Maybe Novels
February 24, 2025 at 03:12 PM
*Follow our Channel for more*
https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p
*STARLIGHT*
Maybe Novels
0716962865
Colossians | Vakorose
English
1:17 He is before all things, and in him all things hold together.
Chapter 15
*Tanaka*
Ndakatarisa Royen aiva andivhurira door remota achindibatsira kuburuka uyo akaseka ndokuti,"ndiko kutambira vaenzi here ikoko nhai mai Royen?"
"Ndiri kuda kuziva ka kuti ndotambira sei,handiti vaenzi vanotambirwa zvakasiyana siyana zvichienderana nekuti ndiani?"she said vava padhuze Royen uya kwava kuti,"vaenzi vanongotambirwa amai, zvirisei?"Aitaura ava kuvambundira sezvo vanga vasvika patiri ini ndaburukawo mumota.
"Ndiribho ini, titambire,"vakadaro hugging him back achibva ati,"tambirai henyu."Vakasiyana mama vaya kwava kuuya wo pandiri vakavhura maoko vakati,"handisi kuziva hangu kuti ndimi ani asi titambire, musazoti taita rusarura ganda."
We laughed ndichivahuggawo Royen kwava kuti,"saka muri kuti mukadzi wangu mutema here nhaimi ambuya imi?"Ndakawedzera kuseka nekuti ndaiva ndisina kana kumbozvifunga mama kwava kuti,"ndiwe wakutodaro."
Vakandisiya vava kutora kabag kangu votitungamira kuenda muimwe yeroom pa two dziya dzaiva dzakabatana."Gogoi,"ndakadaro ndopinda padoor vakati,"pindai pindai henyu vasikana, sunungukai."
Ndakaona kuti ndimo maiva musitting plus kitchen mavo, maiva nemasofa maviri mahombe then rimwe side riine kitchen unit yavaiva vakarongedza zvakanaka.Maiva makachena floor ichipenya muine kamhepo kaitonhorera.Maiva neradio yaiva kucorner yairidzwa radio Zimbabwe zviri pasi pasi."Garai henyu,"vakadaro isu kwava kugara pasofa rimwe chete naRoyen ivo vachibva vagara pane rimwe racho.
"Makadii mama?"Royen akadaro achiombera vakaombera wo vachiti,"ndiripo hangu baba vangu, makadiiwo?"
"Ndiri right ini, kurisei kuno?"akadaro akanzi,"aiwa tiri nani isu, hameno imi kumabasa kwenyu uko."
"Haa ndizvozvo,"he said and achingonyarara ndakabva ndatiwo,"makadii mama?"
"Ndiripo hangu mwanangu wakadiiwo?"vakadaira vachisekerera ndikatiwo,"ndiripo hangu."
"Right, anonzi Tanaka uyu, ndakazongoita musikanzwa paya ndiri kuHarare kwava kuvhiringa mwana wevaridzi.Saka akatouya kumba nezuro then nhasi tikati regai tibve tangouya kuno,"akadaro ini kwava kutsikitsira manje ndomirira kunzwa reaction yavo.Kahana kaiva korova kutya zvaiuya ndikanzwa voti,"kumuvhiringa how?asi wakamitisa?"
"Mama, ko kungoti ndakavhiringa sekutaura kwandaita zvakaipei?kumitisa ndiko kuita sei manje?"akadaro mama vaye ndokuseka chikwee vachiti,"nepawaiti, hee zvekuroora kwangu chitimbokanganwai zvenyu, ndichada kutanga ndazodai, ndozodai, zvakazodii?"
Haana kudaira ndikanzwa vasimuka mama kwava kutamba kuimba zvavo vachitamba,"zvaringana, kurangarirwa naJesu, zvaringanawe, kurangarirwa naJesu."Royen chuckled kwava kudzunguza musoro mama voridza kamhururu kavo vachitenderera tenderera.Vakazogara pasi ndokuti,"aiwa tafara mauya amai, ndokutambirai nemufaro, munoyerei?"
"Shumba,"ndakadaira vakati,"aiwa sunungukai henyu masibanda, pamba ndepenyu."
Ndakatura mafemo ndotiwo,"maita basa mama."
Royen akabva atotumwa kubata huku ipapo ivo vava kundiudza about imba yedu vachiti,"iyo iri koko ndiyo bedroom yenyu masibanda, ichangopera kugadzirwa zvayo.Midziyo ndiyo ichada hayo kuchinjwa pamwe nekuwedzerwa basi asi imba yakanaka zvayo."
Ndakanosiiwa padoor ndava kupinda mukati umo maiva makanaka wo sure.Maiva makachena asi muine bed chete.Bed yacho yaiva yemaspring iya yekuti yaikwira nekudzika apa ichiita noise futi.I sighed ndichirara nemanhede asking myself kuti ndaizopabuda here pandaiva ndazvipinza apa.
Mama naRoyen ndaivanzwa panze vachiudzana huku yekubata mama vava kuvesa moto kuside kwaiva neimba yemahuswa yaiva iyo kitchen yekubikira.Pandakabuda vakati,"mazuvano tobikira hedu panze, kazhinji kana konaya ndipo patinopinda mumba.Munobhohwera hutsi ndosaka ndichimutiza."
