Mai Tanny Novels
February 19, 2025 at 07:35 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 15
*Monalisa*
Ndakanyatsodzikamira kuti ndinzwe every move that he was making and it was worth every minute. I felt like I was exploding kwave kupedza nekubva ndambundirwa. He held me tightly ndokuti," Ndinokuda Mona" and I giggled ndonyatsorara mumaoko ake hope dzehumambo chaidzo kukanganwa kuti ndiri mumba memuridzi. Chero gogo ndakambovakanganwa kwave kunyatsodzipfodora hope the whole night.
Ndakatozopepuka around three kwave kutanga ndambopamhiwa before sneaking back into my room. Smile yaive kugotsi ndichinyatsonzwa kuti life was good kwave kurara zve ndikazomutswa nagogo. Vaive votopopota vachiti," Usade hope kudaro muzukuru, uri munhukadzi iwewe. Munhu haatangirwe nezuva kumuka, apa ndipo pamunoda futi kuita zvetukomana. Kuri kumitiswa wotizira ipapa, ndizvo zvaunonoita kwavamwene?"
Ndakazoseka ndikati," Nhai gogo, ndiko kwazvave? Inga mazuva ese ndinongokasira kumuka wani, nhasi ndiye abva atoita kuti nditange kuudzwa mashoko akawanda kudaro?" vakasekawo vakati," Ndiwo matangiro achoni iwaya pedzisire hwatove hunhu hwako" ndikangoti," Haaa, zvakaoma hazvo"
Fakafinyamisa face kwave kufemedza femedza ndokuzoti," Ko muno mukazenge mune kahwema wani? Apa wakavhara mawindow, asi waenda kunguva?" kukasira kufunga zvavaive vanzwa kukaita kuti nditi," Ndofunga ndatoenda" zvikanzi," Chimuka utogeza hako, usati watibatira anything. Muka apo" vovhura curtain newindow.
Ndakabva ndatongoitawo saizvozvo kwakuzotanga basa rangu ndatochena chena. Ndapedza kubikira vanhu tea ndipo pandakazotorawo phone ndotsvaga mudiwa wangu and paive patoiswa mamessage hobho kare. Yaive yapedzisira kuiswa yaive yakanzi," Ndakusuwa iwe, ndiri kuita kunge ndichatiza basa ndodzoka hangu kumba"
Ndakapfipfinhika ndikati," Todyei manje?" zvikanzi," Ipapo chete, ndizvo zvega zvandave kutongogarira kuno otherwise dai ndauya. Yesterday was magical, I can't get it out of my mind"
I blushed feeling the right places react to his words ndikati," Ibvapo" zvikanzi," Sure, dai uripano wave kutoona kuti kungozvifunga kuri kutovhiringa pfungwa dzangu" ndikagegedzera kwave kuzoti," Iwewe unotopenga chete iwewe"
Our conversation went on and on kwakutozovhiringwa naadzimai vake vakadzoka. For the first time I felt jealous of her nekufunga kuti zvandaive ndaitwa naCourage the previous day aigara achitozviitwa and musi uyu Courage aitozoshaya nguva neni nekuda kwake. Ite nekusaziva zvaive mupfungwa dzangu akasekerera semazuva ese achisvika padhuze achiti," Uri kutaura naniko kuzhinya zvinoonekwa nemunhu ari kure kure uko? Asi waane mukomana usina kundiudza?"
Kufunga kuti mukomana wacho aisataurika nekuti aive munhu wake kwakaita kuti ndiseke nhema ndikati," Ndichimuwanepi hangu? Asi happiness inongowanikwa muvarume chete?" akati," Ehe pane kamwe kahappiness kaunoona kuti aka pane munhurume ari involved chete" ndikati," Munopenga mai imi"
She sat beside me ndokuti," Ko urisei nhaiwe?" ndikati," Ndiribhoo varisei mama?" and she sighed ndokuti," Mama vari kurwara iwe, it's quite unfortunate kuti madoctors hapana chavari kuona but vari kuoneka kuti vari kudzimbikana chaiko." ndikati," Inga zvakaoma nhaiwe!" feeling a genuine concern since vaive amwene vanguwo.
" Ndatove nestress iwe" she said ndikati," Usamboite stress, she will be fine. Uchazoenda riinhi futi kunovaona?" ndotofunga kunovaonawo akati," Mangwana ndotoenda" ndikati," Iribhoo, tinobatana" akati," Thanks" kufunga kuti ndaiitira iye ini ndaitoitira hangu Courage.
Kuuya kwaPortia kwakaita kuti musi uyu tisamboonane since akati nonokei kudzoka achinzi apfuura neiko kwamama vake. Paakazouya ndaive ndatove muroom mangu and kusvika kwake ndakatokunzwa nekuseka kwaPortia achiti," Haaa ibvapo, ini ndaitoti nezuro uchauya uchirara kwamama ini" Courage uye akanzwika bass chete nekuzoseka kwavo vese zvakaita kuti pamoyo pangu paite kakudziya.
