L.T. MAHACHI NOVELS
February 24, 2025 at 09:36 AM
https://chat.whatsapp.com/FaGOEHrAxkg3GbwBqu45ga
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : SHE BECAME MY EVERYTHING
STORY BY L.T. MAHACHI
O775O72O31
O77799O714
INSERT 23
GERALD
The way she breathed heavily akapfavirira pandaifambisa maiko angu muwaist make yakandiudza kuti she also got strong feelings for me. Momz ndivo havo vakazongokasikawo kubudikira........ndainge ndave kutoda a real kiss ini nguva iyoyo, body yangu yese zvayo yakanga yave so excited.
I did not want to look guilty in my mum's face kuti vaone nyaya yacho seisina basa...........aaah imi, havangambozvinzwisise zvinhu zvacho nekuti she is not a man. Iye Nyaradzo wacho akanga ave kuita avoid me zvinotobhohwa, dai aiziva kuti face yake ine imwe inner peace yainondipa so nekungoiona aindinzwira tsitsi.
I sat opposite her padinner table and she hardly lifted up her head. Ndakatomboda kutevera kukitchen time yatakapedza kudya but mashoko akanga ambotaurwa naamai vangu earlier akandidzikamisa.
Hope dzakanonoka kubata that night....... I just could not stop thinking about her....... I could not stop imagining her sharing the same bed with me akaisa musoro wake pachest pangu. I have never felt like this towards a woman before. If only she was not related to Lydia! Ndakaita sigh so ndokubva ndataura ndega ndichiti, "the pains of forbidden passions!"
Dzakatomboenda kure chaiko pfungwa dzangu zvekutosvika pakugaya kungotiza naye toenda kunoita relocate somewhere. Munouziva moyo zvaunoita imi kana wada chawada! Uyu mwana uyu ndiri kutombofanirwa kumuwanira nguva tiri pedu tega ndinyatsomuudza zviri muhana yangu. Ndainyatsonzwa kuda kutaura naye ndiri mugumbezi..........ndakazvituka munoziva when I realized that I didn't have her number.
Ndakazoita decide kutsvaga hope nekuona movie paYouTube paphone chaipo only to be distubed necall yaJackie....... I picked up the call, we exchanged greetings ndokubva azoti,
Jacqueline : Ko imimi maakuda kuitisa momz BP......... muri kuita sei kumba ikoko?
Nyaya yacho ndakabva ndatoiziva zvangu but ndakamuti,
Me : Ko hanzii futi?
Akatanga aseka zvake ndokubva azoti,
Jackie : Hanzi manga muchibata mwana tsano.......
Me : Eish, guys.......it's now sounding like I have been abusing her, ndangogezawo maoko angu ndiri closer to her chete.
Jacqueline : Hatidi munhu anoraurira mudish shamwari...... I think you always need to bear in mind kuti as beautiful and attractive as she is ihama yaLydia.
Mashoko iwayo akandibata, ndakangokasika hangu kuita brush her off ndichiti,
Me : Zvese zvamaa kutaura izvozvo sisi handitozvizive. She is just a helper in my eyes.
Akabva aseka zvakare achiti,
Jackie : So let me not put ideas in your mind.
Takazoonekana zvedu paya tese tichiseka.........aaah, inga iye munhukadzi ari kutoonawo kunaka nekubatana kwe a fellow lady, ini ndini ndonzi ifa nenyota makumbo ari mumvura manje? Hazviko zvakadaro!
Dzakasvika pakuzondiba hope ndichinyatsogaya kuti ndoita sei nemwana anonzi Nyaradzo uyu...........aba moyo wangu, I am helplessly in love apa already my family is showing kuti they will never accept that relationship. Munoziva munhu unotoita stress dzerudo usati watombodiwa.......haaaa ma1 angu guys!
Ndakapepuka very early the next morning and all I was thinking about is her.......unongonzwa munhu wave kusekerera wega so uchiita picture face yemunhu in your eyes. Ndakanga ndiri mukufunga kuti ndinganyatsowane enough time with her sei pakapinda call yaLydia. I gave her a piece of my mind ndokubva ndatodroppa call yacho and blocked her.
Whilst I was still holding my phone ndakaona mamessages mugroup reSanyika Boys muri kutorongwa weekend outing, ndakatobva ndapindawo mumood yekumbonofurwa nemhepo. What I know is that my brothers are doing all this for me.
Ndakatozobuda mumablankets tapedza kuronga, I bathed ndokubva ndazoenda kukitchen, nzara chaiyo ndiyo yandakanga ndave nayo. Momz was busy preparing breakfast pandakapindamo, takamutsana paya and she said to me,
Mum : Ndanga ndave kuda kuuya kuzokuknockera ndichishaya kuti warwara here kusvika nguva ino usati wabuda.
Ndakatongoseka hangu ndokubva ndati,
Me : You seem to be alone here, ndokubatsirai chii?
Her : Haaa, ndatopedza ini........it's just the two of us here so if you don't mind togona kungodyira muno.
