L.T. MAHACHI NOVELS
February 22, 2025 at 11:44 AM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING STORY BY L.T. MAHACHI O775O72O31 O77799O714 INSERT 19 MAI KUDZAI (Tete vaLydia) I followed behind muzukuru uya ndichinzwa kupererwa........ndaingofunga phone call yandakambotambira last week from hanzvadzi yaGerald achitaura zvekumbogara pasi naiye mwana wehanzvadzi yangu nemurume wake nenyaya yekusamira zvakanaka kwemba yavo. Haaaa chokwadi nhasi ndinokururwa muvanhu nemashoko worse nekwakazofira mwana uku! Lounge yakanga yakazara nevanhu vakuru vekwaSanyika.........iye Gerald akanga arimowo nehanzvadzi yake. Ndakatariswa nemaziso akawanda ndichipinda ndokubva ndanosvikogara ndakaita kuzvipeta chaiko pacarpet. Tete hanzvadzi yanababa vaGerald vakabvunza vakanditarisa vachiti, Her : Ko ivo mai Liam vari kupi? Ndakatanga ndaita kakugadzirisa pahuro ndokubva ndazodaira ndakatarisa pasi ndichiti, Me : Vari kungofainter ava........kutaura kuno akangoti rabada mumota tanga tave kutoronga kuenda navo kuhospital. Vakadaira zvemunhu akanga asina hany'a kana chamubata vachiti, Tete : Aaaaah.........hoooo! Zvino zvamauya imi muchagona here kutidaira zvatiri kuda kuziva muno? Unongonzwa kuomerwa so munhu zvekuti chekudaira chaicho unochishaya. Vakazotanga kutaura babamukuru vaGerald vachipa yandingati summary yepost mortem report. Ndakachema hama dzangu ndakagara pasi ipapo........chiiko chatakaitirwa naLydia chokwadi? Vakabva vaita kunangana neni chaiko baba vechikuru ava vachiti, Him : Sezvo muri imi makamiririra amai vemwana muno tiri kungokumbirawo closure yekuziva kuti chii chakaitika kumwana wedu and chii chakazokonzeresa kuti munhu atize mbuya vemuzukuru vakanga vave kugadzirira kuti mwana amhanywe naye kuchipatara. Unomerera mukadzi mukuru kuchipisa munoziva........ndakati bwai bwai ndokubva ndaombera maoko ndichiti, Me : Pamusoroi vana baba.......ummmmm, ndine hurombo. Idzi nyaya handikwanise kudzidaira nekuti ndakazongonzwawo yave nhamo.......... I was cut short ndisina kutombopedza kutaura neimwe brother yaivo tezvara vaiye Lydia vachiti, Him : Saka muri kutsvagei muno when you cannot answer our questions? We want answers ambuya! Hatisi kufara, mwana wedu akaurayiswa! Unodemba kuti dai floor yaivhurika munhu waipinda hako wohwanda........ndanga ndisiri kufanirwa kubvuma kutongopinda muno in the first place mhani! Ndakafemereka ndokubva ndazotaura not even trusting my voice ndichiti....... Me : Mundiregererewo.........kupinda kwandaita muno handina kuziva kuti ndidzo nyaya dziri muno. Haaaaa izvi zvinoda munhu akazvimiririra achizvidairira, ndave kutokumbirawo kuti nyaya iyi igotaurwa mumwe musi nekuti sezvandamboreva Lydia haasi kunzwa zvakanaka izvozvi. Bamnini vaya vekumbondidimbura ndichiri kutaura vakabva vati, Him : Haasi kugona kutaura here Lydia wacho? Mune kudheerera kwakanyanya vanhu imi.........nyaya yekurasikirwa nemuzukuru wedu haisi nyaya inofadza ka zvekuti tinganzi rambai muchingounganira kutaura nyaya inodambura moyo kudaro! Ndakaombera ndaomberazve ndichikumbira ruregerero kusvika tete vacho vakuru vazoti........ Her : Zvamataura tazvinzwa asi munoti tinosara seiko naye mwana wenyu pano nemaitikiro akaita zvinhu aya? Ndakatura befu ndokubva ndataura ndakaita kuruma shaya chaiko ndichiti, Me : Eeeeh, nekuda kwehealth yake parizvino tinotokukumbiraiwo kuti timboenda naye kwedu tozouya hedu totaura nyaya iyi kana munhu apora. Bamnini Gerry makasununguka kuuya any time muchiona mhuri yenyu and I understand kuti imi muri vaviri ndimi munotokwanisa kunyatsonyaradzana. Akangoita kamwe kakuseka so kaitove nehasha mukati iye Gerald wacho. Vese mumba imomo vakabva vaita kunge vasina kunzwa zvandakanga ndataura. Unombozvibvunza munhu kuti pane pawatsvedzesa muromo here............ndakaerekana ndave kutaura ndichiti, Me : Ndinoziva kuti pano pachine basa rakawanda so tinosiya mwana wedu ari pano uyo Nyaradzo achibatsirana nemi pano. Ndinongoramba ndichiti mutiregererewo, handifungi kuti pane aitarisira kuti