Tanic✨ Novels
February 20, 2025 at 02:15 PM
PRETENDER Written by CoNy 0775 313 387 Edited by Tanic✨ 0714 557 929 Chapter 20 Tinashe Zvekuramba ndichiita hide and seek na Brian ndanga ndisisade manje, Bella aifanira kuziva chokwadi chaive pakati pangu na Brian. I was now tired of being a pretender, pretending as if Brian was just my best friend when we were actually more than that. Pandakabata pamuviri pa Brian ndopandakachinja pfungwa. Zvekungoramba ndongoshandiswa na Brian ndanga ndisisade, aitofanira kundiroora, inga wani Bella ndakamutangira kuziva Brian asi akatoroorwa ndakati vavava. Chainetsa pandiri na Brian ndechekuti anga asati ambondiudza kuti anondida asi taingofadzana chete. Zvino zvazvanga zvasvika pakuitisana pamuviri hameno kuti zvaizoguma sei. Hushamwari hwangu na Brian hwakabvira kuresa, tanga tave nemakore akawanda tichishamwaridzana kubva asati atombosangana namai Kunashe. The honest truth is that i had feelings for him but iye aida kungonditora seshamwari chete so ndopakazobvira hu friends with benefits hwedu. Pese pandaimubvunza nyaya yekuti achauya rinhi kumba kwedu aisashaya mhinduro yekundipa, asi ini vavariro yangu yaive yekuti arambe Bella because she was like a threat kwandiri. Mai Kunashe ndanga ndisina basa navo nekuti ndaivaona semunhu anga angogarirawo hake vana vake. I don’t know why I didn’t open up kuna Bella kuti Brian was not just a friend musi waakasvika tave kuda kubuda pamba pavo. I had told myself kuti nomore hide and seek but I wasn’t courageous enough to face her and tell her the truth. Bella ndaitombomunzwira tsitsi ma days aaibatwa rough na Brian asi ikozvino moyo wacho ndanga ndisisina m, i was now jealous and wanted Brian to be mine and mine alone. Brian was now spending most of his time ari kumba kwangu. Ever since my boyfriend left me for another woman, Brian ndiye ainge ondichengeta. He would make sure kuti abhadhara rent yangu and other expenses. At first zvaaita sekuti he was feeling sorry for me but it seems like he had accepted my feelings for him. The more we spent more time together, the more i grew jealous of Bella and never wanted Brian to leave me. Patakaenda kuVumba kumafuramhepo ndopatakanodhumanawo naBella ikoko aina boss vake and zvakagurira mafaro edu panzira. I wanted Brian to confront her and use that as a tool yekumuramba asi iye akatsika madziro. That really got me more jealous because it showed kuti anga achiri kuda nezvake. Ini i had thought it was his opportunity yekuti abata munhu wake zvakanaka but he didn’t confront her. Boss Max Mainini ndovaisambondinetsa manje, since vanga vatambira mari yandakavapa it meant vaisazovhura muromo wavo vachitaura zvavakaona plus i had threatened her kuti basa raizopera and i knew very well kuti basa ndoravaida manje especially nezvaiitwa nemufana uya Brian kuwanza mhuri kudaro . Bella ndaisada kuti anetsekane nenyaya iyoyo zvachose, i was going to deal with the issue ndega. Weekend ndakaenda ku golf nasahwira wangu and tatosvika ndopandakazoona kuti fon ndaive ndasiya kumba. Hazvina hazvo kunyanyondidya moyo because Bella had changed the password saka kana Mai Melissa vakada kutamba nefon yangu hapana chavaiwana. When i went back home ndichipinda pa door hana yangu yakarova pandakangoona mood yaMai Melissa. I knew her very well zvekukwanisa kuona kuti iyi mood pane nyaya chete. Pfungwa dzangu dzakamhanyira kufunga kuti mainini vabvondora nyaya chete. Manje kana zvirizvo zvavanga vaita ini yangu mari