Miss Novels T.N Bvaru
February 24, 2025 at 07:05 AM
*A JOURNEY FOR LOVE*
🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸
https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv
*NEW BOOK 📕*
*BOOK NUMBER 19📕*
*Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*MISS💞T.N BVARU*
*LIONESS*
*CONTACT*
0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣
*Read comment and share please*
*Chapter 6*🦚
*Nala*
"Mati Davison ndiye Danai?" Nala asked
"Hongu Davison ndiye Danai ndiro zita rake raakapihwa paakazvarwa, iwe ndiwe wega wakuziva nezve zita iri, iye Davison haatozive nezvaro" the voice replied
"Sei muri kuti ini ndini ndega ndinoziva nezvaro ivo vabereki vake vakamupa zita racho variko vasingarizive". Akabvunza Nala
"Kana iye Danai haarizive sezvandamboreva".
Nala was more confused nezvakataurwa apa achibva ati "Haarizive?"
"Hongu Danai haarizive handikwanise kukuudza kuti sei uye nei asingarizive ini changu ndakauya kuzokubatsira kuti usafa pawakasvipwa nedziva".voice riya rakambonyarara ndokuzoenderera mberi richiti
"Uchibva pano uchananga nekumabvazuva ndiko kune misha kana wasvika pane dzimba wotanga kubvunza uri ikoko uchasvika kumba kwana Davison, asi usazokanganwa zvandichakuudza pano, chekutanga usafa wakaenda pedyo nedziva zvekare uye usaudza Kana ani zvake zvaitika muno musango, uye kuti wakabuda sei mudziva ".
" Ndichaita sezvamareva, asi zvamataura zvese concerning Davison handina kuzvinzwisisa, iye Davison ari kupi?, "
" Ini ndiri mweya zvekuna Danai handizive nekuti handisi panyama..... Ndataura kuti ini ndakauya kuzokuponesa rufu handidi kupinda pasiri pangu, zvakawanda uchazviziva kumberi, asi ngwarira kupandukirwa unogona kuurawa ini handikwanise kuita kuti usauraiwa izvozvo zvakuda uchenjeri hwako, pazvinhu zvese gara uchifunga kuti iwe ndiwe wakasarudzirwa Danai".
Mashoko ekuti ini ndiri mweya akavhundutsa Nala, akatadza kuzvinzwisisa kuti zvairevei kuti "Ini ndiri mweya", akatanga kutya kwakanyanya paakaziva kuti all along she was talking to a spirit. Haaana chaakazodavira akatanga kufamba achienda kumabvazuva kwaiva nemisha. Mutsoka make ainge asisina bhutsu minzwa yakamubaya kusvika asisakwanise nekutsika kwese, ko zvekufamba musango aizvizivirepi iye aiva asina kumbobvira akasvika kumusha her whole life. Akafamba kusvika asvika kwaiva nedzimba kwaiva kusiri kure zvakanyanya nemusango muya maaiva abva,aifamba achinyahwaira semunhu aive netsoka dzaive dzakuvara nekubaiwa.
*Naration*
Mai Mushayi Vakazobva pamba pavo zuva rarereka vakuenda kumba kweshamwari yavo Mai Mhuru, vakasvika vakawana sahwira wavo chiso chichiratidza kuti hachina mufaro zvachose vachibva vati " maswerasei seiko Mai Mhuru, Kuzenge makatsamwa wani", "Ndingafara nepi kana mwana wangu asiri kufara andiudza kuti akasaroorwa naDiva achazviuraya", vakapindura Mai Mhuru Mai Mushayi ndokuti "Inga izvo takapedza nazvo kare uyu musikana anga ada kupinda mulife make akafira mudziva hapasisina chekutya", Mai Mhuru ndokuti "Ndiri kuzvinzwa ndangoti nditaurewo mugare maziva, Diva achingodzoka Chete nyaya dzacho dzobva dzangoitwa dzopera", Mai Mushayi ndokuti"Ndazvinzwa and achingodzoka Chete anogara atomutora", Mai Mhuru vakabva vati "Okay handide kuti mwana wangu afe Confidence", "Usazvinetsa izvo Diva anoterera zvandinoda ini ndini Mai vake". Vaitaura zvine kakuzvikudza mukati kekuziva uye kuvimba kuti mwana wavo anoita zvavanoda. Vakaramba vachikurukura zvavo kusvika Mai Mushayi vazodzoka kumba kwavo.
