L.T. MAHACHI NOVELS
February 23, 2025 at 05:03 PM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 22 NYARADZO Handitonzwisise hangu what is going on between mainini Lydia and her husband, it's over a week now kubva pakavigwa mwana and havasati vadzoka. Zvekusavepo kwavo pano zvaimboita kuti ndiite feel out of place but now ndazojairana nevanhu vepano manje and I am so happy that George wekuda kundipindira nemwenje mudziva uyu haagare pano........he stays kuchikoro. It's a Friday today and I am so happy nekuti maiguru vangu mai Kudzai vati ndimbouyawo kumba kwavo for the weekend. Zvinongofadza kumbochinja nzvimbo uchishanyira hama so. Ndaitoimba zvangu some church song ndakamira pasink ndichisuka maglasses akanga ashandiswa namhamha nemadzimai ekuchurch ambenge avashanyira earlier. Handina kunge ndanzwa mafootsteps kuti someone had joined me in the room so ndakavhunduka zvekunge ndichadonha negotsi ndokubva ndanosvika ndichirovera pachest yemunhu akanga amira mugotsi mangu. He held me muwaist zvekundibalancisa zviya ndokubva ati, Gerald : Hey, hey.........wanga uchifungei kubva wavhunduka kudaro nhai Nyarie? Ndakatanga ndaita gasp for air ndokubva ndazoti........ Me : I just thought that I was alone here....... He responded vachitowedzera kundibata vachiti, Gerald : Well, I have joined you now....... Zvandainzwa mumuviri mangu nekuda kwemaoko avo baba ava handikwanise kuzvitsanangura. Dai vakanga vari mumwe munhu I could have wished to be in that position for ever. Ndakada kufamba just to give him message yekuti munhu andisiye but vakatobva vaita shield me with his strong frame vachiti, Him : Ko uri kuda kutizei nhai? I am not going to hurt you..... Ndakapindura ndichiita kakufemereka nekuti pace yeheartbeat yangu yakanga yakwira ndichiti, Me : I....... I am not comfortable with your hands here....... Vakabva vatoita lower his head kwave kutaurira munzeve mangu chaimo vachiti, Gerald : Just relax beautiful........usafunge zvakawanda ok......that way we will enjoy the moment together . Imika, pavaitaura kudaro vaitofambisa maoko avo muwaist mangu, handitozive zvakanga zvave kuitika kwandiri ini........my legs were suddenly becoming so weak! He rested his head on my shoulder and his breath muhuro mangu was something else. I was now beginning to enjoy the moment as he had said pandakanzwa mafootsteps emunhu aipinda mukitchen matakanga tiri umu. Ndakapepuka kubva kunyika yandakanga ndave ndokubva ndada kuita move but hapana kwandaikwanisa kuenda.......my way was blocked. Vakabva vandiregedza zvavo kwave kugeza maoko patap yakanga ichingobuda mvura nguva yese. He then moved away vachiti, Him : Let me get something in the fridge...... Ndakatadza kana kucheuka kuti ndione kuti ndiani akanga apinda.........ndakanyara fani ndichinzwa kuti vakanga vari mhamha time yavakataura nemwana wavo vachiti, Mum : You can have mamuffins aya atabaker ealier. Akabuda murume wamainini vangu ivo mum ndokubva vamudaidzira kuti, Mum : Ndiri kuuya kulounge ikoko manje manje. Ndakafunga kuti vachasara vachitaura neni about zvavapinda ndiri nemwana wavo but vakatosara vachiita kunge vasina chavakanga vaona.......nyaya yavakangotaura neni chete ndeye zvekubika manheru ndokubva vatobuda mukitchen. MAI SANYIKA Ndakambofunga kuti ndakanga ndakanganisa kuona but ndakaona kuti ndakanga ndisina kumhanyisa pfungwa nestep yaakabva achifamba pana Nyaradzo pacho........ko ndiri mukadzi mukuru zve ane maziso aona zvakawanda. Akanga akatoremerwa mumabhurugwa mwanakomana wangu. Ndakamboda kutaura ndiri mavari vese but ndakazoona kuti kutaura naiye wangu ndiko kwaive the best. Ainyara kana kutarisana neni Nyaradzo pandakataura naye........ndakafunga zvakawanda kani munguva diki diki iyoyo. Maybe akaenda zvake pasati paitika zvakawanda zviri nani! Maonero andaita vanhu vanga vatori pakuwirirana havo. Ndakanopinda mulounge arimo achiratidza kuita enjoy the muffins......... I sat next to him ndokubva ndamubvunza kuti, Me : Chirudziiko chandaona mukitchen umo nhai