. Achangobuda ndopaanobva aita mahwekwe namambo pamwe nemachinda maviri avakainda nawo vari ushamwari nemhepo.
Kwakanga kwava kuseva sadza nenyuchi mhenyu. Akanga ava mafunge mafunge parerenzuma kutsvaka chakadya nyanga.
Mambo Chikandamina vanokwenya musoro wavo vakananga kuimba yeumambo.
Vanosvikozviwisira pachituro chavo icho chainge chakashongedzwa nematehwe embada kumusoro kwacho kwaiva neeshumba, mumupendero macho maiva nedehwe reshato.
Pfumo ravo rainge riripamapfudzi avo.
Vaingotura mafemo vakabata tsvimbo mumaoko . Machinda avo mana Pfumojena , Musariri, Gwandabvu na Harunashe vakabva vapinda musasa ndokugara pazvigaro zvaivemo sezvo vainge vavashevedza. Mambo Chikandamina vakabva vatora fodya yavo yaiva munhava yaiva pasi pechituro ndokugugudzira muruoko. Vanoita yekutsunya vachiisa mumhino dzavo meso achibva atsvuka ndokuhotsira rutatu.
"Ndini ndakushevedzai machinda angu, ndovimba kuti zviri pachena seinda iri mubaravara hazvidi kuudzirwa. Nguva ino tatarisana nezvinhu zvakawanda kwazvo, Ndikokutswanya shomwi nyoro nehuma kwatava kuita kukwira gomo nemusana.
Pfumojena unozviziva iwe kuti tanga tainda kwamambo Zvirikuzhe kunopiwa nyanga yechipembere kuti ndizorapa mukadzi wangu.
Chokwadi gwai remurombo kuchema richitevera bere. Tati tava muchirwizi Mhokore ndiye makarasionekwi, dhumha dhuma nemuvengi . Rega zvakanzi kukurukura hunge wapotswa nyanga yabva yatorwa. Asi tarohwa zvakaipisisa , ndipo pandaona kuti ishura gudo kuwa mumuti. Handina kubvira ndaziva muvengi iyeye, ndopondosvika kuno wanei muzinda wava manyama amire nerongo. Mazai etariro atsikwa nenzou asati atsotsonywa. Saka ndati ndikushevedzei machinda angu murivana kudaro toonesana kuti todii sezvo kudzingirira tsuro mbiri imwe hauyibati" vanotaura mambo Chikandamina vachipukuta bute ranga riripamhino dzavo "Zvava pano zvava kuda kusunga dzisimbe . Izvi zvadzvara ruvengo pakati penyu mambo na Zvirikuzhe nekuti iye handifungi akagamushira izvi nekuti chaanoda ndi Makanaka kuti aroorwe nemwana wake. Saka izvi anogona kuti ndezvemugotsi matsuro, asi kwaifanirwa kuinda shoko nekuchimbidza asati atuma nhume dzake kuzotora Makanaka uyo asipo atorwa nemuvengi. Kuonawo kwangu ndisingazivi imi mambo pamwe nemi machinda kuti dama rangu iri ririsei" anotaura Harunashe.
"Idama iroro , wataura shoko randanga ndakasenga. Nekuti chirungurira chirwere ukanyarara unofa nacho. Anodzoka oti shamwari unoda kundirapa meso nemhiripiri izvo nyamba kwete muvengi auyawo makarivara changamire wangu. Ndiko kutsva kumusana nekudumbu . Zvimwe iye Zvirikuzhe anogona kukubatsirai padambudziko irori ratiwira mukwidza ukava materu" anotaura Pfumojena jinda guru.
"Zvamataura zvamwirira mumusoro. Saka totuma ani angadzoka kwaZvirikuzhe anovapira zvizere tonzwa kuti ivo vangati kudiiwo" vanotaura mambo.
"Ngakuinde Gwandabvu na Harunashe, uyu Musariri osara changamire . Harunashe ndiye achanotsanangura kuti matosvorwa sei muziso" anotaura Pfumojena.
"Wataura donzvo Pfumojena. Asizve ini musoro wangu uri kupishana kuti haadero ariye here Zvirikuzhe atuma vanhu ava kuti vatore nyanga iyi. Nekuti rimwe jinda rangobata nhava raziva sei kuti mune chirimo uye sei vati ndoyatiri kutsvaka ini parikundinetsa ipapo. Asi zvipfeko ndozvinozondinyaradza hazvo asi pfungwa yangu iri kuti vari munerimwe" vanotaura mambo.
