Mai Tanny Novels
February 22, 2025 at 06:38 AM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 17
*Monalisa*
Tapedza zvephoto Courage akabva atosuduruka oenda paive netuvanin'ina twaPortia. Akatanga kutamba natwo nekutorwa maphoto natwo uyuwo Portia kwave kutanga kutaura nemacousins ake ini ndichibva ndaenda hangu kwaive natete vaPee. However mufaro waive naCourage achitamba nevanin'ina vaPortia waindipa kamwe kaquestion mark so ndotanga kufunga if what he had told me was real. Ndaive ndoona kunge kunzi Portia aizorambwa dzaitongova ngano and ended up concluding kuti maybe aingotida tese nekuti attention kwabdiri yaingouya.
Ipapo pane paakacheuka ndikatsonywa and I smiled ndichinyaririra kwakuzoona ndaisirwa message yekunzi," Ndakusuwa iwe, wish we could sneak out tomboenda kwedu tega"
I blushed nyangwe hangu ndakapindura kuti," Kwana iwe" and I was so glad pandakazonzwa Portia oti," Ini nhasi ndiri kumbosara kuno, then ndozoendeswa kwanaCourage. I'm almost due saka mama vaCourage vati ndimboenda kumba kwavo kuitira pandichapona. Vangu mama vanga vatomboti ndibva ndangogara kuno but iii daddy hanzi munhu kumba kwake."
" Vanotsamwa daddy vako, inga vapihwa mari yavo wani?" I asked failing to understand why he was being so hard iye kwave kungoti," Ahh zvave kutobhowa iwe. Iwewe wavekudii? Tongosara tese wozoenda ka mangwana?" ndikati," Iii nagogo? Ini ndakavati ndezve one night chete saka ndave kuenda kumba ini" akati," Thanks hako nekuuya, you made my day special. Totaura paphone" ndikati," Iribhoo" pfungwa dzave kutofunga kuti Courage aizofambawo sei.
Ndaive ndotoona uri mukana wekuve naye but unfortunately akabva ati," Vanhu vakaita kundigara bumper, ndanga ndatoudza vanhu kuti ndiri kuuya kumba ikoko but it raised a lot of questions. Vanhu became suspicious since Pee asiko saka ndazoona kuti kudzikamisa mhepo better kutongoita zviripo. Ikoko ndinouya zvapera izvi" ndikati," It's ok" kwakunzi," Sorry, ndotokuzivai matsamwa mai Muchena" and kunzi mai Muchena kwaindipedza hasha dzese. Ndakabva ndangoti," Ndichitsamwei hangu, ndokuona wauya"
Kwaive kuita kunge it was ok but I felt so lonely musi iwoyu kuita kunge taisambopagara pamba ipapa asati atombouya. Mangwana acho haana kuuya zvekare since paripo pakaendeswa Portia but rakatevera racho ndakanzwa shasha yasvika ndatove muroom mangu. My heart skipped nekungonzwa izwi rake chete kwakumirira message yake iyo yakabva yatouya a few minutes later ichiti," Come to daddy" ndikatanga ndaseka kwave kuzomuka ndoenda kuye.
Ndimo makange matove muroom mangu since Portia aisavepo and ndaitobika nekusuka ndirimo gogo vasingambozive. Courage wacho aimborara hake kwaive naPortia but it was pano neapo making me believe kuti mazuva aya ndini ndaive panyanga. Iye Portia wacho ndaipota ndichimbonomuonawo kana ndazvifunga and dumbu raive raita kurembera zvino. Akazenge otoda kutondifeya hake umwe musi ndaendako ondoti," Courage haasi kuita zvemababy here kumba kwandisiri uko?"
Ndakarohwa nehana kutadza kuziva kuti aive azvifunga sei ndikati," Ahh ko aitasei? Hapana mababy andakamboona ini" ndisina kugadzikana kwakubva ati," Hapana zvaaita hake but kamwe kakusada kugara kuno kacho ndiko kanombondipa question mark. Nhaiwe munhu angandisiye kuno kuenda kwaanenge ari ega sure? I thought he would want to be paside pangu zvekutodaro. Angie akazvarwa asipo so I thought apa achatomaker sure kuti he is there paicharwadza zvino ehh. Anenge achingopa macomplaints hobho hobho, hee kwakazara vanhu varikuuya kuzoona mama. Hee ndinenge ndichida uko kusingandinetse kuenda kubasa netsoka."
Ndakashaya zvekupindura kwakutanga ndambomedza mate ndikazoti," Maybe ndiyo nyaya yachowo, plus handiti ukangorwadziwa anobva atouya here? Ko kure?" akati," Ahh zviri kungondibhowa ini, chero daddy ndakatovanzwa vachimubvunzawo zvino iye hanzi ndobhadharirei rent saka kana tave kuuya tese kuno." kwakumbonyarara ndokuti," Asi anotodzoka kumba on time? Everyday?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Ahh hoo, chete he makes sure kuti apfuura hake achindiona but I wish we could just be panzvimbo imwechete"
" You are almost there wani, musayeme mai imi. Idzo 2 weeks dzamauya kuno idzodzi ndidzo dzamave kutoita kunge maraswa kudaro?" I said and she giggled ndokuti," Ahh handiti kana ndasununguka ndichambogara futi?" tikaseka then went on to talk about her delivery dates. Aive onditsanangurira zveEDD yepacard nekusiyana nescan kudiiwe.
