L.T. MAHACHI NOVELS
February 19, 2025 at 09:18 AM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING STORY BY L.T. MAHACHI O775O72O31 O77799O714 INSERT 13 GERALD Ndainzwa kubvira chaiko mukati mangu.......haaaaa, mhuri yese haingapihwe stress nemunhu wandakaziva akura mhani. I just need to get her out of my life hupenyu hudzoke pakuita normal. Hapana kana chinomboshamisa pakuti Liam akura tisiri pamwe chete sevabereki vake. He will not be the first one and he is not going to be the last one. Pamwe ndikabvisa benzi iri muhupenyu hwangu ndinotozowanawo munhu akakwana anozokwanisawo kuita a mother to my son. Ndakange ndave kuda kutobuda and ndaitoda kunosvika chero kwaamai vake chaiko pandakareceiver a call from a new number. Ndakadaira paya and the man from the other end of the line asked me kuti, Him : NdiGerald Sanyika here wandiri kuaura naye? Kamubvunziro kacho kakandinetsa, nekuda kwehasha dzakanga dzagara dziri mandiri ndakatomboda kudaira rough but ndakazongiti, Me : Hongu ndiye........ndiyaniwo wandiri kutaura naye? Him : Ini ndinonzi constable Njanji..........ndiri kutaurawo nemi ndiri paKuwadzana Police Station. Tiri kukukumbiraiwo kuti musvike kuno nekukasika. Ndakangoerekana ndave kutura befu ndokubva ndati, Me : Kwakanaka here nhai constable? Him : Svikai zvenyu vakuru........kuri right! Me : Alright, ndinouya manje manje. He dropped the call and nguva yandakabvisa phone yangu panzeve momz vakanga vakatonditarisa neziso raibvunza kuti ndiani wandakange ndichitaura naye. Ndakatongobva ndati, Me : Hanzi ndiuye kuKuwadzana Police Station.........mupurisa uyu abva kundiphonera. Me : Aaaaah, hezvo! Hanzi kunei? Me : I don't know mhamha, let me just go and found out. What I know is that Lydia ariko ikoko........ I just don't know what she is up to this time! Vakafemereka amai vangu zvekupera simba ndokubva vati, Mum : Pamwe aenda kunoreporter kuti wakamurova last night........rega nditore something chinodziya tibude tese. Ndakatoseka zvangu and said, Me : Muchifambira nyaya dzisina basa idzodzo here sure mhamha........regai tibude naGeorge, ndiri kuda kudzoka ndichizorora ini. Mum : Iwe, ko kana kune nyaya iri serious? Me : Zvinhu zvina Lydia mukati zvakazomboita serious here. Mwana tinouya naye don't worry....... George will drive ini ndobata mwana. Ndakabva ndatofamba paya ndichibuda kunotsvaga George and ndakamuwana ari mukitchen achitaura naNyaradzo. Ndakamuudza zvenyaya yekuenda kuKuwadzana ndokubva tatobuda paya but ndave kumutsa mota momz knocked pawindow pangu vachiti, Mum : Ndivhurireiwo tiende tese vakomana, I am just having this feeling yekuti tinofanirwa kuenda tese. I unlocked the doors ndokubva vagara zvavo kuback seat ndokubva tatanga rwendo rwedu. LYDIA Ndainzwa kunge ndakagara muzhenje remoto uku ndichinzwa mukati mangu mese muchiita kusangana. Zvairamba kunyatsonzwisisika kuti mwana wangu akanga atofa.........No! There must be some mistake! Kumapurisa kuya takanobvunzwa mafambiro akanga aita zvinhu kumasowe separately and ini sekuziva nekuona kwandakanga ndaita zvinhu madzimai ndivo vakanga vauraya mwana wangu. Dzakanga dzave kumapast 6 manje patakazoudzwa kuti madzimai vave kusara vakavharirwa and post moterm ndiyo ichazotaura chauraya mwana chaicho. Hapana chimwe chakanga chiiri mupfungwa dzangu kunze kwaGerald Sanyika..........anoudzika seiko kuti mwana wake afa and achiudzwa nani? Mhamha vakazophonera daddy tangogara pazvimabench zvepamapurisa zviya and pasinawo nguva vakasvika kumeso kuchipenya nedikita. Mashoko avakatanga kutaura ndeekuti, Him : Ko zvafamba sei? Semazuva ese mhamha vakatobva vavapindura vari mucheeky vachiti, Mum : Mwana ashaya sekutaura kwandaita paphone........haisi nyaya inofadza zvekuti ndingaswere ndichidzokorodza kutaura ini. Pave kudiwa way forward. Baba vangu vagara ihwai zvavo and izwi remukadzi wavo rinovatyora. I so much envy the way my mum controls her man..........dai Gerald aivhundukawo izwi rangu sezvinoita mdhara haaaa ndingadai ndigerezve pasi pano. Vakagara paside pamhamha vachipukuta kumeso kwavo nemaoko vachiti, Dad : Saka pano pakagarirwei? Hanzi chii nemapurisa? Baba vemwana mavazivisa here? Mum : Tanga tamirira imi kuti muzotitora........hatina munhu watati tazivisa, takaremerwa kani! Zvese zvaitika