PHIBIE ALL NOVELS
February 19, 2025 at 02:08 PM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira*
*Group link*
https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2
STORY BY
PHIBION MANDONGWE
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 5
Muradzikwa anofamba achiinda padare akarembedza nhava yaiva nenyanga. Mamwe machinda ose akateverawo padare.
Gandagobvu anotokonya tokonya moto nehwiriko yepfumo rake, anosumudza sumudza matanda achimarovanidza moto uchibva wati ngandu kubaka.
"Pakusukuridza moto tozviziva kuti ndozvako chaizvo Gandagobvu, asi ruchando urwu harwudi moto! Rwunoda kupedzerana nedaunha badzi. Apa tinopedzisira mbare dzasvika muzvidya kana kutsva nerufuse nekuda kwehope" anotaura Mudarikwa.
"Iti unoda kunoona mukadzi wako badzi. Ko pese apa pataiva musango taidziya here moto kana daunha racho taiva naro here kana kuti taingoita mutihwa" anotaura Rwauya achigara pasi chaipo akatavira moto neruoko rwake sezvo aiteiwa maziso nawo.
"Hei hei nyararai uko tinzwanane" anotaura Muradzikwa jinda guru.
Machinda ose akabva ati mwiro.
"Nhau iri pano ndoziva kuti munoda kuzorora asizve hatingavati tisina kupa mambo nyanga iyi. Saka izvezvi sarai muri pano padare ini ndoinda kusasa kwamambo ndichauya neshoko, Gandagobvu hande" anotaura Muradzikwa.
Gandagabvu anosumuka ndokubva afamba achitevera shure kwa Muradzikwa. Vanosvika pasasa pamambo .
"Go-go-go-go, mambo wangu mambo wangu ndini jinda renyu Muradzikwa" anotaura akamira pachikumbaridzo akateya nzeve.
"Heya ndiMuradzikwa madzoka nenyanga here rega ndibatidze tsvatsva" vanodavira mambo Mujenya vachibva vabatidza tsvatsva .
"Hongu tadzimba changamire wangu" achipedza kutaura mambo vakabva vavhura sasa uku vachisunga mhapa neshashiko yavo.
"Titambire kani Muradziwa, ndiko kunzwa nekuita uku. Idovhura nhava ndibate" vanotaura vachibva vatambidzwa nyanga iya na Muradzikwa. Mambo vanofara kwazvo vachiiona yakazara ropa. Vanoinan'anidza tsvatsva yakavhenekera.
"Maita yekugobora chaiko handiti ndiri kuona haina nyama mativi ayo uye yakaoma" vanotaura mambo.
"Hongu taita yekugobora, madii tainda padare pane vamwe apo tonopanda ose tiripo, nekuti pano paneutunga ndanzwa nekurumwa" anotaura Muradzikwa.
"Idama iroro" vanotaura mambo vachipfiga gonhi ndokubva vananga kudare kwaiva nemamwe machinda.
Machinda anokwazisa mambo wavo avo vaiva nemufaro wakapetwa rushanu.
"Nyanga iyi mambo wangu hatina kuita nyore kuti tiiwane. Pakamwa mbada takaisunga makumbo nerovambira. Handina kunge ndaziva kuti chipembere chikamwa mukonde chinogumbuka kudaro. Vamwe vedu vashanu vainda nyika dzimu mushure mekunge tabata ichi. Zvino yangoita kuti svobo tichibva tati chitsoka ndibereke. Ropa iri nderemachinda edu achauraya mukaringa chaiko munoona kuti harisi rechipembere ropa iri. Zvino ndaona kuti zvimwe zvacho zvanga zvotitevera nekuda kwekuti zvanga zvichinzwa hwema hwenyanga iyi saka ndabva ndaipisa mukati mayo nechekuno kwatasvobora uku ndikosaka yakaoma kudai changamire wangu. Saka nhambo yandanga ndichiipisa vamwe vanga vachitorwisana nazvo ndopazofa vaviri , vatatu vafa pokutanga asi ndarwadziwa zvangu mambo a-aa!!" anotaura Muradzikwa achibva akwiridzira madzihwa kunge munhu anga achida kuchema. Mamwe machinda aingo gutsirira misoro sezvidhambakuro .
