Mai Tanny Novels
February 24, 2025 at 07:31 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 19
Ndakanzwa mabhonzo angu ese achigujunuka gujunuka, kupera simba chaiko kutadza kuziva kuti ndodii. Zvandainzwa mumba zvaiitira kunge kurota nekuti kuti nditi Courage naMona vaidanana zvesure zvaisamaker sense. Mona was my person, munhu wangu chaiye aimira neni munhamo nemumatambudziko. Courage wo had told me he had changed and taive tisina kuzomboita dambudziko kubva zvaaive akumbira ruregerero.
Zvino vakabva vatoenderera mberi Courage oti," Ohh, rega ndimbonorara. I love you" Mona kwave kutodaira kuti," I love you too"
Ndakapotsa padiki diki ndagara muvhu kwave kuzozvitsigira neruoko kuti ndisadonhe. Chest yaive yopisa iyi, kufema kwave kwekuita kukweva mweya kunge waibva kure kure. Kumedza mate so akaita kunge aive aboiliswa ndikaita kunge ndichangoscreamer or kuridza mhere chaiyo nepain yandainzwa. I breathed in and out zviri fast ndofunga kuti ndodii, I wanted to just barge in and confront them but for some reason I was hesitant. Hameno kuti yaive denial here or what but ndakazeza kupinda, instead I walked kuenda pachibridge chepagate kwave kunogara paye.
Pfungwa dzangu yaingove njake njake, hapana kana chisvinu chandaifunga asi mucomotion imomo what I was sure of was ndaitoda kuti Mona arwadziwewo. Uyu Courage ndaizviudza kuti this time aive azondiruza zvachose though I was still not sure kuti ndaizobva pamba apa ndichiendepi. Uyu Mona ndaizama kunyatsofunga how to hurt her kwave kumbofunga kuti Karen akasvika tomubatirana tomurova but I felt like it wasn't enough. Ndaidazve kumuudza kuti taive nechirwere inini naCourage wangu but ndakaonazve kunge ndikapinda ndichidaro it wouldn't hurt her sezvandaida chaizvo. She would probably think dzaingove shanje yet ini ndaida kunyatsomutsondawo moyo.
Kuramba ndiri pamhepo paye kwakazoita kuti nditange kufunga zviri straight kwave kuona kuti ndaida nzira yekumuudza zveHIV nayo chete then everything would settle itself. Vaizopedzerana nemudiwa wake ini ndobuda mueqaution ndichibva ndaremember kuti mangwana acho ndaifanira kuenda kucheckup nevana. Ndaida kuzoenda naye and show her my card ozvionera ini ndomirira hangu reaction nezvaizoitika.
Kuchema kwaMunashe ndiko kwakazondisimudza pabridge paye and nyangwe ndaive ndichiri kunzwa kurera mumabvi umu ndakatozvishingisa. Ndakanopinda mumba muye atomira akamubata achimusvusvudza achibva asekerera akati," Manga matokanganwa ka kuti mune vacheche?" ndikaramba ndakamutarisa so wondering how she was able to smile at me like that iye achidanana nemurume wangu. Ndiyo nguva yandakabva ndaona kuti zvesure nyoka dzairarama pakati pevanhu, dzitori in human form.
Hana yangu yakarova so ndofunga kuti I was even trusting her with my children kwave kufambisa ndichinoita wekubvuta. Iye semunhu asina chaaifungira akatoseka akati," Wavekuita wekubvuta asi wanga wonakidzwa nenyaya apa" ndisina kana kupindura achibva atoti," Ini ndave kuenda ini, ndimbonobika" achinyepa hake achida kunotsvaira mumba mangu kuti arare nemurume wangu.
Ndakatombonzwa hasha dzekuda kungomukachikira but ndakazvishingisa kwavekuti," Iribhoo, mangwana unozondiperekedzawo kuclinic nevana kana uchikwanisa." akati," Haa bhoo, ndinouya" and she was so excited zvekuti akabva atongopicker step achibuda.
Ndakasara ndichishuwa kuchema so ndofunga kuti zvaive zvakatanga riinhi zvese nekufunga kuti ana mama vese vaive vambozvireva but misodzi yakaramba kubuda. Ndakasara ndakangoyeva madziro kunge zombie so kusvika pakadzoka Karen uyo akazama kunditaudza but zvekuzoitawo nyaya ndakatadza. Sezvo vanhu vaive vachiri mumood yekuchema akabva angozviyenderawo kuspare kusvika manheru chaiwo akazobuda obika supper.
Avawo vaive vavimbisana nemudiwa wake kuti aizonorara ikoko akaoneka vanhu vatopedza kudya baba ndokuti," Kwaitikei?" akati," Pane zvinhu zvekubasa zviriko saka ndangoti ndongonozvitora ndorara hangu ikoko then ndozomukira kubasa mangwana"
Daddy chuckled ndokuti," Wakakwana here Courage? Waswera pano wakarara, mudzimai wako ari pano saka kumba ikoko urikuda kunodini?" and I looked at him ndikanzwa mazishungu. Kufunga zvaaida kunoita kwakaita kuti misodzi yandaive ndamboshaya iti mokoto mokoto. I sniffed Courage uye ndokuti," Ndirikuda chipart ichocho chete ini Pee, apa wave kuchemei manje? Horaiti handichaenda" ndikamboda kuchibvondora asi ndakatadza kana kutaura neshungu.
