Miss Novels T.N Bvaru
February 26, 2025 at 07:01 AM
*A JOURNEY FOR LOVE*
🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🗡️🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸🩸
https://chat.whatsapp.com/JZhWQZLwZEx1m0ZbZJXuTv
*NEW BOOK 📕*
*BOOK NUMBER 19📕*
*Mhanya upinde muchannel aMiss 💞 T.N Bvaru kunobikwa huchi wasara wasara mabook avo akapera ariko ikoko kusanganisira nerino maprevious chapters aro ariko ikoko 👇👇👇👇👇*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
*MISS💞T.N BVARU*
*LIONESS*
*CONTACT*
0️⃣7️⃣7️⃣9️⃣5️⃣7️⃣4️⃣7️⃣6️⃣6️⃣
*Read comment and share please*
*Chapter 9*🦚
*Naration*
Davison akanzwa power rakawanda paakadaidzwa kuti Danai, akabva acheuka ndokutarisa kwaiva naNala akamuona atowira mudziva, akajamba achibva paaiva akamira paya ndokupinda paiva padonhera Nala, akanobata ruoko rwaNala ndokutanga kumudhonza, mvura yaimudhonzera kwakadzika asi Davison akaramba akabata asingaregedze mvura yedziva iri yaiva nesimba rakawandisa zvekuti pakaitika kurwisa kwakakura kubva kuna Davison kuti akwanise kuburitsa Nala, Dziva rakasvika Pakukirirwa simba naDavison rikaregedza Nala achibva abudiswa mudziva muya. Davison akabva atakura Nala ndokuenda naye nechekure kwedziva iri ati fambei akabva amugadzika pasi. Nala aiva akuita kudedera nekutya uye kutonhorwa kwaaiva aitwa nemvura. Davison paakaisa Nala pasi akabva anzwa simba riya raainzwa richipera mbichana mbichana kusvika adzoka back to normal,akabva agara pasi trying to recall zvainge zvaitika zvaaiva asina kunzwisisa especially power raakaita pakadaidzira Nala kuti Danai was far beyond him, Nala aiva achiri akafizuka nekunwa kwaaiita mvura Kuya aiva akati ziii zvake achifunga kuti dai pasina Davison angadai atofa. Davison akazoti kuna Nala "Nala Im soory for bringing you kuno, what if something has happened," Nala ndokuti "It's okay its just that I didn't tell you kuti ndakanzi ndi......" haana kuzopedzisa kutaura akabva afunga zvaaakaudzwa nevoice kuti asawana waanoudza nyaya yezvakaitika kwaari Davison ndokuti "Go ahead I'm listening", Nala akabva ati "No never mind Davison can we go home", Akataura achisimuka paaiva akagara paya, Davison akasimukawo vachibva vapinda munzira kuenda kumba, vachisvika kumba vakawana vaMushayi vadzoka kwavaiva vaenda vakaita kunge vachasvetuka nemufaro vachiona Davison vakabva vati "Madzoka nguvai ko Museyamwa", Davison akanogara padhuze nababa vake achibva ati "Ndasvika masikati ndikawana musipo muchinzi maenda kumakura ", vaMushayi ndokuti "Ndafara kuti wadzoka mwanangu, tinaye musikana uyu ari kuti muyenzi wako, wanakatsa ukadzoka nhasi mangwana anga akutodzokera kuharare", Davison akambonyarara ndokuti "Uyu anonzi Nala baba musikana wangu taidanana kubva kuharare", vaMushayi ndokuti "Tanga tati amirire kudzoka kwako asi takazotya paakawira mudziva rinoera riya zvekuti kubuda kwaakaita hatizive kuti akapona sei, zvekuti dai usina kusvika nhasi waiwana aenda." Davison akabva ati " Ndanzwa mhamha vachidaro", baba nemwana vakatanga zvavo kutaura dzimwe nyaya asi Davison aioneka kuti aiva asina mufaro even iye Nala noticed it kuti Davison anga asisina mufaro kubva zvavakadzoka kubva kudziva Kuya, Davison haana waakaudza maererano nezvakaitika he just kept quite. Nala akanopinda mumba maHazvinei ndokuchinja hembe asi aiava ava worried asisiri kuziva kuti Davison chii chaiva chisisamufadze akatora kanguva arimo achibva azobuda paakabuda akabva asangana naDavison padoor achibva amuti "Nala i want to talk to you in private", Nala