TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 22, 2025 at 05:54 AM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 11 TAMUKA Ndava nemazuva ndichifambira kumaraini kwana Londiwe but handisi kumuona guys, aaah ndoita sendichazosvika pamba pavo ini. Ndamusuwa guys mufunge henyu, apa iye asiri kubatika kudai. Rimwe day ndakangomukira ikoko ndisina chero nekugeza kumeso shungu dzangu dzaive dzekuda kuona mwana anga aba moyo wangu. Ndakanogara padhuze nepaden pavo ndichiti zvimwe ndichamuona ave kubuda zvino haana zvekuti nguva dzaive dzotonanavira kuma10. Ndaive ndotoda kuita zvekupinda pamba pavo ndipo pandakazoona umwe musikana achibudapo ndichibva ndaenda kwaari. Iye akangoti achindiona achibva asekerera achinditi "Aaaah ko ndiwe Tamuka hako, our handsome headboy zvrsei. Ko ukutsvakei makuseni ano" "Ndiri kutsvaka mombe hangu, ursei. Ko Londiwe aripo here" Akaratidza kubhoikana and chero mufaro waive pachiso chake wakanyangarika ne2 mins. Ini handina kuita basa nazvo coz chandaida kuziva kuti Londie aivepi. Iye akazoti "Ummm ukutsvaka Londiwe kwakanaka here, unomudii munhu airarwa nasir nhaiwe uchisiya isu hedu vana Naliwe. Anyways Londiwe akatizira kumurume wake" "Akadii, ukurevesa here nhaiwe ndiudzewo ka chokwadi" "Ndikakuudza chokwadi unondipa number dzako ka" "Ehe aaah number yaisi nyaya wangu" "Londiwe akatiza uyo hameno kwaakaenda atove neweek. Akatiza kushungurudziwa zve namama vake nagogo" Ummm ndakamboda kuramba but nekuda kweserious yaaive nayo ndakaziva kuti chaive chokwadi chete. Ko angave aive aenda kupi nhaimi ndaizomuwanepi ndiudzeiwo. Musikana uya akazongoramba otaurisa achitonetsera number ndichibva ndamupa hangu. Akafara zvisingaiti asingatozivi kuti phone yacho ndaiibata nenguva dziri kure ndaive ndisina basa nayo ini. Ndakazokweva vakumbo ndichidzokera kumba apa ndaive ndochinyatsonzwa nzara pamwe pese ndaiva ndisiri kuinzwa henyu. Ndakanosvika kumba gogo vachidzungaira havo vachinditsvaka ko hanty ndaive ndabuda ndisina kutaura here. Ivo vaizonyanya kuda kundiita mucheche gogo aaah. Ndakangoti ndichisvika vachibva vati "Unoda kundiuraya ndichifema here iwe mwana waTamuka, wanga waenda kupi makuseni ano aya. Ipapa ndanga ndoda kutoisira bambo vako message pa app ndichivaudza kuti handikuoni" "Aaah gogo veduwe handichasi mwana mudiki ini. Apa ndanga ndaenda hangu kumba kwana Londiwe kunomutsvaka" "Aaah iwewe shuwa bodo, saka wamuwana here. Mwana uyu zvawotokupenza nhaiwe" "Ndamushaya ini gogo hanzi akatiza hameno kwaakaenda" "Aaah nhai Mwari wangu zvino akaenda kupiko mwana uya ini zvangu ini. Paya patinenge tichida kupindira munyaya dzakadai tinozonzi vana mbuya Musana vanoda kutonga kwese nekuti vane mari zvino oh ndezvipi izvi" Ndakasiya vodembedzana nasekuru ipapo ini ndoenda hangu mumba kunotsvaka chikafu. Ndakadya hangu but moyo wangu waipisa chaiko but chandaikwanisa kuita hapana. Sorry guys ndazongotanga nekupengeruka ndisina kukuudzai zvizere pamusoro pangu, ini zita ndinonzi Bradley Musana iro rekuti Tamuka ndongodeedzwa naro but harisi rangu ndera baba vangu. Mbuya nasekuru ndivo vakangoti randaiva ndapiwa rinonetsa kudeedza vachibva vatotanga kuti Tamuka