L.T. MAHACHI NOVELS
February 21, 2025 at 06:40 PM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 18
GERALD
It was serious torture looking at his lifeless body for the last time........I was the first person to see him and ndakaita nguva ndakangomutarisa vanhu vese vachiita body viewing. Airidza mhere Lydia iya yekutsvaga attention chaiyo but aimupa attention yacho ndiye akanga asipo kunze kwaamai vake..........even vanatete vake vaitoita kunge vasina basa naye.
Waiita kurema moyo wangu takadungamidzana nemota yeNyaradzo yakanga yakatakura the remains of my first fruit tave kuenda kuGlen Forest. Vaiedza havo kundisimbisa vachitaura dzimwe nyaya dzakanga dzisinei nenguva yatakanga tiri macousins angu andakanga ndinawo but zvakanga zvakandiremera. Raimboita kunge drama imwe nguva yese but zvenguva iyoyo zvakanga zvakaoma munhu wamuona mwana wawakapedzesera kuona achikusekerera avharirwa zvino mucoffin.
The most difficult moment was when his little coffin was being lowered six feet underground. Haaaaa, tinombosanganiswa nemarwadzo chokwadi. I felt another part of me going down with him. Ndakanoisa maflowers angu nguva yavakanga vapedza kufushira ndokubva ndaita nguva ndakaita kneel ipapo. Ndakaerekana ndave kutaura ndichiti,
Me : We are now living in different worlds son but you will always be a part of me........you will always be in my heart. Fly high my angel till we meet again.
Ndakazofamba hangu ndega zvishoma zvishoma ndave kubva paguva........ndakacheuka ndokubva ndataura ndega nekazevezeve ndichiti,
" I will visit regularly.......... I will always bring flowers"
Nguva iyoyo ndakanzwa someone ave kundibata pashoulder.........ndakacheuka and it was Jackie, ndakamutarisa kumeso ndokubva ndati,
Me : Thank you for everything sisi.........ndimi manga muchimhanyamhanya, zvapera izvi....... Liam dzangove ngano. He will only be alive in my memories.
She held my hand and squeezed it ndokubva ati,
Jackie : May God console you Gerry.........
I let out a sigh and said,
Me : Thank you......
Akada kutaura something but akavhiringwa nenoise yakabva yaitika nechepamberi pedu. Akanga ari Lydia akanga awira pasi. Handina kana kuda kuzviisa mumusoro mangu kana kuzvitarisa. Takatongofamba tichipfuura paya and kamudaidziriro kakaita amai vake vachiti, "Afainter uyu........" kaive kekuda kutsvaga attention yedu.
Ndakanopinda zvangu mumota yandakanga ndabva nayo kumba and the guys were trying to be as cheerful as they could but wangu moyo wakanga wakadambuka. Lunch was served tichangosvika kumba.........I did not feel like eating anything so I walked straight inside the house avoiding mutent makanga mapinda vanhu. Ndakanosanganidzana naNyaradzo ari mukitchen achirongedza maplates akanga ari pasink. Akandicheukira ndokubva taita kanguva takatarisana........akazotaura andifuratira achiti,
Nyaradzo : Madya here? Can I get you something to eat?
The care that was in her voice was something else..........ndakada kuita brush off nyaya yake yechikafu ndichiti,
Me : Ko iwewe wadyawo here?
Nyaradzo : I just need to finish zvandiri kuita izvi.........ndiri kunotora chekudya manje manje. Ndobva ndanokutoreraiwo handiti?
Aitoita kuinsister zvake mwanasikana apa I was beginning to find peace in her presence around me. Ndakaedza kuita discourage her nyaya yake yekundiunzira chikafu ndichiti,
Me : I don't feel like eating any of zvinhu zviri panze apo........maybe zvandingatokwanise kudya isadza nematrotters kana maguru hawo.
Nyaradzo : Ok, mune matrotters mufridge umu andakabika marimwezuro asina kuzodyiwa.......Let me just warm them ndonokutorerai sadza panze.
Akabva atosiya zvaaiita ave kubuditsa matrotters aaitaura iwayo. Ndakatonzwa appetite ichiuya mufunge and a few minutes later ndakanga ndave kutoenjoyer sadza nemakumbo enguruve. Akandisiya ndave kudya achiti ave kunotorawo her food outside and nguva yandakanga ndave kuda kumuudza kuti auye azodyirawo muno Jackie akabva apinda and akasekerera akanditarisa achiti,
Jackie : I have been looking for you everywhere ndichida kuona kuti wadya here.........izvozvi mhamha vari kukutsvaga kumota uko.
Ndakasekerera zvangu and said,
Me : Go and tell her that someone has already taken care of her son.