akabva ati "It's okay Im listening", Davi achibva ati " Nala I think you should go back to the city", Nala akarwadziwa nezvakataurwa naDavison apa achibva ati "Why wadaro kuita as if wakundidzinga", Davison ndokuti "Nala listen, I don't want kuti pazowana zvinoitika muno muvillage, sei iwewe uchingoti ukasvika padhuze nedziva woda kuwira mukati, is there anything about you you are not telling me, honestly I'm not comfortable with this", Nala akatoona kuti Davison ari serious ndokubva ati "So apa uri kuti kudii Davison , hauchandida here ungobuda pachena", Davison ndokuti "I need time to think about this Nala", The tone in Davison's voice broke Nala's heart achibva atanga kuyeredza misodzi Davison ndokuti "Crying won't solve anything Nala you must go back to your parents before something terrible happens to this village", akadaro Davison Nala ndokuti "It's oky I will go Davison I will not force myself to stay here iwe usiri kuda", akazopedza kutaura yava misodzi yega, akanopinda muroom muya maHazvinei ndokurongedza kabag kake apedza akabva abuda ndokuenda kukitchen kwaaiva kwakagara Mai nababa Mushayi akabva avaoneka kuti mangwana aiva akudzokera kuharare. Mai Mushayi ndokuti "Ko watopedza kuonana naDavison here iye asvika nhasi iyeyu", Nala akanzwa misodzi yake ichiuya asi akaidzora kuti isabuda akabva ati "Mazuva awanda ndisiri kumba my parents vanogona vakunditsvaga since ndisina fone." Mai Mushayi ndokuti "Okay haa ufambe zvakanaka mwanangu unotikwazisira vari kumberi", vaMushayi ndokuti "Saka uchadzoka riinhi?", Nala ndokuti "Pamberi apo", akangopindurawo kuti zvimubve asi iye ainyatsoziva kuti naDavison paiva pasina kunyatsowirirana pakati pavo.
Nguva dzakati dzafamba Davison ainge aenda kunorara kare, Nala akabva apindawo muroom maairara muya ndokurara, hope dzakaramba kuuya zvachose mupfungwa make maiva mune zvinhu zvakawanda kana kunamata chaiko akatadza kunamata,moyo wake waiva wakurwadziwa nezvaiva zvakuitwa naDavi apo ari iye ega mukomana akakwanisa kusvitsa shoko rerudo kwaari, Nala aingoyeredza misodzi kusvika kuma past midnight, hope dzakazomubata aneta nekuchema akabva arota hope dzakamutyisa akarota akatsigiswa hari sezvaaisirota asi this time hari dziya dzakapwanyika paaiva akuda kudzigadzika pasi dzese dziri 2 kuita mapieces", akamuka hana yake ichirova zvakanyanya achibva agara pasi akanzwa tushiri twakurira zvekuratidza kuedza kwekunze, akabva abuda mumablankents ndokuenda kunogeza apedza aakachinja hembe dzake ndokunonocker mumba mairara Davison, Davison akatora time asati abuda akazobuda pave paye, he greeted Nala zvemunhu aitoratidza kushaiwa hanya naye, Nala patime iyoyo haana kutaura vakabva vafamba vachienda kuroad Iya yemabhazi kwaiva kwakambofamba naNala vari muroad Nala akabva ati kuna Davison"Davi what wrong have I done to you ", Davison ndokuti" Nala I need time to think about this okay, "Nala ndokuti" So you mean you don't love me anymore ", Davison ipapa haana kuda kupapindura and hapana aiziva zviri mupfungwa dzake akazongoti" Look Nala some things mustn't be ignored in a relationship I hope you understand ", Nala akatoona kuti maanswers aari kupihwa naDiva ari kuedza kunzvenga kumuudza chokwadi asi ainge atozviona kuti Davi haachade nezvake. Pain yakamukurira akatanga kuchema but Davi haana kuratidza kuita basa nazvo vakafamba kusvika vasvika paroad pasina aiva achataura neumwe. Vasvika ipapo vakabva vamirira kuuya kwemalifts ainosvitsa Nala paChibuwe township kwaiwanikwa transport yekuenda kuharare.
