Maybe Novels
February 26, 2025 at 08:38 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716962865 Colossians | Vakorose English 1:19 For God was pleased to have all his fullness dwell in him.20 and through him to reconcile to himself all things, whether things on earth or things in heaven, by making peace through his blood, shed on the cross. Chapter 17 *Tanaka* Ndakamedza mate ndichinzwa kahana kangu kurova.Kudaira kwakaramba kwava kubva ndaramba ndakanyarara ndichiedza kufunga kuti ndoti kudii.Ndaiva ndisisiri hangu mwana mudiki wekutadza kuona kuti zvinhu zvacho zvaiva zvisina kakujeka mukati.Kubva pandaiva ndaudzwa nezvekunaka kwangu pamwe nekupiwa mari moyo wangu waiva waona kusajeka kwekuita kwake.Handizivi kuti zvaiva zvakonzerwa nezvandaiva ndaudzwa namai Mufundisi pamusoro pake here kana kuti kwaingovawo kuona kwangu. "Tanaka?"akadaro anzwa pasina mhinduro iri kuuya and I sighed ndokuti,"uri kudei?"He laughed ndokuti,"ndokuudza zvandiri kuda ndakuona, however ziva kuti zvandiri kuda zvinobenefiter tese.Zvine madreams anogona kuzadziswa munhu wese akafara." "Royen ari kuzviziva here kuti uri kuda kundiona?"ndakamudaro akati,"haasi kuzviziva, unozongomuudza ka iwewe sekumuudza kwawakaita nezvemari iya yandakakupa.Inini handina chaRoyen chandjinacho saka kumuudza kana kusamuudza zvakafanana." "Ndiri kurwara ini ndinenge ndakarara,"ndakamudaro nekuti as much as I wanted kunomuona nekunzwa nyaya yake umwe moyo waindiudza kuti it was wrong. "Saka better, ndichasvika pamba ndichiona murwere, bye,"akadaro nekutokata phone ndichibva ndasara ndava kungoboira boira tuziso murima imomo.Kuzoti asvike pamba manje achitsvaga murwere aiva asiri kuzivikanwa ndakaona zvisiri kuita.Worse nenyaya dzake I felt like ndinenge ndaita disrespect mama saka ndakabva ndamubeeper.Akabva afona ipapo achiti,"watii?" "Unosvika nguvai phone yangu inonetsa and kuti usvike kumba hazviite,"ndakamudaro akati,"Ndosvika late afternoon, make sure by 2 wava kubatika, if not ndiri kusvika kumba." "Ko drama nderei rauri kuda kuita iri?"ndakamubvunza ndaona kuti ari kutoita sekuti ndiri kufanira kumuona whether I like it or not."Haaa nguva yareba ndichingoverengera sha saka handichadi, sorry hako kana ndiri kuita sendiri kuwanza pressure but nditoriwo pama1." "Haiwawo, usaite sezvinonzi I owe you something ka,"ndakadaro and he laughed ndokuti,"Okay, sorry Tanaka, tobatana mangwana."Ndakaridza tsamwa ndichikata phone ndochitanga kuzvibvunza why I had agreed to see him.Ndakatoita nguva ndakagara kudaro kusvika ndazokurirwa nehope kwava kurara.Makuseni ndakamuka ndoita zvandaiita zvandaikwanisa wo semunhu anga ava nekadumbu mama vaisada kuti ndiite basa rinorema.Tapedza ivo vakambobuda vakazodzoka havo toita zvebreakfast. Padzaiva dzonanira nguva dziya kuti dzisvike kuma 2 ndakatanga kusagadzikana.Half one I decided kuoneka ndichiti,"ndichambofamba hangu kusvika pamashops apa mama ndimbotenga kadrink." "Horaiti, nhasi mofamba mega, ndine vaenzi vandakamirira vari kuuya kuzondiona,"she said ndikati, "Okay haa ndodzoka manje manje." Ndakabuda kwava kutanga hangu kunanaira ndichienda kuroad kwedu.Phone ndakazobatidza ndatoti fambei zvangu kwava kumirira call yaLucky.Yakazopinda ndatova padhuze nemashops ndichinzi, "ndasvika, ndati kurumidzei zvangu." "Ndatosvikawo,"ndakadaro akati,"makarongeka amai mwana." Ndakaona akandimirira pandaibuda napo chaipo achibva avhura maoko for a hug.Ndakagumbata angu zvekuti handidi zviya achibva angondimbundira zvakadaro.He moved back kwava kunditarisa from kumusoro kusvika kuzasi ndokuti,"wow, kufitwa nenhumbu kudaro?" "Watotanga,"ndakamudaro and he laughed ndokuti, "haa iwewe wakandinakira hangu ndicho chokwadi, your face looks different but kunaka wakangonaka." "Ndizvo zvawanga uchida kuona izvozvo?"ndakadaro achibva ati,"Yes, ndaitadza kurara nekukufunga