Maybe Novels
February 23, 2025 at 07:45 PM
*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716716574 Colossians | Vakorose English 1:16 For by him all things were created: things in heaven and on earth, visible and invisible, whether thrones or powers or rulers or authorities; all things were created by him and for him. Chapter 14 *Tanaka.* "Kudzoka kupi?"akabvunza zvakare Royen achiratidza kuti zvese zvandaitotaura haasi kutozvinzwisisa."Kuno ka,"ndakadairawo akati,"kuno? kuzoitei?" "Nhaiwe Royen, kuzogara zve, handiti kuno ndiko kwatinogara here?"ndakadaro zvakaita kuti aite nguva akanyarara akanditarisa.Ndakabva ndamuti,"chii?"ndaona munhu asiri kutaura anything."Pane zvandiri kuda kukubvunza, i think ndikatangira ipapo tinogona kunzwanana zvakanaka,"akadaro and I nodded achibva ati,"pamba pano ndepani?like mumba muno matiri, I'm sure zvandiri kubvunza izvi takambotaura nezvavo." "Lucky, wakati ndepa Lucky,"ndakadaira achibva ati,"good, zvichireva kuti ini handina imba ka?" "Yes, but hanti unogara pano here,"ndakadaro akati,"true, ndogara pano, but hapasi pangu worse nemukadzi pamusoro.Torara pai nhai Tanaka?toti Lucky iwewe chirara pasofa mumba mako ini nemukadzi wangu tirare mubedroom mako?" Ndakaramba ndakanyarara ndava kuchinyatsobatanidza nyaya dzacho kwava kuona kuti zvepanguva iyoyo sure zvaiva zvisina kumira zvakanaka. "Ngatiite tichidairana babe, handisi kuda kuita kunge ndiri kutaura ndega or ndiri kutaura zvinhu zvisirizvo,"akadaro aona ndaramba ndakanyarara ndikatura mafemo ndokuti,"ndazvinzwa, saka ndichagara ikoko kusvika rinhi?" "Handizivi hangu ndicho chokwadi, probably kusvika baby atovapo.I have to make sure kuti ndava kukwanisa kumira ndiri ndega first.Kutaura chokwadi kubasa kwangu mari iriko haikwani, that's why uchiona ndichiita tumabasa hobho hobho, kunenge kuri kuzama kuti zvibatane.So pane mamwe mazuva zvinomboita, pamwe pacho zvinorema.Apa zvaindiitira nyore nekuti ndanga ndisina rent, mari yandaingobudisa yaiva yefood yangu chete.Imwe yacho ndaitumira kumusha kuti kuvakwewo pekugara pari nani, then imwe yacho ndiyo yandaiti wo iwewe paya.So for now, kune pekugara pandinototi pangu kumusha, and kuri nani pakuti zvinhu zvakaita kunge hupfu nemuriwo hatitengi, pane kandima kariko kanotiwanisa zvekuti tidye." Ndakatanga kuona ndatova munhu wekumusha full time.Matauriro ake anenge aiva ekunditengesera idea yekuti ndione kunge paiva pasina chakaipa pakugara kumusha.Misodzi yakazara mumaziso ndikati,"ko saka zvekuchikoro ndinenge ndava kuita sei?" "Kuchikoro kupi?"akabvunza ndikatanga kutochema ndoti,"handiti inini ndakakuudza kuti ndinoda kuzopedzisa chikoro here?"He laughed ndokuti,"aaah babie?zvekuchikoro zvekumberi uko here?paunozoda kuenda kuchikoro I'm sure zvinhu zvinenge zvatoita.Trust me, ndichazama nepese pandinogona kuti zviite.Chandiri kukumbirawo is kunzwisisa kwako and your patience, you know kuti zvinhu izvi zvauya ndisina kutarisira so I can't perform miracles.Can you please work with me here?" Ndakapukuta tumisodzi twaiyerera and nodded ndatoona kuti I was being unreasonable for sure.He was trying, and there i was, realising kuti ndaiva ndakurumidza kumedza kutsenga ndichada."Thank you,"akadaro and kissed my forehead kwava kuti,"rega ndikuisira mvura yekugeza, I'm sure Lucky is almost done now." Akaburuka pabed kwava kubuda ini misodzi kwava kusara ichiyerera.Kusazotiziva kuti zvinhu zvacho zvaizondifambira negwara randaida chairo here ndiko kwandaichema."Knock knock,"ndakanzwa Lucky odaro ari padoor and I swallowed ndokupukuta misodzi