"Ndanzwisisa hangu, ndineurombo nekurashikirwa nemachinda kwaitika, zvakanaka kufira pabasa. Saka zvatichaita mangwana kuchiyedza. Tichatuma nhume kuna Gukurume n'anga yangu iri mhiri uko youya yogadzirisa chikaranga muno mumuzinda nyanga yavopo. Ndinoziva kuti anouya maMazhambe anova makumbi wake.
Zvinoda kuitwa nekuchimbidza sezvo chinono chinengwe" anotaura mambo Mujenya vachinan'anidza nyanga iya asi mumusoro mavo zvaivarambira kuti nyanga iyi ichangobviswa pachipembere. Asi nekuda kwekuti mamwe machinda ainzi afa akadzoka obvuma kuti zvimwe chingava chokwadi.
"Idama iroro changamire isu chiregai tinorovera matama pasi inzwai jongwe rekutanga rachema.
Uko kwaGukurume kuchainda Dzasukwa na Tururu sezvo vainge vari muno ava" anotaura Muradzikwa.
"Vanofanirwa kumuka kweva ichingobuda kuitira kuti vanowana Gukurume achirimudendere make , saka uchibva pano Mudzikwa wonopira Dzasukwa nhau iyi na Tururu wacho , chiindai henyu" vanotaura mambo vachibva vaisa nyanga yavo munhava ndokufamba vachiinda kuhozi kwavo kwavainge vasiya mukadzi wavo achiridza ngonono. Muradzikwa akabva angoita kunzwa nekuita, achibva padare apa ndokunanga kusasa kwa Dzasukwa anosviko rova gonhi negumbo.
"Dzasukwa Dzasukwa usavata sedahwa iwe mukanekuchimbidza ndini Muradzikwa".
"Kwakanaka here asi kunze kwatoyedza kanhi, radavidzirwa kwaniko doro?" anotaura Dzasukwa.
"Unongofunga doro kuroora haudi, kuchakasviba uku . Inzwa utunga huchingoti vhu-u , wotorana na Tururu monanga kwa Gukurume mouya naye kuno moti kwanzi namambo nyanga yavapo huya ugadzire dunhu.
Ndapedza kugoyedza urimumuzinda unotaura chakatadzisa imbwa kuseka iyo kunyenama ichigona ndayenda" anotaura Muradzikwa achibva atobuda.
Dzasukwa anosumuka ndokubuda panze achishevedzera Muradzikwa asi haana waakazoona. Anobva ananga kuna Tururu ndokunomupirawo nhau iyi. Hapana akapikisa , utunga huchingoti vhu-u Dzasukwa na Tururu vanobereka zvombo zvavo pamwe nezvimukuyu zvenyama zvekufamba vachidya.
Vanobuda nesuwo diki remavirira ndokubva vamedzwa nesango vakananga mavirira akadziva maodzanyemba . Paifambiwa kwete zvekuseka. Tururu ndiye aivamberi akaisa museve pauta. Dzasukwa ainge akaisa mudzonga wenyama pamuromo akabatawo pfumo rake meso achiringa mativi ose nzeve dzakati kwangwa.
Vakafamba dzamara zuva rati vhu-u vanopinda nepakati pemupata ndokunobudira seri murwizi vachibva vati vambu.
"Tasvika Dzasukwa tafamba dumba rake iro pamusoro pechikomo icho" anotaura Tururu.
"Ndakuudza kuti zuva richingobuda tinenge tadonhera padumba rake Gukurume.
Anofanirwa kunge aripo tarisa chiutsi icho" anotaura Dzasukwa.
"Zvimwe ndiMazhambe saka ngatinopedzera nyota pachitubu". Anotaura Tururu.
Nenguva isipi vanosvika ndokutanga kurova maoko avo vachipinda muchivanze chen'anga.
"Svikai mugare pasi apa mutaure nhau yenyu" anotaura Mazhambe anova makumbi wa Gukurume .
"Tingaonawo sekuru Gukurume here tine dama ratabva naro kuna mambo wedu Mujenya" anotaura Dzasukwa .