tichiona. Zvave kutoda kuti mubate kana vana tete imimi vazivise vekwaSanyika kuti mwana atisiya. Takabuda panze ndokubva vaphonera tete mai Kudzai vanogara kuWarren Park, vakavaudza nzvimbo yatakanga tiri nezvakanga zvaitika. Since phone yakanga iri paloud zvese zvavaitaura tete vacho zvainzwika. Vakapopota munongonzwa imi vachiti, Tete : Vahanzvadzi, ndakakuudzai kare kare kuti mukadzi wenyu makanyanya kumuregerera........hezvo aurayisa mwana wemukuwasha. Chokwadi munogona kuzvitaura makamira pai zvinhu zvinotyisa kudaro? Dad : Tete, ndizvo zvatotiwira zvekupopota izvi hazvitodi pakadai........tinozotaura nyaya dzedu semhuri kana nhamo iyi yapfuura. Ipapa ndatoti nditaure nemi muudze vekwaSanyika kuti mwana hakusisina. Tete : Over my dead body! Ngavataure Lydia naamai vake........izvozvi tanga takadaidzirwa dare rinonyadzisa remaitito aLydia paweekend monditi nditaure zvemwana wavaurayisa........imika, imika! Pedzai nyaya dzenyu mega ikoko isu tichauya kuzobata maoko! Mhamha vakabva vabvuta phone yacho kubva mumaoko adaddy kwave kuicutta. Vakabva vataura zvaive nekugumbuka vachiti, Mum : Zitete rehutsinye..........pavanongoda kuratidza hutete hwavo panyaya dzine mari mukati chete! Vakabva varidza tsamwa and said, Mum : Handei tinotaura nemapurisa vaudze ivo vekwaSanyika zvekushaika kwemwana. Dad vakamboda kuvarambidza but vakabva vatondibata ruoko.........reality was now beginning to strike, ndakatanga kuchema paya zvekuhwihwidza chaizvo, vakandibata zvakasimba mhamha ndokubva vati, Mum : Wotosimba nekushinga mwanangu........marwadzo anowanikwa muhupenyu, ko kana zvamira zvakadai tingaite seiko? Takanopinda mukati and mapurisa aivemo akatoshamisika vachitiona tapinda zvakare. One of them even asked kuti, Him : Aikaka, ko muchiri pano? Vakadaira mhamha vachipukuta maziso rumwe ruoko rwavo rwakandibata vachiti, Mum : Officer, ipapa tiri kutoshaya kuti tinotaura takamira pai kuna baba vemwana kuti ndizvo zvaitika. He is a very violent man zvekuti kunogona kutonoita imwe nyaya hombe mukanzwa taakukutsvagai zvakare. Vakatarisana mapurisa aya ndokubva mumwe wavo ati, Him : Ndipeiwo number dzababa vacho tivadaidze tizotaurira nyaya yacho pano.........imi chigarai henyu pasi! Nguva yatakagara takamirira kusvika kwaGerald ndiyo nguva yandakatanga kuchema mwana wangu nekuzvichema ini pachangu. Post mortem yataurwa iyo ndiyo ichanotaura zvese zvauraya mwana..........panobudika here apa? MAI SANYIKA Takanosvika paKuwadzana Police paya ndisisina kugadzikana zvachose, hana yangu yainyatsondiudza kuti zvataifambira zvakanga zvisina kumira zvakanaka. Takangonanga mukati and iye Gerald akanga adaidzwa akaita introduce himself nekutaura zvakare kuti takanga tamuperekedza. Zvakandinetsa tapinzwa mune imwe room and surprisingly Lydia naamai vake vakanga varimo vachichema and mwana akanga asimo. Ndaive nemashoko akawanda nemibvunzo yakawanda kuna Lydia but handina kuda kumhanyira vanhu vemitemo kumberi. Ndakashaya kuti ndopepuka seiko kuhope dzakaipa dzinorwadza mushure mekunge officer vataura kuti muzukuru wangu kwakanga kusisina. Pfungwa dzinombomira kushanda hama dzangu. Ndakamutarisa Lydia misodzi yangu yave kuyerera ndichida kutaura naye but mashoko angu akagumira parurimi. Chokwadi kunditiza mumba nemwana munhu achienda kunomuurayisa? Akasimuka paakanga akagara Gerald achifemereka, akazotaura ave padoor achichema achiti, Gerald : Ini wangu mwana haana kufa! Makajaidzwa sterek.......muchanyatsouya zvenyu muchitaura kwamaisa mwana wangu kwete zvekundidaidzira kuno kumapurisa kunge ndino mhosva! Akabva atofamba achibuda and George immediately followed his brother. Officer uya akanga aita break the devastating news akasara achitaura neni achiti, Him : Amai, apa pave kutongoda kunzwisisana semhuri.........ndinoziva kuti nyaya iyi yakaoma. Me : Ini handina chandinotaura, mubereki wemwana ndiye abuda uyo....... Ndakachibvawo ndasimuka. Ndave kutevera vana vangu. Ndakawana ave kuzviuraya nekuchema mwanakomana wangu zvaidambura moyo uyu George achiedza kumunyararidza. They were seated kuback. Ini ndakangonogara padriver's seat ndokubva ndatomutsa mota tichibva paya. Kwaive kushinga chaiko, maoko angu aitodedera uku moyo wakaremerwa!
❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 186

Comments