PHIBIE ALL NOVELS
February 20, 2025 at 03:53 AM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 6 Makanaka ainge ozvifambira nedzake mbiri vakatarisa mavirira. Haana kuda kuratidza kuti ainge aiswa zhenje remoto pamoyo. Machinda aive osimudza tsoka kusvika vapinda munaTorodo, havo ndokundopinda munaMhokore dzamara vave muzisango ziendanakuenda pasina ati bufu kunze kwekungoyeva Makanaka kune vaifambira pedyo naye. Mudzvanyi anotanga nhaurwa naMakanaka "Nhayi musikana, kana wanyara unotaura ubatsirwe nokuti kunoindwa kunoda mazuva". "Kana zvogura tsoka ndichataura zvangu" anodavira ndokunyarara zvake."Tsvaru wati uri nherera ko vako vabereki vakafa nei" anobvunzazve Mudzvanyi. Makanaka anozoyeuka kuti ainge areva zita risi rake zvokuti kana dai aribvunzwazve aishaya pekutangira. "Baba vakafa nehondo mai vakarumwa nemhungu vaenda kuhuni" anodavira. "Hiii zvakaoma. Asi usatye zvako kwawave kuenda uko wave kundogarira muhwedza yemukaka chaimo". Anodaro Mudzvanyi. Nechemumoyo Makanaka anongoti 'ko dai zviriko maizouyirei kupamba vamwe handiti chinodariso kusaiguta pamwe neutsinye here'. Anongonyarara zvake achikanda nhambwe. Vanoti vatsika ruvhuze rave kundotonhorera varume vaive mberi vanoerekana varimutsa rino zinhoro risina makurire. Inove tsvomu tsvomu uku ranonera miseve kumakumbo ekumashure pamwe nekumusana asi nhoro yakati ndinofa ndaedza. Vakaramba vachiimhanyira kusvika vasisaoni gwara rayaive yaenda nayo ndokudzoka kune vamwe. Runosimudzirwa rwekudzokera kuchivako pachingotaurwa nhau yenhindi yapotsa mukanwa.Rinosvika pakudoka pasina chavamutsazve chingaita kuti vavate vapa mukarahwa wèdumbu pfuma yake. Ura hwaive hwongorira zvokuti nyange nepavazorora kuti vazomuka vorusimudzira hapana akadziti chwaa. Pave pakati pahwo bvunzi revazhinji rinoti mindu, vakabva vamutsana nekuudzana kuti zvombo zvive mumaoko sezvo vaive vasina kuziva kuti chingave chii chingangovashanyira. Sezvo jenaguru raiveko mumwe murwi ainzi Budzi anoona semhuka mbiri dzainyahwaira dzichiuya kwavari. Anobata uta hwake ndokuhwembura miseve miviri mudati, mumwe anoubatira pauta umwe ndokubva aurumisa hungisho. Anoutatamura zvekuperera ndokuuregedza vamwe vanozovhunduswa kubva mukutsumwaira nemutukope twaive twovanyanga vanzwa kudzvova kweshumba yaive yaupfekwa nechepahuro uchipfuura nemumapapu nechiropa uchinanga mumaura ndomawandozororera. Imwe shumba hadzi ichinzwa kuti zvaipa yakabva yati svetu ichinanga nekwaive nanaMakanaka nanaMudzvanyi aive ofoza zvake hope. Nhambo imwe cheteyo Makanaka zvese izvi zvaive mumaziso akabva angobvuta pfumo raMudzvanyi raaive avata akabata ndokurituma kwaibva nechikara, richibva rangondotivo chubvu nekuura utete shumbakadzi inozvibonderedza ichindofira pamakumbo aMudzvanyi uyo aive ongongwenda zvokuti dai pane akamutarisa angadai akaona mvura yaierera nemakumbo ake. Makanaka anonzwa zvivindi zvichiuya zvekuenda pane chikara ndokusvikovhomora pfumo ndokumira akachitarisa. Mudzvanyi achiona kuti tsaona inenge yapfuura, anomhanyisa njere ndokuti "Vambamirai mutsvage huni musike moto. Ndanyarara ndichida kuona kuti muri varume chaivo here, zvino ndazviona. Yaaa!" Anozobata pahudyu ndokuona asina pfumo anotanga kutsikatsika kutsvaga kuti rasarepi ndokurishaya. Panhambo yakazoitika zvese izvi Makanaka aive ambofunga kusvova ndokuona kuti aigona kuzvipinza mumukanwa memadzimambo esango. Paakazoona auraya chikara chavhundutsa mikono yaive yakamukomba akambofungazve kungoti verere nepfumo raaive akabata asi anonzwa zvivindi zvekuda kundoona zvemberi. Vamwe vari mushishi rekutsvagana nehuni nekukuhwidza moto Makanaka anobaya pahuro peshumba iya