TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 18, 2025 at 06:10 PM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚
https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q
TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK
https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH
FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇
https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/
*THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭*
*WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚*
BOOK 10
PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE
CONTACTS: 0780677763/ 071143699
CHAPTER 8
Ini ndaisada zvekunetsa navo mai ava, zvino mwana wavo ndiye aive otoda kutangidza hondo. Asi aive hake ava udza chokwadi, but instead of kuti vanangane nemwana wavo vakabva vatorana neni hanzi
"Ndiwe wanga uchiudza mwana wangu zvisina basa ka, kuda kuti andipandukire manje ukada kufarisa unobva pano and hameno kuti uchaenda kupi"
Trey..."Imi mama munoda kuswero netsana namainini sei, ini ndini ndakupindurai and ivo hapana zvavambondiudza ava ndanga ndichitovabvunza kuti why muchivavenga vakatoramba kutaura. So ini ndave kuda kuziva reason iri kuita muvavenge kudaro apa vamwe vana mainini avo hamugari manetsana navo asi havana chavanomboita pano pamba futi"
Gogo..."Iwe Trey rega kuda kungwarisa nhema apa haiwawo"
"Ko mungatii nhai gogo imi muchibatsirana namama kuvenga munhu asina mhosva. Munofunga kuti ndiri mwana mudiki sterek zvekuti ndingatadza kuona here. Manje itai henyu zve izvozvo asi chandoziva Mwari havasi benzi muchavafunga mainini ava nerimwe zuva"
Iii mwana uyu zvaaitove nemashoko nhaimi, ini ndakazongobvapo zvangu coz zvehondo ndaisada musi wacho. Ndaingonzwa kufizuka zvangu, kuita like ndaizonzwa bad news. Ndakazototanga kubika chikafu chaizodyiwa masikati, ndave kutopedza murume waGloria akabva asvika. Vakafarirana havo ini ndaingove mumba zvangu ndaisada kukanganisa precious time yevanhu netsvina yangu. Iye murume wacho kuzoita dzungu kani achindibvunza aaah iye mwana wacho akabva ati
"Mainini vanofarira kugara kwavo vega avo coz vanovengwa namama nagogo"
Imi woye imi, panze pakaitwa ruzha vanhu vachitsiura mwana aingotaura zvaasina kubvunzwa. Ivo baba vacho hakazouya mukitchen tikamhoresana vachibva vanditi
"Mainini ndoda kukutorai muite mudzimai wangu. Mobatsira sis venyu kundizvarira vana, ndichikuendesai kuchikoro hangu"
Munoziva ndakarohwa neshock ndikakachidzwa nemate imi zvekuti ndakakosora vanhu vakauya mumba vachida kuona kuti chii chaitika. Gogo vakabva vatonditi
"Iwe buda muno mhani, unokosora zvisina order kuti waitwei kutsvaka kutisemesa zvako. Wagarisa usingarohwi"
Handina kunonoka kubuda ndichibva ndatomboenda kumunda kunogara ikoko. Ndakazoti kukosora kwapera manje ndipo pandakatanga kugaya mashoko aive ataurwa nemurume waGloria. Imagine kuti anoda kundiroora ini apa akaroora amai vangu, ingoti aisaziva hake kuti Gloria aive mai vangu.
Izvozvo ndozvandaisazoita hangu, hongu amai vangu vanga vakandibhaizira but moyo wangu hauna kuoma sewavo. Ndakademba kuti dai baba vangu vaindida veduwe ndaifawo ndaenda ikoko, zvino ndingori munhuwo zvake asina anotombomuda panyika ino. Njere dzangu dzaive ndakaita kuremerwa chaiko and ndakangozoti rega ndimbobuda ndimbofamba famba ndichidzora ndangariro. Ndakabuda ndokuenda pane rimwe ziware hangu ndichibva ndagara pamumvuri ndikadzamisa pfungwa chaiko ndichinyatsotarisa mararamiro andaiita. Now handichina chiremerera nenyaya yevabereki vangu vasina hanya neni. Ndichaita sei chaizvo, apa dai kune anondionawo semunhu andibatsira zviri nani manje ndingori ndega ndega mufunge.
