TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 19, 2025 at 06:05 PM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚
https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q
TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK
https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH
FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇
https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/
*THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭*
*WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚*
BOOK 10
PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE
CONTACTS: 0780677763/ 071143699
CHAPTER 9
LONDIWE
Vakazongoramba votaura nyaya yacho ini chingova zii zvangu. And nematauriro avaiita airatidza kuti nyaya iyi haina kutanga kutaurika nhasi aiwa bodo. Yaiita like yakataurwa ndiri form 2 but ava vanagogo vanenge vairamba kuda vachifunga kuti mwanasikana wavo angabara. Murume waGloria akazoti
"Apa isu tiri kungotaura hedu but mainini havana chavambotaura wani, ko kana vasingadi"
Gloria..."Asingadi kudii kwacho, anototi arorwe zvake kuda kusara achinetsa mama pano. Plus it's not like akunogara ka sterek ikoko chake kungozvara oona plan neupenyu hwake"
Yeah, mai vangu vaive nemoyo wedombo ndabvuma hangu. Mashoko akaita sei iwayoo anobuda mumukanwa mavo kana vane moyo wetsitsi. Ipapo ndakawedzera kuzvisimbisa kuti ndaisaenda zvangu coz vaigona kunondiuraya chete. Ummm moyo wangu waive nechidokwa dokwa chekuda kuziva chaive chambonyatsoitika kuti mai vangu vandivenge kudai. Maybe handisi mwana wavo hangu zve, coz chero vachiti vakandivenga but zvekuzobvuma kuti ndizvarire murume wavo zvingaitwa nemunhu akakwana here izvozvo.
Nyaya yakazonyaragwa vana Naliwe vadzoka, maybe vaisafanira kuzvinzwa havo. Ndaigaya kuti saka ndaizodii kuti ndisaenda coz it was obvious kuti kana ndaizoramba gogo vaisazogara neni saka ndaifanira kuwana kwekutiza ndichienda. Ndakambofunga kuenda kwana Tamuka kunomuudza kuti basa ndairida but ndakazongofunga zvandakaitwa nasir vaya ndichibva ndatozviudza kuti kana ndaizofira musango ndichitetereka zvaive nani, pane kuzonovatirwa kutsvakirwa basa ikoko.
Sadza rakabikwa rikadyiwa, ini ndichingofunga kuti ndodii chaizvo. Pakuenda kunorara ndini ndakatanga kuenda coz ndaida kunorongedza hembe shoma. Ndaisada kuti vana Naliwe vandione coz tairara muimba imwe chete but ndairara zvangu pasi ivo pabed. Ndaiva ndagaya kumukira bhazi inter-africa raibva Musumhe richienda Harare. Ini ndaisada kuenda Harare ndaida kuenda kuZvishavane hameno ndainoita sei ikoko ndainoona ndaveko.
Ndaiziva kuti nguva dzarinodarika kuma3 am hapana anenge akamuka vanozongofuma vonditsvaka ndaenda. Mari ndaive nayo $30, 20 yandaive ndakapiwa nemurume waGloria then ne10 iya yekwa sir. Yaindikwanira then inenge yasara ndozoona kuti ndoiita sei nayo. Ndaive ndotoda zvekuenda chaizvo zvaive nani kunofira musango than kuurawa nevaroyi ava. Ndakatozoona kuti nechifoni chandakapiwa nasir ndaive ndichiri nacho ndikangoti ndozonoona zvekuita nacho.
Husiku uhu handina kurara shame coz ndaitya kuti bhazi rondisiya zve. Ndaifanira kuenda kustation na2 kuti risazondisiya. Nguva ndaiona pachifoni chiya ndaingo maker sure kuti hapana akundiona ndichibaya chete. Nguva padzakakwana ndakamuka ndokutora satchel randaive ndaisa hembe ndokubuda ndichinyahwaira vamwe vaive vakafa nehope saka ndakabuda boo, and pamba pedu paisava nembwa saka ndaive safe, ko yaizogona kundihukura zve ndikanzwika.