"Hoo matumwa zvakanaka indai munogara pamusiwo apo mouchira muripo motaura vanodavira zvavo" anotaura Makumbi.
Vaviri vanosimuka ndokunogara pamusiwo wedumba vakafunya chisero .
"Sekuru Gukurume tisu vazukuru tabva kwa Mujenya tatumwa neshoko" anotaura Dzasukwa vachiuchira kwazvo.
"Zvakanaka vazukuru turai tinzwe mungaremerwa masvika" anodavira Gukurume.
"Mambo vati tazadzisa kutaura kwenyu, nyanga yavapo , saka kwanzi chiuyai mugadzirise muzinda nhambo dzisati dzatekaira" anotaura Dzasukwa.
"Rapinda munzeve indai munotaura kuti rinovira ndasvika. Ini mhiko dzangu kana zvikaranga ndinoita usiku saka dzokerai neiroro. Asi ndoda kusvika zvose zvakarongeka" anotaura Gukurume achibva adzvova kaviri. Dzasukwa na Tururu vanowira pasi nekutya ndiye kwarakwashu vanotora zvombo zvavo ndokudzika gomo vari ushamwari nemhepo vachidzokera kumuzinda kwavo.
Hapana aitaura nemumwe panguva iyi. Yaiva mwiimwi nhaka yemakonzo, Harunashe anozvishaira donzvo kuita kwa Zvirikuzhe.
"Rofanirwa kurova shaya tawira mumuzinda menyu ma Chikandamina sezvo isu hatisi kusiya hope ikoko saka nhambwe ngadzisumudzwe" anotaura Dambakuro.
"Zvirimunzeve zvawataura Dambaruko, asizve usaita sekangoma kanoti pangu pangu. Ziva kuti ini na Harunashe tanguri tafamba saka hatingaenzani ,isu taneta kwazvo" anotaura Gwandabvu akaringa Dambakuro jinda ramambo Zvirikuzhe.
"Ndotozviziva izvozvo asika hatingaiti setine nhonho mumakumbo nekuda kwenyu. Musati bufuka ayikazve ini ndiri jinda guru mototeerera zvandotaura" anotaura Dambakuro.
"Uri jinda guru rangu here kana kuti uri jinda guru kuna Guruuswa uyu nevamwe vako ini jinda guru rangu iyezvi ndi Harunashe pano.
Tichatoda kutozotsvaka chekuisa mumuromo nzara yatibaya, handiti mambo wenyu vatimusatipa chekudya here" anotaura Gwandabvu akaratidza kushinga chaiko.
Zvekurwa ndokwaiva kudya kwake aitonzwa maoko ake kuvava.
"Uchenjerere kukotamirira kunobva museve.
Nyama tinokupai iyi yose toiisa kupi ngatifambe apa kwete kuda kumutsa dzivo pfumo rangu iri ringasukwa neropa rako izvezvi" anotaura Dambakuro.
"Totenda yavira tsambakodzi yedemhe, ndipe nyama yacho nekuchimbidza" anotaura Gwandabvu achitora midzonga mishanu munhava yake iye Dambakuro achibva atambidzawo Harunashe uyo ainge akapfumbira muromo wake. Vanodya nyama iya vachifamba kwazvo.
Zuva richitanga kurova shaya ndiyo nhambo yavakawira mumuzinda mamambo Chikandamina asi Harunashe na Gwandabvu ndivo vaiva mberi. Vakananga padare paiva namambo avo vaiva na Pfumojena na Musariri nemamwe machinda.
Mambo Chikandamina vachiona machinda amambo Zvirikuzhe moyo wavo wakabva wati nyau nyau vakaziva kuti sahwira wavo abvuma kutora mombe sechikumbiro chavanga vaita kuna Zvirikuzhe.
"Pamusoroi changamire wangu. Rwendo rwedu takafamba zvakanaka kusvika kwamakatituma.
