L.T. MAHACHI NOVELS
February 22, 2025 at 06:49 PM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 20
LYDIA
Takanosiya vana tete vese kuWarren Park kwaamai Kudzai ndokubva tachinanga kwedu naamai vangu. For some minutes we drove in silence......a lot has happened in the past days zvekuti zvimwe zvacho hazvisati zvanyatsopinda mumusoro mangu kuti zvakaitika zvechokwadi. Dzakanga dziri kure kure pfungwa dzangu ndichitadza kubvisa face yaLiam yandakanga ndaona mucoffin mumusoro mangu time dzakataura mhamha vachiti,
Mum : Kutaura kuno marriage yako is hanging on a thread mwanangu and hazvisi kumboda kuti tigare pasi zvachose. This time around even if it means kunoisa pikicha yaiye Gerald mubhodhoro zvatinoona kun'anga dzemumaAfrican movies zviya handisi kuzoregedza. Vanhu vekwaSanyika vakajamuka dzinza rese saka hapasi kutombodiwa kuzorora.
Ndakafemereka and said,
Me : For now all I want is to rest mhamha...........nemafiro akaita mwana wangu handifunge ndikakwanisa kudzokera zvakare kuvanhu vanozviti vane masuper natural powers vaya.
Vakaita chikwee chavo chavanoita kana vabhoikana so ndokubva vati,
Mum : Kuvarairwa ka uku kwawave kuita Lydia. Usakanganwe kuti in'anga dzatakamira nadzo kusvika watambirwa mumusha wekwaSanyika iwe! Zvemwana wataviga uyu zvatopfuura.........zvave kutoda kuti uite action utobata imwe nhumbu.
I let out a heavy sigh again ndichiedza kubvisa pain mukati mangu yemaitiro anga achiita Gerald towards me mazuva apfuura aya. Ungati amai vangu vakaita read my mind........vakabva vatotaura vachiti,
Mum : Apa pari kutoda kuti tiende kuna sekuru vaya vekuMakonde vakatipa mushonga wakaita kuti utambirwe nevabereki vaGerald nguva yakazoitwa zveDNA iya. Pari kutoda wekukwezva apa auye ega achikutsvaga pano. Ndiri kuda kuti usaite zvekutamba Lydia........macontraceptive pills ibva watosiya nhasi chaiye nekuti nhumbu ndicho chimwe chezvinhu zvichakubatsira kuti udzokera mumba mako zvisina mitauro yakawanda. Handiti unoziva hako ka kuti Mwari anobatsira munhu anozvibatsirawo?
Ndakazunza musoro wangu ndichifemereka ndokubva ndati,
Me : Imbondipaiwo time mhamha yekumboita come to terms with what is surrounding me at the moment.
Mum : Uchiita come to terms kwacho ndati uchirega kunwa piritsi refamily planning!
Ndakangodaira zvangu zvekubvumirana nezvavakanga vataura but ndaimboda kuzorodza pfungwa dzangu from zvekwaSanyika ini. Ndaitonzwa kuda doro rinonyatsotonhora chairo ndimbobuda munyika iri kurwadza nekurema iyi.
Takazonosvika kumba ndisisade hangu kunzwa mashoko nerairo zvaamai vangu. I just walked straight to the bathroom and ndakasvotwa sei ndave kusimudzana nechigubhu ndichiisa mvura yekugeza mubucket. Ndizvo zvandanga ndichidira Nyaradzo pedyo neni mhani izvi! Ndakageza hangu chop chop ndokubva ndaenda muroom mangu, I actually locked myself inside........ndaida kumboita nguva yangu ndega.
Ndakanga ndave kuda kutanga kubiwa nehope pakaringer phone yangu and I half smiled pandakaona vari Mr Zindoga vaiphoner........uyu ndiye munhu one anogona kundibvisa stress dzandiinadzo manje. Ndakabva ndangofunga outing yavakamboita mention the other day ndikatonzwa mufaro chaiwo mukati mangu.
Ndakadaira call sounding so low hangu semunhu achangofirwa and he too sounded sympathetic pavakataura vachiti,
Mr Zindoga : I have heard about everything beautiful but I am sorry I couldn't be there with you.
Me : Thank you so much for getting in touch, it means a lot to me.
Mr Zindoga : Ndiri kuda kukunyaradza darling........ndinoda kukuendesa ku a very peaceful place kwekuti unombokanganwa zvese. Ummmm, wotoona kuti waudza bharanzi waunogara naye kuti basa ratanga.......next week chaiyo I want us to go to Hwange kune zvandiri kufanirwa kunogadzirisa ndiri paground zvine chekuita nekuvhura imwe branch ikoko.
Ndakasekerera zvangu ndichifunga how my naked body drives him crazy.........this is exactly what I need at the moment, you know zvekumbove nemunhu anondibvisa mu the real world inorwadza iyi. Ndakabva ndazotaura paya ndichiti.......
Me : At the moment ndiri kwamhamha ini, bharanzi asarawo kwamai vake. Tinotoita holiday yedu tikapedza ndisina kuita explain myself to him.
