Mai Tanny Novels
February 20, 2025 at 08:02 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 16
*Portia*
Ndakazongoerekana ndosekerera ndikati," Courage!" not believing kuti aitove neginger kudaro but aitoda. Akatotanga kuita maplans nadaddy mama kwave kupindirawo. Tete vake nasekuru vakabva vatofonerwa vakatoti vaizouya ndikabvako ndoita kushaya zvekuita nemufaro. I couldn't wait to tell Mona and nyangwe hazvo ndairoorwa ndatove nemwana plus imwe mimba ndaida kutopfekawo tumajava. Ndaizongoita naiye Mona wangu iyeye tiri two totoita squad takadaro.
Ndaingosekerera road yese kwave kumuudzawo Courage zvemazambia ndikanzi," Zviri necessary here zvekusheedzana nanaMona? Marooro haafanire kuve small and intimate here?" ndikati," Iii zvigoita here kuti tongonozviita asingazive? Plus ndiri kukadawo kaexperience kacho kekuita zviri kuita vamwe"
He sighed ndokuti," Eho, but chimbomira titange tafambisa zvinhu nanatete wozomuudza hako" ndikati," Ok" asi ndaive ndotonzwa kuzarirwa chaiko. Ndakatombofunga kungomuudza ndomutsindidza kwakuzodecider kuteerera baba ndikanyarara.
Pakauya sekuru natete kwanagogo vaAngie ndakatongomuti ndainoona vaenzi vaive vauya kuzoona mama. Ndakanowana vanhu vacho vatopirwa nyaya kare and they were happy. Pakatodzoka Courage kubasa akabva auyawo tikabatana toenda kwatete avo vakafarawo fani. Vakazenge votondikwenyera padivi voti," Chiona manje apa waive woda kuonererwa paye uchidadira bamunini" ndikaseka ndikati," Anga andibhowa tete ahh" zvikanzi," Dzimwe nguva zvinenge zvichitoitika mumarriage kuzama kudzivisa chete chakanaka chiri mberi" and she made sense.
Takangosiya vati vaizotaura nanadaddy kwave kudzokera kwana mama, ini nekuneta ndaitongoda kurara ikoko but Courage had other plans. Tichingosvika akabva aoneka nasekuru vaida kudzokera ndikati," Ahh Courage ngatingorara kuno" ndikanzi," Ndamboti handei here inini? Sara uchiita makuhwa naamwene vako naatete vako ini ndirikunosiiwa kumba nasekuru. Handisikutodawo kuenda newe"
I laughed ndikati," Manje ndavekuda kuenda" ndikanzi," Handei" vanhu vese kwave kuseka osimuka kubuda naasekuru vake.
Handina kana kumboita shungu nekuenda kwavo ndonakidzwa zvangu nenyaya dzatete avo vakazofuma voendawo zuva raitevera. Ini ndakabva ndangodzokerawo kwangu kumba kwandakasvika nekufonerwa nevangu atete vachiti," Nhaiwe baba vako vanenge vanoshura chete, hanzi havasikuda mari yaCourage" hana yangu kwave kuti bamu ndikati," Mhaa?" vakati," Iii vapopota iwe, zvese zvekumitiswa kwako kechitwo zvataurwa nekusateerera kwako kwese but zvichabatsirei nhai imi muri kuwirirana?"
" Varikuramba mari yacho kuti ndidzoke kumba?" I asked ndotadza kunzwisisa kuti vaidei daddy vacho tete ndokuti," Hanzi ka vakakuita disown nekuti hauteerere unozoyeuka bako wanaiwa. Hanzi wakavaita benzi vachiuya kuzokutora wopedza izvozvo womitiswa futi nerweseri"
I sighed ndikati," Tete taurai navo, zamai kuvaonesa kuti ndakadzokererei. Zvingaite here izvozvo kuti toti vanhu vagadzirira kuroora mari yenyu haisi kudiwa?" vakati," Aiwa hazviite ahh, hazvigone ba. Ndichatomira semukono chaiko kusvika vabvuma, ipapa ndirikuda kutifonera bhudhi Jowero vataurewo navo. Kana vasingaide mari yacho inodyiwa nemunin'ina wavo"
Ndakanzwa kakurerukirwa nekunzwa kuti tete vaizoramba vachizama, vaive chandagwinyira ka saka ndaitoziva kuti vakaisa pfungwa dzavo on something vaisarega kusvika zvaita. Ndakatoita kakunyemwerera ndikati," Maitabasa" zvikanzi," Iribhoo mainini, ndichakuudzai feedback yacho"
" Iribhoo" I said but ndaive ndatobuda mumood yangu yemufaro. Kuti ndiudze Courage ndakaona zvisinganyatsope picture yakanaka kwave kuguma ndazoudza Mona. Ndakangotanga nekumuti," Courage avekuda kunobvisa kumba kwedu" kwakubva anyemwerera ndokuti," Hiii, sure?" ndikati," Ehe, atoronga ronga zvinoda kurongwa, anatete takatovaudza. Vake handiti vavariko nezuro pandakaenda paye? Nasekuru, tichibva tatoenda tese kwatete vangu. Zvino baba vangu kana ndiwewo kuda kundiitira mwenya wetsvina, hanzi vari kuramba"
She frowned ndokuti," Kurambei manje?" ndikati," Habzi havasikuda mari yacho nekuti I disrespected him saka vakandiita disown. Nhaiwe zvingaite here izvozvo after munhu aisa effort?" akati," Ana baba vagara vanotomboomesa musoro iwe, vozobvuma havo. Kunenge kurikuda kungoratidza kuti he is not happy but tete vakaramba vachitaura navo he will cone around obvious"
" I hope so" I said then went on to say," Zvikaita ndiwe lobola team yacho, hameno kuti tinopfekei nekuti tinenge tingori 2"
*Monalisa*
Zvelobola crew came by surprise so ndakamboti zii kwakuzoti," Urikuda kutoita zvemajava?" akati," Ehe ahh zvekuti ndiri amai Angie ndotombokanganwa, zvinoitika once in a lifetime izvi saka handingambosare. I just want the day to be special for us but hatizoite zvakawanda wanda hedu just ma matching outfits"
I nodded ndoshaya zvekufunga nenhau yacho, at first ndaive ndangodaira zvisina emotion semunhu aive angojumhwa but apa ndaive ndoedza kuda kubatanidza kuti chii chainyatsoitika. Ndaive ndakaudzwa yes naCourage kuti aizoda kunobvisa kuti awane kusiya Portia but apa zvaive zvoita sekuti ainobvisa zvemurudo. Handina kuona reason yelobola sqaud ivo vanhu vaizorambana saka ndaive ndatove nekaconfusion.
