TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 20, 2025 at 06:22 PM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 10 LONDIWE Ndainamata nechemumoyo ndichidaidza Mwari wandaive ndisina kumbobvira ndasheedza muupenyu hwangu. Munoziva kare kwese ndaisanamata hangu ka but day iri ndakanamata shame. Ndaingonamatira minana nezvishamiso kuti vanhu ava zvavaindifungira zvisabudirira but ndofunga Mwari vakatadza kunzwa ini maybe because ndaisavanamata hangu. Ndakaendwa neni paive pakaita pasango ndichibva ndabviswa dress randaive ndakapfeka apa vaibvisa zvechirough chaizvo. Vakandichinjana guys vese vari 3 kana kusema kuti vaipinda panhu 1. Apa ndaive muvhu chaimo zvekuti ndainyatsonzwa kuti ndasvuuka musana pano vanhu vacho vaitoita zvehutsinye chaizvo zvekuti ndakangozviudza kuti chibereko paiva pasisina chaive chadambukanya chete. Ndakambotanga ndichanzwa kurwadza pedzisire handichina chandichanzwa, vakangoita zvavaiita kusvika vangonetawo neni ndokubva vaenda. Ndofunga ndakangosarawo ndikafenda ipapo coz ndakazopatika ndichiitwa zvekurohwa rohwa so. Pandakavhura masiso ndakaona kuti kwaive kotochena and ndakabva ndaona kuti ndairohwa rohwa neumwe mukadzi. Paakaona ndavhura maziso akabva ati "Pheew thank God uri mupenyu pandasvika pano ndafunga kuti zvimwe wakasofa kare ka ini. Apa uri kuratidza kuti wakakuvarisisa chaiko. Hold on ndimbotsvaka taxi apa ndikuendese pamedical center iri padhuze apo" Handina kuwana simba rekupindura mukadzi uya ini apa ndaitova neconfusion kushaya kuti aive abvepi anoda kundibatsira aaah dai akandirega ndafa zvangu ko ndanga ndine basa rei. Ndichava munhu akaita sei nhaimi ava kutoziva varume hobho at 15, apa chero uyoyu mukadzi akandibatsira zvozodii mberi kwacho. Ndakabva ndangoti achidzoka ndoda kumuudza kuti arege hake ndife coz zvaisabatsira izvi. Ndakaita nguva ndakarara paya coz ndaisakwanisa kusimudza chero ruoko muviri wangu wese wairwadza imi apa uchirema kuita sendakatakudzwa zidombo. Ndaiti pamwe achakasika kudzoka zve mukadzi uya manje iii kuita nguva asati auya, ndaive ndotofunga kuti pamwe akundikanawo hake. Ndaiva ndoshuvira kuti dai ndaigona kumuka ndangozvipedzisa hangu. Ndakatozoti ndiri mundangariro ndipo pandakanzwa mota kudhuma, then vanhu vachifamba vachiuya kwandiri. Iye mukadzi uya akabva asvikoti "Sorry munin'ina wangu ndazononoka iii taxi yacho yanga ichitonetsa kuwana iyi but zvazoita. Iwe Gidza uya undibatsire kusimudza munhu uyu tiise mumota" "Aaah amana ndingabata munhu asina kupfeka here uyu unoda ndiite sei" "Haaa iwe Gidza usadza kuita seunopenga, iye mwana mudiki uyu ndiye waunoda kuita semunhu mukuru here plus zvine basa rei ari kurwara zve uyu" Vakanetsana kusvika vazondibatirana ndokundiisa mumota then mukadzi uya akadzokera ndokunotora satchel yangu ndokudzoka akapinda mumota. Yakamutswa mota tichibva taenda kwandaisaziva and ndakazoona tasvika paive pakanzi Lordsland medical center. Manurse acho aivepo akauya nekukasika ndichibva ndatogwa ndokupindwa neni mukati. Vakatanga kubvunza zvavaida kuziva mukadzi uya achipindura ini ndaingove zii coz ndaisatoziva kuti voice ndaive ndichiri naro here or raive ratopera zvaro. Ndakazotanga kurapwa vanhu vacho vairapa vaive nerudo zvavo vainyatsondicleaner zvakanaka. Musana waive wakuvara saka vaitondicleaner nekundiisa mushonga. Ndakazomborara chaiko after ndapedzwa neni ndikazomuka mukadzi uya akagara paside pangu. Paakaona ndamuka akabva ati "Oh wamuka, ndauya nechikafu ichi idya uwane kumwa mapiritsi shaaa. Tanga