ropa ndokuti dzatu, anoisa muromo wake ndokudzuta katatu ndokubva aregera zvake moto wave kutanga kuisa chaedza pose. Mudzvanyi paanozoona pfumo rake rizere ropa riri muruoko rwaMakanaka anozvishaira donzvo ndokuramba akamutarisa achishaya remuromo.Makanaka anozvionavo ndokungoramba anyererevo. Moto wabvira varume vanozonyatsotarisa mhuka dzaive dzaurayiwa ndokuona dziri shumba dzose honho nehadzi yacho. Dzisati dzapera kuvhiyiwa vaive votocheka nyama vachigocha, yaibva ichitoendeswa kwakaperera imwe. Makanaka anozosimuka ndokuenda pashumbahadzi yaaive auraya apo vainge vovhura zvemukati ndokusvikovhura odimbura chiropa chose ndokundogara pedyo nemoto obvuraudza achidya chichibomha ropa. Mudzvanyi aive atopererwa zvokuti kana bufu akatadza. Panozosvika pakuedza richingove besanwa panyama ura hwotambura nekudzeya zvimbishi zvahwaive hwapiwa nevaridzi. Kwave kundoti hwee, Mudzvanyi ndopaanozoudza varwi vake kuti vaviri vaise matovo eshumba mudzinhava vachipinda munzira kunanga kumuzinda. Makanaka anongosimuka asina chaakabata ndokusiya pfumo raMudzvanyi paaive agere ndokutofamba nevamwe. Mudzvanyi anoringa Makanaka ndokuona ari maoko chete ndokudzokera paaive agere otora pfumo rake raingove ropa roga. Chinosiiwa munya isadza rimwe risina anozodya, zverwendo warutanga kuzorora wasvika. Yainge iri kachara kachara mumwe nemumwe aive oonera Mhandamabwe gomo guru raive nemuzinda wavo nechekuseri kwaro. Gomo iroro raive rakapiwa zita iroro nokuda kwemazitombo maviri makuru kwazvo aive pamusoro paro aiita kunge mhandi iro riri refurefu. Nzizi hapana rwakasara kumwiwa mvura kuita sedzichasiiwa dzapwa pane rwese rwavaipfuura nemo. Makanaka aive asisamanzwi makumbo kurwadza oitavo kunge rume chairo pakukanda nhambwe. "Nhayi Tsvaru asi unositombofamba nzendo refu kani". Anobvunza Mudzvanyi asi akamupindura hapana. Kuti adzokororezve kumwe kutaura anonzwa kutya ndokungoputira wakevo vachienda. Kungoti mudunhu mavo nyengu vaive mberi ndokutotanga kuisa zvemusere/minemo zvavo. "Iwe Budzi simudza tsoka mhani, unoita semukadzi oda kugara pangoma seiko" Anodaro Zindete rimwe jinda raive pashure paBudzi. "Ndiweka ungatogara pangoma unoti nemutiziro wawakaita paya manheru kuti hauna kutombwedza usvusvu hwakabuda kumagadziko?" Vose vainzwa vanoti bvuu kuseka naiye Zindete akasekavo. "Zvino ndiweka murume woga pano nokuti wakauraya honho naiyo Mhandara iyo inoita kunge inosvikirwa". Anotaurira pasi mumwe ainzi Nhidza achitya kunzikwa nanaMudzvanyi vaive kumashure. "Bva kana dai iri nyoka yemukadzi taiti yaroodza. Iwe wauraya shumbahonho uyu wekusvikirwa aurayavo shumbahadzi. Chitotora uite wepirizve" anodaro Zindete. "Iiiii uchiona yakarindwa kudaro ungaibvuta nhindi iri pamuromo weshumba iwe? Hauoni here kuti potse-potse mambo vanogona kundochifira chihurungudo ichi chikasara chave chemutakuri?" Anodaro Budzi vachibva vasekazve. "Asi bere nhasi razogurwa kunorira izvozvi kungofamba vose zvavo asi hana pamwe yatodonha izvezvi. Yaoma mate kuti mwanasikana kuuraya chamenomana? Ndazoiona yohuta yakamira ikatya nekutora pfumo ra.....?" Anodimburirwa Zindete "Heyi hamugoni kufamba makapeta miswe yenyu here? Mumwe achadumbirwa asvika kudai. Ndiudze Budzi muri kunakirwa nei kasira kundiudza?" Vose vanoti kwakaa hapana akadavira asi pave paya vaive vosekera pasipasi "kwave kugondera mukonikoni asi mago anoruma yatiza. Dai mune hasha tadzionera pashumbazve" anodaro Budzi achitaurira muhapwa. "Watangazve Budzi? Wakanganwa kuti zvanzi miswe petai ndinogura" NdiZindete uyu. "Haaaaha tadii zvedu adii kuuraya shumba?" Dzinotangazve nhau kusvika vapinda mumuzinda nesuwo guru nairo