PHIBIE ALL NOVELS
February 20, 2025 at 02:32 PM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO*
https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I
*🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book hi nenguva yakafanira*
*Group link*
https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2
STORY BY
PHIBION MANDONGWE
Call or App
0774512473
0714160957
CHITSAUKO 7
Dzasukwa na Tururu, havana kuda kuzorora bodo. Vakaziva kuti mambo Mujenya vakamirira shoko rabva kuna Gukurume n'anga yavo.
Naizvozvo vakapatsika pasi. Zuva parakatangawo kugara makomo ndiyo nhambo yakawira Dzasukwa na Tururu mumuzinda.
Vakasvikowana vanhu vari mushishi kusvina mapfura ,vaida kuzomwa mukumbi pachasvika Gukurume. Vanonanga padare paiva namambo Mujenya nemachinda avo . Vanosvikozviwisira pasi ndokubaira mabvi avo pasi mapfumo akabaya pasi utesvero huri nhunga makore.
"Maswera sei changamire wangu maswera sei chivara chose. Mambo ramatituma tandokutura kuna Gukurume, zvino taita rombo rakanaka kwazvo kuwana aripo pamwe na Mazhambe makumbi wake. Zvino wati indai munoudza mambo Mujenya kuti ndiri kusvikako zuva richingowira munamai varo. Naizvozvo ati muripo wangu ndiwo unenge uri pamberi ndiwo mashoko atabva takasenga" anotaura Dzasukwa.
"Zvirimunzeve, ndiko kugona ikoku, zvose zvaringana chasara ndiye badzi Gukurume , Chiindai munotsiga matumbu. Iwe Muradzikwa, chiita zvokuti machinda atakure matanda vauye nawo padare kuitira usiku pachabatwa basa tisapererwa nemoto" vanotaura mambo Mujenya.
"Gandagobvu ridza hwamanda nekuchimbidza yekushevedza varume vose , tarisa nhambo dzatekaira . Kana kuti ito ridza yemunhu wese tigare tavapira urongwa uhu" anotaura Muradzikwa jinda guru.
Gandagobvu akangoita kunzwa nekuita achibva aikumusa. Munhu wese akauya padare kusara kwendumure badzi. Hapana akatu bufu nzeve dzainge dzakanzi kwangwa kuteerera.
"Pamusoroi mese uko musaita mahon'era mosvika mirivo yatsva, Ndovimba kuti vashoma vanyu varikuziva iri mugango. Asi vamwe vari kutsi kwehope.
Zvino ndinoda kukuudzai kuti nhasi hakuvatwi , Gukurume ari kuuya ndikosaka manga muchisvina mukumbi uyu wema pfura. Saka nhau iri pano machinda gumi ndoda kuti asunge mombe munotakura huni dzeMuuzhe uya uri mujinga megomo Chikwira . Saka Gandagobvu na Chaitezvi toranai nemamwe machinda moita nekuchimbidza. Iwe Mhoba na Rwauya na Mudarikwa toda kuti mubaye mombe imwe nembudzi nhatu ne gwai gondohwe ramambo ravachagocherwa manheru pano hapavatiwi nemachikichori sezvo dunhu redu rinenge richigadzirwa. Chiitai nekuchimbudza vakadzi motuma mhandara dzinosvina matumbu mazvizvi acho mounganidza moisa nduru pamusoro pawo kuitira dzimwe mombe dzisazoita ruzha dzichibonga" anotaura Muradzikwa. Vanhu vanouchira vachisumuka kubva padare. Munhu wese aifara kwazvo nechiitiko ichi.
Zuva richingoti ngori munamai varo, huni dzainge dzatoungana padare, mombe yainge yatourawa uye doro remapfura ratogadzikwa mujinga mechimwe chisasa. Nguva yeruvhunza vayeni zvinyamutanhatu pazvainge zvonyatso kuonekwa uye vhenekera tsvimbo rume ichangonyura ndiyo nhambo yakayerekana yasvika Gukurume na makumbi wake Mazhambe.
Gukurume ainge akabereka nhava yedehwe regudo asi tambo yaiva yakakochekerwa pachibheke ichi yaiva yedehwe rechisese rakamoneredzwa ne mutsinda nhoko we wembudzana.
"Mazhambe inda unoudza Mujenya kuti ndasvika wosana kuwaridza dehwe rangu pakati pechivanze pakadzikatira moto. Woti muripo wangu uripo here mombe makumi maviri neshanu, ndatomunyara nekuda kwesungano yedu" anotaura Gukurume.
"Ririmunzeve mukuru wangu regai ndiite sekudero".