Misodzi yakazoguma yoyerera ndigere paya, ndakazotovhunduka ndahwa kufamba kwemunhu and ndaida kutotiza coz ndakavhunduka zvekurevesa. Ndakazotoona kuti aive Tamuka hake ndoshaya aive aziva sei kuti ndaiva ipapo. Ndozvandaisada zvevanhu vanoteverana neupenyu hwangu like this. Akasvika ndokundimhoresa ndikaramba ndiri zii hangu achibva azoti
"Nhaiwe Londie kundivenga here kana kuti zvaungabva wandinyararira kudaro. Ndiri kuda kungoziva kuti waita sei ini uri kuchema"
"Chero ukaziva zvandiri kuchema ugodii, siyana neni pamwe neupenyu hwangu. Handina wandakambotsvaka ini so chauri kuvavarira chii nxaaa"
"Usawanza hasha Londie, ndiri kuda kungobatsira nemoyo unorevesa ini handisi kuda kutora advantage or something but ndongonzwa kuti moyo wangu unoda kukubatsira"
"Handisi kuda kubatsirwa siyana neni"
"Kukusiya ndiko kwandisiri kuzoita hangu, ndatokuvigira chikafu zvangu, saka tora zvako udye"
"Ndanguva ndati siyana neni chii ko newe nxaaa"
"Haudi basa here ndina tete vangu vanoda musikana anoshanda mushop, ndatovaudza kuti vasatsvaka munhu ndotsvaka ini. Zviri nani uende ikoko unoshanda kana zvazoita wopedzisa chikoro pane kugara uchishungurudzwa here"
Ndakabva ndatosimuka ndikatotanga kufamba ndichodzokera kumba hangu, ndaive ndisiri kuda kubatsirwa naye ini. Kana andibatsira ozotanga kundiita yese yese haaa bodo, ndakashandiswa pakakwana ini. Iye akambozama kutaura neni but ndakaramba kusvikira azongondisiya ndakadaro.
Ndakasvika kumba munhu wese akandimirira wena ndikashaya kuti kwaitikei zve, Gloria akatanga kundituka paya aaah zvaive zvotobhowa achindiudza chihure nezvekuti ndakavatiwa hee what what. Ndakanzwa hasha dzichindizara apa ndifunge kuti kuzonovatiwa kudaro yaive mhosva yake. Ndakatadza kuzvidzora ini ndikamuti
"Siyana neni iwe Gloria, zvekuhura kwangu zvine basa rei newe, chero ndikahura unobvei seunebasa neni nxaaa getaway mhani"
Ndakaona munhu achiita kubvunda nehasha achida kundirova but murume wacho akabva amubata vakatanga kunetsana ivo. Bongozozo rakazopera then gogo vachibva vatuma Mwasi naNaliwe kumashop iii zvakatondishamisa. After vaenda gogo vakabva vati
"Iwe Londie mangwana unoenda namai Trey nababa Trey, unowanikwa nabamukuru vako. Sis vako havachakwanisi kuzvara saka iwe ndiwe uchanozvarira bamukuru vako ikoko"
Ndakavatarisa neziso raitaura chairo kuti vaive vakatokwana here kana kuti vaitopenga havo. Shuwa vangaite hutsinye kusvika pakuda ndiroorwe pamurume umwe namai vangu here. Ivo vaitoita like zviri kuvanakidza, ndakamhanyisa ziso kuna Gloria ndikaona akanditarisa kuda aida kuona reaction yangu hameno. Ndakangozviudza mumoyo kuti ndaisazoenda navo hangu zve, hameno kuti ndaizodii but ndaisaenda hangu...
Stay tuned
End of chapter 8
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
81