ndichimbozvishingisa kuti siyana nazvo but ndakakundikana.Let's go kuseri uko pane ka good spot kanogarika zvakanaka timbotaura." Takatanga kufamba kuenda kuya oti,"so how have you been nhaiwe?kurisei kuno?" "Kuribho,"ndakadaro akati,"great, munoswera muchiitei kuno kwakanyarara kudai?" "Hapana zvedu, kungogara,"ndakapindura akati,"inga henyu."Takaenda panzvimbo yaaitaura paibikwa food ndokubva atungamira kuenda kunogara kucorner corner.Takagara ikoko ordered food iyo yandainyatsonzwa kuda ikauya mumukanwa matozara mate.Lucky ainyatsonditarisa ndichidya but handina kuita basa nazvo kusvika ndapedza.Iye akabva andipushirawo chake chaanga asina kunyatsodya ndikadzungudza musoro. "Waguta?"akabvunza ndikati,"ehe, maita basa." "Okay, rega ndivati varongedze wozonodyira kumba,"he said then sighed leaning back."Wakanaka,"akadaro ndisina kana kuzvitarisira zvakaita kuti ndimutarise achibva ati,"I know it's weird considering nyaya yekuti uri mukadzi wabhururu wangu and une nhumbu but ndiri kutadza kuzvicontrolla sha.The first time I saw you hana yangu yakarova and I couldn't believe it nekuti nguva yanga yareba ndisina kumbonzwa zvakadaro.What made it worse inyaya yekuti why pamunhu wasahwira wangu, why not umwe munhu?Ndakafunga kuti zvichapera but zvakaramba zvichiita worse, pese pandaikuona or kunzwa nezvako ndainzwa kuti there is something in me that craves for your attention." Ndakatoona kuti ndaiva ndiri kutopfimbwa kwava kushama muromo uku ndichivhurisa maziso ndakamutarisa."Ndiri player inini Tanaka handidi kukunyepera kana kunzvenga, mababe ndomada iwo achindidawo but when it comes to you it's different. I feel more than kungoti I wanna taste that woman, ndinenge ndichitoda zvekutongova newe even pasina anything intimate." "Lucky, ndiri mukadzi weshamwari yako,"ndakazokwanisa kudaro akati,"I know, and I think ndatombozvitaurawo.Kunyarara kwandanga ndakaita pese apa hakusi kuti ndanga ndisingafungi nezvako.Ndaikufunga everyday but ndaitozama kurespecta iyoyo fact yekuti uri mukadzi weshamwari yangu, but manje ndiri kukuda saka ndauya kuzokuudza." Ndakazongoti tuzu paya ndoshaya zvimwe zvekutaura nekuti aitoratidza kuti haasi kudzora tsvimbo. Apa the way he was serious ndakashaya kuti zvivindi zvacho aiva ari kuzvihodha kupi. "Wazvinzwa?"akandidaro ndikamedza mate ndokuti,"ini manje ndoda Royen." "I know, and kana iye wacho ndotozivawo kuti anokuda saka I'm not going to say anything negative about your relationship. Chandangouya kuzotaura kuti ndinokuda and I'm willing kuita zvese zvaunoda kuti undipewo chance." "I can't believe kuti you want me to cheat on my husband with you, his friend,"ndakadaro akati,"No, Not cheat, I want you to leave him for me.Inini hangu handiite zvekusheya so hapana anenge achiita cheat on anyone.In return, I will make sure kuti wawana chese chaunoda, I mean paunongoti yes chete tinobva tatotanga kuapplyer kuti uende kuchikoro." End of Chapter ♦️ *Please Note* ♦️ *STARLIGHT 2* is going to be onsale. As usual, tichatanga nemaPromo edu. Promo iri kupera panouya Final Chapter yeSeason 1. *Promo 1* Subscribe with $1.50 only to be added musub group. Ecocash/inbucks US: $1.50 Ecocash Zig :75 zig USD Airtime buddie :$2 Airtime Zig :85 *Promo 2* Buy one and get one for free. Buy *STARLIGHT* with $2 and get one free book of your choice. Ecocash US/inbucks : $2 Ecocash Zig :100 Airtime Buddie/Netone: $3 Airtime Zig:120 Ecocash /inbucks number: 0773072702 M. Mutonga To those in SA, R50 for two books , Avon account, 115463032 M. Mutonga. R35 1 for you voucher or OTT Voucher. After subscribing, please send your proof of payment or confirmation panumber idzi, 0716716574 /0778262016 Regai ndidzokorodze, sendai panumber dzinoti, 0716716574 /0778262016. *Please send to only one number between the two* Hurry up and secure your seat 😉🔥
❤️ 👍 😂 🙏 😮 😢 386

Comments