Miss Novels T.N Bvaru
February 18, 2025 at 07:11 AM
*A JOURNEY FOR LOVE*
🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸
https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv
*NEW BOOK 📕*
*BOOK NUMBER 19📕*
*Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*MISS💞T.N BVARU*
*LIONESS*
*CONTACT*
0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣
*Read comment and share please*
*Chapter 1*🦚
Ndaiva ndakatsigiswa hari pamusoro ichiratidza kuti mukati mune zvinhu zvinopisa zvaiita kunge zvaiboler, imwe yacho ndaiva ndakaitakura mumaoko ndakaibata nemaoko angu ese ari 2 ndichifamba ndiri pamberi kumashure kwangu kune vanhu vaitevera vandisingazive, ndakasvika pandakaona rukukwe ndichibva ndanozvigadzikiswa parukukwe paya ndichibva kuzvigadzika ndakabva ndati kuvanhu vaya "ndimi van.... "
Ndisati ndapedza zvandaida kubvunza ndakabva ndapepuka ndichinzwa fone yangu ichiringer , ndakavhura maziso angu slowly since ndaiva ndichiri nehope , ndaiva ndakaisa song yaSean Paul and Deville yekuti (Always on my mind) as my ringing tone, ndakatora fone yangu pasi pepillow payaiva, ndichibva ndatarisa the caller ndikaona iri friend yangu yaifona ndakabva ndaziva kuti ndararisa ndakadaira fone Iya iye ndokuti "Uchiri wakarara ini ndatopedza kugeza", ndakabva ndati "Waita wandimutsa Rega ndigeze soon ndinenge ndapedza."
Ndakabva ndakata call iya ndakambotora 2 minutes thinking about hope dzandaiva ndarota, I felt the thrum of my heart in my chest, I knew that I was about to embark on the most unpredictable, thrilling, and terrifying journey of my life - a journey for love. Ndakatarisa time ndikaona dziri kumapast 4 am, ndakamuka ndokunanga kubathroom kunogeza, musi uyu ndakageza inotonhora because of time dzainge dzafamba, zvekuti I'm allergic to cold water ndakambozviisa paside. Ndapedza kugeza, ndakachinja hembe dzangu ndokuti munzira ndoenda kubustop kunomirira combi yaienda kumbare. Handina kunonoka kuiwana yakabva yauya ndokukwira ichibva atosimuka, ndakafonera friend yangu kuti ndainge ndava muroad iye achibva ati aiva atosvika kurank yema bhazi. Combi yakasvika kumbare ndichibva ndasvika, ndakafonera shamwari yangu asking her paaiva akabva andiudza, ndakabva ndaenda kwaari, takahuggana ndichibva ndamira ndichifunga, zvaiva mumind mangu ndini ndaizviziva ndega, ndakazonzwa Jane akuti" You are already into this, don't think of going back ", I was shocked kuti akaziva sei zviri mumind mangu ndakabva ndamuti" I don't feel like going this journey anymore", ndaiva ndakufunga hope dzandaiva ndarota dziya, Iye akabva ati "Think twice usati wapa decission yako kuti wogara uri kumba kwenyu usingaizive kuna Diva , or you go and find the truth kuti ariko here the choice is yours", Ndakamboita kanguva ndakanyarara iye achibva aenderera kumberi achiti " Ndiudzeka wafungei pane kuti tirambe takamira pano" I paused and kept quite for sometime not knowing what to say or to decide, ndakazoti pava paya "Jane, remember it's my first time kuenda kunhu uku", Jane akabva ati "If you truly love him hapana chinokumisa kuenda kunomutsvaga and see kuti ariko here zvesure ", achipedza kudaro I got the courage yekuenda kunomutsvaga kumusha kwavo, semunhu ainge akambondiudza zvekumusha kwavo ndaingoshanda nezvaakambondiudza, takabva tafamba ndokusvika parank yemabhazi anoenda kumusha kwavo Kuchipinge, takabvunza kwataida kuenda kwacho tichibva taratidzwa bhazi racho ndokunokwira, tisati tabhadhara ,Jane akabva afonerwa achinzi ari kudiwa kubasa kwake kwaiva kwaita emergency akabva ati haachakwanisa kundiperekedza as we planned. Akabva anditi "wakutoenda wega shaaa, be strong unosvika kana pane zvanetsa unoita uchifona uchindizivisa", ndakangoti "Okay", asi mumoyo mangu hana yairova, asi semunhu aida munhu wake ndakati chauya chauya ndonozvionera mberi. Bhazi rakasimuka ndokuenda, kunhu kwacho kwaiva kure zvekuti ndakasvika pabusstop pandaidzikira zuva rakuda kudoka, ndakatanga Kubvunza vanhu vaivapo nezvaDavison asi vese vairatidza kusamuziva, pane umwe akazondidirector achiita kunge aisanyatsozivawo,ndakapinda muroad ndokutanga kufamba ndichienda nekanzira Kaya kwandaiva ndadirectwa, ndakafamba kusvika ndaneta ndichibva ndatsvaga pekugara ndichizorora.
