Mai Tanny Novels
February 23, 2025 at 01:57 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 18 *Portia* Ndakananaira kuswedera pedyo mama ndokuisa vana pasi quickly vakati," Ngonono?" vachitomhanya mubedroom muye matakabva tangoteverawo nekuti reaction yavo yanga isina kumira mushe. Takanowana mama vaye vatorara vakatarisa mudenga mama kwave kuenda paye vachiti," Severe" vachibata ruoko rwavo urwo rwakabva rwangoti rwega pasi. She placed her hand on her neck vakati," Severe musade kuomesera vana" and the tone yevoice ravo nekungoti rezu kwaive kwaita mama zvakaita kuti nditi," Vaitasei?" and she turned to us voti," Endai munotora vana, vane shamwari here mama ava nhai tete?" vatarisa kuna Karen uyo akatanga amedza mate ndokuti," Havana ava, shamwari yavo ndeyekuchurch asi vanogara kure. Vaita sei? Vatobatwa nehope?" and mama nodded ndokuti," Sheedzai baba handiti varipo panze?" " Vaitaseiko mama vacho, ingotiudzai ka nhai mama. Asi vafa" ndakazongoerekana ndadaro vakati," Handizive ini, but she is not responding saka ndirikuda kuti baba vavaone. Musambochema henyu, handina kumboti vafa ini. Toda kutoenda navo kuclinic, munhu kana asina kufa haachemwe" but she was already late. Takaita kunge tanzi on your marks, set, go naKaren kwave kubongomorerana mhere yakapinza baba naCourage mumba vachimhanya vachiti," Chii?" mama ndokuti," Ndangouya kuzosheedzwa natete ava vachiti vari kuita ngonono vakasvinura kuuya muno havachadaira kana kudii" baba kwave kuswedera pedyo vakati," Mai 2? Vero" but vaingoti kusimudzwa ruoko rwototi gwajadha pasi. Vakabva vaita kugara pabed paye baba and placed her on his lap calling her vakati," Courage mhanya unosheedza mbuya Phiri" vamwe gogo vaigara panext and haana kumboda kuudzwa kaviri. He rushed out daddy vakasara vachingovasheedza mama vasina achadaira. Mbuya Phiri vaye vakazouya kwave kubata bata vakati," Chave chando ichi baba 2 iwe, koinga zvakaoma nhai" kuzodaro ichibva yatova bata wabata. Daddy ndivo vakatotanga kuti," Kufa here? Iye munhu wandanga ndichitaura naye manje manje apa? Munhu anga akatobata vazukuru vake a few minutes ago nhai gogo? Ndiko kuzorora kwacho here kwaanga achiti ndikangotamba nana2 vanyowani ndobva ndambozorora? Aiwa Vero shamwari haudaro, urikuda kuti ndisare ndichiita sei? Mai Courage, iwe mai Karen muka hako, inga ndiwe shamwari yangu wani" but dzaive dzangove shungu nekuti hapana kana akamuka. Isu vamwe taive tongoumburuka pasi chaipo zvichindirambira kuti nditoti my sweet mother in law was gone. Ehe vaive vave nenguva vachirwara but kwete zvekutoti tingafunge kuti kurwarira kufa. I tried to imagine my life, nehupenyu hwevana vavo nevazukuru vasipo ndikaona have meaningless ndikanzwa kuremerwa muhana. She was my second mum, my pillar of strength zvekuti ndaishaya kuti Mwari vaive vakasikirei kuvabvuta kudaro kwatiri. Ndakachema and in time pamba paive patozara zara vanhu, mama ndipo pavakazoita kunditakura kuenda neni kuroom yandairara nekubva vauya nevana vachiti," Wotoshinga Pee mwanangu, une vacheche ava. They need you and ivo amai vako ivava vari kutoda kuti ushingire vana vako" but haa kushinga kwacho kwainetsa. Vakapinda busy neni mama uyuwo Karen kwave kuzounzwawo mandaive nambuya Phiri vaye. Panze taive tongonzwa vanhu vari pamaphone munin'ina wamama kwave kuzosvikawo nemhere. The drastic change of events was shocking, kuti vanhu taive tatobva mukufarira kuona vacheche nekutopinda mukuchema. Vana vacho havana akazombovaitira shungu tave kungoita zvenhamo and it was sad kuona mama vataiseka navo votobuda mumba vave mubody bag pakauya nyaradzo. Vekuimba vakabva vatotanga kuimba pamba kwave kutoita panhamo zvesure. Ini ndaive ndakangozvivharira ndiina mama muroom sezvo vaiti," Uchiri murwere iwewe, usaende kune vanhu" saka vanhu ndivo vaitondivinga. Vazhinji vaizondisiya ndochema senge pavaiti kuvana," Ndivo vatizwa nagogo ava? Sure kungomirira kuti vabate vazukuru votoenda havo?" Courage ndakaswera ndisina kumbomuona, ndakatozomuona kumanheru paakauya mataive. He had puffy eyes but he smiled at me akati," Urisei?" ndikati," Bhoo koiwe?" akati," Ndiribhoo" after sniffing kwakuzoti," Maswerasei mama?" kuna mama vakabva vati," Ndaswera hangu mwanangu, usabva wanyanya kuchema baba Angie