vaizondidzosera chete and ndaitoudza Maila kuti avadzinge basa. “Ko kwakanaka here kwamunoita semusina kundiona nhai mai Melissa? “Kuchiipei hako,kuri right “Hoo, ko hapana ambouya achinditsvaga “Aiwa hapana kunze kweveku Reliable Timber chete Mudumbu mangu makangobvondoka zvandisina kunzwisisawo kuti zvabva nepi and ipapa ipapo ndakabva ndanzwa kuda kushandisa chimbuzi. Ndakatozonzwa mai Melissa vave kunoka pa door remu ensuite medu and that’s when I realized kuti ndanga ndagarisamo. “Muri right here, madyeiko kwamaswera ikoku nhai baba Melissa “I’m okay don’t worry Ndainzwa kuzvinyarira chaiko, I didn’t know kuti vanga vachiziva zvakawanda sei about Reliable Timber and ndaishaya kuti ndotangira papi nyaya yacho. Ko icho chandanga ndasiirawo fon chii nhai? Ko iye Bella kunditsvaga pa weekend kwaiva kwakanaka here. Now this really got me worried kuti asi Brian aive aita zvimwe ikoko. I knew what he was capable of doing, mainini vaigona kunge vakamuudza nyaya iya akamuka chibhenen’ene chaicho. Pfungwa dzangu dzanga dzave kure, ko kana Bella anga arohwa na Brian. Ndakabva ndafunga kuti ndimufonere ndichibvunza kuti was everything okay but i then realized kuti fon ndanga ndisina. Ndaive ndaiona ku lounge pandapinda of which hakusiko kwandainge ndaisiya pandabuda makusen. I gathered courage dzekuenda ku lounge kwanga kuine mhuri yangu ndokusvikogara ndakazvipeta semuenzi. Mamwe ma situation atinozvipinza tega soo vanhu akaoma, ndaive ndave muranda chaiye mumba mangu.Phone yangu ndaiiona payanga yaiswa asi kuti ndiitore zvaisave nyore. “Dad are you okay Nyadzi dziya dzakawedzera, saka chero vana vaizviona kuti handisi okay nhai. Ndaida kusimudza musoro kuti nditarise mai Melissa kuti vari kufungei asi ndakatadza. Pane fon yakabva ya ringer and i took that opportunity kusimudza musoro kutarisa kuti yaive yani fon yairinger iyi. “Melissa ipa daddy vako fon yavo iyi, Reliable Timber irikufona. Melissa akasvikondipa fon iya ndikaitarisa ndichishaya kuti ndodaira here kana kuti ndorega. “Come on dad, aren’t you going to pick that call? Or isn’t their timber that reliable? “Ko hamudaire here fon yenyu nhai baba Melissa I was left with no option but to pick the call “Hello “...... “No it’s fine, zvinowanikwa “...... “Yes i will arrange a meeting with you as soon as possible “...... “Thank you so much “Ndiani iyeye nhai baba Melissa? “Hoo it’s one our suppliers ve Timber anga achiti asender message pa wrong number but then they are saying vane promotion yavainayo and they chose Majestic Timbers kuti iite take part pa promotion iyoyo since pachange paine ma discounts. Munoona zvakanakira kuwirirana nevanhu mai Melissa honai atotisarudza kuti tiite take part because hanzi pangori nema shortlisted clients so i will arrange a meeting navo toona kuti tingawane discount yakadii because these days timber yacho yave kudhura. Ndakazosara ndopedza kutaura mai Melissa vatobuda kare, I didn’t know kuti had she bought my lies kana kuti vanga vatotsamwa nehasha. Nyaya yaive yataurwa na Bella pafon ndoyakandipedza simba manje. I thought she was old enough to deal with such issues manje ndinge ndaiti dealer nepwere chaiyo. I had to be extra careful otherwise ndainenerwa mhosva dzisiri dzangu. Nyaya iyoyo ndoyaisamboita manje, namai Melissa ndaipona here, ko ku church hako ndainyarira pai . Kana ipo pabasa pangu, zvaizoburitsa chimiro chakanaka here. I had to make sure that she aborts that pregnancy. End of chapter 20
❤️ 😮 😂 🙏 😢 👍 38

Comments