*Mai Nala*
Mai Nala vakapepuka pakati pehusiku vachiiita kuvhunduka vachidaidza zita raNala murume wavo achibva ati "Whats wrong my wife", Mai Nala vakabva vatanga kuchema ndokuti "Ndanga ndichirota ndichitsvaga Nala ndichimushaya ndikatanga kuchema ndichidaidza zita rake kuhope ikoko ndichibva ndapepuka", Baba Nala ndokuti "Inyaya yekuti uri kumufunga", "Asi mwana wangu akamboenda kupi chaizvo kuti mupenyu iyeyu", vakabvunza Mai Nala baba Nala ndokuti "Anodzoka let's have faith, imi samai vemwana are you sure kuti hamuna boyfriend yake yamakambonzwa maybe zvinogona kutibatsira kuwana pekutangira", Mai Nala ndokuti "No handina kumbobvira ndakanzwa kuti ane mukomana Nala kana zuva rimwechete zvaro izvo zvaitondinetsawo kuti sei, haana kana zuva rimwechete randakambonzwa kuti ane mukomana sevamwe even her friend Jane admitted it kuti Nala anga asina mukomana dai aivapo nekutsvaga kwatiri kumuita uku angadai akataura takawana pekutangira ", baba Nala ndokuti" Let's keep on praying kuti adzoke kumba Nala ari mupenyu", vaviri ava vakabva vatanga kunamata ndokudzokera kunorara pakare.
*Naration*
Shoko rekuwira mudziva kwaNala rakasvika munzeve dzamai nababa Trish, Mai Trish vakachema nekurwadziwa naNala vachitaura vachiti" Ndakamuudza Nala kuti ngatidzoke tese Nala akaita Nharo zvino nhasi ndezvipi, Nala wafira nhamo zvino nhasi ndezvipi zvawafa uchiurawa sehuku kudaro, hama dzako dzichaziva kuti uri kupi here kana kuziva kuti chii chakaitika kwauri, varoyi Vema Mushayi havambotsvage hama dzako Nala, zvakatopera soo ", baba Tee pavakanzwa mukadzi wavo omyanyisa kuchema achidaro vakabva vati" Mai Teee chirega kuramba uchidaro unopedzisira wakurwara, chirega mweya wake uzorore murugare since ari kunzi akafa ", Mai Teee vakabva vatonyanyisa kuchema vachiti" Haafanirwe kuzorora murugare, rugare rwupi rwaanoita rest in peace ngaamuke Nala arwise varoyi ava vamuurayisa Kwete kuzorora murugare ", vakazopedzisa kutaura mawords asisanyatso kubuda nekuda kweshungu. Murume wavo akaramba achivanyararidza vakazonyarara pava paya.
VaMushayi vainge vasisina mufaro kubva zvashaika Nala awira mudziva, murume mukuru vainge vogara vakabata shaya vachifunga kuti vachaita sei nengozi yemutorwa asati awanirwa hama dzake uyu, kana kumaminda kwavaisienda vainge vasisaende vakuswera pamba vagere pasi pemuti. Aiva ari masikati pavadaidza mhuri yavo kusanganisira na Hazvinei nemukadzi wavo Mai Diva vakabva vati "Fone yemusikana uyu yakatsvagwa ikashaikwa mungaziva kuti yakafamba sei", Mai Mushayi "Ini handina zvandinoziva nezvayo", Hazvinei achitiwo"Ini handina kumboitora baba ", vaMushayi ndokuti" pamuri kana pane akaitora ngaataure tikasire kuwana hama dzemusikana uyu vazive zvakaitika kumwana wavo ", Mai Mushayi vese naHazvinei vakaramba vese hapana ainge akaitora zvakatanga kunetsa vaMushayi kuti yakatorwa nani and ivo vaiziva kuti fone iyoyo ndiyo yega yaikwanisa kuti hama dzaNala dziwanike pasina izvozvo vainge vamirira kudzoka kwaDiva azovaudza nezvekwaaibva since vaiva vakasangana kuharare. Mai Mushayi chaiva chava mupfungwa dzavo kuudza murume wavo kuti Diva acharoora Shorai asi aishaya pekutangira sezvo painge pachangobva chiiitiko chaNala, chavaida kuti Diva paanosvika vobva vatanga kufambira nyaya dzekuti atoroora Shorai. Vakazongoti vaivaudza nyaya yacho zuva raitevera.
Vanhu vemuvillage umu umwe neumwe aitaura zvaanofunga vamwe ndivo vaiti sei vakati munhu wemuenzi aende kunochera mvura padziva rinoera vachitadza kunochera kunocherwa nevanhu mazuva ese. Vamwe wo ndevaibvunzana kuti musikana uyu aiva chii chepamba apa.Vamwe ndivo vaiziva mabasa amai Mushayi uye vaiziva kuti Mai Mushayi vaida kuti mwanakomana wavo vanoda kuti aroorwe Shorai mwana weshamwari yavo nekuda kwehushamwari hwavo hwavaiwirirana vari 2 vasina umwe munhu wavanowiriana naye muvillage umu. Kubva zvakawira Nala hapana akazoda kuenda padziva apa zvekare kunyangwe vanhu vakuru havana kuzoda kuendapo vainge vava kutya.