Akabva aswedera padhuze kwave kunhonga piece yenyama muplate mangu achiti,
Jackie : Wawana kupi chikafu chiri kunaka ichi nhai? Panze apo hapana such a dish?
Me : Ndapihwa naNyaradzo...........
Akabva angonditarisa nekaziso kake kane misikanzwa..........ndokubva azoti,
Jackie : She is so caring hey!
Ndakaseka laughter yechokwadi chaiyo for the first time in days ndokubva ndati........
Me : Yes, she is more than caring!
MAI LYDIA
Nguva yakapedza kufushirwa guva remwana ndipo pandakanyatsonzwa kuti ma1 atanga. Neaction yanga ichiitwa nevanhu vekwaSanyika mazuva ese aya ndakanyatsofeeler kuti nguva yavakanga vakamirira yakanga yasvika. Apa pakanga pasina chitsotsi, kwaive kutogadzwa matare chaiko. Kuside kwangu zvakanga zvave nani hazvo nekuti masisters angu akanga auyawo uye izvo zvitete zvaiye Lydia zvakanga zviripowo zvichingofinyama.........avo vekwaGutu handina kuzombotaura navo zvangu, ummmmm...........yekusponsor transport yekuuya nekudzokera ndiyo yakange yazondiremera! Avo vanodiwa kana zviri zveemergency.
Ndakamuzevezera tave kufamba tichibva paguva paya ndichiti,
Me : Pano pave kutoda kuti uite actress chaiye...........kutodonha chaiko vanhu ava vashaye mukana wekutibvunzurudza.
Akangogutsura musoro and tisina kure kwatakanga tafamba kuenda akabva aita kuzviumburudza chaiko muvhu..........ndakambotanga ndichaferna nemaoko vana tete vakabvisa bhutsu iye kwave kuramba zvake akati rapata. Vakatekaidzana ivo vana tete vacho vamubatirana vachinomuisa mumota, idzo hama dzemurume wake dzaingotarisa and vachiratidza kuti hapana kana akanga aine basa nazvo.
Akaita nguva akangoti rapata mumota and I liked worry yakanga yave muvanhu........tete vacho mai Kudzai vaya vekumbodada musi washaika mwana vakanga vave kutoita suggest kuti tiende kuchipatara. Takazonosvika iko kumba kwavamwene vake avhura maziso mbichana.
Ndakazoona mai Kudzai vaya vave kudaidza hanzvadzi yaiye Gerald kumota vachiti,
Mai Kudzai : Tete, ndati muonewo zviri muroora wenyu pano........ave nenguva akadai zvekuti tave kutofunga kuenda kuhospital.
Akadongorera nepawindow remota kuback seat kwandakanga ndakagara nemwana wangu ndokubva ati,
Jackie : Aaaah, hoooo.........mozongotiudzawo kuti munenge mazvifambisa sei. Ndofunga zviri pano tese tiri kungozvionera kuti mumwe nemumwe ari kungomira newake. Izvozvi nditoriwo pakutsvaga kuti mwana wamai vangu ari paiwo aone kudya. Ave nemazuva asina kudya.
Akabva atofamba achibva pamota ipapo, vakasara vachiombera maoko vakoma vangu ndokubva vati,
Her : Zviri pano zvinokunda ngoma kurira..........chokwadi mwana uyu akasara pamba pano tinozotora chave chitunha.
Mai Kudzai : Ummmm, ipapo maiguru handiwirirane nemi.......ari kutofanirwa kusimba mwana uyu osara pano achinyaradzana nemurume wake.
Ndakaita kakusimukira ndokubva ndataura ndakavatarisa kumeso chaiko ndichiti,
Me : Seiko muchiita kunge musina kumbobereka imi tete? Pano vanomuisira poison tichingofuratira akafa.........muri kunyatsomaona here maitiro ari kuita vanhu vari pano. Ndiri kutomboenda naye ndononyaradzana naye ini amai vake. Achazodzoka zvake kana mhepo iri pano yadzikama ave kunanga kumba kwake.
Pasati pawana akanga apindura window rekumberi rakabva raknocker and aive mumwe murume akanga ambopa speech achinzi muzukuru. Ndakamutarisa with that encouraging eye yekuti ataure nyaya yake and akabva ati,
Him : Ummmm, tiri kukumbirawoka kuti mbuya Lydia vambouya mumba mune mashoko emhuri.
Ndakabva ndatovhura door and said,
Me : Havasi kunzwa zvakanaka vakangoti rabada........pindai natete vacho ava.
Ndakabva ndaita amai Kudzai vekutodhonza ruoko kuti vanoita ivo zvenyaya dzacho. Eheee, ndiho hutete hwacho kwete kungoda kumisa mazamu panyaya dzine mari mukati!
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
177