Ndakabva ndagara pasi pemuti resting kuneta kwandaiva ndaita because of the long journey yandaiva ndafamba, long shadows were appearing on mother earth, that's when I realised kuti zuva raiva rakudoka ndisati ndawana Davison, even kumba kwavo ndaiva ndisati ndanzwa nezvako, ndaiva ndaedza kubvunza but handina kana kuwana aiti anoziva kumba kwavo or even anoziva surname yandaimutsvaga nayo. I stood up and shouldered my handbag ndokubva ndamira ndichifunga kuti ndonangepi pandaiva ndiri paiva pasina kana misha padhuze, I continued following a narrow path yaikwidza nemuchikomo, handina kana imwe sound yandainzwa kunze kweshiri dzemusango, hana yangu yakatanga Kurova pandakaona kunze kwakutanga kuita rima, ndakatanga kufambisa ndichienda kumberi hoping kuti ndinogona kuwana musha kumberi kwandaienda. My whole life ndaiva ndisati ndambosvika kumusha ndaiva ndakakurira mutown, kufamba mumasango ndaiva ndisati ndambokuita that was my fist time. Hana yangu yakatanga kurova ndiri mukanzira muya zvekuti ndaiva ndakufunga kudzoka kumashure ndidzokere kuharare asi the thoughts of Davison gave me courage yekuramba ndichienda mberi, ndati fambei ndakabudzitsa fone yangu ndokutarisa time, ndakaona dziri kumapast 7 pm apa paiva pasina kana network yekuti ndaikwanisa kufona.The more I walk the darker it gets zvekuti ndainge ndisisaone kana pekutsika, ndakabva ndatora fone yangu ndichibva ndaita torch on ndokutanga kufamba chichienda, ndati dzikei chikomo chiya ndakatanga kunzwa mavoices evanhu vaitaura vachiuya nekumberi kwangu ndakabva ndaita off torch yefone yangu, vanhu vaye vakaramba vachifamba vachiuya kusvika tasangana vaiva varume vaviri pavakasvika pandiri vakabva vati "makadii zvenyu", Zvakandinetsa kuti vanhu vanomhoresa munhu wavasingazive ndaiva ndajaira kuharare kwekuti tinongopfuudzana nevanhu, ndakabva ndati "Tinofara makadiiwo", ndakambonyarara ndokuzoti "Ndiri kutsvagawo munhu anonzi Davison mushayi kana muchimuzivawo", varume vaya vakabva vati "Davison Mushayi?",madairiro avakaita vakaita kunge vanomuziva ndakabva ndati "yes Davison Mushayi", Umwe wavo ndokubva ati "Kunhu kwamuri kutsvaga hapasi pano, dai muri vamwe marara kumashops kwamadzikira bhazi mozondera mberi nerwendo mangwana kwakachena, Kwamushayi hapasi pano vahanzvadzi", I felt relieved at least ndaiva ndawana someone anoti aiziva nezvekwaMushayi, ndakabva ndati "Handina kuziva kuti kure and vanhu vandabvunza kumashops vese vanga vachiti havakuzive kune one azongondidirector this side.", Varume vaya ndokuti "Kuti tikuregei muchifamba husiku huno hazvichaite, handei kumba kwedu tinorara mozomukira muchienda mangwana makuseni ndichati Vadzimai vangu vakuperekedzei",
