PHIBIE ALL NOVELS
February 25, 2025 at 01:48 PM
*KUCHERA NYOKA NEMUROMO* https://whatsapp.com/channel/0029VaCDzqn3LdQT5LrobJ3I *🔥Kuti usasaririra paNganonyorwa dzechinyakare dzinonyorwa na Phibie gara wapinda mu channel. Nekuti book rino pamwe chete nemamwe ma book ake ndiko kwaanouya ku Channel nenguva yakafanira* *Group link* https://chat.whatsapp.com/KTcJzBzUlKt4lCrbRgNnd2 STORY BY PHIBION MANDONGWE Call or App 0774512473 0714160957 CHITSAUKO 17 Kunze kwaiva nedehwemukwindi rerima , nyeredzi dzaiva dzakatarangana mudenga dzimwe dzaiva dzakaputirwa nemakore. Hapana aitaura nemumwe panguva iyi. Chaingonzwikwa kutsikwa kwemiti pamwe nemauswa kutichwa chwa. Muradzikwa ndiye aiva mberi kwehondo yake iyi. Meso ake aisabwaira aiva akaringa mbweri kwavaiinda. Ukagara murima kwenguva refu unodzamara wava kutoonawo ,ndizvo zvainge zvoitwa nehondo yamambo Mujenya iyi. Vakanga vakawanda kwazvo vaisvika makumi mapfumbamwe nevatanhatu. Hondo iyi yaizivikanwa kuti payasvika inoparadza, inosiya dunhu ravadota. "Hapana asara here apo tiripo tese here tavakupinda murwizu Gotora saka tofanirwa kuyambuka takakwana" anotaura Muradzikwa achiita kudzika kumashure muvanhu. "Tiripo tese changamire, ini ndini ndirishure ndichiona mafambiro evanhu" anotaura Gandagobvu . "Iwe Chaitezvi fambira pakati pevanhu, iwe Gandagobvu wofambira ikoko ini mberi tanzwanana. Tichazorora masikati bedzi usiku ndidzo nguva dzedu dzekufamba bedzi nekuti hatizivi kuti matiri kufamba tinosongana nei uye nani ,tinoonekwa ,tanzwanana here uko" anotaura Muradzikwa. "Idama iroro!Kufamba usiku kwakanaka hakupisiwo ! Mataura dama changamire wangu" vanhu vanoita mahon'era ekuwirirana nedama remukuru wavo Muradzikwa. "Saka zvakanaka. Zuva rinofanirwa kuzobuda tagura matunhu, handiti makanzwa mambo Mujenya vachiti tikafamba setine nhonho mumakumbo tinoita mazuva mashanu. Asi kana tikafamba chaiko zuva rechina tinowira mumuzinda wemuvengi. Saka panoda kukandwa tsoka. Ngativambukei Gotora urwu tiinde" anotaura Muradzikwa. Asi Gotora rwacho rwaisava nemvura yakawanda, yaisvika mumabvo asi rwaiva rwakafara kwazvo. Vanoyambuka mhiri kwarwo ndokubva varwukaka vakananga mabvazuva akadziva maodzanyemba. Vakapinda nepakati pemakomo maviri aiva mberi kwavo ndokunodenukira rwumwe rwuware ndokupinda musango zienda nakuenda. Vakaita usiku hwese vachifamba. Rumhepo rwemangwanani rwunonzikwa kurova matama avo. Mberi kwavo kwaiva negomo asi raisava hombe zvaro. Muradzikwa akaona zvakanaka kunozororera mugomo imomo. "Machinda angu tarisai zuva rabuda. Zvakadii kuti tonozororera mugomo iro richingoti munamai varo tosimudzira nekuti hatizivi kuti mberi kwedu kunei kufamba usiku kwakanaka" anotaura vamwe vake ndokubva vabvumirana naye. Vanonanga mugomo muya umo mavakaswera zuva rose vakazvambarara havo vamwe kutovata zvavo hope uku vachidya nyama dzavaiva vabva nadzo. Zuva richingoti munamai varo! Vakabva varwusimudzira zvekare. Musi uyu vakafamba kupfuura zvavakanga vaita usiku hwapfuura. Rakazovira vavamberi. Vakaita mazuva matatu akasimba asi vasina kuona kana dunhu. Kana ndove zvayo yemombe zvairatidza kutu pachiri nemutambo. Muzuva retatu iri kureva usiku pasina masikati chikafu chavainge vabva nacho chainge chasara chezuva rimwe chete. Nguva iyi vainge vakagara munerimwe gurwa sezvo zuva rainge rakacheka nyika saka vainge vakazorora. Muradzikwa akabva ati nyamwi. Ndipeiwo nzeve dzenyu machinda angu. Ini ndinoona senge