TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 18, 2025 at 06:04 AM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 7 Sir vaiva votoda chaiko and ne expression yaive pachiso chavo yaingokuudza wega kuti zvaive zvavashatira. Ini ndaive ndisina chandainzwa hangu, coz pandakangofunga zvavaive vandiita the other day riya ndakabva ndato looser focus. Pavaiva voda kutotangidza madhiri takanzwa ruzha rwevanhu vaisvoverera and tese takavhunduka pandakacheuka wanike vanhu vaive vakatowanda kusanganisira umwe musikana ainzi Cassandra wataidzidza naye. Ndakaona ndaparara ipapo, coz nedzungu raive nemusikana iyeye ndainozadzwa chikoro chese vakomana. Ndaizofambirepi nhaimi aah zvakaita like upenyu hwangu hwaive hwatoguma. Iye Cassandra akabva atoswedera pedo apa taive tangomira nasir tichishaya chero zvekuita. Akabva ati "Ummm iwewe Londiwe unosemesa veduwe, neiwo mazitsvina aunawo iwayo woita futi chihure ummm. Chihure handi chodawo uchionekera here. Instead of concentrating on things which will change your tsveee wave kuita zvekuvatiwa neziteacher iri risina moyo. Usati ndiwe wega zve watanga kuvatiwa naro ipapa ummm shame" Mashoko ake akapinda mumoyo pamwe nemunjere and aitaura chokwadi hake, ndaive ndaita kubhaiza chaiko. Ndakademba kuti dai ndisina kubvira ndaita izvi but yanga yave too late. Vamwe vanhu vaive na Cassandra vakatanga kutaura zvavaida paya vachiti nemonday vaizonosvika vachiudza vanhu kuchikoro. Ini ndakaona kuti kuramba ndiri paya nemashoko aitaurwa zvaisaita ndichibva ndangoti sveverere ndiye speed ndakananga kumba. Hana haina kubvira yagadzikana hama wee, coz ndaiziva kuti zvaitozosvika kuna mbuya chete nevemakuhwa. Sezvineiwo weekend yakapera ndisina kumbobvunzwa maybe vaiva vasina chavanzwa havo. Ndakaenda kuchikoro zvekushinga hangu and ndakati ndichinosvika ndichibva ndatotanga kunzwa nyaya iya, haaa pakazorira bhero rekuti tiende pa assembly zvaiva zvatove worse. Apa ndakabva ndatonzwa kuti sir vakatiza hembe dzavo dzakatozouya dzosengwa ivo vatoenda nakare. Ndipo pandakaona kuti ndaivharwa chete ini, munhu aitaura zvekundiroora now zvadai ave kutiza achindisiya ndoga aaah ndozvinonzi usafa wakavimba munhu chokwadi. Ndakazenge ndave topic pachikoro kubva pa assembly ipapo, headmaster vakatotsiura vamwe vachishandisa ini as an example gaya. Ndichibva ipapo ndakange ndongodeedzwa nemateacher vachibvunza nyaya yacho. Day iri ndakapfidza matadzo ese hama dzangu, muclass maiva musisagariki vamwe vachingoti padiki padiki votangidza ndosekwa paya. Chainyanya kutaurwa hutsvina hwangu pamusoro pazvo ndoita chihure aaah veduwe zvanga zvakaoma. Pakuenda kumba ndakangoendawo zvekuti ndaisava nekwekuenda hangu but ndaiziva kuti chakachaya ikoko, musi wacho vana Mwasi vakakasika kusvika kumba ndokunoudza gogo, iii guys ndakarohwa ndichinzi "Rega mai vako vasingakudi shuwa, imagine vakugara newe wotora murume wavo aaah." Vaingodaro havo but dai pamwe vachindida mai vangu ndisina kumbowira mutsaona iyi. Ndakarara nenzara musi iwoyo, makuseni ndakangomuka ndikaona kuti acha yaiva yakaiswa rice yakakanganwiwa mukitchen ndichibva ndangobika ne extra ndikadyawo at least ndaizonosekwawo ndine energy. Kuenda kuchikoro dzaingova nharo coz mashoko andaiudzwa nevamwe plus kumba vaitaura zvavanoda futi aaah aive ma1. Ndaidzungaira ndoga kudai pachikoro, munhu 1 akangoratidza kuti haana kuita basa nazvo ndiheadboy, aiuya kuzotaura neni but ndaive ndisingatodi coz ndaiziva kuti chinangwa chake i1 muupenyu hwangu. Ndaingomusiya akadaro vanhu vachitombomuseka but aisava nebasa nazvo everyday pabreak nepalunch aitouya muclass medu kuzotaura neni. Mazuva aive achitofamba zvakadaro and ndaive ndatongojaira kuti kusekwa ndekwezuva nezuva apa zvinhu zvacho zvaisa fader wena. Uyuwo headboy ndiye aindisimbisa but ndaisamusekerera zvangu and ndakabva ndazoziva zita rake kuti ainzi Tamuka. I think aive otoona kunge ndiri shamwari yake chete. Takazosvika pakuvhara zvikoro for second term zvinhu zvakaminama kudaro. Ndaitoziva kuti nhamo iya yaive yatanga kunoswera kumba kwandinenge ndichiitwa yese yese zvaive zvakangooma hazvo. Gloria akauya kumba nemwana wake mukomana, I think aive kuzvigrade 7 ikoko coz anga ati kure and ndakazonzwa kuti ndiye ega aive mwana wake ndikatoshaya kuti why aive asingadi kuzvara vamwe. Inini ndaisava nebasa naye and iye akamboda kutaura pamusoro penyaya yangu achiti hee hanzviitwi nemunhu akabva mudumbu mangu kudii wee. Ndakazongomurangaridza kuti handina kubva mudumbu make hanty yake mimba yaive yakabva here. Vakazongondirova vachibatsirana namai vake but chokwadi vaive vachinzwa havo. Rimwe day ndakazongoti ndakagara kuseri kweimba ndokunzwa vachitaurira iye Gloria namai vacho. Ndakanzwa gogo vachiti "Saka iwe unombofambawo here uchinzwa kuti chii, unoti tinosvikepi tichiramba nhaiwe at least dai waita nhumbu taiziva pekutangira" "Aaah mama zvinhu zvacho zvakangooma izvo aaah..." Handina kuzonzwa kwaienda nenyaya yacho coz uyu mwana waGloria akabva auya kwandaive ndiri achiti mainini makagairirei ipapo kudii wee. Apa ndoona kuti aindifarira but aishaiwa mukana wekutaura neni coz aingoti kungoti chakati kwandiri otopiwa zvekuita or ini ndaibva ndatotumwa. Ipapo akauya akagara pandaive achitaura neni achindibvunza kuti why ndaifarira kugara ndega plus ndakanyarara. Ndakangomuudza kuti ndizvo zvandaiva asatya hake. Ndakagara paya naye aive otondivaraidza hake coz waitaurisa ndipo pandakazongonzwa ndotukwa namai vacho hanzi ukuudza mwana wangu kuti kudii. Hee uro toxic iwe handikudi padhuze nemwana wangu. Iye mwana wacho akabva ati "Mama why are you always shouting at mainini, anotori munin'ina wenyu zveshuwa here or mainyepera dady. Ini ndini ndauya kuzotaura navo why musiri kutuka ini muchituka ivo vatadzei. That's why Mwari vachiita kuti musandibarira munin'ina imi nxaaa" Stay tuned End of chapter 7
❤️ 👍 🙏 😂 😢 36

Comments