"Manya ndakamira pano handipindi muchivanze asati apindura. Uye vanhu ngavagare pasi vashaure kwazvo pasawana anosumuka kana ndopinda" anotaura Gukurume.
Mazhambe anokanyaira achipinda muchivanze , machinda paakangomuona vakabva vaziva kuti Chitopota chasvika. Anonanga pana Muradzikwa .
"Muradzikwa jinda guru ndingawonawo mambo here ndivapire rabva kuna Gukurume nekuchimbidza nhambo dzadyanana, zvichigona hande tose" anotaura .
"Nditevere kuno, vari kusasa kwavo" anotaura.
Vanotungamidzana kusasa kwaiva namambo ndokusvikopinda mukati.
Mambo Mujenya vachiona Mazhambe vakabva vaziva nhau yacho.
Mazhambe anotaura zvaainge audzwa na Gukurume.
"Ose machena hapana dema.inda unomuudza kuti muripo wako uripo ndiwe watononoka kupinda mumuzinda" vanotaura mambo.
"Zvanzi munhu wese padare uye vaimbe kwazvo, ndiko kuti apinde mumuzinda wenyu.
Asi hapana here chidoro ndimbomwa ndanzwa kunhuhwira kwaro ndimbotapudza nyota kana pane kanhindi kakagochewa musasiya zvagara zvinofambidzana" anotaura Mazhambe achicheuka cheuka. Rume rokara zvaro irori.
"Aikaka, zvino tikakupa mukombe wedoro iye Gukurume akakumirira hauoni kuti tinenge takanganisa. Doro hamuripedzi iwe chiinda unoudza Gukurume apinde , inorohwa ichapisa Mazhambe, ini ndava kuunganidza vanhu padare vaimbe sekutaura kwazvaitwa" vanotaura mambo.
"Maisazadza zvenyu mukombe wacho, chiregai ndiinde ndinovapira ramataura. Asi mukombe maisazadza ndozongoriona mukamwe" anotaura Mazhambe achibva atoinda kunopira Gukurume. Muradzikwa akasara achiunganidza vanhu padare. Vanhu pavakatanga kushaura nziyo dzepasi chigare dzemashavi,ndiyo nhambo yakadzoka Mhazhambe achibva awaridza dehwe rembada pakadzikatira moto paisvika chayedza chishoma. Mambo vainge vagere pachigaro chavo nenhava yaiva nenyanga iye yechipembere. Vanhu vakaimba vachiuchira zvainzwikwa kudavirira mumakomo akapoteredza. Gukurume akabva adzvova katatu achipinda mumuzinda. Pwere dzaiva dzakavata dzakabva dzasvinura pamwe nekuchema kuri kuvhunduka.
"Svikai zvakanaka sekuru Gukurume, munotsemura hana dzevapwere hana dzichirinhete ndakumbirawo sekuru" anotaura Mazhambe anova makumbi wa Gukurume akagwadamirira achiuchira rimwe ibvi rakatunga pasi. Gukurume anokanyaira akabata muswe une mapfinha emhuka dzakasiyana ndokusviko gara padehwe raiva rawaridzwa na makumbi wake.
"Iti Mujenya aise makwati mundiro yangu iyi nditange basa" anotaura Gukurume.
"Mambo kwanzi makwati acho" anotaura Mazhambe.
Mambo vanongotora badza raiva rakagadziwa nemhangura ndokuisa mundiro iya. Gukurume anogutsirira ndokubva ati.
"Nditambidzei nyanga yechipembere yacho tione" anotaura Gukurume.
Mambo vanotambidza Mazhambe nyanga, iye Mazhambe ndokubva atambidza Gukurume.
Gukurume anotaura nemumwe mutauro usina ani nani ainzwa achitenderedza nyanga mudenga. Achipedza akabva airovera muvhu ichibva yanyudza utesvero pasi.
"Wakaiwana kupi nyanga iyi Mujenya" anotauraGukurume.
"Machinda angu ndiwo akabata chipembere ichi, ndokutora ipapo manga maona sei sekuru!
Mukati haisiyo here?" Mambo Mujenya vanobvunza. Asi Gukurume anotora nguva asina raabudisa.
