Miss Novels T.N Bvaru
February 25, 2025 at 07:08 AM
*GAVAMWEDZI*
๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น๐น
https://chat.whatsapp.com/J5s2iZJMpiYDeImoIbqrTF
*BOOK NUMBER 19*
*NEW BOOK ๐*
*Uchida maprevious chapters ebook rino kusvika parava follow my WhatsApp channel below unowana nemaprevious books angu akapera ariko, uye ban yanetsa garira muchannel usazojambwa nebook*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*MISS๐T.N BVARU*
*LIONESS*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*AND*
*MR P. N BVARU*
*Read comment and share*
*Chapter 18๐ฃ*
VaChidari vakashamisika neuwandu hwe ndarama hwainge hwauya naana Masunga. Chikuriro chavo vakange vasati vamboona ndarama yakaungana panhu pamwe kudaro. Kunyangwe pavaisanganisa yaibuda kumigodhi yavo, neyevamwe vava kuenda kunotengesa havana kumbosvika pachidimbu ichocho. Maonero avo hwaitova huremu hwenzombe huru nemhou chaiyo
Zvino apa pfungwa dzavo dzakange dzadambuka nepakati chaipo, kune rumwe rutivi vaiva vavimbisa Mutapa kuti achamupa mashoko ekusora nyika ya Murenje yairatidza kuva nemadziva eupfumi. Vaiziva kuti Mutapa aiva akavatsamwira napamusana pechivimbiso chenhapwa chaaiva asina kuzadzisa kunyangwe akange hake adzosera muripo wacho.
Aiziva zve kuti aiva ne chikwereti chezana rinoraudzira revarwi vakange vaurayiwa vachida kupamba muzinda saka aitya zvachose kugumburisa Mutapa
Kune rimwewo divi, mwanakomana wavo mumwechete iyeye Jekanyika akanga abatwa se chibatiso kunyika yamambo Murenje. Vaiva vakabata mwana wake vaisada hondo naye asi kutengeserana bedzi, uye vaiva nendarama yemhando yepamusoro. Aiziva kuti akangokanganisira Murenje, Jekanyika aizouraiwa kana kuitwa nhapwa uye aisara asina mugari wenhaka yemadzibaba ake.
Akange atove mazuva anodarika gumi kubva vana Masunga vasimuka vapedza kutsinhanisa ndarama nemunyu ne micheka. Akange atengesa zvose zvaaiva nazvo kungosiya munyu wokuzorungawo iye nemhuri chete saka akange oda kuenda kunyanza kwaisvikira vatengesi vabvakure. Aiziva kuti urwu rwaiva rwendo rekupedzisira mwaka uyu, sezvo Rwizi rukuru rwaiti rwukazara rwaitora mwedzi yakawanda kuzoserera, uye rwaserera ngwena dzemo dzairura.
Aitya kusangana ne vatengesi vaMutapa ikoko kumahombekombe enyanza aine ndarama yakawanda kudaro, iye akamboudza Mutapa kuti migodhi yava kupwa. Kuti asiye imwezve aiziva kuti paizodzoka vekwa Murenje vaiwana asina chokutengesa sezvo vematunhu epedyo navo vaitovimbawo navo.
Vakatuma vashandi vavo vakavimbika, kumberi neimwe ndarama, ndokuvaraira zvaida kutengwa. Akavakumikidza kuti anenge avabvunza kwavanobva vanodavira kuti tinobva seri kwemakomo. (Kwaimbova nevatengesi vaibva seri kwemakomo aionekwa uri ma Mutambirwa kare kare asi migodhi yavo yakanga yadzika zvokubuda mvura pasi, saka vakange varega zvokuchera vave kurarama nekurima bedzi. Asi imwe nguva mvura yaiserera vopindazve mumigodhi iya vachichera ndarama).
Ivo vakazotevera havo mushure mezuva rimwe kuitira kuti vasasvikirana nevaranda vavo kugungwa.