However handina kuzoda kuzviratidza ndakangoti," Ahh iribhoo" ndomirira kuzonzwa from the horse's mouth who owed me an explanation. Ndaive ndotoda kuziva why he had not told me kuti vaive vototanga manegotiations kwakubva ndatobeeper.
Akazoisa message adzoka ndikati," Ndirikuda ka kukuona 2 minutes" akati," Izvezvi? Kupi?" ndikati," Ndave kubuda gate, unotevera" nekuti ndaiona kunge nyaya yacho yaisada paphone or pamba asi kure chaiko.
" Ok" he said ndichibva ndabuda nedoor rekumberi. Ndakafamba ndichingoteedza road ndisina kwandakananga ndichifunga hangu the previous day rataive tarara tese mumba mavo imomo. Spending the night with him made me realise kuti he was the person I wanted to spend my nights with the rest of my life.
Pfungwa dzangu dzaive kure kure chaiko pandakazongonzwa oti," Kwakanaka here mai Muchena, kwamaita kundisummoner" ndikamboseka kufarira kunzi mai Muchena kwakuzoti," Wave kunoroora?" akati," Yah" ndikati," Kosei usina kundiudza? Nezuro handiti maitobva kumanegotiations?" akati," Zvanga zviri necessary here nhaiwe?" ndikati," Ehe, apa mave kutoronga kupfeka majava nei nei. Wakandinyepera ka iwewe kuti urikungonobvisa womusiya?"
" Kana iye ati arikuda majava waida kuti ndimumise ndichitii? And kusiya kwacho usati ndekwekungoti musi iwoyo, ndichaita sort of kumusungira ndipo pandinozomusiya. Usabva wanditongesa tongesa kudaro kunge mwana mudiki, I had no business discussing my issues naPortia with you."
Akataura achitonzwika kuti atsamwa kwakubva atofambisa kubva pandaive. Sezvinhu zvitsva ndakambosara ndakati tuzu ndiri paye kwakuzonzunzutira ndoenda kumba apa ndichicheuka cheuka kutya murima imomo.
Iye ndakanowana atove kumba achiseka naPortia ndikatanga kuzvishora nekubvunzisisa kwandaive ndaita. I didn't want him to lose interest in me nekuda kwezvinhu zvisina basa so ndakabva ndatoisa message yekuti," Sorry babe" ndikanzi," It's ok maimwana" and mangwana acho takamuka towirirana kwave kutodzokera mutune. We would meet mubathroom husiku then kana Portia asipowo toita pungwe mazuva achifamba.
Maplans emarooro akabva azoitawo after bamunini vaPortia vazonzi vaive vapopotera baba vake kusvika vazobvuma. Portia was so excited zvaitoita kakunzwisa tsitsi and takanorarira kumba kwavo pakasvika musi wacho. Vamwe vanhu vaivepo were happy asi baba vaPortia kufara kwavo handina kumbokuona. Vaimbomudzvokora so Courage ndobva ndatoshaya kuti daka ravo naye raive rei chaizvo kuda kuita sevaishandisa mwana wavo kudaro.
However zvaiitwa zvakatofamba zvikapera tichibva tazotanga kudya, paive pakabikwa chirungu rungu and ini hameno kuti waive mweyai wakandibata but ndakadya kunge ndichaputika. Chikafu chaivepo chakandiitira kunge chinyowani, rice iri ndikaita sendichadya maplates matatu chaiwo.
Ndaive ndotopedzisa yechitwo pakauya Portia kuzonditi," Huya kumaphoto" ndichibva ndadhudhudza drink rangu ndokuzoenda kuye. Takatorwa amwe tiri 2 kwakubva azosheedza Courage uyo waakati," Huya pakati apa timbokusangweja, usekerere" kwakubva taisa Courage uye pakati and we both leaned on his shoulders then smiled camera ichibva yati ketye.
end of chapter
❤️
😂
😢
👍
🙏
😮
391