iwe Gerald? Akapukuta muromo wake ndokubva ati, Gerald : What are you talking about mhamha? I clicked my tongue and said, Me : Mamiriro rudzii andaona wakaita naNyaradzo? Gerald : Ndanga ndichigeza maoko pasink and she just happened to be closer to me. Me : Handina kuzvarwa nezuro ini Gerald.......... I know kuti wajaira kugara nemukadzi but izvi zvawave kuda kundiitira mumba muno kwete. Kana zvaLydia zvaramba I can accept anyone in your life kwete zvekuda kutamba chiramu nehama yaLydia zvawave kuda kundiitira mumba mangu. Gerald : Mangomhanyisawo pfungwa zvenyu mhamha.......... I don't see her like that and I will never see her like that. Me : I am watching you closely, handidi nonsense mumba mangu. Mwana uyo ari pakutsvaga mari yekutobatsirawo vabereki vake kumusha and I have embraced her nekuti anokoshesa basa rake........please don't be the reason inoita kuti ndimubvise pano. Haana kundidaira and ndakatobvawo ndasimuka ndichibuda ndave kunotaura naJackie akasimbisa kuti nditore Nyaradzo uyo aite helper wangu. I told her zvandakanga ndaona and akanditi, Jacqueline : Gerald haadaro mhamha, maybe maona zvisipo........dai anga ari George ndaibvuma, besides.......Nyarie ihama yaLydia ka uyu. Munoti haafungi here? Me : Aaaah hamheno mwanangu, munhu unoitirwa makunakuna ka mumba urimo. Jacqueline : Kwete naGerry, ndichataura zvangu naye about it. Also Nyaradzo wacho is not that loose type. Aaaah, hamheno............zvazvakanakira hazvo ndezvekuti havaswere vese and iye Gerry won't be staying here kwenguva refu. Akatowana imwe apartment and he will be moving out next week. LYDIA Hwange was a blast handidi kunyeba haaaa mdhara anonzi Zindiga ishumba chaiyo yemusango kwete yepabox rematches. Ndakadzoka kumba muviri wakarukutika chaiko..........ko basa raibatwazve siku nesikati! Ko toita seiko nhai isu vana Lydia takasikirwa kufara nevarume vanoda kufara nesu. Akaita hake chokwadi Zindoga, that trip yakave therapy chaiyo kwandiri..........akandigonesa kukanganwa nezvaLiam, akandigonesa kugamuchira kuti handisisina mwana. Takasvika Friday husiku chaihwo and on Saturday ndakamuka ndichinzwa kuti ndave kufanirwa kugadzirisa zvehupenyu hwangu manje! Ndakabata phone and called Gerald........ndakaitarisa ichiringer phone yacho ndichifunga hangu kuti inogona kusadairwa. Ndakaita kakurohwa nehana pandakanzwa voice rake from the other end of the line achiti, Gerald : Hello........ Me : Hi Gerry......... I hope you are now feeling better. Kunyarara kwandanga ndakaita mazuva ese aya does not mean that I haven't been thinking about you. I was trying to give you space........ Ndaifunga kuti achataura something but for over half a minute takanga takangoti zii tese paphone paya, ndakatozoti....... Me : Are you there Gerald....... Him : Yes ndiripo, ndakamirira kunzwa zvauri kuda kutaura. Handiti you are the one who called me? I let out a sigh and said, Me : I know I have a lot to explain to you. I know I owe the whole Sanyika family some explanations. I am now much better love though I'm still grieving. I think it's time I come back titaure life yedu ienderere mberi. Akaita imwe laughter so ndokubva ati, Gerald : Lydia.........listen and listen carefully.........personally handina explanation yandiri kuda kunzwa kubva kwauri and neither do I want to see you. You are no longer a part of me....... I buried you musi wakapinda mwana wangu muvhu. You can call anyone waunoda wekwaSanyika unzwe kuti pane anoda your explanations here, ndingarambire vamwe vanhu........monotaurira nyaya dzenyu kwamunotaurira, I will not be a part of that nonsense. He immediately dropped the call ndokubva ndasara ndakapeta maoko. Hmmmmm, adzoka kuita Gerald wekujamuka uya. Apa pave kutoda kufamba chaiko sekutaura kwamai vangu. Haaaa rwendo rwuno chero pasi pemvura chaipo ndinopinda, I can't lose him like this............ I am going to resurrect muguva raakandiisa iroro! Vangu amai ndovatemba ini.......
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 182

Comments