"Handioni sekudero nekuti kuinda kwamaita vanga vasingazivi kuti muchauya saka hapana pavaizotaura nemumwe mambo kuti aite izvi munguva pfupi iyoyi" anotaura Musariri.
"Ndizvo hazvo asi imwe nhau ndeye mwanasika wangu, kungoshinga semurume asi zvirikurema. Pfumojena ndiwe uri kuziva kuti vanhu ava vananga nepi. Zvimwe tingaronda matsimba, asi ndoona kuti tikanotanga tabvunzira tingawana gwara rakanaka mozviona sei, asi ngatitange tadzingirira imwe chete tozoona kuti iyi todii nayo. Nekuti tikada kuita chinono chengwe Zvirikuzhe angatuma hondo yake" vanotaura mambo.
"Idama iroro changamire. Kuita kuti zuva ravira iri.Zvaida kuti dai ranga risati vanhu vaifanirwa kupinda munzira" anotaura Harunashe.
"Motomuka jongwe repiri richirira mosvikawo nguva dzemadziya mushana. Monoudza Zvirikuzhe kuti kana achida mombe ngaateme dzaanoda ndomupa kutsiva izvi. Chiindai henyu munozorora movata makagadzirira Gwandabvu newe Harunashe" vanotaura mambo . Machinda akabva atobuda mambo ndokusara vakatarisa panzvimbo imwe chete.
Chifumi chamangwana jongwe repiri richingochema. Gwandabvu na Harunashe vakabva vatobuda mumuzinda vakavhenekerwa nejena guru. Vakafamba mutunhu murefu. Zuva rakazoti vhu-u vavapedyo .
"Unoona gomo rine huma riri mberi kwedu here Gwandabvu" anotaura Harunashe achirasha mvura pagwenzi remuzeze.
"Hongu" anodavira akatarisa gomo riya.
"Ndiro rakazemberana nemuzinda wa Zvirikuzhe tarisa chiutsi chati togo icho" anotaura Harunashe.
"Zvino hatinowiri mumukanwa mamupere here Harunashe. Unoti inovhiika nyore here nhau iyi?:
anotaura Gwandabvu.
"Mutumwa haana mhaka, redu ishoko badzi .
Angabva aita chinya chegurwe kuzvidambura makumbo here. Bva-a hande tinozvionera pamhino sefodya" anotaura Harunashe achiratidza kushinga kwazvo. Vanofamba dzamara vavapasiwo guru remabvazuva.
Varindi pavakangoona Harunashe vakabva vaziva kuti inhume dzamambo Chikandamina vakabva vavarega vachipinda. Havana zvakawanda zvavakataura navo. Harunashe anofamba ari mberi miseve yake yose ainge adzosera mudati.
Vanouchira maoko vaviri ava vachipinda muchivanze chemuzinda. Vanoita rombo rakanaka kuwana mambo Zvirikuzhe vagere padare nemachinda avo.
"Titambire machinda aChikandamina kwakanaka here kwamamukira kudzoka zvekare kudai. Iwe Guruuswa ipa machinda aya zvigaro" vanotaura mambo Zvirikuzhe.
"Zvinokunda ngoma kurira mambo wangu, regai tigare pasi chaipo ndipo pakafanira nemaneto edu aya" anotaura Harunashe vachitogara zvavo pasi chaipo na Gwandabvu.
"Kana uchiti zvinokunda ngoma kurira unoyedza kureva kuti chii chaizvo Harunashe sandiwe wakauya zuro namambo here iwe? Asi mai Makanaka vafuka ravo vega kani?" vanobvunza mambo . Ndiyowo nguva inosvika Dambakuro padare jinda guru raZvirikuzhe.
"Ndikosaka tauya kuti tikurumei nzeve changamire . Musaona kufamba neusiku tichizunza dova kudai hazvina kumira zvakanaka. Chokwadi huku yemurombo kukandirira mumuti, zuro tavapakati nepakati kunanga kumuzinda kuchirwizi chiya Mhokore takasongana nemuvengi ndokubva tarohwa zvakaipisisa uye nyanga yamakatipa iya yakabva yatorwa ndoku--------------" Harunashe haana kupedza kutaura mashoko ake aya.
Zvirikuzhe akangowaruka achibva pachigaro cheka zvakaitawo kuti Harunashe apidiguke achibva amira akachonjomara neibvi rimwe akatarisa mambo Zvirikuzhe asi ainge atobata pfumo rake raiva muchiuno. Dambakuro akabva abata mambo ruoko rwainge rwakabata pfumo ravo.