Vana Masunga vakange vane munyu wairema zvokuti chero mombe dzavo vaidzinzwira tsitsi nekuremerwa kwadzaiva dzakaita. Vaifamba vachizorora uye vachipa mombe mukana wokufura zvokuti rwendo urwu rwakapotsa kusvika mazuva makumi maviri anoraudzira
Pavakasvika kumuzinda vakatambirwa ne mufaro mukuru kunyanya namambo Murenje avo vakanga vave kuziva kuti pfuma yava kuungana. Vakabva vatumira nhume kwa Mambo Shere na Mambo Chapwanya nechipimo chidiki chemunyu vachivazivisa kuti munyu wava kutengeswa kumuzinda kwavo.
Masunga akatakura mashoko ekwaziso kubva kuna VaUtete baba vamaiguru vake Machivei. Akasvika mukoma wake Rwambiwa akagara kumba kwake achiratidza kushushikana zvikuru.
"Makadiiko mukoma,, ndava nemazuva maviri ndasvika mumuzinda asi handisati ndakuonai, asi maiguru vava kuyema kanhi" akadaro Masunga achiuchira mukoma wake
"Wakambonditsvaga ukandishaya here" akadaro Rwambiwa achiratidza kushaya hanya nekwaziso ya Masunga ndokubva atonyarara hake. Masunga akatoona kuti panenge pakatsamwiwa ndokubva anzvengesa nyaya achinotaura na Machivei
"Asi maiguru, dai makandiudza kuti kumusha kwenyu kune mbama dzevasikana dzakadaro handiti ndingadai ndisina kutambisa nduma yangu kupa mbeva dzomuno idzi" akadaro achiseka hake
"Baminini munofarisa imi, mungati mbeva mwana wamambo, husvungi yemuzinda"
"Mungaienzanisa ne husvungi ya Mutambirwa here, ungati anogeza nemukaka, haiwa mwana akanaka hake iyeye. Kana mukazvara mwanasikana akanaka kudaro ndinomuroodza nezana remombe. Kunenge kotodiwa vana voushe hukuru kwete tuvushe urombo setwana Chapwanya twuya"
"Chapwanya ndiye upi zviya?" akabvunza Machivei
"Kuya kwandaiti kwakapotera imwe yemhondi dzaida kuponda iye muramu wako asingabviri muvakadzi uyu" Rwambiwa ndiye akadavira
"Akapotera ma Chapwanya?!," akakanuka Masunga
"kureva kuti ndiko kwavakabva here"
"Handina hangu chokwadi chizere, asi ndinoziva kuti ndiko kwavakabva.Ndakaronda tsoka dzake uya wokutiza dzikanobudira mumuzinda chaimo ma Chapwanya"
"Makambonovhunza here kumuzinda kwacho ikoko kana vaiziva nezvemunhu iyeye, pamwe raingovawo gororo" akabvunza Masunga
"Chikuriro chako wakamboona vanhu vanodarika vashanu vachirongana kunoba?, makororo angangoita maviri, matatu kana mana, kwete gumi, vakapfeka zvakafanana. Vane akange akavatuma, asi ndiri kutadza kubudisa pachena kuti ndiani"
"Saka hamuna kutombovhunza here kuvakuru vemuzinda wacho"
"Ndakauya ndikaudza baba nezvenyaya yacho, ndichikumbira mvumo yekunobvunza Chapwanya, mangwana acho tikanzwa mashoko ekuti munhu uya awanikwa akazvisungirira. Chapwanya akatotuma nhume kuna baba ichivhunza kana vachiziva kuti chenura yemutorwa afira mumusha inoitwa sei"
"Ah saka kana zvakadaro zvakaoma" akadaro Masunga
"Kuoma kwei kwaunotaura, munhu apotswa nerufu kudaro kuvata zuva rimwe nokutomukira rwendo rurefu kudaro, Hausati waziva kuti ari kuda kukuuraya ndiyani uye achida kukuurayirei?. Ko kudai akakuteverai ikoko, handiti tingadai tatova kutaura zvimwe pano"
"Zvaiva zvakakosha kuti tipinde parwendo mukoma, nekuti mumuzinda munyu wakange wopera. Hawaizowanikwazve kusvika nguva yekuzara kwenzizi yadarika" akadavira Masunga, "taiitira kubatsira muzinda mukoma, kwete kutsvaga kutandara"
