Tanic✨ Novels
February 18, 2025 at 04:16 PM
PRETENDER
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
Chapter 18
“Mainini please ndapota hangu musaudze sisi venyu zvamaona muno.
“Ndakuenda ini bamkuru
“Handei tese neniwo ndakutobuda
Takazobuda tese nabamkuru since ndaida kupfuura ndichitora baby
“Ndapota hangu mainini musambovaudze kana, munovaziva sisi venyu kuti kana munhu vanogona kuuraya
“Saka ndosaka makaramba kuti ndishande pabasa penyu here nhai bamkuru
Havana kudaira, but instead vakazvomora chitsama chemari from his pocket ndokukanda pamakumbo pangu
“Ndeyeyi mari iyi
“Just so that you keep your mouth closed, ndokupai imwe next week
“Aiwa bamkuru mari yenyu handisi kuida ini mungandi bribe nemari shuwa kuti ndisataure aiwa handisi pfambi sa Bella kaini
“Bella haasi pfambi
“Hoo munotomu defender nhai, i can see that munotomuda zviri serious. Munozviziva here kuti Bella akanditorera murume wangu, ndiye arikuita kuti Brian arege kuchengeta vana vake
Again, he didn’t say anything vakaramba vakanyarara havo as if hapana zvavainge vanzwa. Izvi zvakaita kuti hasha dzangu dziwedzere. Saka vaitozviziva havo kuti Bella ane murume uyezve kuti murume wacho ndiani ?
Dzimba ngani dzaaida kuputsa Bella. Yangu akaputsa now yamai Melissa. No this was just too much, haaifanira kuregerwa achiita zvaaiita izvi. Koiye Brian aizviziva here kuti Bella wake ndozvaari kuita izvi.
“Mainini zvimwe zvinhu ndezvekungosiyana nazvo munoziva, kutoita sepasina chamaona. Imi torai mari iyo mushandise makanyarara imwe ichauya next week.
Mari yacho ndakaitarisa ndikaona yakawanda chaizvo, handina hangu kuzoiverenga but yanga yakatowanda kupfuura yandaitambira.
Ndakaitora ndikaiisa muhomwe and I told myself kuti ndaizoipa sisi mai Melissa.
Kuti ndivaudze zvandaive ndaona ndaiona zvichindiremera kuti ndotangira papi uye ndaisada kukonzeresa kusawirirana pakati pavo nemurume wavo kozotiwo kuti ndisavaudze ndaiona sekuti ndaita chitema chikuru chaizvo after all she has been doing for me ndongovasiya vari murima shuwa.
Takati tave kuda kusvika pamba pavo bamkuru vakabva vataura mashoko andaisatarisira.
“Zviri kwamuri mainini kuti munoda zvipi kuudza sisi venyu zvamaona kana kuti basa renyu, you choose between the two.
I wasn’t expecting that kubva kwavari, yes i knew hama dzemukadzi wavo vanga vasina basa nadzo but this bad side of him, I knew nothing about it. He was threatening me kuti ndikataura basa rangu raizopera. At this point losing my job was the last thing i had imagined. Kamari kaibva kubasa iroro kaindibatsira zvisingaite.
Bella ndaiti pamwe zvaakandiita zvakakwana kaini, now this ?I had to do something about nyaya ya Bella iyi nekuti anga ari kutoita madiro nesuka ini na sisi vangu.
Anyways, ndakatora mwana wangu ndokuenda kumba kwangu. Musi uyu handina kudya supper. Appetite yacho ndanga ndisina.
Bella
After that Mutare issue things were no longer normal between me and my husband. Brian anga asisabatike pamba zvekumhanya, aingogara achimhanya mhanya. Chero mota yangu haana kumbobvunza nezvayo, ndini ndakatozomuudza kuti ndakapihwa mota yekubasa yekushandisa akangoti good for you.
Mumwe musi haana hake kurara pamba and he didn’t even bother to call me achitaura kuti haasi kudzoka abatikana nebasa like what he usually did and when he came back the next morning he didn’t say anything.
“Brian wakararepi?
“What do you mean by ndakararepi?
“Hauna kurara pamba kaiwe and you didn’t even call uchitaura kuti wabatikana nebasa or what?
“Must I always remind you that I have a wife and kids? Don’t you know that I have a family Bella?
“Hookay, wane family manje? Am i not your wife ?
“My family was there before you Bella saka usade kundigadza matare asina basa wazvinzwa?
Just like that akabva atobva pandaive akafamba akaenda. Attitude ya Brian yanga yave kundigumbura manje. I knew mota yangu ndoimwe yaimubhowa, manje zvaanga atangana nazvo izvi aizozvigona here .
Kotiwo naMax hatina kumbomira, infact rudo rwedu rwaiwedzera each day. I actually enjoyed spending my time with him or chatting naye kudarika na Brian especially nena attitude aanga ondiitira aya.
“Bella ini handichade zvekuti tirambe tichionana zvechihwande izvi kuita sevana vadiki
“What are you trying to say Max?
“I’m old for this chamuhwandehwande thing you know
“I’m not getting your point Max, are you saying we should stop seeing each other?
“Aaah stop seeing each other? I can’t imagine what my life will be like without you unoziva, I was actually thinking of us getting married.
“Married ???? How? You’re married and I’m also married and you know that Max saka urikutii nhai ?
“Don’t worry uchanzwisisa hako zvandiri kureva nekufamba kwenguva
“We can’t get married Max hazviite izvozvo aaah vanhu vanoti kudii nhai?
“Can i drop you off kumba kwako nhasi unosiya mota yako pabasa and i will come and pick you up mangwana makuseni.
“That will be nice you know, nhasi ndanga ndisiri kutoda zveku driver
Max akabva auya pandaive and he started kissing me. I responded very well as i was reminiscing about our pleasant moments .
As i was still enjoying the kiss he just stopped zvinova zvakandibhowa, pandakacheuka kuti ndione chaive chaita kuti adaro chii ndopandakadhumana maziso na mai Kunashe.
Of all the people, mai Kunashe shuwa.Vaidei nhai, ndiani anga avaudza kwandoshanda. Ndakazvinyarira ndokubuda ndisina kana chandataura.
Kana vakanoudza Brian ndaiibuda here nyaya iyi. Kwanga kwatove kurambwa kauku. Brian aitondiramba chete ndinomuziva uya akamboda kuita hunhu hwechibhinya anoita hake.
Shuwa kurambirwa nyaya inonyadzisa kudaro. Kana gogo vangu vaiti kudii nazvo shuwa. Max anga ataura zvekuda kundiroora asi zvaiitawo here? Kuti Brian aivateerera here mai Kunashe kana vakamuudza zvavainge vaona.
For a moment ndakambozvishora kuti ndaimboitirei zvinhu zvinonyadzisa kudaro. Now that I didn’t want kurambwa na Brian I realized how much I loved him asi Max hazvaireva kuti ndaisamuda . I was confused, I didn’t know what exactly I wanted but kurambwa ndochinhu chandanga ndisina kutarisira panguva ino.
Ndave kumba Max sent me a message...
“Everything sorted, don’t stress yourself
I was relieved but I didn’t know kuti anga a sorter to what extent. Zvekuti mai Kunashe vasaudze Brian here or what. Ko iye anga ambovaudza kwandoshanda ndianiko. Munhu ega akauya mu mind yangu ndi Rose. That one was capable of doing anything, aigona kunge ariye akandi setter up, she was jealous of me and ndaizviziva. Since she had managed to get Leo chaanga achiri kuda kwandiri ndochishaya ini.
End of chapter 18
❤️
😢
🙏
😂
👍
😮
27