nekuti,"pindai." Akapinda ndokunditi,"Mamukasei?"I sniffed ndokuti,"ndamuka hangu, mamukawo sei." "Ndamuka,"he said achinditarisa ndichibva ndatsikitsira kuti asaone misodzi yaingoramba ichiyerera."But imbondiudzai kuti zvinombonyatsofamba sei nhai?"he said zvakaita kuti ndimutarise akati,"you are so beautiful, uri kuchema and instead yekuti ushate sezvinoita vamwe wabva wawedzera kunaka, unozviita sei?"Aitaura achitora hembe muwardrobe and I wasn't expecting that so I chucked ndokuti,"aaah?"ndopukuta misodzi nemaoko. "Serious ka, ndiri mushock izvezvi.Ndanga ndichida kutokunyararidza mushe mushe kuti haa ninez zvichaita mukomana anobatanidza batanidza but yoh, beauty yenyu amai yandivhiringa,"he said zvakazoita kuti ndigegedzere kuseka.To me I'm sure he was just trying to make me feel better ndikati,"torai zvamuri kuda mubude." "Ndakutodzingwa mumba mangu,life so ka?"he said ndikati,"handiti makatikweretesa here?" "Horaiti kwacho, anyway musanyanya kuzvinetsa stereki, zvese zvichaita bhoo.Inini ndichazokubatai hangu tombonyatsokurukura sevanhu vasina kumbowana mukana iwowo.Mukatamba neni mushe munogona kuita lucky sezita rangu,"he said zvakaita kuti ndinyatsomutarisa akati,"chiregai zvekuchema, munopa mpfana wangu stress."I sighed ndofunga Royen then nodded ndikanzi,"good girl,"munhu ava kubuda. Royen akazodzokawo and he helped me kugadzira bed.Ndaiva ndoda kutsvaira paakabva ati,"enda unogeza mvura yako yaita, ndosara ndichitsvaira." Ndakabuda kunogeza ndikadzoka munhu atopedza zvemumba atova mukakitchen kavo.Lucky aiva akagarawo pasofa achiverenga mazimari.Ndakaenda mubedroom changed kwava kuzodzoka kwaiva nevamwe food yatogadzirwa.Ndakasara ndodya naLucky uyo akabva andipa mari twenty dollars achiti,"ndeyenyu iyi, ye just in case, haiudzwe baba."I was in need ndisinawo saka ndakaitora kwava kuti,"maita basa." Paaiva obuda akabva apa Royen imwe ndichiona akati,"wozosiira wo mainini kwamuri kuenda uko kuti vagobatsirikana."Akatenda Royen zvakaita kuti ndizenge ndangotarisa pasi iye Lucky achingoti,"pachedu kani, uri wangu iwewe."Ndiye akatanga kubuda achienda isu kwava kuzosara tobudawo kuenda kuBanket.Ndakatadza kuchengeta mari iya ndisina kumuudza saka ndakamuudza sekutaurwa kwazvaiva zvaitwa naLucky wacho.He laughed ndokuti,"ibenzi hake pane zvimwe zvinhu Lucky but naturally he is a good guy.Senge pakupa apa haa anotambanudza, I owe him zvekutodaro muface uya uya." Akanga otoita nyaya dzaLucky uku ini reality yochinyatsosinker in kuti ndaiva ndotobuda muHarare.Royen wacho aitoratidza kuva excited achindiudza nzvimbo kuti apa tava pakati. Takanosvika ko kuma one dzemasikati apa kuchipisa zvako.Yakabuda muroad mota ikadarika munenge mutown macho ichingodzika neroad.Ndakatanga kuona dzimba dzemahuswa kwava kuziva kuti zvaiva zvatoshata.Takanopinda pamba paiva nefence, dzimba 3, one kitchen ine huswa, one yaiva bedroom like yakamira yega, then imwe yacho yaiva netwo rooms dzakabatana.Dzimba dzacho dzairatidza kuti dzichangovakwa dzakatoplastwa zvakanaka. Padzimba dzese dzataiva taona muroad ipapo paionekera fani.Chivanze chaiva chakatsvairwa zvakanaka uye paine maruva aitenderedza dzimba airatidza kuti atodiridzwa musi iwoyo. Pakaparker mota kuseri kwemba hombe kwakabuda mama vandakangoziva kuti ndivo mai vaRoyen nekufanana.Vaiva vatsvuku zvichiratidza kuti ndiko kwaaiva atora paint."Ndiani wauinaye nhaiwe mwana waNoble, wandivigira muroora here nditotange zvangu kudzana,"vakadaro vachifamba vachiuya kwataiva tiri. End of Chapter
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 345

Comments