Ndakamboda kuvabvunza kwakanga kwaenda Nyaradzo but mubvuno wacho wakagumira parurimi. Takagara zvedu pasi tave kudya. Halfway through our meal she looked at me ndokubva vandibvunza kuti,
Mum : Saka naLydia muri kumbotaura here mese?
I swallowed the food that was in my mouth ndokubva ndati,
Me : Handisisina chekutaura naye ini........zvakatopera paakaenda kumba kwavo.
Mum : Marriage chaiyo haipere maperero akadaro mwanangu. I will understand chero ukati wave kuda kuita move on but zvako naLydia zvinofanirwa kutanga zvajekeswa kuti mhuri dzese dzizive pamumire.
Me : Handiti tete vacho vakasiya vati vachadzoka naye? Tozotangira pavanouya pacho ipapo..........but my life will not stop nekuti kune munhu anonzi Lydia.
She just let out a sigh ndokubva vangoti,
Mum : Hamheno.........ini semubereki regai ndingotarisa ndione kuti zvinoguma sei!
Me : Musaite stress nemunhu asina basa mhamha, ini muhupenyu hwangu atongofanana nemunhu akafa.
She just shook her head and iniwo ndakabva ndakasika kuchinja nyaya ndave kutotaura dzekubasa.
LYDIA
Ndakanoknockera mhamha mubedroom mavo chaimo kuseni ikoko after ndacuttirwa phone naGerald. I narrated everything to her ndokubva vati,
Mum : Ndizvoka zvandaitaura kuti hapasi kuda kuti munhu uvarairwe. Itogadzirira izvozvi tiende kwaMachipisa uko kunozara. Usapfeke trouse!
Ndakabva pavari ndichitonzunzutira chaiko. Ndakaita a quick shower kwave kupfeka a very long dress, ndakatozomirira ivo mhamha vasati vapedza.
Dzimwe nzvimbo ndinoshaya kuti amai vangu vakadziziva sei. Pakange pakazara sure sekureva kwavakanga vamboita. Takatozobatsirwa around midday chaiko and mbuya ivavo pandakavaudza nyaya yangu vakangotaura yemaunderwear sekutaura kwakanga kwamboita mhamha. Ndakairova mota sebenzi tave kubva pambuya vaya ndokubva ndanosiya mhamha kumba kwave kutonanga kuapartment kunotsvaga underwear yaGerald. Ndaitoda kuti titodzokera kwambuya that very day zvirare zvichibikwa.
Ndakanamata kuti ndiwane asipo nguva yandakange ndichidzika mota........makeys ndakanga ndakatobata mumaoko chaimo but ndakapererwa chaiko makeys aya aramba kuvhura door........paitonyatsoonekwa kuti pakaiswa malocks manew one. Unombopusa munhu mufunge wakamira uchishaya kuti woita sei. Dai ndakanga ndiine simba chokwadi mainzwa kuti ndakapaza imba.
Ndakazobvapo ndichingoridza tsamwa, ndakanoipira amai vangu ndasvika kumba and she said,
Mum : That is very wrong.........ari kuvharira zvinhu zvako mumba imomo anoda kuzvishandisei? Vana vevaroyi vanonetsa! Haazive here kuti hauna ukama naye. Izvozvi taura natete vako vataure naye kuvhurwe kumba ikoko. Zvinhu hazvisi kuda kunonokerwa izvi!
Ndakanyatsotanga kuona kuti zvinhu zvacho hazvina kureruka zvachose........ndakavaphonera hangu tete amai Kudzai nekuda kwedesperation chaiyo. I told her kuti kuapartment kwakanga kwachinjwa malocks and ndine zvinhu zvandiri kuda ikoko. Vakangotura befu ndokubva vati,
Tete : Saka nyaya yako iri pakuti waakuda kudzokera kumba kwako here nditaurire vanhu vekwaSanyika tizive kuti vanenge vari free riinhi, remember kune nyaya dzakasara dziri hanging uko.
Ndakanzwa kamudumbu kusunga so ndokubva ndati,
Me : Handisati ndave ready for that tete, ndiri kungoda zvinhu zviri kumba kwedu chete. KwaSanyika tichaenda hedu pamberi apo.
Tete : Hooo, haaa panyaya idzodzo handikwani mwana wehanzvadzi, taura nemurume wako.........handiti mumba ndemenyu mese here?
Ndakaramba ndakanyarara ndichishaya kuti ndozvifambisa sei chaizvo.........vakabva vataura again vachiti,
Tete : Chandiri kungoda kukuudza Lydia ndechekuti uri kutamba nemarriage yako uri kwamai vako ikoko. Enda unoudza vanhu vekwaSanyika chokwadi chakaitika pamwana wavo uzive paumire chaipo.
Vanofunga kuti zviri nyore here amai ava? KwanaGerald ndichaenda kana ndagadzirisa zvinhu zvangu zvinoita kuti Gerald asafunge nenjere asi nemubhurugwa paanondiona!
❤️
👍
🙏
😮
😂
😢
187