*Nala*
Nala akafamba kusvika paakatanga kuona dzimba aiva aneta uye nzara zvese nenyota, asi paakaona misha akabva ambogara pasi achizorora achinzwa vafudzi vemombe vachifudza mombe nemavoices evana vadiki vachitamba tumitambo twavo, akatora kanguva akagara ipapo sezvo zuva rainge rakupisa akazosimuka pava paya ndokutanga kufamba achitevedza kanzira kadiki akabva asvika pamwe pamba ndokuti "Tisvikewo", pekutanga hapana akadavira akadzokorodza zvekare kuti "Tisvikewo", akazonzwa kuti "Svikai zvenyu" raiva voice remunhu anoratidza kuti ava munhu mukuru, Nala akambonzwa hana yake yake kurova asi akazvishingisa semunhu aiva nenyota ndokufamba achipinda muyard asi mumba haana kupinda, akabva aona mumba muchibuda vamwe mbuya vakaita vechikuru pavakabuda vakabva vati " Svika zvako mwanangu usatya", Nala ndokuti "Makadii zvenyu gogo ndinokumbirawo mvura yekunwa", mbuya vaya paakapedza kudaro vakabva vamutarisa ndokuti "Pinda zvako mumba umwe ini ndakugara pano panze mumba muri kupisa, uye makumbo angu haachada", Nala akambotya asi akazofunga kuti akaramba kupinda mbuya ava vachatii, akabva anopinda mumba muya ndokuchera mvura ndokunwa achibva abuda, ari mumba akaona kuti mbuya ava vanenge vaigara vega zvikamunetsa kuti sei, akabuda panze ndokubva aenda pavaiva vagara paya ndokuti" maita basa gogo ndava kuenda ", vakaramba vakamutarisa neziso rine chirevo zvekuti naiye zvakamunetsa vakabva vati" Unonzani uye unobva kupi? "Nala akabva ati" Ndinonzi Nala ndinogara kuharare kuno ndakangoshanyawo ", mbuya vaya vakaramba vakamutarisa pachest pake pedyo nehuro paiva nechivanga chitema chekuzvarwa nacho (birth mark yeblack) mbuya vaya ndokuti" Vabereki vako vari kupi? ", Nala ndokuti" Vari ikoko kuharare ", mbuya vaya ndokuti" Saka uku uri kubvepi nhai muzukuru ", Nala remembered zvaaiva audzwa kusango Kuya ndokuti" Ndarasika ndichitsvaga huni ndazobudira kwandisingazive, ndiri kuda kuenda kunonzi kwaMushayi ", mbuya vaya ndokuti" hoo kwaMushayi hakusi kure manje manje unenge wasvika, unobuda nekanzira kekumabvazuva aka woti nako kusvika wasvika muroad inofambira mabhazi wobvunza wava muroad imomo ", Nala akabva ati" Maita basa gogo ", achitofamba kuenda mbuya vaya ndokuti" Vanga riri pahuro iro wakazvarwa wakadaro here muzukuru ", Nala akabva abata pahuro pake sezvo aiziva pariri ndokuti" Ehe gogo mhamha vaindiudza kuti ndakatsva netea ndiri mudumbu", akataura achiseka, mbuya vaya ndokuti "Zvakanaka muzukuru wangu ufambe nerugare",
Nala akabva ati tande nekaroad Kaya aifamba zvake zvishoma nezvishoma tsoka dzairwadza nekusapfeka bhutsu uye kubaiwa, akazosvika kuroad yebhazi kwaiva kwataurwa nagogo vaye, akatanga kutevedza road asi aiva asati aona munhu wekubvunza muroad maiva musina kana munhu, ati fambei akabva aona mota yaibva nekumashure kwake akabva aimisa achida kubvunza road kuti asanyanye kurasika, mota iya yakasvikomira pamberi pake madoors achivhurwa muchibva mabuda varume vaviri vakasvika paari nehasha vachiti "Uri mwana wekwaani iwe usina hunhu unomisa mota yamambo kunge uri kumisa ngoro yekumba kwenyu", hana ya Nala yakarova akabva ati "Soory handina kuziva kuti ndeyambo ndokumbirawo ruregerero", varume vaya ndokuti " Pane asingazive mota yamambo muno muarea, enda unokumbira ruregerero kuna Mambo", Nala akatanga kubvunda nekutya all her life aiva asati amboona Mambo aingoita kunzwa kuti kune madzimambo kuma villages, akasvika pamota paya ndokuti nezwi rizere nekutya "Ndinokumbirawo ruregerero handina kuziva kuti ndimi, ndiri muenzi kuno", aitaura akatarisa pasi achitya kutarisa face yavo Mambo vaya vakabva vati "sezvo wati uri mutsva muno ndakuregerera enda zvako", Ipapo hana yake yakanyanyisa kurova achinzwa voice raMambo raiva rakafanana nera Davison akabva asimudza face kuvatarisa hana yake yakarova worse vaiva zvakafanana naDavison Mushayi !
Stay tuned
Mukunda wekwachivi anokudai.
❤️
🙏
👍
😂
😮
😢
223