nemaheu aya then wozodya sadza" Ndakazama kumuka zvikaramba achibva atotanga kundimwisa maheu aya ndakarara kudaro. Apa pahuro pangu paive pakaita kuomerwa chaiko but ndakazvimanikidza semunhu aibatsirwa ne a total stranger. Zvaisada kuti ndiyeme ipapo bodo, ndakamwa kusvika muhalf mechigubu achibva azotanga kundidyisa sadza ndichingodyawo semunhu aisava ne option but ndaisarinzwa. After that ndakazomwa mapiritsi acho apa aive akawanda sei, aindiudza hake kuti aya ndechii aya ndechii but njere dzangu dzaitova disturbed ndaisamboterera zvangu. Pandakapedza kumwa akabva anditi "At least uri kubvuma mapiritsi unokasika kupora manje. Ini ndonzi Mecky, unogona kungonditi sis Mecky hako no problem. Iwe unonzi ani handina kuzombobvunza ka zita rako" "Ndinonzi Londiwe" "You have a nice name shame, iko newewo you are beautiful hako. Chimborara mapiritsi anyatsoshanda kana wazo recover tozoona zvinotevera" Ndakangogutsurira musoro ndichibva ndatovata hangu and hope hadzina kunonoka kundibata wena. Ndakaita vhiki ndiri muchipatara muya sis Mecky vachiuya everyday kuzondiona vachindivigira chikafu. Ndaizongotya kubvunza kuti vanombogarepi uye vachiita nezvei chaiko. Apa muchipatara mandaive vairatidza kuti munodhura saka ndaitozvibvunza kuti vaizoibhadhara nei mari yacho nhaimi. Ndaingozvinetsa hangu ndiri ndoda wekubvunza ndaisava naye, pakupera kwevhiki iyoyo ndaive ndogona kusimuka ndega pamwe nekufamba ndichitoenda kutoilet ndega. Ndaive ndapona veduwe, chibereko chainzi hachina kukuvara zvakanyanya saka vakakwanisa kundirapa chaive chave bhoo. Kumusana kwaive kopora zvekuti I was ready to be discharged hangu. Rimwe day ndaiva hangu ndakarara ndakavhara maziso but ndisina kubatwa nehope ndichitofunga kuti zvandaive ndapora ndaizodii. Sis Mecky vakabva vapinda vane munhu wavaitaura naye handina kuvhura maziso saka ndakangonzwa voice ravo chete vachiti "Iwe ini mari yangu haichakwani, ndiwedzerewo mari ndipedzise bill iri unoda ndiite seiko nhaiwe" "Aaah iwe waimuunza kuno kunodhura sei iwe uchiziva hauna mari yacho. Ona plan shaa usada kundinetsa" "Jay usadaro wangu saka waida mwana wamai vangu awore here, akarepewa ka uyu usaita kunge usina kuona kuti anga akakuvara sei mhani iwe" "Iye airepewa aripi haiwawo handina mari yacho ini" "Hoo okay okay so iwewe chaunongoda pandiri i səx ka, kana ndikakumbira mari haudi dai mari yacho yakawanda better $30 here nhaiwe. It's okay kana usina rega zvako ndichaona plan" "Aaah shaa zvave zveku threatena na here wangu, kana ndisina handina" "Ndati It's okay wani wave kuramba ychitaurei nxaaa" Ndakazonzwa kufamba anenge aive oenda munhu wacho then ndikazonzwa ivo sis Mecky vogara pabed. Ndakakasika kuvhura maziso ndarangarira kuti ndaive nemari $25 yandaive ndisina kuzoshandisa iya pandakabva kumusha so ndaida kutore vawedzere then pozongoshota $5 chete zvaive nani. Ndakabva ndangomuka ndichiti "Sis Mecky maswera sei, ko satchel yangu irikupi" "Kkk hezvo nhaiwe Londie wangomuka uchibvunza satchel kwakanaka hère kasi wave kuda kuenda here" "Aiwa ndoda mutore mari muchihomwe chemukati kana ichirimo isina kutogwa nevanhu vaya muwedzere pane iri kushota" "Kasi wanga usina kurara nhaiwe" "Ehe tarisai muone kana ichirimo" "Aaah ndanga ndichizongotsvaka don't worry" "No torai please " Vakazosimuka ndokutora satchel vakatarisa vakawana irimo, pamwe nechifoni changu chiya. Ndakatofara coz vaitozochitengesa vawedzere futi... Stay tuned End of chapter 10
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 84

Comments