tavapedyo kusvika nekuda kwemafambiro atiri kuita. Saka nhau iripano ndeyekuti chikafu chedu chavakupera. Asi chatiinacho ichi chinogona kusvika mangwana kusvika kuyedze asi chekuzodya mangwana hatina. Saka tofanirwa kumbovhima asi tichazviira tava mberi mangwana kuchiyedza. Asi hatiindi ose kunovhima tichasharudza varume gumi vamwe vosara vakagara mugomo. Nekuti tinofanirwa kupinda mumuzinda memuvengi takaguta totamba nepfumo. Chimwe chinhu ndechokuti vakawanda venyu mainge musina kuona zvipfeko zvemumuzinda watiri kuinda ndechinoichi" anotaura Muradzikwa achibudisa nhembe yaiva munhava make ndokuratidza machinda ake ose. Ndidzodzo nhembe dzemuvengi saka zvatichaita kana tasvika tichatuma tsori dzedu mbiri dzosviko pinda mumuzinda dzoongorora zvipfeko zvemo uye kuti mune vanhu vakadii uye masiwo arimo mumuzinda kuti akawanda sei nekuona mapindiro atingaita uye topinda nguvai. Zvose izvi ibasa retsori. Ndovimba kuti munhu wese anzwa ane chokutaura taura nekuti tavakuda kuti tizorore zvishona honai rotema shaya" anotaura Muradzikwa. Aai hapana kuwana akava neshoko. "Kunyarara kuratidza kuti zvakaringana, saka nhau iripo ndeyokuti ngatizorei tione" anotaura Muradzikwa. Vanozorora dzamara rapinda munamai varo ndokubva vachisumudzira rwendo rwavo , vakafamba usiku hwese dzamara kwachena. Vanozorora mujinga merimwe gomo raiva refu kwazvo . "Machinda nhambo dzino tavakuda machinda gumi kuti vainde kunovhima tiwane chekudya nekuti zvatiinazvo zvapera . Chaitezvi , Mhoba na Dzasukwa , Tururu nevamwe vatanhatu imi indai munovhima kana mabata mouya nazvo kuno asi ndinoona sekuti tasvika badzi nekuti nhasi ndiro zuva rechina" anotaura Muradzikwa. Machinda ainge adomewa akabva asimuka akapakata zvombo zvawo . Vakabva vapinda musango vari gumi ndokutanga kuvhima. Nguva iyi kazuva kainge kachangoti kwirei. Vanovhima machinda asi havana kumutsa. "Kuti masango ano anemhuka iwawa here, kana kumbomutsa" anotaura Dzasukwa. "Zvimwe kwava kuneta kwako Dzasukwa kuno hakuna doro , wadii wasara wakagara uko" anotaura Tururu. Vamwe vakabva vaseka. Nhambo iyoyo Chaitezvi akabva aona mhara yaiva ichitofura zvayo. Anomisa vamwe akatendeka mberi kwaiva nemhara. Vose vanomira Chaitezvi na Tururu vanogwesha nematumbu senyoka dzamara vasvika pedyo nemhara iya. Vanotsonyana ndokutatamura miseve yavo nguva imwe chete mhara inoiregedzerwa miseve miviri mumwe wakabaya ziso umwe ukabaya huro. Mhara yakasvetuka kamwe chete ichibva yawira pasi . Nguva iyi Dzasukwa anoregedza hwandamakwakwa tsvimbo yenduni pahuma pemhara iya ichibva yatsemura urozvi hwuchibva hwawira pasi. Vanomanya vakomana ndokuvhiya mhara iya nguva iyi zuva rainge roda kudeuka asi richiri pakati pedenga. Vari pakati pekuvhiya kudero, Dzasukwa anoona munhu nechekunyasi kwavo aiti nzve-e. Anokwenya vamwe vake ndokubva vamuona . "Iwe pinda neapo , iwe wopinda wakadai, iwe Tururu pinda neapo vamwe sarai pano" anotaura Chaitezvi ndokubva vadzvarana nesango vakomba munhu uya. Munhu aya akanga ari murume asi paakaona kuti akombewa anombomanya seri kwemuti asi zvakashaya basa. Akayerekana anzi dzvi-i muhuro, makarasionani ndiwe ani iwe" aiva Chaitezvi ainge abata munhu . Asi munhu uya achiona kuti paita hwitakwi dzakawanda akabva apfumbira muromo wake . Anosungwa mbira dzakondo ndokubva asumudzwa vamwe vakatakura nyama ndokuinda naye kunana Muradzikwa. Nenguva isipi vakanga vasvika asi vanhu vakashamisika kuona vainda kunovhima vachidzoka