iwe. Ndinotozviziva kuti zviri kurwadza asi daddy varikutoda kusimbiswa newe ipapa. Vakaona imi mese muri vatatu muchinyanya kuchema vanobva vatoomerwa." Akatura mafemo ndokuti," Zviri kungondinetsa kubvuma so, kuti one minute munhu anga aripo then the next zvatopera" mama vakati," Tese tese ishock chaiyo. Munhu wandanga ndichitoseka naye tichifara nekuita nyaya wozongoona chave chando. Zvakaoma asi kana zvirizvo zvadiwa nedenga tingadii? Kutongochema netariro" Courage uye ndokuti," Yah chokwadi mama" and it was funny kuti Courage namama vaive votoita conversation zvekudaro asi ndakatoona kuti kubvisa mari kwaaive aita kwanga kwatoumba hukama zvesure. Hama dzangu zhinji dzakatouya including daddy asi havana havo kugarisa, vakangobata maoko nekubva vazoonawo vana two minutes kwave kutodzokera nemunin'ina wavo wavaive vauya navo. Mama ndivo vasina kumbozodzokera kumba, vakatongotumira message kuti vaigirwe zvavaida kuzoshandisa zvikauya. She was right beside me most of the time vakatozowana mukana wekusuduruka pakauya Mona. Ndakamuchemera akaguma ochemawo and aive atouyawo neblsnket zvekuti akatorarapo. Kumapoto ndiye akatozondimirira natete neimwe cousin yangu sezvo ini ndaive ndichiri muzvere. Aimhanya mhanya fani and I was so grateful for having her in my life. Mangwana acho ndipo pavakauya kuzorara mumba mama and sefunny vaive vatove mucoffin matakazoonekedzana navo the following day. Ini kumakuva ndakasara namama nevana vangu asi Mona ndakamuona aina Courage waaitaura naye as they walked kuenda kumota. Tauriro yacho yaive yemunhu aitaura mashoko enyaradzo chaiwo nekuti pamwe pacho aimbocheukirwa Courage oudzwa something and he would nod nekupukuta misodzi. Ndaive ndakanyatsovayeva feeling sorry for Courage pandakazonzwa mama voti," Ko iyo shamwari yako iyo iri kuenda kunoitei kumakuva? Handiti anga achishanda kuvaroora? Varoora vese vasara iye akuendepi?" ndikati," Ahh mama, munhu angabvunzwe izvozvo panhamo?" vakati," Kakunanaidzana kavo nababa Angie ndiko kaita ndibvunze, shamwari yako haisi shamwari yababa Angie Portia. Ba Angie uyu haana mashamwari ake here?" " Anawo" I said vakati," Ndiwo aifanira achifamba so. Hushamwari haudi kuita kunge chiramu ba, kana icho chiramu chaicho vanhu havachambochiita wani? Nekuti mugumo wazvo misodzi" " Vaita chiramu chipi panhamo pano mama?" I asked vakati," Aiwa kungotaurawo hangu, musi wemarooro uye ndakaona muchiita zvemaphoto moisa ba Angie pakati. Hazvinyatsoite" ndikazongoti," Horaiti mama" Havana kuzombotaura zvakawanda asi nenyaya yekuti amwene vangu vaive vambozvitaura futi ndakatanga kuita kakufunga nezvazvo kwakuzviudza kuti pataizodzokera kumba I would make sure handichaite zvaivaswededza padhuze nepadhuze. Ipapo hapo vakazodzoka kumakuva pake pake Mona achibva atooneka oenda along vamwe vanhu vazhinji. Pamba pakasara patove nevanhu vashoma and it was hard to adjust senge pakazoendawo vangu amai. Pakasara hapo vamwe sisi vamama but iii zvaive zvakaomera munhu wese. Vari sadaddy lost weight zvakanyanya and nyaya dzavo dzaive dzave shoma, Karen wo nekuside waizongoona ochema koti Courage wacho aigara achingooneka kuti pfungwa dziri kure. Mona would come kuzotiona nana2 vedu avo vaive vatosvitsa mwedzi pakazoenda maiguru. Musi wacho Mona aive atouya and ndiye wandakavasiira time dzataive toperekedza maiguru naKaren. Takanovasiya vakwira kwave kudzoka tichinanaira Karen uye akazomiswawo neumwe bhururu wake. Ini semunhu aive asiya vacheche ndakangomhoresa musikana uye nekutopfuurira ndichifambisa kwakunowana padoor pave nemapush aCourage uyo wataive tasiya ambobuda. As I got closer ndakabva ndatomunzwa kutaura and it was the conversation yakazoita kuti ndimire kuda kunyatsonzwa ndinzwe achiti," Haa ndave bhoo sha, nhasi ndogona kutombouya kuzorara paden. I miss you, and une nyaya yangu ka iwe yawaida kundiudza?" Mona giggled ndokuti," Ndokuudza wauya, usazorege Courage nekuti ndakusuwawo" Courage uye kwave kuti," Saka handei ka tingonodai dai 2 minutes. Hona kutaura newe zvakwave kutondiita" Mona akasekenyeka akati," Kwana Courage tiri tosvikirwa nhaiwe, unouya tonyatsorara tichipedza shungu. Ndakusuwa zvekutodaro, ndichatosvika ndofanotsvaira tsvaira mumba. Ndipe makey" end of chapter
😢 ❤️ 😮 👍 🙏 😂 538

Comments