Karen akatanga kuchemawo and I'm sure assumption yadaddy yakabva yangove yekuti taichema zvinamama mukati vakati," This time inoda kuti tive pamwechete Courage, as a family pasina zvekuda kuita zvekupenga zvauri kutaura izvi. Chokwadi Ungasiye vanhu vese pano kuenda kwako wega kuti zvidii? Kana uine kwauri kuda kuenda" kunge vaifembera Courage uye ndokuti," Handichaenda ini, ndinozongotora mangwana ndave kuenda kubasa"
Mumba makaita runyararo rwaityisa vanhu kwave kuzongosimuka one one voenda kunorara. Ini ndakangonanga muspare mandairara namaiguru naKaren kwave kurara naKaren musi uyu. Hapana aitaura nemumwe since the atmosphere was already tense and it made it easy for me. Takatozotaura makuseni togadzirira kuenda kuclinic nemwana, avo vaCourage vaingoboira boira nenyadzi but hapana akamboita shungu naye.
Ini ndaive ndatove hangu nervous nekufunga nyaya dzangu dzandaida kunobvondora. Pakasvika Mona I felt so much rage asi ndairamba ndichingoramba ndakachiller. Vakatakura vana vacho naKaren vari 2 ini kwave kungobata bag, takanosvika kuye ndikatanga ndaita zvevana tapedza kwakubva ndazoti," Regai ndiende kuside kwangu uku tete, ndanga ndave kutokanganwa kuti mapiritsi angu ave kupera ka ini. Let's hope hakuna line"
Karen frowned zvine confusion since she know kuti nyaya iyoyo yaive top secret Mona kwavekutiwo," Mapiritsi eyi? Asi wave kutoita zvefamily planning?" nechemumoyo ndikati wandibvira nepi kwavekuti," Aiwa, eHIV. Asi handina kukuudza kuti ndiri positive?Ndakabatwa pana Angie ufunge. Ipapa ndizvo zvandanga ndatovinga kuti vana vatariswe kuti pakuzvarwa nepakuyamwa apa havana kuzara here"
Akanditi dzvondo ndichibva ndatotanga kubvanyangura mubag kwave kuburitsa chibook changu ndikati," Asi CD4 count yangu yakakwira tete Karen last time, I just hope yaCourage yakakwirawo nekuti hanzvadzi yenyu inomboita masaramusi. Mapiritsi chaiwo unotoona munhu achitoti ndakanganwa kumba, kuita kutamba hake nehupenyu sure" apa ndavhura chibook kuratidza Karen aive achiine kaconfusion. Mona akadongorera mubook muye and swallowed ndikati tsvatu achibva ati," Uri positive zvesure Pee?"
Ipapo ndakatadza kuramba ndadzikama misodzi kwave kuyerera ndikati," Yes mainini, waidanana nemurume wangu uchiti waifixer inini ka? Guess what bestie, you fixed yourself. Kana uri mumwe wotokasira kupinda mukaroom ako utijoine tikabire takawanda."
I saw her lips tremble Karen ndokuti," Pee watii?" ndikati," Anga achidanana naCourage uyu Karen, vachirara mumba mangu. I overheard them nezuro, Courage paaida kuenda paye aida kuendera hure rake rinonzi Mona iri." Karen ndokuti," Courage haadzidze seiko? What us wrong with him" ndikati," Akatadza kunyarawo kundirwadzisa kuti akandizora chirwere kare, kutadza kunzwawo tsitsi Karen."
She sighed ndichibva ndatora mwana wangu aive naMona ndikati," I feel sorry for you, ndipe mwana wangu. Nyoka, muroyi" but haana kumbodaira kana kudii. She just stared into space ini kwave kubhidhaira kubva paye. Karen akazondibatira kugate chaiko ndichingoyeredza misodzi paakasvika pabdaive ndichibva ndatora phone holding my baby firmly with one hand. I dialled Courages number ndikatanga nekungoti," Huya utore amugirlfriend vako kuclinic vangosticker after ndavaudza kuti vaite vapihwewo mapiritsi tinwe tese" akati," Hee?" ndikati," I know about you and Mona Courage saka ndamuudza kuti akasikire hutano hwake zvino anenge asina kuzvitora mushe nekuti angoti tuzu"
" Sh*t" he cursed ndichibva ndangocutter Karen kwavekuti Pee but I didn't answer her ndakangopinda mugo fast quietly kwave kunanga kumba ndisingazive kuti hupenyu hwangu hwaive hwonanga kupi. Takanosvika kumba pfungwa dziri bararamhanywa kwakubva ndatanga mariro chaiwo ndoburitsa shungu dzese dzandaive ndambovharira. Karen akambotanga achandinyaradza kupedzisira ave kuchemawo atove makwikwi.
Ndofunga after an hour ndipo pandakazoona ndopinzirwa call nagogo vaMona. I answered it ndichibva ndatambirwa nekunzi," Nhaiwe ama Angie manga maenda kupiko naMona? Asvika pamba nekuzvivharira, zvino ndave kuona kuti munhu anwa mushonga wesora wanga uri mumba umu. Chiiko chaitika iye haana chaari kutaura ari kungoyuwira apa tatove munzira kuenda kuchipatara"
end of chapter
❤️
😂
😢
👍
🙏
😮
554