richitobva ratozikamwa iroro. Even kuchikoro ndongonzi Tamuka coz ndoravanoziva azhinji havatozivi zita rangu chairo. Ndogara nambuya nasekuru vabereki vadady vangu, then dady namama nehazvanzi yangu vari kuCanada ndiko kunoshanda vabereki vangu ikoko. Ini hangu ndakazodzoka kuno after ndapedza primary level coz handina kubvira ndambofarira kugara kuCanada zvachose. So ndakazosarudza kuuya kumusha hangu although vabereki vangu vaisada. Hazvanzi yangu Brenda akasara ikoko but ndakatonzwa kunge anodawo kuuyiswa kuno. Takangozvarwa tiri 2 chete apa dady vangu vakabarwawo vari 1 havo. Saka apa ndinogara nagogo nasekuru then nemukomana anorisa mombe takadaro. Paden pambuya vangu vane everything and ndingatoti ndisu tine mari kudarika munhu wese mu village. Ini hangu handina show off nemari coz handina basa nayo even kuchikoro vanhu vanoda kundipa respect nekuda kwemari yekumba kwedu apa ini handizvidi. Kutoitwa headboy kwandakaitwa imwe reason was being kumba kwedu kune mari. Hongu chikoro ndaigona hangu uye pakupfeka ndaikwikwidza handirambi hangu. Lucky this is my last year ndiri paMurerezi aaah kumwe kuremekedzwa kwazonyanya plus kudiwa nemababe. Almost musikana wese wepachikoro pedu anotondida ini, mafariro avanoita kana ndirini ndiri kuleader pa assembly anotobhowa imi vanoita ku screamer pandinotanga kutaura. Apa ini zvemababe zvitori kure neni hazvo but pana Londiwe ndaive ndada guys nemoyo wese. Vanhu havo vaindiseka nekundiwanzira pamusaka pake but ndaisaterera my goal yeive yekudiwa naye manje zvinenge zvakaramba chokwadi. Ndichitanga kumuda ndakaudza mbuya vakatonditi kana ariye adiwa nemoyo wangu hapana chakaipa. Plus mbuya vaimufarira Londiwe hanzi anoshanda plus haana kuvhengedzera sevamwe vasikana. Pandakatanga kumuvinga ndaifunga achandida zve but iii zvakaramba apa iye onoda sir ndiudzeiwo. Handina hangu kumushora coz sichazi yaaive yanga yakangooma but at least dai akada inini ndaizongomubatsira ndisingarari naye zve. Ndaitova serious naye guys zvisiri zvekunyepa. Chero pakazonzi aonekwa akarara nasir kurwizi handina kumira kumuda but ndakabatikana hangu. Vanhu vaimuseka kuchikoro but inini handina kumboda kuita give up naye ndairamba ndichitaura naye ndichizama kuti ndidiwe but zvaakaitwa nasir ndofunga zvakamurwadza coz zvaaitaura so ka waingonzwa wega kuti munhu ane zibundu mumoyo uyu. Zvisinei ndaive ndangoti ndichamubatsira nepandaigona napo but zvakaramba now akatiza handitombozivi kuti aripi aaah veduwe ka. I was trying to be strong but ndairwadziwa sekuru ndivo vakazondisimbisa vachiti kana ari wangu chaiye tichazosangana rimwe gore. Ndakazongobvuma izvozvo moyo wangu uchibva wadzikama. Ndakazotogeza kuti ndinzwe bhoo ndokubva ndaenda muroom mangu kuti ndinorara but ndakasvika foni yangu ichi ringer. Apa dzaive new number pandaiva noda kudaira ndipo pandakafunga kuti ndaive ndapa musikana uya number dzangu ndobva ndarega. Pasina nguva ndakazoona papinda text ichiti "Ndi Naliwe, ndidairewo kani" Handina kuzotodaira ndakabva ndatodzima phone yacho ndokurara. Kana mama or dady vaida kutaura neni vaindibata paphone yambuya... Stay tuned End of chapter 11
❤️ 👍 🙏 😂 😢 41

Comments