"Zvadiizve changamire wangu. Madii kudzikamisa hana yenyu ature raarairwa .
Musachimbidza kumedza kutsenga muchada.
Regai apande ose avakafumbata changamire wangu tarisai idzi inhume" anotaura Dambakuro achiuchira akaringa mambo Zhirikuzhe.
Mambo vakabva varinga Dambakuro ndokubva vagutsirira musoro vachibva vazvikandira pachigaro chavo.
"Motenda jinda rangu iri , nyanga yangu kutorwa anoziva kuti ndakaiwana sei here nyanga iyi . Taurai ose tinzwe kurema kwawo.
Garai pasi" vanotaura mambo vachifemedzeka pamusoro sendere. Nevanji wavo Tapera anoona bongozozo rainge roitika padare ari mugota make. Anongononga pfumo rake ndokubva amanya achiinda padare. Ndipo paanosvikowana baba vake mambo Zvirikuzhe vachigara pasi. Iyewo akabva agara pachigaro chake.
"Zvino changamire mukada kutipfuudza tisati tatura ose mashoko zvingabuda here.
Naizvozvo mushure mokutorwa kwenyanga uye tarohwa zvakaipisisa, takabva ta manyiswa kwazvo dzamara tasvika kumuzinda. Ko taizivei kuti tichasangana nerimwe shura.
Ndozvazonyanya kurwadza mambo tasvika rovambira raita zvarinoda mumuzinda, mwanasikana wamambo wamaida kupiwa Makanaka akainda nemuvengi kutaura kuno vari kwatisingazivi. Vaida zvipfuwo zvino vakawana zvainda kumafuro, saka machinda akanyepa kuti takapambiwa zvipfuwo zvose ndikosaka vazotora mukunda wamambo Makanaka. Saka mambo vati sezvo mwanasikana atorwa kudai handichina chimwe chandingaita kuti ndikuripei kunze kwekuti moreva henyu kuti munoda mombe ngani.
Ndiwo mashoko atasengedzwa kuti tikuturirei mambo wangu kutaura kudai misodzi badzi nekuti mamwe machinda edu akada kuyedza kurwisa akainda nyikadzimu" anotaura Harunashe achitsetsa haana raakasiya.
Tapera achinzwa izvi anosumuka pachigaro chake achibva ati.
"Musikana wangu wandanga ndichida kuroora ndiye ainda here kana kuti munoreva vamwe henyu pajekesei ndoita sendaresva kunzwa" anotaura Tapera.
"Hameno Dambakuro kuti wanzwa sei, unogona kuudzawo mwana wamambo vako uchidaidzira chaiko" anotaura Harunashe .Mambo vakabva vasumuka ndokufamba nhambwe gumi vachiinda mabvazuva asi havana kuinda kure vakabva vadzoka ndokugara pasi vachitura befu.
"Ini zvose zvamunoreva ndezvemugotsi matsuro izvi. Haisi mhosva yangu iyoyo.
Ngaatevere mwana wake anomutora auye naye mwana wangu anoda kuti afire mugota here.
Takaita vimbiso pano sasahwira wangu. Toziva sei kana muchireva manyepo zvimwe mukadzi wake apora. Ragara rinonyenga rinohwarara rosimudza musoro rawana zvino atamba namahisva ini handinzwerwo. Ndichatuma machinda angu gumi vauye vaone kuti ichokwadi here, nekuti anogona avigisa mwana wake kuri kusada naye. Kana chirichokwadi kuti hondo yakauya bva-a ondipa mombe makumi matanhatu pasina kukundikana. Mwanangu Tapera nyarara tione kuti ari kuda kuita sei Chikandamina wacho. Hapana kuzorora apa.
Iwe Dambakuro tora mamwe machinda moita gumi unange kwaChikandamina izvezvi nemachinda ake aya. Musatombovapa chekuisa mumuromo kana mudzonga" vanotaura mambo.
"Tanga tichinayo zvedu midzongo yatabva nayo musazvinetsa. Neropa randakaona kumuzinda rakadeuka nyama irikundishatira zvimwe Harunashe ndiye angatozoipedza" anotaura Gwandabvu asi mambo vanoramba vakanyarara. Damakuro anotora machinda akagwinya ndokubva vatobuda mumuzinda vakananga kwa Chikandamina kunopedzera nyota pachitubu.
KUPERA KWECHITSAUKO 4
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
105