Mai Mushayi Pakabuda vana Nala achiperekedzwa naDavison vakabva vamuka ndokuti munzira vonanga kumba kwamai Mhuru kunovaudza the good news. Vakasvika mai mhuri vasati vatombomuka vakatosvika vachivamutsa ndivo, Mai Mhuru vakamuka ndokubuda panze vachibva vati "Kwakanaka here vasikana kubva maita kumukira husiku hwakadai?", "Hongu kwakanaka I have good news sahwira nyaya Iya yaititemesa musoro pano nezuro yazozviita yega", Mai Mhuru vakatadza kunzwisisa kuti Mai Mushayi vaiti kudii vachibva vati "Chii chaitika", Mai Mushayi ndokubva vati "Zvinoda ndakagara pasi chaipo ngatipindei mumba", Mai Mhuru vakabva vatungamira kuenda kukitchen vachipukuta maziso avo aiva azere nemabori vakabva vanovhura door remukitchen ndokupinda vakanogara pabhenji vese Mai Mhuru ndokuti "Chitaura tinzwe sahwira", Mai Mushayi vakabva vati nevoice riri pasi pasi kuitira kuti vasanzwikwa "Davison uya azoudza ega Nala kuti aende", Mai Mhuru vakaita kakuvhunduka ndokuti "Aaaah chii chanyatsoitika kuti adaro, kungomuka a kumuudza kuti aende", Mai Mushayi vachibva vati "Ehe kana neniwo zvandishamisa kuti sei, asi face yaDavison yandiratidza kuti nezvemusikana uyu haachada, tochinyatsoroodza Shorai wedu zvakanaka," vakambonyarara ndokuzoenda mberi vachiti " Iye nhasi ndiri kuda kutomu yeuchidza kuti uri kufungei nekuroora mwana wamai Mhuru nyaya iyi haisi itsva kwaari ndakambomuudza asi haana kundipindura panguva yacho and I know kuti anobvuma haarambe zvataurwa neni Mai vake", Mai Mhuru vakasekerera ndokuti "At least mwana wangu akuzowanawo mufaro, zvazvazviita zvega kudai hapasisina chekumirira apa sahwira nyaya ngaichitoitwa pasati panyuka zvimwezve", Mai Mushayi ndokuti "Dont worry tatopedza so, iye muroora wangu nhasi anonoka kumuka seiko", Mai Mhuru ndokuti "Akanonoka kurara uyu achichema hameno akamuudza kuti akaona Davison naiye musikana wake uyu vachisasana muno muraini kana sadza haana kudya nezuro", Mai Mushayi ndokuti "Aaah ngaarege zvake kuchema soon anenge ava kumba achibikira murume wake uyu", Mai Mhuru vakabva vati "Ndichamuudza kana amuka sahwira wauya nemashoko anofadza", Mai Mushayi vakazooneka shamwari yavo ndokudzokera kumba kwavo zvavo vakunomirira kudzoka kwaDavison.
*Nala*
Nala naDavison vakasvika pabusstop paya paroad malifts akanonoka kuuya kusvika zuva rabuda varipo, hapana aitaura neumwe Davison aingova ari zii zvake Nala aiva akanyarara achingoyeredza misodzi, papera kanguva Davison akabva ati "Nala I have much to do at home kuti ndirambe ndiri pano hazvichaite so wosara wakamirira malifts anganonoka asi achauya ufambe boo", akadaro Davison aachitofamba achienda Nala akamutarisa achienda akatadza kana kuburitsa word moyo wake wakaita seuchatsemuka nepakati akaramba akatarisa kwaienda naDiva kusvika asisaoneke akatanga kuchema akamira paroad paya kusvika aita kugara pasi, akazosimuka akunzwa kutinhira kwemota akabva aona kune mota yaiuya akabva asimudza satchel rake ndokuisa kumusana achibva atanga Kumisa mota Iya, mota yakambomudarika asi yakazonomira kumberi ndokutanga kureverser ichidzoka kwaari, Yasvika paari munhu uya aiva mumota akabva adzikisa window ndokuti "Uri kuendepi?" Nala akabva ati "Chibuwe", mukomana uya ndokuti "Pinda kuback seat", Nala akavhura door ndokupinda apinda ndipo paakaona kuti mumota umu maiva nevanhu 2 kuback seat kwaiva neumwe aivamo asi haana kuda kutarisa face nestress yaDavison yaaiva nayo akangofunga kuti ipasanger saiye akazoti mota yakufamba mukomana uya aiva kuback seat achibva amuti "How are you, What's your name? ", paakamutarisa asati adavira akabva aona akafanana naDavison Mushayi hana yake yakarova.
Stay tuned
Masibanda loves you
*Macoments enyu anondipa simba*
❤️
🙏
👍
😢
😂
😮
324