Umwe moyo wakamboda kuramba asi ndakazofunga kuti ndikasadzokera ndinorara pai, ndakabva ndati "It's okay makaita basa", Murume uya akabva atora satchel randaiva ndakabereka kumusana ndokupinda munzira toenda kumba kwake, murume uya akabva atanga kubvunza "Zviya mati muri ani wekwaMushayi?", Ini ndakabva ndati "Handisi hama yeikoko, ndiri kuda kuona Davison", Murume ndokuseka achibva ati "Muri chii chaDavison", ndakabva ndati "I shamwari yangu takasangana kuharare", Murume uya haana kuda kuzotaura zvakawanda, umwe wake waaiva naye uya akabva aoneka tasvika pamhararano pairadzana nzira, isu takaramba tichifamba tati fambei Takabva tasvika pamba pemurume uya, pavakanzwa mafootsteps edu vana vakabva vabuda panze vachimhayira dad vavo. Takabva tapinda mumba, ko mumba macho maiva makazara hutsi zvekuti nenguva diki diki maziso angu aiva azara misodzi asi ndakangozvishingisa. Murume uya akatanga kutaura nemukadzi wake achimuudza nezvangu, mukadzi wacho ainzi Mai Tee havana kumboramba kuzondiperekedza kwaMushayi kana kwachena. Vakapedzisa kubika kwavaiita ndokupakura chikafu, ndakangodya asi handitombozive kuti muriwo wacho waiva muriwo rudzii sezvo yainge iri fist time kuudya, tapedza kudya vakamboti tandarei neni vachibvunza nezvekwandaiva ndabva, vakazooneka vakuenda kunorara. Ndakabva ndawarirwa mukitchen muya ndikabva ndarara nemwana wavo musikana airatidza kuti angangova kumagrade 5 ikoko iye Trish wacho. Ndisati ndarara ndakatanga ndanamata ndichibva ndarara zvangu, ndakarara kudaro ndakabva ndarota hope dziya dzandaimbova ndarota the previous night ndiri kuharare ndakarota ndakatsigiswa hari pamusoro ichiratidza kuti mukati mune zvinhu zvinopisa zvaiita kunge zvaiboler, imwe yacho ndakabatiswa mumaoko ndakaibata nemaoko angu ese ari 2 nevanhu kumashure ndichitevera nevanhu vandisingazive ndichifamba nazvo ndichibva ndanozvigadzikiswa parukukwe pandakada kunobvunza kuti ndimi vanani zvekare ndakabva ndamuka
" This dream again!"
I whispered to myself ndisingade kunzwikwa nemwana wandaiva ndakarara naye, ndakamuka hana yangu ichirova ndakatarisa panze nemumaburi edoor ndakaona kuti kunze Kwainge kwayedza ndakazonzwa Mai Tee vakudaidzira vari padoor vakuti "Nala! Nala wamuka here? ", ndakabva ndati "Yes ndamuka", I replied ndichisimuka pandaiva ndakarara paya, ndokunovhura door. Vakabva vapinda ndokuti "Ita ugeze tifambe kuchiri kuseni kudai nekuti kwatiri kuenda hakusi pano", Ndakabva ndapihwa zvekugezera ndakaratidzwa kwekugezera, ndakageza fast ndokupedza ivo vachibva vagezawo, pavakapedza murume wavo aiva mamukawo, takakwazisana ndikabva ndamutenda nekundibatsira kwakandiita nepekurara. Ivo ndokuti "Ungatenda izvozvo mangwana tisuwo togona kurasikira kuharare kwenyu ikoko mukatibatsirawo",Vakataura vachiseka, ndisati ndapindura Mai Tee vakabva vapinda mukitchen muya vachibva kunogeza. Murume wavo akabva ati "Nhai Mai Tee mabva matadza kubika kasadza muri kuda kuti Nala afambe nenzara nemarebero akaita kwaMushayi", Mai Teee vakabva vati "Ndati tinganonoka baba Teee ini ndiri kuda kunodzoka kaini, mupoto mune chimunya hameno kuti anochigona here musikana wacho", ini ndaiva ndisina kujaira kumukira kudya ndakabva ndati "Aiwa handisati ndakunzwa nzara ini musazvinetsa", Mai Tee vakabva vamhanya kunochinja, vapedza ndokudzoka, apa ndopandakaona kuti vaiva mukadzi akanaka chiso zvaisangova zvemoyo wake chete. Takabva taoneka ndokubuda ndoperekedzwa namai Teee kuenda kwaMushayi. Baba Teee vakabva vati "Mufambe zvakanaka hanzvadzi", ndakabva ndati "It's okay musarewo zvakanaka",
