Maybe Novels
February 27, 2025 at 04:22 AM
*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716716574 Colossians | Vakorose English 1:20 and through him to reconcile to himself all things, whether things on earth or things in heaven, by making peace through his blood, shed on the cross. Chapter 18 *Tanaka* Ndakaramba ndakamutarisa ndichiti pamwe achati ndiri kutamba but akaramba akarova serious.Akatotora mvura yaiva paside pake kwava kumwa ndokuti,"I was thinking kuti mwana anosara nagogo vake, I'm sure vese naRoyen vanogara naye zvakanaka kutodarika iwe." Ndakazoseka paakadaro kwava kumuti,"iwewe unotopenga chete, ndisiye mwana wangu manje nekuda kwako?Uri kutoona zvauri kutaura zviine musoro?kuti vamwe vanhu vanotozogona kugara nemwana wangu zvakanaka kudarika ini mai vake?" "You won't be leaving him or her forever zve, kana wapedza zvechikoro wozodzoka uchitangira paunenge wakasiira.Hona ka Tanaka, zvese izvi zviri kubenefitor iwe,kuti uende kuchikoro focus yese iri pane zvaunenge uchiita.It's been long usingaite zvemabooks izvi so obviously zvinenge zvichiti remei and nemwana paside plus murume futi, trust me it won't be that easy.Ehe Royen anogona kukuendesa kuchikoro but it won't be anytime soon, achada kuroora and he is still building his life from scratch. Yes kuda anenge achitoda but he can't, zvinomuremera ,so ndipo pandiri kupinda manje inini ipapo." "Handidi Lucky, ndiri kuda kutoudza Royen kuti ndizvo zvawanga uchitaura,"ndakamudaro akati,"agondiitei seanoroya?unenge watobyzira imimi nekuti anogona kuita tuhasha tusina basa oti ava kubva pamba pangu kunotsvaga pake pekugara. Ne $120 yaanowana kukabasa shungu kake anoitei?I'm sure uri kuzviziva kuti mapiece jobs haasi kubatika futi mazuvano saka anenge atova pama1.So it's up to you, ini I won't lose anything and I won't even deny it futi nekuti handisi kunyepa.Ndiri kukuda and I wanna build a life with you." "Uri munhu akaita sei iwewe?"ndakabvunza still shocked nekuva kwake bold achiudza mukadzi weumwe wake kuti anomuda."Munhu anoziva zvaanoda and asingatyi kuzvitaura.Ukabvuma nyaya yangu Tanaka we aren't going to be intimate ipapo ipapo.Ndinokupa time yekuita adjust to everything maybe for a year before ndakupa kana kiss zvayo.Zvese izvi ndinenge ndichizviitira kuti uone seriousness yangu pauri.I know haundide but ndichaedza nepese pandinogona kuti undidewo.I'm going to better your life, I will rent for you and even give you your own car yekuti kufamba kukuitire easy.I'm willing kuita anything within my means kuti ndihwinewo moyo wako." Handina kuzomudaira ndakabva ndasimuka kutoenda akasimukawo achiti,"I know zvinovhundutsa and you are confused nezvimwewo zvakawanda wanda but imbofunga nezvazvo.Hupenyu hwako hwatiri kutaura nezvahwo uhwu and sometimes ukasaita maselfish decisions haumbofa wakararama zvaunoda."Ndakaramba ndichifamba kwava kubva ndabatwa ruoko ndokubatiswa $100 yakabatana kwava kunzi,"mozotengera mwana hembe, wakuenda tisiri kunyatsowirirana so zvimwe zvacho ndozokupa next time." Ndakada kutarisa 100 iya kwava kunyara kuti zvaigona kuzooneka kuti ndanga ndisina kujaira kuibata.Kuramba ndanga ndisiri kuzoramba hangu nekuti I needed it kuti nditowedzera hembe dzemwana dzaiva dzarehwa.Ndakafamba road yese pfungwa dzichipishana neconfusion yezvandaiva ndaudzwa naLucky.Aiva andipa offer yehupenyu hwandaida nekugara ndakarota.Ndaiva ndotoona ndichifamba nemota ndichienda kumba kwana mama kwaitoonekerawo. Ndakatura mafemo ndozvibvunza kuti ko chakanditadzisawo kuona Lucky first kwamai Mufundisi chii."Matomwa drink