Asi kwazongoitawo kuvhunduka kwemvura iri muguvi yanga yakagarana. Tapira shoko renyu sezvariri kuna mambo Zvirikuzhe asi ivo vati tana kuramba. Ndazopona nepasaka reshumba dai risiri jinda ravo iri Dambakuro azovabata kutaura kuno ndainda nyika dzimu. Zvino vazoti tiuye nemachinda avo aya aone kuti ichokwadi here kuti mumuzinda uno wakapinda muvengi uye kuti mukadzi wenyu achiri panhovo here kana kuti muri kutaura zvemugotsi matsuro.
Vati kana chiri chokwadi bva-a ini muripo wangu kana dziri mombe mondipa makumi matanhatu" anotaura Harunashe ari mberi kwamambo Chikandamina.
"Hezvo hezvo! Makumi mangani? Matanhatu chaiwo here kana kuti maresva kunzwa dzinobvepi mombe dzakadero hazvigonika" vanotaura mambo Chikandamina.
"Havana kuresva kunzwa ndikokutumwa kwataitwavo , vatoti idzodzi ndatokusvodai zvimwe dai maisa zana chaidzo" anotaura Dambakuro jinda raZvirikuzhe.
"Chokutanga ndovimba kuti hamusi mapofu.
Chimiro chemuzinda uno muri kuchiona uye mavanga ane machinda angu aya tarisai miseve yakaungana pasi iyo uye imwe yakabaya matenga edzimba iyo. Mabasa emuvengi iwawa.
Iwe Dambakuro na Guruuswa indai kusasa iyo pane mhandara dzirikudzura madziro mopinda imomo. Chifambirwa chenyu munodzoka nemhinduro kwayo" vanotaura mambo Chikandamina vakatendeka kuimba yaiva namai Makanaka avo vaiva panhovo.
Dambakuro anosumuka na Guruuswa ndokufamba vachiunda kusas kuya. Vanoti vari pachikumbaridzo nzeve dzavo dzakabva dzanzwa zviri mukati. Dambakuro anovhura gonhi ndokubva amira akabata muromo wake nezvaaiona anodzungudza achibuda panze pamwe naGuruuswa. Vanodzoka padare ndokugara pasi.
"Tagutsa meso, zviro kwazvo muno makapinda muvengi uye mukadzi wenyu ari kutambudzika.
Asi hatichadi kupedza nguva kuno hatisi kusiya hope kana zvichibvira sezvo taneta kudai mangwana nguva dzekukamwa kwemombe tofanirwa kunge tasvika chitiverengeraiwo dzatanzi mutipe mombe makumi matanhatu aya" anotaura Dambakuro achitarisa zuva rainge ragara makomo.
"Kuti ndikupei mombe dzamataura hazvigoni nekuti ini sekuziva kwangu chero mwana sikana paanoroorwa paya , hazviiti kuti tibvise mombe dzakawanda kudai. Kana dzatowanda dzingatoita makumi maviri kana matatu badzi .
Zvino randafunga ini ndava kutoinda nemi ndinogara naye pasi Zvirikuzhe nekuti uku kundicheka nerakagomara chairo" vanotaura mambo Chikandaminda.
"Mabaya dede changamire hakuna pasingataurirwani" anotsinhirawo Pfumojena.
"Saka kana muchiti murikuda kuti tibude tose gadzirirai nekuti takamira nerimwe" anotaura Dambakuro.
"Musariri shevedza Gwetsai na Tondo tipinde munzira , hazvigoni kuti Gwandabvu na Harunashe vadzokere vaneta" vanotaura.
"Hazvigoni changamire ini handisari ndodzoka nekuti zviri mberi ndozviziva. Mungatosiya henyu Tondo ini ndokwanapo" anotaura Gwandabvu.
"Bva-a zvakanaka chiitai izvozvo nekuchimbidza".
Vanotaura mambo ndokurongedza nhava yavo nezvombo vachibva vatobuda nemachinda avo uye nemachinda aZvirikuzhe kunanga kwaZvirikuzhe asi kunze kwainge kwasviba kwazvo. Vanofamba neusiku vachivhenekerwa nejena guru . Vaifamba zvishoma sezvo machinda aZvirikuzhe ainge aneta. Kunze kuchitangawo kuchena ndiyo nhambo yavanopindawo pasiwo guru ra Zvirikuzhe.
KUPERA KWECHITSAUKO 5
❤️
👍
🙏
😂
😢
97