nemunhu. Murume uya anojatirwa pasi semwanda yeuswa. "Itsiri iyi yatabata changamire wangu , yanga yakativandira ichitiona zvose zvatanga tichiita, saka tazoiona yava kumanya yakananga mabvazuva tikanga taimanyira, hakuna kwaasvika tabva tamubata" anotaura Chaitezvi achigara pasi. Muradzikwa anosunga muromo wepasi achibva aregedza chematsenga nzungu kune rume riya mazino maviri achibva adonha pasi. "Ndiwe ani uye watumwa nani" anotaura Muradzikwa. "Musandiuraya machinda ini handisi muvengi uye zvamuri kutaura handina zvandiri kuziva nekuti ini ndiri kutovhimawo asi masango matema zvawo. Zita ndoitwa Gapare dunhu rangu riri mavirira" anotaura murume uya achitaura zita rake. "Hoo , nhasi waigochera pautsi Garape zvauri kutaura izvi manyepo zvimwe uri kufunga kuti ndirikuseka newe rega ndidai" anotaura Muradzikwa achibva abata muromo waGapare anovhomora bakatwa rake ndokubva adambura nzeve yeruboshwe ropa richibva raita rukova. "Zvipfeko izvi ndezvedunhu rani" anotaura Muradzikwa sezvo akaona zvakafanana nezvainge zvakapfeka Gapare. Asi Gapare achiona hondo iyi akaziva kuti vanhu ava vari kunoparadza dunhu , akabva aona zvisingaite kutaura akabva ati, "Machinda ini handina chandiri kuziva ndakafananawo nemi zvimwe kufanana kwenhembe asi dai ndiine ruzivo ndakuudzai asi----------" Muradzikwa achinzwa nhema idzi anovira nheshungu ndokubva atora pfumo rake anorinyudza nemudumbu maGapare richibva rabudira kumusana. Ropa rinoyerera richibuda nemumuromo achibwaira meso ake. "Varume mandiuraya henyu ndiriwekumuzinda kwamambo----------------! Haana kuzopedzisa mashoko ake akabva atohwaira kaviri ndiye sarai. "Murashirei uko anotitadzisa kumedza nyama. Itai machinda angu mugoche nyama tarisai mawandiro ayo tapedza tosimudzira rwendo iyezvi nhambo dziripo idzi" anotaura Muradzikwa achitenderedza musoro wake anoona makondo aidzingirirana mudenga akananga mabvazuva, anobva aita mahwekwe nechiutsi chaibva seri kwegombo raiva mberikwavo. "Varume zvandanga ndichitaura zviya,tasvika. Tarisai chiutsi churikubuda seri kwegomo iro uye inzwai jongwe kukukuridza" anotaura akatendeka kuya. Gandagobvu anosumuka ndokubva aonawo munhu wese akabva atoona kuti zvirokwazvo. Vanogara pasi Muradzikwa achibva ati, "Tururu na Dzasukwa zvagara ndimi tsori torai nyama yagochewa iyi, mutosumuka izvozvi. Monoongorora dunhu iroro kana zvichibvira motopindamo mukati moona kuti makadii kana mapedza mouya pano itai nekuchimbidza" anotaura Muradzikwa. Tururu na Dzasukwa vakabva vatora nyama ndokunanga kudunhu kuya asi vakasvika zuva ratopinda munamai varo. Vanosvetuka rusvingo mushure mekuona kuti kune masuwo maviri. Vanozevezerana vakananga mumuzinda. Vanosvikoki kwati kwati nemadziro esasa . Ndokubva vateerera zvaitaurwa padare. "Mangwana chaiye anofanirwa kufa , asi ndichaita zvekumupisa nemoto ari mupenyu. Saka ndoda kuti mufume muchivesa mavivi emoto haandizivi zvakanaka" raiva inzwi remurume uye zvairatidza kuti ndimambo. Nguva iyi Tururu na Dzasukwa vanonzwa kufamba kwemunhu vachibva vapinda muhwaro ndiyekwati kwati varimo vachikwenya mhino nekasiyanwa. "Tarisa zvipfeko zvavo zvakafanana nenhembe yatiinayo. Saka isu hapana chatichada zvavapo zvose . Ko anoda kuurahwa ndiyani vati mangwanani saka ndiyo nhambo yakabaka kuuya toparadza iyoyi" anotaura Dzasukwa . Tururu aitofungawo zvimwe chetewo. Vanogara mutsapi kusvika vanhu vese vemumuzinda vavata . Vakazobudamo pakati pahwo vodzoka