Paakati," Ava vanongoshandisa date rawakapedzisira kuenda kuperiod, of which pamwe pacho unenge usisitori sure futi" ndipo pandakazongonzwa hana yorova as I tried to remember kuti ini ndaive ndaguma riinhi kuenda kuperiod. Ndaive ndazoita zvekutsvaga mapiritsi andainwa kuti ndisaite nhumbu asi ndaive ndaguma kare kuenda kuperiod. Ndakambofunga kuti mapiritsi iwayo aikonzera kwakugara paye naPortia asi pfungwa dzave kwadzo until I decided to get a pregnancy test on my way home.
Ndakaitenga ndichitya hoping zvandaifungira sandizvo zvaizobudapo kwakusvika kumba nekutoiita. With shaky hands I took the stick out of the urine kwave kupera simba ndichiona 2 malines.
*Portia*
Courage walked in nepaperbag yaive nemafruits ndichibva ndasekerera as I greeted him. Akauya kuzobata dumbu rangu achiti," Maswerasei ko?" ndikati," Tiribhoo" asi ndichingopedza kudaro musana wakabva wandiudza kuti pane zvaive zvoda kuitika. Face yakabva yatochinja nekukasira ndikati," Ndave kurwadziwa baba Angie" akati," Hee?" achida kutoseka hake ndikati," Tora bag rangu Courage, ndave kurwadziwa kani" and marwadzo acho aitoita achiwedzera.
Ndipo paakatozoona kuti I was serious kwakutanga kuvhundukira vhundukira and lucky enough daddy vaive vakasira kudzoka musi uyu. Ndivo vakabva vangonditakura kuenda kuchipatara naiye Courage Karen kwave kusara namama. Ndakazvishingisa road yese kuti ndisaite mashiripiti pana atezvara but tazove tega naCourage kuclinic ndakange ndoumburuka nawo marwadzo. Ndakayuwira for hours tuvanhu kwave kuzouya zvatwo midnight.
Baba vacho vakabva vatopinda basa rekutumira vanhu mipikicha tikazosara touya kuzoonekwa vanhu vave kutotuziva. They were not identical zvekuti it was so easy to name them mazita aidiwa naambuya vavo, Munashe and Panashe.
Ndakangoita another night ndirimo muhospital muye vanhu vari besanwa kuuya kuzondiona. Mona akazouya musi wandaibuda aina gogo but it seemed something was off paari. She wasn't the Mona that I was used to zvekuti vabuda ndakatozomuisira message ndichiti," Are you ok? Mood yako handina kuipihwa mushe" kwakubva apindura nemaziemoji emunhu aiseka ndokuti," Kuneta kwanezuro iwe, I'm good" since nezuro wacho aive atotadza kuuya kuzondiona aenda kwaaive asheedzwa kunoita stock take.
" Iribhoo" I replied kwakuzoisa attention kuna mama vaive vondigadzirira kuti ndibude. Takauya kuzotorwa naatezvara vangu kwave kudzokera kumba with so much excitement yekunoratidza my mum in law vana sezvo vaive vatadza kuuya naiko kurwara kwavo.
Takasvika kuye vakatogara musitting mama vachibva vangopihwa mwana one namama shasha ikaita kushaya zvekuita nemufaro. Vakazenge votonetsana naAngie aive oendawo pavari mama ndokuti," Angie wave kunetsa gogo?" vakanzi naivo gogo vacho," ZvaAngie here? Ipapa kutonzi matakura sei mwana imi musiri kunditakurawo mazuvano" vachibva vaseka mama vakati," Zvekuti gogo vari kurwara kana kuzviziva" zvikanzi," Anenge anoziva asi, ndinoswera ndichidongorerwa mhoti. Kakatamba tamba ndikangonzwa door ndotoziva ndiAngie" mama ndokuti," Asikana!"
" Chindipai mumwe wacho ndimuone heyo, ndobva ndachirara. Ndagara pano kave kare, kumirira varume ivava" she said vakachinjana ini kwave kusimuka ndoenda kutoilet kwakunonzwa Courage ari panze paaive paphone achiti," Ikoko handisi kutombouya zvanhasi ini, inyaya yei ingotaura ka nhai" kwakunyarara ndokuti," In person kudiiko, horaiti ndichaona kuti ndodii ndikuone" ndikashaya kuti aive ani aitaurwa naye.
Akabva asuduruka ini ndave kubudawo kudzokera kusitting kwandakasvika Karen akamira padoor rebedroom rana mama achiti kunamama vangu avo vaive vangosara vega nevana musitting," Hameno mafemero avari kuita ava mama huyai muone, ndatovabatsira kurara zvakanaka but vakuita kunge ngonono ivo vasati vatombobatwa nehope"
end of chapter
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
121