Miss Novels T.N Bvaru
February 24, 2025 at 02:12 PM
*A JOURNEY FOR LOVE*
🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸
https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv
*NEW BOOK 📕*
*BOOK NUMBER 19📕*
*Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*MISS💞T.N BVARU*
*LIONESS*
*CONTACT*
0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣
*Read comment and share please*
*Chapter 7*🦚
*Naration*
Nala akamira kudaro hana yake ichirova, varume vaya vainge vati anokumbira ruregerero kuna Mambo vakabva vapinda mumota ndokuvhara madoors mota ichibva yamutswa ndokuenda Nala achisara akamira paroad paya achishamisika nekufanana kwaiva kwakaita Mambo ava naDavison Mushayi . Akada kuedza kubatanidza kuti mambo vangave nehukama hupi naDavison asi akaona pasina, vabereki vaDavison aivaziva plus iye Davison aiva a very poor guy zvekuti mhuri yavo haingambonzi Ingava iri close to royalty. Pamba pana Davison paiva pakangodaro darowo iye Davison wacho aiva asina chaainacho asi aiva akangomuda zvakadaro. Chaaiziva kuti Davison mukomana ari soft hearted and kind and aiva munhu akanyarara. Akambotora kanguva akamira paiva padarika mota paya akazotanga kufamba pava paya achitevera road ati fambei akabva asangana netumwe tuvana tuma grade 1 twaibva kuchikoro, akafara kuti awana vanhu vekubvunza,akabvunza vana vaya vachibva vamupa madirections kuti anofamba sei. Zuva rainge rakupisa asi Nala haana kuzorora akaramba achifamba Kusvika asvika mumusha wekwamushayi,vafudzi vemombe vaiva vauya kuzovharira mombe mumatanga kuti vadye kudya kwemasikati vachiona Nala achisvika vakaita chitsoka ndibereke vakananga kudzimba vachifunga kuti vaona chipoko, pakati pavo paiva nemwana wamai Davison mukomana akasiirwa naHazvinei akamhanya wo achienda kumba kwavo akasvika kunowira pamakumbo amai vake vaiva vakagara pasi vakatambarara makumbo,akatadza kana kuburitsa mashoko kuti ataure zvaaiva aona Mai vake vakabva vabuda panze kuti vaone zvatizwa nevana vakabva asanganidzana naNala achangopinda muyard, mukadzi mukuru akaita kunge achadonha negotsi vavhunduka, vakatanga kudududza vachidzoka kumashure vakatadza kana kuburitsa voice, vaMushayi vaiva vasipo pamba vabuda kuenda kwasabhuku kwavaiva vadeedzerwa nyaya yekunyura kwaNala,Hazvinei aiva aenda kuchikoro Mai Davison vakasvika ndokumira nemadziro vachiita kudedera vakabva vati "Haaa..... Haaa handisirini..... Ndaaa... Nda....", Nala akabva ati "Musatya zvemyu mhamha ndiri mupenyu handina kufa ini ndakawana akandibatsira pandakanyura makazosara mosvika kudziva ndatobuditswa kare", Mai Mushayi Vachinzwa kutaura kwaNala hana yavo yakati dzikamei asi vaiva vapotsa vaudza Nala kuti handisirini ndaida kuti ufe ndimai mhuru. Vakabva vati "Uri kurevesa here kuti uri munhu hausi chipoko", pavaibvunza kudaro vanhu vainge vatozara kunze kweyard vachida kunyatsoona kuti zvazvaiva vanzwa ndizvo here vaiva vakamira nechekunze kwemusha vese vachiona pavakanzwa Nala achitaura vakabva vagutsikana kuti zvechokwadi mupenyu vakatanga kufamba vachipinda muyard one one vachibvunza kuti akabatsirwa nani asi iye aisataura chokwadi aingoti ndakabatsirwa nemunhu wandisingazive and haana kundiudza kwaanogara. Vanhu vemumusha Vakaedza kufunga kuti angava ani akabatsira Nala kubuda mudziva rinoera asi vakamushaya vaiziva dziva iri risingapindwe neanorarama.