richibva rativo mumatadza aro nyengu. __________________________________________________________________________ Kunze kwakanga kwapfeka dehwe renyati, rumhepo rwakasangana nevhu rwakunge rwati tsvete. Makore akanga obonderana mudenga zvairatidza kuti mvura inoda kuturuka. Asi kana museve woda nyama unodauka. Hazvinei nekuti wakananga pai. Kunyangwe mumunzwa werukato unopinda zvopedzerana wavamo. Ndizvo zvainge zvava mumusoro mamambo Chikandamina. Vakazvipira kuti ngachishate chagochewa zvacho chiropa chebveni. Vanopinda pasuwo guru pasina aitaura nemumwe, Dambakuro ndiye aiva mberi jinda guru ramambo Zvirikuzhe. Vanosvika padare ndokuwana pasati paveswa moto. Asi waingonzwa vanhu kutaura vari mudzimba dzavo sezvo zuva iri chainge chiri chisi uye nemhepo yaivako nekutonhhora uku mudaunha mainge musingabudike. "Chikandamina nemachinda ako garai pazvituro apa ndava kunopira mambo wangu kuti mauya. Iwe Guruuswa batanidzai huni ndoda kusvika na mambo wava kubaka" anotaura Dambakuro achibva atonanga kuhozi kwamambo wake. "Go-go-go-go! Mangwanani changamire wangu ndini Dambakuro" anotaura akamira pachikumbaridzo achibaya baya pasi nekumagadziko kwehwiriko yepfumo. "Heya madzoka, vharirai zvipfuwo zvamabva nazvo ndozviona ndamuka" vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Changamire wangu hatina kuuya nezvipfuwo zviya,tauya namambo Chikandamina vacho kutaura kuno vakakumirirai padare" anotaura Dambakuro. "Ndiko kundizvidza ikoko, ndiye avamombe here zvaanouya kuno. Mira ipapo ndibude. Iwe mai Tapera, hei nditambidze mhapa neshashiko izvo zvava nyasi uko ndipfeke" vanotaura mambo. Vachipedza kupfeka vakabva vatora pfumo ravo nezibakatwa jeka nekose vachibva vatobuda. Vanodungamidzana ne jinda ravo Dambakuro ndokunanga padare. "Haasi mashura iwawa aunondiitira here Chikandamina. Ndiwe mombe dzacho here zvaunouya iwewe kuno! hee? Kundizvidza uku, urikuda kundiyera seupfu hwezviyo handitika?" Vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Nhai sahwira, wadii wagara pasi wanzwa irimudariro. Kuvimbika kwangu ndikosaka ndauya kwauri dai ndiri mumwe waisaona rutsoka rwangu. Ndoti ndauyawo kuti unditove maronda angu wavakumaisa munyu webare" vanotaura mambo Chikandamina. "Handidi kunzwa zvemugotsi matsuro ini. Taura chifambirwa chako iyezvi denga risati radzatuka mvura tarisa rakatsamwa" vanotaura vachibva vagara pasi. "Sahwira wangu ukama igasva. Ndinoziva kuti ndakakurwadzisa nekutorwa kwenyanga yako uye kutorwa kwemukunda wangu . Asi rawira ini rawirawo iwewe. Naizvozvo ndakaona kuti zvazvaita manyama amire nerongo kudai zvirinani ndikupewo mombe sezvo dziridzo dzandasara nadzo. Asi iwe wakabva watema muripo wedanga rose. Saka ndauya kuti tionesane ipapo ndidzisirewo mombe idzi makumi matanhatu anyanya sahwira wangu" vanotaura mambo Chikandamina. Gwandabvu na Musariri na Gwetsai vaigutsurira misoro yavo kuratidza kubvumirana namambo wavo. "Chikandamina kana huri hushamwari ngahupere. Haungandiudzi muripo wangu panyanga yanguzve. Unevhokwadi kuti ndizvo zvawabvira kwese uko kuuya kurutsa mashoko seizvi. Zvino mago anoruma mutokonyi" vanotaura mambo Zvirikuzhe. "Mambo wangu yadeuka yadeuka haichaworereki. Chikandamina uyu zvechokwadi akapambiwa uye mukadzi wake ngoma ndiyo ndiyo. Madii mamudzikisirawo sekuchema kwake manzwa kuti anoda kusvika papi. Uye uyu agara ane zviyo zvedoro saka muka bvisa dzimwe mombe motema nezviyo ipapo. Kuonawo kwangu ini sezvo tingaswerera tikanaiwa tiripano" anotaura Dambakuro jinda guru ra Zvirikuzhe. "Unoda kuti Tapera nevanji yangu avate nezviyo zvedoro here nhai Dambakuro. Asi mabva maronga rimwe chete naye Chikandamina