Mai Tanny Novels
February 26, 2025 at 08:36 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 21
*Monalisa*
Ndaive ndakangoti undundu bamunini vangu nababa vaCourage vachichinjana mashoko. Bamunini vaiti ndaizosara chete panaCourage avawo baba vake vachiti," Hapana ari kusara pano, hapasi pamba paCourage panapa saka ngaaende kwavakasangana. Kunogara Courage anokuziva, ndiko ngaaende ikoko. Mukaramba muripano ndiri kukusheedzerai police nekuti you are trespassing"
" Trespassing? Trespassing? Imi ndimi muri kutozosungwa munotadza kutsiura mwana achifamba achizora vana vevanhu chirwere" bamunini shouted baba Courage ndokuti," Akozorwa chirwere chacho ari pai? Akarepwa? Wenyu wacho wamakatsiura sandiye here anga achidanana nemurume weshamwari yake? Handina joki rinosara pano"
They went on and on vakazonyaradzwa nagogo vakaerekana varidza mhere vakati," Uri kuona zvawave kutiitisa Monalisa? Kutiita marema pano tichikamhaniswa une sure here?" kwave kutarisa kunababa vaCourage ndokuti," Chisarai henyu, wangu muzukuru ndatakura asi wenyu achingouya mouya motora. Handei Mona" bamunini ndokuti," Kuendepi naye mhai? Munomujaidza uyu and that us the reason tiri pano nhasi, zvakamboitikepi kuti munhu anotiziswa onzi ngatidzokerei?" but gogo turned a deaf ear.
She grabbed my arm ndokubuda beni panze leaving bamunini vasisina option kunze kwekutongotevera vese natete. Vakazomira tave kugate gogo tete ndokuti," Mama ka? Murikuda kuenda naye kupi uyu? Anonochengetwa nani nemwana wake?" vakati," Ave kunozvionera handiti ave mukadzi mukuru? Courage wake paachavinga zvinhu zvake ndipo patichapedzerana nekuti ava baba vatirikutonetsa havana kana mhaka. Vakatobva kufirwawo nemukadzi ndaona kuti tingatozovadonhedza neBP tikaita ngozi."
" Haiwa munomujaidza Mona uyu and kana reason yamatisheedzera handichaiona kana manga muchiziva kuti mune maitiro amurikuda kuita nyaya yacho. Tambopedzerei simba tichiuya kuno?" tete asked nekuti ivo gogo ndivo vaive vatovasheedza. Vaive vatoti nabamunini vauye vachiti nekuti ndaiita nharo and bamunini ndivo vaive vatozoita kuti ndibvume kuuya.
"Ndanga ndichitika Courage wacho aripo, zvino kana asipo kudai tavingei? Kumba uku kune zvinhu zvake and achatozvivinga and ndipo patichamubata ipapo kana kuti tototanga izvozvi kufambira zvekuti asungwe. Mutemo unomuwana chete" gogo vakadaro tete vakati,"Bhudhi habdei tinosiya vanhu ava kumba kwavo, ini angu maoko ndageza munyaya idzi" vachitoenda pamota bamunini ndokuti," Neniwo, kudeedzerwa kuzongoitwa mapenzi sure todzokera?" gogo ndokunyarara zvavo toenda kumota kuye.
We drove home in total silence kwave kungosvika tichisiiwa pagate nekabag kangu. They drove off gogo ndoiyti," Wave kutondipesanisa nemunhu wese nekuda kwehubenzi hwako, ndairamba ndichishingirira kuti tikusiye chirudziiko ipo paina mai Angie. Zvoita setave kutoisa sauti paronda, Mona wandirwadzisa. Kana wakambondirwadza apa wandigona asi wave kuzodzidza hupenyu manje, zvese zvekuti kukutsvagira mari yekuchikoro zvatoguma pano. Wave mukadzi mukuru wozvionera nemwana wako, zvekuchikoro hazvichambobuda apa wave kufanira kutotsvaga basa kuti ushandire mwana wako. Kana uchiri kuda kufawo the decision is yours"
With that she walked into the gate ndikanzwa moyo uchibanda, ndaive ndonyatsoona manje kuti ndakatamba nemadhaka pasina mvura asi panga pasisina kudzokera shure. Zvekufa zvavaitaura ndaive ndarwadziwa zvekusada kuzvizama zvekare so i had no option but to face life nemaregrets iwayo. Ndaive ndoona kuti chandakagona hapana, ndaive ndachiva life yaPortia ndisingamboziva kuyi raive guyu rakatsvukira mukati rizere masvosve.
I picked my bag kwave kunanaira kupinda mugate ndongotenda kuti gogo vaive vasina kubva vandirasirira. Zvekuchatsvagana naCourage ndakazviudza kuti ndaisazoita. I didn't want to be his wife neither did I want to sue him. Kuzonyatsofunga kwaive kwaita kuti ndione kuti ndini ndaive ne more to lose even pakumusungisa kwacho. The last thing I wanted was kuti nyika yese igoziva status yangu in the name of kuda kusungisa munhu so I decided to let it go. Ndaizongoonawo kuti hupenyu hwaizondiendesepi after learning the hard way.
*Portia*
Ndakaburuka paZBC nevana vangu mumwe murume kwave kuuya mudhuze oti," Murikuda jagger here?" ndichibva ndangomutarisa nengoro yake. I really needed it nezibag rangu asi mari chaiyo ndiyo yandaive ndisina. Ndaingove ne$10 yandaive ndakatongosungirirawo hangu chete yet ndaisatomboziva kuti rwendo rwacho rwaizoda marii. Kwaisave kure kumusha kwedu asi iyo nyaya yelaggauge plus vana ndiyo yaiita kuti ndizeze.