Shoko rekudzoka kwaNala rakasvika kuna vaMushayi vari kwasabhuku kwavakatumirwa mwana vakabva vasimuka ipapo ipapo ndokuti vese munzira naSabhuku akati handingasare, vakati vese munzira kuenda kumba kwava Mushayi, nguva diki diki vaiva vasvika vakawana pamba pavo pakazara vanhu vachibva vaona Nala akagara pasi pamumvuri paya murume mukuru akaita kunge achabhururuka nemufaro achinyatsoona kuti zvechokwadi ndiye Nala vakasvika ndokugara pedyo naye vachibva vati "Nala uri mupenyu zvechokwadi, mwari variko chokwadi ndaizoti kudii uye ndaizvireva kunaani mutorwa Kutsakatikira Mumusha mangu", murume akapedza kutaura misodzi Yakubuda, Nala achiona misodzi yavaMushayi akabva ati "Musachema baba ndadzoka ndiri mupenyu mwari akandichengeta kuti murege kunyadziswa nekuda kwerudo rwamakaita kundigamuchira semwana wenyu mumusha menyu", vamushayi vakabva vatanga kupuka misodzi Iya Nala aiva akavatarisa vachiita zvese izvi apa ndipo paakaona kuti vaMushayi vainge vasina kufanana naDavison, kubva paakasvika mumusha umu aiva asina kumbozviongorora asi apa akazviona Nekuda kwekuti ainge aona munhu akafanana naDiva. Haana chaakataura akaenderera mberi nekuvanyararidza kusvika vanyarara. Vanhu vemuraini nevemumusha vakabva vadzokera kudzimba dzavo vachingozunza misoro pakati pavo Mai mhuru vaivapowo zvese nemwana sikana wavo Shorai vainge vauya pavakanzwa kuti Nala aiva adzoka ari mupenyu.
Shorai namai vake ndovakapedzisira kubva pamba pana Mai Mushayi, shorai aiti akatarisa Nala ozvitarisa aiona a big difference Nala yaiva iri mbama Yemwana aibva anzwa godo richigara pahuro pake kuti mbii. Aiita kutarisa Nala neziso reruvengo iye Nala aizviona asi aiita kunge asina chaari kuona. Mai mhuru vakazooneka voenda kumba kwavo vachibva Vaburitswa chivanze namai Mushayi, vari munzira imomo Shorai aiita kufemera pamusoro sendere nehasha uye godo rekuti akutorerwa Davison. Mai Mushayi havana kusvitsa Mai Mhuru kure vakabva vati "Ini ndakudzokera kumba ndichauya ndokuona kumba kwako gare gare", Mai Mhuru vakadavirira pasi pasi semunhu aiva arwadziwa nekurarama kwaNala. Mai Mushayi vakadzoka kumba just to disguise kuti vasafungirwa kuti ndivo vaida kuti Nala afire mudziva. Vakadzoka pamba vakabva vati kuna Nala "Wadii wanogeza mwanangu utonhorerwe", vakadaro vachiita sevane tsiye nyoro Nala akabva ati "Okay mhamha regai ndinogeza", akasimuka paaiva akagara paya ndokunanaira akuenda kunogeza achiita kuteta kutsika pasi nemaronda ekubaiwa aya. VaMushayi vakasara vakagara pasi pemuti nemukadzi wavo ndokuti kumukadzi wavo "midzimu yangu haina kuda kundiita chiseko chenyika haina kuti ndipihwe mhosva ndisina chandakatadzira munhu",, Mai Mushayi vakabva vati "mazvionaka museyamwa zvandaiti mwana uyu ngaadzokere kwaakabva imi mukati ngaagare amirira Diva kudzoka kwake, ko dai akafa maizoti kudiii", vaMushayi vakamboramba vakanyarara vachiita sevanodzamisa pfungwa ndokuzoti "Iye zvino ndakutya kuti arambe ari pano panogona kuzoitika zvimwe zvekare tikaita mhosva", Mai Mushayi vakafara ndokukwenya mhino nekasiyamwa ndozvavaida kuti Nala aende sezvo akatadza kufa, vaive vasingade kupesana neshamwari yavo Mai Mhuru nekuramba vakachengeta Nala pamba pavo vakabva vati "Iye zvino mava kuona semunhu mukuru dai zvaibvira mangwana chaiye atokwira bhazi edzokere kuharare kwavo ikoko", vaMushayi ndokuti "Mangwana anomboswera achizorora ozoenda zvake hazvizivikanwe pamwe Davison wacho anogona kusvika nhasi kana kuti mangwana", Mai Mushayi vakambohetsura ndokuzoti "Kana madaro zvenyu zvakanaka anoenda mangwana acho ambozorora". Vakabva vasimuka pavaiva vakagara ndokunopinda mumba vachisiya murume wavo panze vaiva vakufunga kuenda kumba kwasahwira wavo kuti vanomuudza urongwa hwaiva hwavapo hwekuti Nala aende kuharare.