"Muzinda uno wava nemazana emakore vanhu vachirarama pasina munyu, wozoubetsera nhasi nokuisa upenyu pa njodzi nekuda kwemunyu bedzi?" Akakwidza izwi Rwambiwa "Munyu iwoyu makatenga nei imi makangobuda pano muchitinha mombe dzinenge gumi chete"
Masunga akatanga acheuka kuti aone kuti hapana ari kuuya ndiko kuzoti
"Tine pfimbi yedu yendarama, takangoti varanda vashoma vauye kumuzinda nematombo endarama, saka pazuva taiwana uremu hwe mbudzi, iko mu kufamba mazuvano muchambosangana nawo here"
"Pfimbi yepfuma yemuzinda, isingazikamwi neni. Ngatitii hamukoshesi kuti ndiri Nevanji, nokuti handiwani nguva yekuswera kuudzwa zvirahwe neharahwa padare penyu paya, ko kukoshesawo kuti ndini ndinotungamira varwi nevarindi. Izvozvi muvengi akapinda mu pfimbi iyoyo zvaisina kuchengetwa munozochema naani "
" Ipapo pakaposheka mukoma, taifanira kukuudzai" akadavira Masunga
"Iwe nababa ndaizvitarisira kwamuri, magara hamundioni sechinhu mumuzinda muno, asi Takura na Tamuka ndivo vandishamisa. Zve chokwadi kundinzvenga?. Iyo ndarama iyi, ichatiparira zvimwe" akadaro Rwambiwa.
*Tsungai*
Tsungai akashaya kana nerekupindura kuna Revai kunze kwekurangarira mashoko a Chitewe kuti mwana wake aiva munhu mukuru asi akatarisana nehondo dzakakurisa akazopeputswa kundangariro dzake na Revai obvunza kuti
"Mwana uyu i gavamwedzi zve chokwadi here nekuti haaratidziki undonda. Akura zvakadii?"
"Haasati asvitsa maviri" akadavira Tsungai ndokumbonyarara kwakuzoti pava paya "
" Ndi Nevanji wamambo vari kure zvikuru nekuno. Kana abva zera achaenda hake kunyika yababa vake"
"Mwana wamambo wamunoraramisa muurombo hwakadai, asina kana mukombe zvawo wekucheresa mvura?"
"Ndatenda vasikana, manga mandibetsera nechirongo chenyu kuti ndiumbewo hari dzangu, asi hamuna kodzero yekundiudza marererwo emwana wangu" akadaro Tsungai achitoisa Ranganai kumusana "Mova nezuva rakanaka"
Akazopedzisa kutaura otofamba achienda. Revai akasara ozvitongesa nematauriro aakange aita. Akazoti ave Tsungai ava chinhambwe ndokudaidzira kuti "Ndine urombo Tsungai kana ndataura zvisina kukufadza" asi Tsungai wacho haana kudavira hake.
Revai akateka mvura nechirongo chake ndokunanga kumuzinda akadengezera pamusoro wake. Mazuva ose aisipinda nekuseri kwedzimba asi musi uyu akapfuura ne pamberi pedare. , Baba vake nevamwe vaivapo vachimuona vakakahadzika nezvavakaona nekuti akange ava munaku, akaurungana asina kana padiki zvapo panoshoreka
Baba vake vakasimuka padare ndokutevera muimba yaaigara, vachiteverwa namai vacho. Akavaona vati kanha kushama miromo vasina zvokutaura ndokubva atanga iye kuti
"Musashamisika henyu baba namai, ndini Revai mwana wenyu"
"K... K... Koo.." Mambo vakazama kubvunza asi mazwi haana kubuda.
"Handiti munorangarira ndichigaroti hope dzangu dzinoti pane gavamwedzi richandibata ndigotwasuka mitezo, ndasangana naro kurukova uko"
"Natsotitsanangurira zvizere mwanangu"
Vakadaro mai va Revai, moyo wavo usingagoni ne mufaro we kufarira kupora kwemwana wavo.
Revai akatsanangura zvose zvaiva zvaitika uye zvaange audzwa na Tsungai. Mambo vakanzwa tsitsi nenyaya yava Tinzwei na Tsungai avo vaiva vatorara panze usiku hwadarika ndokubva vati munhu wese aiva mumuzinda atore mapadza nematemo zvirongo zvemvura kunoita humwe yokuvakira vana Tsungai imba.
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐
๐
๐ข
๐
๐ฎ
235