Ndakambotura mafemo ndofunga kuMbare musika kwandaifanira kuenda nekwandaive kwakuzomhidzura bag rangu nekutanga kufamba. Energy yacho ndakatoshaya kuti yaibvepi asi ndakatofamba kuenda kuye kaAngie kachiita kunzunzutira kari padivi. Bag ndakatozoriturirwa nemahwindi aive ida kuti tipinde mubhazi tatosvika kumabhazi and handina kumboda kusarudza ndakangopinda raive padhuze iro raive risati ratombove nevanhu.
Ndagara paseat pfungwa dzakabva dzatomborasikira kure kwave kuzovhundutswa naAngie akati," Mama ndaane nzara" ndikakatarisa ndikanzwa tsitsi sezvo taive tangobuda asina chaadya. Ndakakatsvagira chibuns chine cream nedrink nekubva ndayamwisa ana bhudhi vaive voshiringinyawo vari kumusana. It was my first time kuve navo ndega and ndakapinda busy kusvika vamwe mai vaive pane rimwe seat vazoti," Ndipei one" ndikavapa.
Ndakavachinjanisa pamukaka paye uyo wandakazofunga kana waitombovemo since ndaive ndisati ndanyatsodya kubva the previous day. I had to but changuwo chibuns for the sake of my twins kwave kungodyira kuguta. Ndidzo nguva dzakabva dzazotangawo kurira phone yangu yandakaignore after ndaona ari Karen. I'm sure kwaive kuda kunzwa kuti ndaive ndafamba sei sezvo ndaive ndatozomanager kubuda ndisina andiona.
Aona asina kudairwa akazoisa iri message yaainditi," Uripi Pee nevana? Are you ok?" asi handina still kupindura ndikazoona yave call yamama. Avo handina kuda kuignore though I was sure kuti pane zvavaive vanzwa. Ndakatodaira umwe moyo wototi maybe ndaifanira kunge ndambotanga ndavaudza pamwe vaitozondinzwisisa.
Ndakadaira misodzi yatoti nyangarara mumaziso vakati," Koiwe uri kupiko uri kutsvagwa?" ndikati," Ndave kuenda kumusha ini, mama zvamaitaura zviye Courage anga achitodanana naMona saka iii handichazvikwanise hangu nekuti Mona wacho atori nenhu-mbu" ndotondandama neshungu. Vanhu vaive votondicheuka cheuka asi handina kuita shungu nazvo mama vaye vakati," Saka apa urikuenda kumusha kunagogo?" ndikati," Ehe" ndichiti pamwe ndichanzi," Aiwa usaende huya kuno" but vakabva vatoti," Ahh watogona, kuna Caro hauzoshaye anokubatsira nevana."
Misodzi yakawedzera kuyerera ndikakwidzira madzihwa vakati," Unozondiudza kuti unenge wafamba sei, wonovamhoresa ivo ambuya vako" ndikati," Ehoi" ndopukuta misodzi ndatoona kuti vaisadzora tsvimbo and i deeply regrettedthe day i had give Courage another chance. Kufunga kuti ndaive ndatosiya mukana wekuenda kuchikoro for another heartbreak yaitove imwe heartbreak yakazvimiririra zvekuti bhazi rakazosimuka ndanzwa nekuyeredza misodzi ndichingopukuta chinyararire.
Karen aive achiri kungozama kundifonera. Courage aive ozamawo and uyo akatozoita kundi ndidzime phone yacho nekuti zita rake raiita kundipa hasha. Ndakaita kuridza tsamwa after ndadzima phone iye ndikanzwa vamwe mai vaive vagara paside vakabata Angie vonditi," Hupenyu muzukuru asi panobudika ufunge, hapana chisingapfuure zvakarehwa nevakuru kuti chisingapere chinoshura" ndikangoti," Maitabasa"
Haruna kumbondirebera rwendo rwacho nekuda kwekuwandirwa nepfungwa kwave kuita munyama wekunoburuka pabusstop ndingori one. Ndakatongoita skiri rangu kwave kunanga pamusha paambuya vango apo paive chinhambwe. Feeling yacho yaiita semunhu arikuenda kunhamo nekuti ndainzwa shungu nekuswedera pedyo nepamba. Kuzosvika pagate ndaive ndoda kutozviwisira pasi pandakaona vakagara pasi pemuti naCaro mwana wevamwe tete vaive vashaya wavaigara naye uyo aingove mudiki kwandiri negore.
Ivo vakatomboramba vakangonditi ndee kwave kuzosimuka vouya kuzonditambira vese vari vaviri. Ndakatanga kuyeredza misodzi pavakangosvika padhuze vakati," Hanziiko nhai mwana wemwana wangu?" vachitora bag rangu uyu Caro orwisa kuburutsa mwana one ndikati," Gogo ini murume handichada, zvazondikurira gogo ini ndaneta ini." vakati," Chiregai kuchema amai vangu handei tinogara pasi titaure, kana usisade unongouya pano pamusha penyu hausi mhosva. Mazuvano hakuna mwana achambonzi dzokera chete kumurume kana zvaramba, nyarara hako muzukuru wangu" asi kwaitongove kutaura vega nekuti ndakatowedzera kuchema kwacho.
Ndaive ndave kumberi kwavo ndichibhidhaira neshungu ivo vachitevera nezibag pandakazonzwa Caro oti," Ahh gogo murikuti vauye kuzogara nesu ivo mama vekuHarare vaiti vane Edzi? Iiii ini handidi hangu"
*The end*
Tommorow toenderera mberi rave kunzi *Diary of a broken woman* a continuation of Portia's journey. Stay tuned...
❤️
😢
🙏
👍
😮
😂
420