Kufunga kuti Portia aive akatogukuchirwawo kwakaita kuti hope dzinonoke kubata asi dzakazobata hadzo. Sekutaura kwaPortia takatoenda kunoona mai vaCourage avo vandakawana vachinja than the last time I had seen her. Vaive vawonda zvekuti kutongovatarisa waiona kuti vari kurwara asi kutaura nyaya dzaive dzisiri dzenhamo. Chero Angie aive onzi naPortia taizoenda naye akarambirwa achinzi," Pamba pacho panga garike here or mave kutongoda kundipedzisa henyu" tikaseka.
Courage akazouyawo on his way from work kusvika kwake kukaita kuti ndiite kakusagadzikana. Ndaive ndongonyara nyara kusvika nguva dzatakazooneka tese tiri vatatu. Ndipo pandakazoona kuti ndaive ndaisirwa message naCourage yekunzi," Thanks nekuuya kuzoona mama, it means a lot" ndichibva ndamucheukira. He winked at me ndikapotsa padiki diki ndaseka kwakubva ndatoavoider eye contact naye kusvika tisvike kumba.
Uko handina kumboda kunotandara naye ndakangoenda kwedu kumba kwaitove nemabasa anga akandimirira. Ndamaita ndapedza ndakaenda paphone kwave kutanga kutaura naye achiti Portia aive arara. Akabva atonditi," Huya ka tisangane mupassage" ndikanyahwaira kuenda kuye kwave kuzvivirwa mubathroom. He was already kissing me kwakutofadzana imomo tapedza achibva azoti," I hope une chauri kutora kudzivirira nhumbu, kune matwins ari kuuya uku and I can't afford another baby."
*Portia*
Ndakapinduka nekunzwa kuvhurwa kwedoor kwave kutarisa kuye ndikaona Courage achipinda. I was sleepy so I just opened my eyes zvishoma kwave kutovhara ndichiti," Wandimutsa apa" akati," Sorry babes, ndanga ndarohwa nemudumbu"
Akapinda mumagumbeze kwave kundidhonzera mudhuze ndikati," Mapora mudumbu macho?" akati," Yah mave bhoo" and in no time aive otoridza ngonono. Ini ndini ndaive ndotonetseka nekushaya hope zvangu naiko kumutswa ndichibva ndatotanga kufunga mama. The way her health was deteriorating was really worrying me. Kungofunga kuti she was fit one day and so sickly the next kwaiita kuti ndishungurudzike zvekutofeeler low chaiko.
Mangwana acho pandakazofonerwa namama vangu vakabva vatozvinzwawo kuti something was wrong vakati," Ko kuzoita kunge low low hanzii?" ndikati," Gogo vaAngie vari kurwara mama imi, vanzwa nekungoitwa zvimatest asi hapana kana chiri kubuda." vakati," Shame Inga zvakaoma nhai, manje zvinoita kuti ndiuye ndivaone?" ndikati," Murikuda kuuya?"
" Asi hazviite? Hameno,ndanga ndangoti tomboisa our differences aside ndovaona sambuya vemuzukuru wangu zvenyaya dzemwana wavo tomboisa padivi" she said ndikati," Zvinoita ko zvinotadza nei" zvikanzi," Asi ndinoda kuuya murume wako asiko, unouya tosangana. Toenda" ndikati," Maitabasa" vakaseka vakati," Ahhh, ayha"
Vakauya mangwana acho tikaenda gogo vaAngie vaye vakafara zvekufara zviye. Vaiita kushaya zvekuita kufarira severe and nyaya hadzina kumbovanetsa nekuda kwemuzukuru. Ndivo vakabva vatozotaura nhau yematwins mama kwave kuzonditi," Une matwins?" ndikagutsurira vakati," Portia!" asi smile iri kugotsi nguva dzandaive ndovaperekedza.
Ndichidzoka kuye ndakasvikotendwa nekuuya kwamama kunge vaive vauya nemillion daddy naCourage vachisvika vachibva vaudzwa. Courage smiled ndokuti," Ahhh!" akanzi namama," Usamboti ahh, ndanyara mhoti. Vaita rudo yet iwe uri kungogara nemwana wavo mahara kozotiwo nyaya dzako chaidzo. Ndafara hangu asi ndanga ndichinyata zvekare" ichibva yapindirwa nadaddy vachiti," Wavepapi nemaplans ekuroora Courage? Ndaitozvifunga hangu musiuno kuti kumusha kune mombe yandakapihwa pakaroorwa atete vako. Ukaitengesa ukawedzera paunapo ipapo tinotonobvisa something kumbosunga hukama. Roora ragara haripere rese, pashoma patinenge taita ipapo panotendwa and panokuzarurira makomborero ekuti unobva watozowana yekunobvisa futi. Tinoda kufambidzana nanasevere takasununguka ufunge, ndiwe uri kutongotiomesera"
Akabva asekerera Courage wacho ndokuti," Ndine 800 so far daddy, zvinoda kuti ndiite sei nditotanga kufambira nyaya dzacho? Ana 2 vanofanira kuzozvarwa ndambonoitawo something"
end of chapter
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
357