Wakaveswa moto huku yatochekwa ndikada kuti,"ndoundurira pai?"ndikanzi, "siya aundure iyeyu aicheka."Ndakabva ndatogara pabench raiva rakaiswa muberere remba kwava kuvigirwa chimodho nedrink zvandakadya tichitaura nyaya.
Vakabika vega mama tikadya hedu ndoudzwa dzimwe nyaya dzaiita Royen achiri mudiki.Takazonorara taneta nekutandara and the next day ndakamuka kuda kuita basa kwava kunzi,"haiwa muchizvinetsereiko, zororai."Ndakatozoita kumanikidzira kugadzira breakfast ndatoona kuti ndikasadaro hapana chandaiita.
She was really friendly zvekuti hazvina kumbonditorera nguva kuita warm up to her ndotovaudzawo nyaya dzekwandaiva ndabva.Ndakazotanga kuchema paiva poenda Royen ini ndava kusara.Yaingobuda yega misodzi ndikanyengetedzwa nekunzi,"ndinenge ndichiuya every weekend babe, Friday ndotorara ndava kuno then ndichauya nehembe dzekuti ndongobva kuno Monday makuseni ndichienda kubasa."
Mama wo nekune rimwe divi vakasara vachindinyengetedza ndonzi,"akashanda akashanda anotozokutora mogara mese kuHarare ikoko.Zvinenge zvakangonaka kuti vanhu mugare pamwe chete."
Ndakazonyarara ndaona kuti ndakutovashungurudza and musi iwoyo kurara ndega ndakatya ndikanovanokera kubedroom kwavo.She laughed ndokuti,"masibanda ka, huya hako tirare unozoenda kwenyu kana murume wako aripo."
Zuva raitevera makuseni ndipo pandakabatidza phone yangu kwava kuona mamessages amama.Zvairatidza kuti mari yaiva yasvika nekuti yekupedzisira yacho yaiva yakanzi,"asi Tanaka ka?saka watova kumurume so?"Ekutanga ndiwo aiva ekunditsvaga saka ndakazongopindura yekupedzisira kuti,"Sorryi mama."
Ndakabva ndatofonerwa ipapo ndokumboudzwa mashoko zvekuti handina kana anything chandakataura.Mama mai Royen vaivapo vakazenge vondiita cheer up vachiti,"mubereki anotombobatikana chaizvo nenyaya idzi asi zvinozoita nani hazvo nekufamba kwenguva."
Taiswera tiri two hedu ndichiendwa neni kunoratidzwa vanhu nekuratidzwa mombe yaRoyen nemhuru yayo kwaibva mukaka wataishandisa kumba.Yaichengetwa kunext sezvo yaiva iri one zvisingaite kuti igare yega and futi yanga isina anofudza.
Weekend akauya Royen and I was so happy zvekuti yakapera ndichingoyema chete.Iyewo aiva auya netunonaka twekuti ndidye akasiya ati,"ndaita madhiri ekuti pauyewo bed iri nani.Pane muface wangu anogadzira ari muChinhoyi umu saka ati inouya Wednesday or Thursday achibva atora iyi iripo iyi.Then kumberi uko ndichazoitawo chest of drawers yekuti tikwanise kurongedzera wo hembe."
Akapedza weekend yese aripo kwava kuzoenda hake kubasa Monday makuseni.Ini ipapo phone yangu ndipo payaitombochargiswawo zvisvinu nekuti ndiye aienda nayo kucharger kwacho.Kasolar kamama kaiisa moto mushoma mune yangu, yavo ndiyo yaizara sezvo kaiva kari kambudzi.
Paakaenda yaiva yakazara moto zvekuti ndakakwanisa kupindura mamessages aNicole andaiva ndava nenguva ndisingavhure.Ndakatanga ndatura mafemo kwava kuzoti,"Sorry shamwari, zvinhu zvacho zvanga zvisina kunyatsomira zvakanaka."
Akabva atofona ipapo kwava kuti,"nhaiwe?ko hanzi wakatizira?"Ndakaseka ndokuti,"long story mai mwana,"iye kwava kuti,""Hiii usadaro Tanaka, long story yekutadza kuudzawo sahwira wako sure?apa ndaitokufunga sei?musi uno ndakakwira mota yasoulmate wangu ka kubva muWaterfalls kupinda mutown, kuda kuti bhururu ndodii bhururu angabatika?"
End of Chapter
♦️ *Please Note* ♦️
*STARLIGHT 2* is going to be onsale.
As usual, tichatanga nemaPromo edu.
Promo iri kupera panouya Final Chapter yeSeason 1.
*Promo 1*
Subscribe with $1.50 only to be added musub group.
Ecocash/inbucks US: $1.50
Ecocash Zig :75 zig
USD Airtime buddie :$2
Airtime Zig :85
*Promo 2*
Buy one and get one for free.
Buy *STARLIGHT* with $2 and get one free book of your choice.
Ecocash US/inbucks : $2
Ecocash Zig :100
Airtime Buddie/Netone: $3
Airtime Zig:120
Ecocash /inbucks number: 0773072702 M. Mutonga
To those in SA, R50 for two books , Avon account, 115463032 M. Mutonga.
R35 1 for you voucher or OTT Voucher.
After subscribing, please send your proof of payment or confirmation panumber idzi, 0716716574 /0778262016
Regai ndidzokorodze, sendai panumber dzinoti, 0716716574 /0778262016.
*Please send to only one number between the two*
Hurry up and secure your seat 😉🔥
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
267