ndiko kwazvichazoguma zvasvika zvemwana wedu. Ndofunga munongozivawo kuti mabeliefs anosiyana muvanhu..........kana tasangana nematambudziko tinotsvaga rubatsiro kwakasiyana siyana. Hapana hapo zvakazonyanya kutaurika mumba imomo, pandakaona ndanyanya kutariswa vanhu vakanyarara ndakabva ndaombera maoko angu ndichioneka ndichiti, Me : Isu hatichagara hama dzangu..........regai tichimhanyira kuchipatara naLydia uyo. Hapana akadaira and hapana akasimuka kubuda neni kuti vaonewo kuti Lydia wacho akanga ari sei. Ndakataura ndega ndave kubuda padoor ndichinzwa mhepo yave kufamba nemuviri wangu ndichiti, "Uku ndiko kunonzi kuparara kwemba manje..........pana Lydia naGerald hapasisina chinonzi marriage........" Akanga achakangorara Lydia pandakapinda mumota and ndisati ndatogara zvakanaka amai vacho vakanga vatobvunza kare kuti, Her : Hanzi chii? Havasi kutida here mukati imomo.......vanzwisisa here kuti Lydia arwara? Ndakadaira ndichitonzwa kusvotwa zvangu ndichiti, Me : Kundisundira kuti ndinodaira nyaya dzenyu dzandisingazive! Manje hazvina kupera and ndiri kuona zvisiri kuzopera mushe. For now handei hedu..........ndasiya ndaoneka! Akabva ataura iye Lydia achiita kakusimudza musoro achiti, Lydia : Thank you tete........patinozozviona tinenge tave ready to face them. Ko zvamuri kuti maoneka ko Nyaradzo ari kupi? Ndakatanga ndaridza tsamwa ndokubva ndazoti, Me : Asi hauchadzoke pano? Nyaradzo uri kuda kuenda naye kupi? Lydia : She is my maid for goodness sake tete, pano anosara achiitei? Me : Hausi kuona kuti pano pakazara vanhu here? Ari kusara achibatsirana nevamwe basa! Amai vacho ndivo vakatozobva vadaira nyaya yacho vachiti, Her : I hope masiya manyatsomukomekedza mwana wenyu kuti adzikame.........ndakamuona kakupesuka kaakanga ave kuita pano kuti kane kakutsvaga varume mukati. Vakabva kumusha vakapusa ndivo vavanoda vomitisa votiza. Anokudzokera kwaGutu uko akazvimbirwa nadzo nyemba dzemuHarare. Ini handidi kuzopihwa mhosva ndichinzi ndini ndakamudaidza kuno.........zvamaita decision yekuti asare pano muri imi amai vacho ini angu maoko ndatogeza so. Ndakanzwa kusvotwa kwakanyanya nerubbish yavakanga vabva kutaura iyoyo...........ndakamboda kutaura zvakawanda asi ndakangoti, Me : Nyaradzo haasi nzenza! Mai Lydia : Heya..........taurai muchiita kunge ndimi makamukudza muchidaro! Ndisati ndadaira uyo wekufainter akabva ataura achiyemezeka achiti, Lydia : Let me call her auye pano titaure tisati tabuda nekuti ini hangu handidi kuzonyadziswa pamba pano pema in laws angu especially zvinhu zvisina kunyatsomira mushe kudai. Akatobva aphoner and nenguva isipi mwana wemunin'ina wangu akanga asvika pamota. Vakataura ivo boss vake vachiti, Lydia : Isu tave kumboenda..........ndichadzoka zvangu around next week tobva tazoenda kumba kwedu but iwewe zvanhasi uchasara uri pano. Akangogutsirira musoro and ivo amai Lydia vakabva vati, Her : Zvekufarisa no........munhu usakanganwe kuti uri pabasa! Zvezvikomana chera chikomba usvipire pasi, sevauri kuona pano ava vakazara unogona kusazofa futi wakasangana navo hupenyu hwese. Munhu ramba uchingofunga nhamo yako nekwawakabva. Mamwe matauriro acho anenge atove nekutsvinya mukati mufunge.......ini ndakazongomuti, Me : Isu tave kuenda Nyarie sekunzwa kwawaita.........kana pane chinenge chanetsa unondiphonera nhaika. I know kuti uri kusara mukati mevanhu vausingazive so ini hangu saamai vako handidi kuti ushungurudzike ndiripo. Vakabva vadaidzira ivo mai Lydia vachiti........ Her : Ngatichiendai........tinozowanikwa tiri pano nyaya yatanga tichifunga kuti tanzvenga ikatanga zvakare. Takabuda paya ndichidriver ini mota yaiye Lydia asi tisina kure kwatakanga taenda akanga otoda mota yake. Ipapo ndipo pandakanyatsoona kuti zvekurwara zvese yaive acting. Chokwadi ndakanga ndatoitiswa ini mukadzi mukuru. Ndichavabata zvangu pamberi apo nguva yavanenge vave kuda kudzoka pano nekuti chandinonyatsoziva ndechekuti Lydia anoda Gerald.
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 161

Comments