Nala akapedza kugeza ndokupinda mumba muya mavairara naHazvinei akaona kabag kake kakashama akatanga kutsvaga fone yake asi haana kuiwana, akazunza pese pese asi haana kuiwana kuti abvunze zvakamuremera zvaizoita kunge apumha vanhu umbavha iye arii muyenzi, akatarisa kasmall wallet kake kaaiva akaisa muhomwe yetrouse yejean rake akaona karimo nemari yacho yaiva irimo yakakwana akabva anyarara zvake chaakaita kuchinja hembe, apedza Hazvinei akabva asvika achibva kuchikoro akawana Nala arimo mumba hana yake yakaita seichatsemuka nekuvhunduka asi akazodzikama anzwa Nala achitaura. Hazvinei akabva audza Nala kuti fone yaiva yatsvagwa pachida kutsvagwa hama dzake asi yakashaika Nala akabva ati "Haina basa pamwe pane payakadonhera ndichatenga imwe", vakazobuda mumba umu vakuenda kukitchen, Mai Mushayi pavakaona kuti Hazvinei adzoka vakabva vabuda ndokuenda kumba kweshamwari yavo vachisiya vana Nala vari mukitchen. VaMushayi vakabva vadaidza Nala panze pavaiva ndokumuti "Mwanangu waona tsaona yanga yaitika iyi hazvichagone kuti urambe uri pano panogona kuzoitika zvimwe futi ndikapihwa mhosva", Nala akamboramba akanyarara ndokuzoti " Baba handisi kuda kuenda ndisina kuona Diva, munogona kundiudza kwaakaenda ndomutevera ikoko", vaMushayi ndokuti "Hazvigone kuti utevere kwaakaenda asi ukaramba Kuenda unenge wandiomesera mwanangu muno muvillage ndinozopedzisira ndatadza kuwirirana nevamwe, imboenda unozodzoka zvako", Nala akamboramba akanyarara ndokuzoti "Okay ndinodzokera zvangu ndinodzoka adzoka", vaMushayi ndokuti "Asia mangwana unombozorora wozoenda kuswera mangwana hauzoita kunge munhu ari kutandaniswa", Nala akabvumirana nezvakataurwa navamushayi akaona kuti zvavaitaura zvaiva nemusoro nekuda kwezvaiva zvaitika. Akazodzokera mukitchen maiva naHazvinei achibva vatanga kubika kudya kwemanheru sezvo nguva dzainge dzaenda. Mai Mushayi vakadzoka kwamai Mhuru kwavaiva vaenda chiso Chavo chichiratidza kuti vainge vakasuwa chaiva chavasuwisa hapana aichiziva,chikafu chemanheru chakapakurwa vakabva vadya vapedza vakabva vaenda kunorara nekuti nguva dzainge dzaenda.
Hope dzakanonoka kubata kuna Nala achifunga Zvinhu zviviri chekutanga aifunga zvaakaudzwa nezwi kuti Davison ndiye Danai uye kufunga nezvamambo vaya vaakaona vakafanana naDavison,hope dzakazomuba akazomuka kunze kwayedza, akamuka pakamuka Hazvinei achibva atanga Kuita basa repamba even aisagona aingoita zvaanogona, apedza akatanga kurongedza kuti azomuka achidzokera kuharare the following day. Akaswera apedza zvake kurongedza agara zvake mumba maHazvinei muya sezvo aiva asara ega pamba Mai Mushayi vaenda kwamai Mhuru, vana Hazvinei vari kuchikoro vaMushayi hameno kwavainge vaendawo , akabva anzwa mafootsteps panze akamboignore achiti pamwe munhu aidarika zvake asi aakazonzwa munhu uya akufamba akuenda kukitchen asvika ikoko akabva anzwa achiti
"Asi pamusha pano hapana vanhu kanhi kuti zii kudai? "
Hana yaNala yakarova zvine kuvhunduka mukati nekuti voice rakataura apa akariziva.
Stay tuned
Masibanda loves you.
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
390