Ndakafamba ndokubuda gate ndichibva ndazochinja hembe ndichipfekawo rimwe dress raivonekerawo. Ko ndaimbove nadzo here hembe dzacho, ndaitoitawo dzekupiwa naMwasi or naNaliwe vaona dzakakurisa kwavari. Ini ndaitozokwana coz ndaive nebody hombe zve, ndakapedza kupfeka ndino uyo tande neroad. Guys kwaive nezirima raityisa but ndakashinga ndikafamba. Ndaingova ndakabatira hana mumaoko ndichingoti ko pakawana chaizondibata husiku ihwohwo nhaimi. Paive nekamufambo panhu pacho but semunhu aive ajaira kufamba handina kurwadziwa napo.
Ndakazosvika and ndichingomira mbichana bhazi richitosvika imi woye, zvandaive ndichasiiwa zvangu. Pa station pacho paive nevanhu vakati wande ndichibva ndavhara kumeso coz ndaisada kuonekwa nevanhu vekuziva zve. Apa bhazi racho raive rakatozara zvaro aaah imi ka, takazongokwanidzirana imomo tichibva taita zvokumira.
This was my first time kukwira bhazi, ndaiva ndisina kumbokwira bhazi ndaingoita zvekuperekedza vamwe chete ini ndosarira pastation. Apa ndaive futi ndisina kumboenda kutown saka aive ma1 but ndaida kuzonoshinga so that ndisaonekwa kuti handizivi town. Conductor akazotanga kubhadharisa vanhu ndinzwe bhazi $4 kusvika Zvishavani ndikati Mwari makanaka henyu ko hanty ndaitoti ndichinzi chero 20 zve.
Ndakabhadhara ndokupiwa change hangu, ndaifunga kuti padhuze zve ndione iii zvakwatochena tiri munzira apa ndifunge kuti ndaisada kuonekwa nevanhu. Ndakazvivhara kumeso nekadhuku kandaive nako. Bhazi rakafamba chaiko tichibva tazosvika muZvish kumapast 6 ndokuburuka hangu. Ndaisatoziva kuti ndoita zvekudii chaizvo and kuti ndaive ndaburukirepi ndaisaziva. Ndakazongonzwawo nevamwe kuti taive taburukira murank yekuMandava. Ndakazongotevera vamwe vairatidza kuti vakuenda kutown sezvo rank yacho yaive kunze kwetown. Shungu dzangu dzaive dzekunoona town chete.
Ndaitofambawo kunge munhu aiziva kwaaienda aaah veduwe ka nhamo yakangoipa chokwadi. Ndakazosvika paicrossewa road aaah imi ndakayambuka zvekushinga ko ndaimboziva kucrosser pane mota dzakawanda kudero. Ndakazosvika pamwe painzi pamadhaira ndichibva ndagara paive nevamwewo. Ndaive ndomboda kunetswa nemawindi but ndakazonunurwa nevamwe mai vakati 'siyai mwana' vanenge vaitozivanawo nemawindi acho.
Ndakagara paya kusvika masikati ndisingatozivi kuti ndodii chaizvo, apa ndaiva ndonzwa nzara chaiyo. Ndakazotora dollar pachange yandaive ndadzorerwa mubhazi ndokutenga drink nemabuns. Ndakadya zvenzara ndichibva ndapedza hangu. Vanhu vaive vonyanya kunditarisa ndichibva ndasimuka ndokutanga kungomberereka nekwandaienda ndaisakuziva. Ndakazonowana pamwe pekugara ndichibva ndagara hangu, kusvika zuva rangodokawo vamwe vaive voenda kudzimba dzavo vaitengesa vachirongedzawo zvinhu zvavo. Pavari vese hapana akamboda kundibvunzawo kuti sei ndaive ndakangogara iko kwaive kwavira.
Kwakachizonyatsosviba manje and vanhu vaive voita sevoshomeka, ndakazongobva paye ndokunoti kwati nemadziro eimwe shop ndokugara ndakadaro. Vanhu vakachizopera zvino apa chando zvachaive chondiita remember maive muna August ka chando chaive chisina kunyatsopera. Ndakazotora dzimwe hembe ndokufuga oave ndave kutobatwa nehope ndipo pandakazoona ndakombewa nevakomana 3 and nguva iyoyo vakabva vangondisimudza ndokutanga kufamba neni ndakambofunga kuridza mhere but vakakasika kuona umwe wacho ndokundiisa banga pahuro. Vaitonondiita zvavanoda havo after all *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS* 😭😭😭😭...
Stay tuned
End of chapter 9
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
64