"Kuva yechipembere ndiyo, asi kubvunza hakuna kuipa. Ndisati ndagadzira nyanga yako iyi kutanga nhasi tsitsi kuvabvi vekure vanotsvaka kuda kufungatirwa newe zvaguma iyeuno nhasi. Usayeverwa nechimiro nekuti ungazopinda parumana. Nyanga iyi ndichakugadzirira upfumi uchawedzera uye uchatyikwa nemunhu wese chawareva kureva dunhu rako. Tiripamwe here kana kuti ndirindega" anotaura Gukurume asi nokuda kwemufaro wainge wakapetwa kasere waiva mumusoro ma Mujenya akangodavirirawo, "Hongu sekuru tiripamwe batai basa ndikosaka ndakushevedzai ini Mujenya" vanotaura mambo.
"Zvakanaka rega ndiite zviro zvangu" .
Gukurume anofuridza nyanga iya ndokubva abaira munzwa wenungu wakabairwa dehenya remusoro wembeva. Anodira uromba hwakasangana nemadzamba emombe ichangobereka . Anosunga nedehwe kumusoro kwayo achideketera .
"Ndapedza asi nyanga iyi ndiwe uchaziva pekuitsveta pasina ani nani anoziva . Chengeta mashoko angu nekuti haa-aa ndaona wainda nyika dzimu ukatadza zvose zvandareva pangu ndasakura ndika zunza" anotaura Gukurume achibva apfunhura dehwe rake. Mambo vanotambidzwa nyanga yavo ndokubva vaidzosa munhava. Asi vanhu vaingoshaura badzi ndekurimbinyuka nhembe dzichikwidzwa mudenga nemhepo.
"Nyama ngaidyiwe uye doro ngarimwiwe. Asi tisati taita zvose izvi iwe Gukurume handizi kuti uri kuda muripo wako iyezvi here kana kuti zuva richangoteya matadza enyika" vanotaura mambo.
"Zvinoda kwachena ini wati ndichaindepi ndoda kuvata ndichiona kuti zvamwirira here zvandaita tichidya iyoyi nyama nekumwa" anotaura Gukurume, Mazhambe akabva agutsurira musoro wake.
"Ose machena, bva Muradzikwa itai zvinotevera" vanotaura mambo Doro rakavata richimwiwa dzamara kunze kuyedze nyama yakadyiwa nemabhonzo ayo.
Kuchingoyedza Gukurume akabva apiwa mombe dzake makumi maviri neshanu.
Akapiwa vatinhi vaimubatsira.
"Gandagobvu ndokumbirawo kubvunza , hameno kana ndarebesa muswe hangu asi chandinoziva pangwa uine rakowo" anotaura Gandagobvu mushure mokunge mombe dzaGukurume dzavakutotinhwa nevaiinda nadzo. Nguva iyi vaviri ava vaiva vakamira pamatanga.
"Watanga Chaitezvi, riputse rawakasenga ndione kuti ibenyu here" anodavira Gandagobvu.
Chaitezvi anofamba kubva pamatanda paanga ari ndokuringa mativi ose achibva adzoka.
"Inzwaka Gandagobvu , chii chakatanga kugadzirwa dunhu iri kana kutsvaka nyanga kwatakaita" anobvunza Chaitezvi.
"Zviri pachena seinda iri mubaravara izvi Chaitezvi. Wakangamwa kuti inyanga here?"
Anodavira Gandagobvu.
"Ndizvo chaizvo zvandiri kuzivawo izvozvo!"anotaura Chaitezvi .
"Zvino iwe nhau yako yakarerekera divi remabvazuva here kana mavirira? Iparureka tarisa nhambo dziri kutekaira tosvikirwa uye mashizha anonzwa aya".
"Heya! Ini ndoreva kuti Gukurume ndiye akoshaka? Ndiye atanga kupiwa muripo wemombe dzake ko isu, ndiri kuona ingori mwimwii nhaka yemakonzo wedu unouya rini ndimi vakuruka" anotaura Chaitezvi achiita kakuzevezera asi achiratidza kubatikana.
"Wabaya dede, ndafunga zvimwe ndini badzi ndiri kuona nhau iyi, newevo uri kuiona su?, Asi ini ndoona sekuti Muradzikwa ane rimwe namambo, zvimwe ndiye ari kuda kutinyudza mombe idzi iye opiwa oga. Zvimwe vakatomupa iye saka apa isu hatikwanisi kunanga kuna mambo asi kuna iye Muradzikwa"anotaura Gandagobvu.
"Wataura dama kwaro apa, uko hakuna ukwiriko kuna mambo. Saka zviripo ndichabatana na Rwauya tomuona adzoka ndaona sekunge kune kwavainda namambo, nhasi tofanirwa kuverengerwa mombe dzedu" anotaura Chaitezvi akatarisa matsiru aiva mudanga aidonhedzesa rute.
KUPERA KWECHITSAUKO 7
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
94