Takafamba kusvika ndanzwa kuti ndaneta naiko kusajaira kufamba kwandaiva ndakaita, zuva rainge rava kupisa zvino, ndakazonzwa Mai Tee vakuti "Iye zvino tava pedyo nekusvika, tikangopota chikomo icho misha iri kuseri uko ndiyo yekwaMushayi", ndakabva ndati "Iiiii better ndakusvika ndanga ndaneta ini", Mai Tee ndokuti "Ndinofunga mukomana uyu unomuda zvakanyanya kubva wafamba rwendo rwakareba kudai?" Handina kudaira ndakangosmiler chete, Mai Teee vachibva vamira ndokuti "Uri kuona misha iyo ndiko kwatiri kuenda", Takabva tatanga kufamba tichienda uku ndaita kuneta ndakashaya kuti saka ndomararamiro anoita vagari vekumamisha kufamba long distance yakadaro netsoka, ndaingozvifunga ndisina wandaudza, takasvika mumusha macho mainzi ndemamushayi, ndichiuona nekuratidzwa zvairatidza kuti ifamily yakakura. Pamba patakatanga kusvika takabvunza ipapo Mai vakabuda ipapo vakabva vati "Imhuri imwechete asi Davison anogara Pamberi apo pane musha uri kuoneka denga uyo", vakadaro Mai vaya vechikuru achinongedzera kumberi ndakatarisa zvesure ndikaona misha yacho yairehwa asi chakandinetsa Mai ava vakaramba vakanditarisa zvakandipa mibvunzo kuti sei vainditarisa kudaro, Takuda kudarika Mai vaya vakabva vati "Muri ani muno tsvaga Davison Mushayi" ndisati ndadavira Mai Tee vakabva vati "I shamwari yemusikana uyu anonzi Nala, anoti vaifambidzana pavaiva kuharare asi akazongomushaya akabvunza kwaaishanda akanzi basa rakapera ndobva aenda kumusha kwavo " vakadaro Mai Tee achingopedza kudaro pakaita umwe mukadzi akadongorera ari padoor asi handina kunyatsoona face yake, hana yangu yakaita kakurova asi handina kuzviratidza, takabva taenderera mberi nerwendo rwedu tonanga pamba pana Davison.
*Mai Davison*
Mai va Davison ndivo vakadongorera pavakanzwa Mai Tee vachiti Nala aifambidzana nemwana wavo, pakadzoka Mai Mhuru mumba shamwari yamai Davison Iya yaiva yataura nana Nala vakabva vati "Uri kuzvionaka Confidence zvandaikuudza zviya kuti mwana ngaasaenda kuharare, uri kuiona nyaya iyi, zvichakuzvimbira izvi Confidence ndataura zvangu ini mwana wa Samaita", Mai Davison ndokuti "Hatingamhanyire kudaro tisati tanzwa kuti ari kudei?", Mai Mhuru ndokuti "zvataurwa hauna kuzvinzwa, you never know pamwe anotori nepamuviri paDiva wako iyeye, ndakauudza kare ukasaterera Confidence izvi zvine makuva and unozviziva, haingafiri kwandiri kaini isu takavimbisana makore ese aya"
Stay tuned
Masibanda loves you
*Rouya here? If yes react and comment, vaverengi book redu Gavamwedzi rambomira kuuya munhu wandaikaita collabo naye akarasa fone saka hazvigone kuti ndiripedzise ndega thanks for undestanding*
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
219