kunana Muradzikwa. ________________________________________________________________________ Gwetsai na Tondo tsori dzamambo Chikandamina, vanomedzwa nesango vakananga kwavaisaziva kuti ndekupi. Asi chavaiziva ndechokuti havaitadza kuona cherowo dunhu . Varume ava vakanga vakasimba kwazvo uye vaizivikanwa neushingi uye kuti kana vabuda seizvi ,Vakanga vasingadzoki ari maoko chete vaidzoka nerinobatika. Zuva rakatozovabudira vagura matunhu vavakure kwazvo. "Tisuwo takaposha Gwetsai, dai takangoti kubuda kwakaita muvengi naMakanaka takatevera gotsi ravo . Zvino izvi haa rwendo rwuno ndaona kuri kuteta kwehuku kutsvaka chisvo chagondo mumadota" anotaura Tondo ari shure kwaGwetsai achitsikawo matsimba ake. "Unoreva dama ipapo, asizve yeuka kuti hapana angada kutamba nemuswe wenyoka senge usingazivi makuriro ayo ino kuruma" anotaura Gwetsai achibva akanda nhindi yenyama mumukanwa. "Chirega tione kuchawira tsvimbo nedohwe, asi dai havo mambo vakagara vakandipa Makanaka uyu zvimwe vangadai vakatodyawo mombe mbiri dzangu uye imba yavo ndini ndaigara ndichiipfurira pamwe nekuvavezera mipini . Tarisa pakanaya mvura paya ndini ndakasomera tsapi yavo yeruninga rwuya rwusina kupurwa" anotaura Tondo zvakaita kuti Gwetsai aseke. "Unomupei zvauri izvozvo nhai Tondo. Ungagona kuchengeta Makanaka iwe asi unoda kuti adye nhoko dzezvironda kani?" anotaura Gwetsai. "Usasvora mbodza iwe, unoti ikoko kwaari arikupiwei?. Handiti ari parumana nzombe ikoko. Unogona hako kundisvora asi ndiri kutaura damba" anotaura Tondo achiratidza kurevesa. Vakomana vakafamba zuva rose ndokuvira vasina kuwana kana dunhu ndokuvata mumuti. Vakafuma vachisumudzira nerwendo rwavo dzamara vazosvikawo kunerimwe dunhu raiva chamhembe. Vanomira kunze kwemuzinda vachiona zvose zvaiitwamo. Ndipo pavakazoona mumwe mukomana aitoteya shiri mudendere akabva abatwa ndokusungwa muromo. Vachipedza vakabva vainda nemukomana uyu mugomo ndokunomusunungurira imomo. "Inzwa mukomana zvandichabvunza ukadavira zvichakuraramisa. Asi ukanyarara wainda nyika dzimu ini ndinonzi Mago , uyu anonzi Mborera tabva zasi kwenyika saka toda kuti utaure kuti dunhu iri nderamambo ani" anotaura Gwetsai. "Nderamambo Chigorora" anotaura mukomana uya achibvunda. "Heya, ndine imwe mhandara yatiri kutsvaka munaku akareba zviri pakati nepakati chiso chake chinenge nzviru makomo iye, uye musikana uyu nechepahuma pake pane kavara karipo kekuti ukamuona unoti injuzu. Musikana uyu akabviwa naye kudunhu rangu saka arimo here ukada kugangarika ndokunyudza pfumo iri" anotaura Gwetsai akatarisa mukomana uya akatendeka chiso chake nepfumo raipenya kunge runambi rwemoto. "Musandiuraya ndirinherera ini, kubva mambo havana kubvira vapamba dunhu ripi zvaro mumhu iyeye haako ndinorevesa kana muchiti ndinonyepa bvandopa mumwe wenyu nhembe dzangu opinda mumuzinda onotarisa kana arimo mouya mondipfuudza henyu" anotaura mukomana uya. "Zita rako unonzani" anobvunza. "Ndinonzi Nhamoinesu" anotaura. Gwetsai anoona kuti uyu ataura chokwadi akabva amuregedza. "Zvakanaka chinzwaka isu takuinda iwe hauna kumbotiona tirikutsvaka muvengi wedu chidzokera kumuzinda kwako" anotaura Gwetsai . Nhamoinesu anoteremuka gomo akananga kumuzinda. Gwetsai na Tondo ndokubva vadzikawo vonanga nerimwe divi. Vakawana mizinda mitatu asi kwaiva kutsva tsono mujecha. Vakasvikawo pakukanda mapfumo pasi. KUPERA KWECHITSAUKO 17
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 98

Comments