Mr Zindoga : Wonderful, wonderful......so instead of us going on Monday ndinogona kungorongaka kuti tiende Friday toita weekend yedu zvakanaka. I understand that you are grieving.......ndiri kuda kuti umbove away from everything which reminds you of that painful loss.
Ava ndivoka vanonzi varume pakati pevamwe.........ndizvo zvingadai zviri kurongwa nemwana wekwaSanyika izvi kuti timboita nguva yedu tega tiri kure nezvinotifungidza mwana wedu! Ini hangu handimirire zvisina basa ndiwo mararamiro angu, ndinoita zvakanakira emotional well being yangu!
Ndakanga ndave kutoita picture myself ndichiita elephant riding ndiri kuHwange nguva yandakazopindura baba vanogonera mweya wangu ava ndichiti,
Me : Hapana chakaipa Shumba..........you are one in a million and I am blessed to have you.
Mr Zindoga : Wakandikoshera Lee.......ndinenge ndichikuudza kuti tinosimuka nguvai. Ndave kutoita assign someone kuti atotanga kuronga trip iyoyo izvozvi.
I felt so loved and ndakanzwa kukosheswa so.........aaah imi regai ndishandise mukana uchiripo kudai..........who knows kuti musi wandinodzokera kwaSanyika ndinonopihwa mitemo yakaita sei? Ko kana akanonditi haachade kuti ndiende kubasa handiti ndinosara ndave kuidemba mikana iyi. Who doesn't want to stay in a five star hotel for the whole week pasi pano sure?
Takazoonekana zvedu naMr Zindoga after some long minutes dzekutaura sweet nothings..........havadiwo kukura futi ka baba ivavo!
Ndakambosekerera ndega ndakakabata phone ndokubva ndazosimuka ndave kuenda kunoudza amai vangu program yakanga yamuka yeweekend iyi. I had to lie to her kuti ndiri kuenda kubasa. Vakanditarisa neziso rairatidza kusafarira nyaya yandakanga ndataura ndokubva vazoti........
Mum : Ini ndiri kutofunga kuti dai watora leave mwanangu, vanhu vekubasa kwako vari kuzviziva kuti uri pakuchema. Open your eyes Lydie mwanangu.........kwaSanyika hakusi kuzongodzokereka zviri nyore kuri, kutoda kuti tifambe before it's too late. Weekend yauri kutaura iyi ndanga ndichitofunga kuti tiende kuMakonde kwandambotaura kuya.
Hmmm, zvaamai vanguwo futi! Zvekufambira n'anga zvine deadline here nhai sure? Ukanzwa vachiita pressure so vanenge vane dzimwewo dzavo dzavanenge vachifambira ikoko. Ndakavarambira ini ndichiti,
Me : Basa rinoda kuchengetedzwa mhamha inga ndimi munogara muchidaro wani.........let me just use this opportunity to refresh my mind. Ikoko ndinotonowana mari yakawanda yekuzofambira nyaya dzamuri kutaura idzi. Mazuva mashomashoma aya mhamha.
Mum : Simbi inoda kurohwa ichapisa mwana wekubereka, ini hangu handidi kuti uzochema neni mangwana.
Handina zvangu kumbonyanya kuita pressure nezvavaitaura ini........izvozvo ndinozozviona ndabva kunonyaradzwa neShumba yangu.
GEORGE
Vanhu vakawanda vakanga vaenda that evening so ndakamuwanira mukana time yaakanga ave kuita clean up the kitchen. Ndakamusekerera ndakamira nechepadoor ndichiti,
Me : Ndauya kuzokubatsira beautiful.......
Akavhunduka achitarisa kudoor kwandakanga ndiri ndokubva ndafamba ndichipinda mukitchen imomo. Ndakanomira very close to her ndichiti,
Me : You have been so busy zuva rese. Imbogara pasi, I will finish zvawanga uchiita.
Akaratidza kusafarira presence yangu zvachose.........akabva atonditi,
Nyaradzo : Ndiro basa rangu bamnini.
I failed to resist the temptation yekuisa ruoko rwangu muwaist make........ndakachibva ndataura nguva iyoyo ndichiti,
Me : Handisi bamnini vako Nyarie........hona we are almost the same age, tikanyatsotaurirana zvakanaka we can start something beautiful.
Akabvisa ruoko rwangu zvehasha chaizvo ndokubva ati,
Nyaradzo : Kana muchiti hamusi bamnini vangu muri kuedza kurevei? Kwandiri makangofanana nemurume wamainini vangu Lydia........ I have enough respect for you manzwa! Never try that on me again, ndinovaudza mhamha.
Eish, level remoto wacho rakandiitisa weak. Ndakatongobva ndafamba ndichibuda mukitchen muya. Kuti ndamumhanyira? Regai ndimbodya easy ndigomboedza kufamba mbichana mbichana..........haaaa uyu ndinoda kutombomunzwawo chete. Akazonyanyawo mhani kubatana kwacho!
❤️
👍
🙏
😢
😂
😮
165