uyu" anotaura akabudisa meso semukwasha awanikidzwa achichachura gapu na ambuya. "Bodo asi zano pangwa uine rako. Kwete kuputsa zviripo nekuda kwechinhu chinogadzirika. Kutokumbirawo inini sejinda renyu" anotaura Dambakuro achiuchira. Mambo vanomboramba vakanyarara kwekanguva ndokubva varinga Chikandamina. "Wochindipa mombe makumi matatu nematengu makumi maviri ezviyo . Apa handibvi ndiwo muripo wandava kuda asi iwe ndiwe uchauya nawo pano kwete ini kuuya kutora bodo" anotaura achidzisa muripo wake. Asi Chikandamina haana kuona musiyano wacho. Asi semunhu aitsva kudumbu nekumusana akangoona kuti zvirinani ndipedze chikamu ichi ndione zvinotevera nekuti basa guru ndiro raiva mberi. "Zvawataura sahwira ndazvinzwa. Asi dai uri mumwe wauya kutora hako zvipfuwo zvako nekuti handizivi kuti zvingazomira sei ndinogona kurozvewa zvekare. Zvino ukada kundisungirira hazvibudi nekuti kutofamba ndichiuya kuno kudai rudo urworwo . Dai ndisina rudo ndingadai ndatumira machinda angu" vanotaura mambo Chikandamina. Asi nguva iyi mvura yakatanga kudonha donha ine madonhwe makuru. "Chiinda Chikandamina vanotevera votora asi zviyo ndiwe uchasenga, panosvika mombe dzangu zviyo zvekare zvichisvikawo ndapedza newe ita uinde hako" vanotaura mambo Zvirikuzhe vachibva vatosimuka pachigaro chavo kutiza mvura iyo yainge yati tsvete tsvete kumakomo aiva kumabvazuva. "Ndosimuka yagasa nekuti inenge ineushungu mvura iyi" vanotaura mambo Chikandamina. "Hazvigoni itobudai iyezvi , handidi kuramba ndichiona huma yako , ngaiperere pamuviri ugezwe munyama. Vabudisei machinda angu movasiira kunze kwemuzinda uko" anotaura Zvirikuzhe. "Mambo wangu pfavirai ngoma usiku hurefu handei zvedu. Makunguo zvaakatya akafa manganiko?" Anotaura Gwandabvu nezevezeve achiudza mambo Chikandamina. "Idi, tingatyeiko kununa isu takasasikwa handei" vanotaura mambo Chikandamina vachibva vatosimuka."Jihwo newe Chipato itai vashanu mubudise Chikandamina nekuchimbidza" anotaura Dambakuro. Jihwo na Chipato vanoita kunzwa nekuita ndokubva vabudisa mambo Chikandamina nemachinda avo kunze kwemuzinda. Ndiyowo nhambo yakabva yanyatsa kudzatuka mvura seyatumwa. Mambo Chikandamina nemachinda avo vanodzaturwa nemvura yaiva nezvimvura mambwe mukati. Zvaisada kukurukurirwa izvi, nhembe dzavo dzainge dzati nyakata . "Changamire wangu handei pasi pezimuhacha iro tosimuka yagasa hatingaponi nezvimvura mabwe izvi" anotaura Gwandabvu. "Zvino tikada kumira tisati tayambuka Mhikore hatiwani rwakatsamwa here" vanopindura mambo."Mareva dama bva-a ngaiperere pamuviri, asi ndadzidza chidzidzo pana sahwira wenyu uyu" anotaura Gwetsai . Vakafamba mvura ichinaya , yakazotogasa vavakusvika parwizi Mhokore . Ndokusvikowana rwuchishinyira nemvura. Mambo Chikandamina vanongodzungudza musoro wavo vachibva vabata mabvi uku nhembe dziri kuchururu ka mvura. "Zvandanga ndichireva zviya izvi. Toyambuka sei , handiti kutombomira iserere ndiko kwakanaka here Gwandabvu" vanotaura . "Hongu changamire kumanya hakusiko kusvika" anotaura achitogara zvake padombo . Zuva parainge rotema shaya ndopavakazoyambuka ndokusvikawo kumuzinda ragara makomo. Vanosviko nanga padare paiva nemachinda avo Pfumojena na Harunashe pamwe nepamwe machinda. "Titambire changamire ndovimba manzwanana na Zvirikuzhe zvamadzoka mega kudai" anotaura Pfumojena . "Zviripiko makumbo enyoka. Machinda ake ari kuuya mangwana kana nhasi uno kuzotora mombe makumi matatu nezviyo matengu makumi maviri" vanotaura mambo asi Pfumojena akabva angoshama muromo wake kureva kuti zvakamushaiza donzvo. KUPERA KWECHITSAUKO 6
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 101

Comments