racho?"ndakavhundutswa nevoice ramama rakadaro ndikati,"ehe, nerenyu randanga ndatenga ndarimwa futi ndava kutosvika.Ndambozama kushingirira kusvika naro zvikaramba."Ndakanyepa. She laughed ndokuti,"ehoi vamwene, manga maita basa shuwa."Ndakazongosekawo kwava kupinda mumba mangu kunoviga mari yandakaisa pakati pehembe.Ndakagara muya ndakayeva madziro muphone kwava kupinda message from Lucky yaiva yakanzi,"ndakasvika kumba kwenyu pandakaenda nemari paya, and I think you deserve better than that.Ndipe chance uone zvandichakuitira."Ndakamedza mate situation yekumba kwedu ichiuya mupfungwa, Royen kuichinja chaiko anga asingakwanisi hake.Maziso angu akazara misodzi ndichifunga how I had failed pamaplans angu nekuda kwangu Royen kwandaiva ndaita. Zvairatidza kuti zvandaiva ndaona nekufunga pamusoro pake ndisati ndamuda zvanga zvisiri iye but Lucky.Mota yandaiva ndaona pakutanga chaipo ndikafarira chaiyo yaiva iri yaLucky. Ndakwidzira madzihwa ndokurara pabed ndonyatsochema nekuti the life yandairarama wasn't even close to the life yandaida.Chaibva charwadza kuti munhu aikwanisa kundipa life yandaida aiva azouya ndatova mune mamwe mapromises kare.To make it worse munhu wacho iyeye aiva shamwari yemunhu wandaiva ndava naye.Moyo wangu wakabanda zvekuti ndakachema kusvika pakuudza mama kuti ndaiva ndarwara.Ndaiva ndotovanzwira tsitsi vari padoor pangu vachiti,"saka ndokubikirai chii chamuri kunzwa kuda kudya?huyai zve murare kwangu uku kwandinenge ndichikuonai padhuze." Ndakaenda kumba kwavo kuya phone ndadzima ndikazotaura naRoyen pane yavo.He was so worried zvekuti aiva ototi,"ndinouya ndokuona mangwana babie, ndanonoka kuona message yamama." "Ndinoita bhoo iwe usazvinetse,"ndakamudaro akati,"unoita hako bhoo yacho ndakuona."Ndaiti pamwe aizosvika manheru ka mangwana acho but ndiye akatotimutsa kuma six makuseni asvika."Nhaiwe Royen?"ndakamudaro akati,"handina kurara hako babie, ndatomboda kubuda kuma 2 chaiko Lucky ndiye atozondidzora." Pandakanzwa kuti Lucky hana yakavhunduka sezvo anga ariiye honzeri yeurwere hwangu.Ndakazongomanikidzira kusekerera ndoti,"zvakakuomera, apa hona ndatopora." "Hazvina basa, as long ndakuona chete,"he said and paakaona kuti ndaiva ndava bhoo sure akabva atodzokera kubasa.Mama ndivo vakabva vati tiende kwadoctor just to be safe ndikanzi ndaiva right BP ndiyo yaiva yamboda zvayo kuti kwirei. Ndakazviudza kuti I was going to try kusafunga nezvaLucky but zvainetsa.Ndaiva ndotomuona as someone aizokwanisa kundisaver nekundipa hupenyu hwakanaka.Zviri zverudo hazvo moyo wangu waida Royen zvisina kana mubvunzo asi ane zvakawanda zvaanga asingakwanisi kundipa.I started weighing my options kuti kuri kunzi ndabvuma zvaLucky, chii exactly chandaiva ndiri kuzoloser?It was only Royen uyo wandaigona kuzodzokera kana zvangu zvaita.Mumusoro mangu ndaiva ndava kuona kunge Lucky aigona kuzongoita bridge rangu.Kundiendesa kuchikoro, ndodzidza then ndoshanda ndobva ndadzoka hangu kumhuri yangu.I was sure kuti kana ndava nechikoro changu zvese nebasa anenge asisina chekundibatira nacho. I sighed ndichiisa ruoko padumbu ndofunga mwana wangu kuti ndaizodii naye.Munhu wandaida kudealer naye anga atoratidza kuti panguva iyoyo inini ndini ndaiva pamaplans ake chete not mwana.He had a point hake but kuti nditi mwana wacho agare kumusha uku nekukurira ikoko futi ndanga ndisingade.KuHarare kune vangu mai ndaiona kutori worse so ndakabva ndaita stuck ndofunga kuti kuri kunzi ndada kutora offer yaLucky, mwana wangu aizodii? End of Chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 596

Comments