Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
February 19, 2025 at 04:25 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIVOnT7z4kgDHlGwd2J
*FREE BOOK💥💥💥*
kuti usapesane nemachapters ese kusvika ripere please follow my channel umu ndomaunoriwana from chapter 1 uye kumagroups groups unogona kutadza kuriona nekuda kwekuwandirwa kana warifarira pinda muchannel please.
K.T MOVEMENTS PRESENT ❗❗❗
*2025 New book*
LAST MISSION 🚓🚓🚓
WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS
📞+263776059151
📞+263713408299
CHAPTER 18
Damain Mufaro waaiva nawo so kaa achienda kumba kwemukuru wake sezvo ainge aona kuti mukuru wake achiri nerudo rwaainge agara achiri narwo zvekuti dai aingewo ane mweya mutsvene dai akaona kuti mukuru wave yavo shato yasanduka mavara uye arikufambira shumba ine nzara pfungwa yekuendako isina kumbobvira yamubata. Anoirova zvake mota yake achiitira kuda kukasika kusvika uye kuzokasika kudzoka kuitira kuti azowana time yekuenda kunoteya misungi yake chikwata chisati chatama ichi.
Anosvika kuOffice yemukuru wake zvake ndokubva apinda zvake umo maanoona nyemwerero yemukuru wake yakazara kumeso ndokubva agara pasi vachikwazisana zvavo mushure mekanguva mukuru wake anozonzwikwa kutaura.
"My son ndini ndakudeedza tarisa nguva yafamba mazuva aenda nyika yese yakakurasa tarisiro uye vemutemo vese vakatarisa inini sezvo ndini ndine department rakapihwa kuti ndiite basa iri ndikapa imimi majunior angu zvino ndaona nguva yareba musati mawana chinobatika uye kutokupa vana vangu kuti mubetserane asi hamusati mauya kundiudza kuti mava papi look at now Imessage yaitobva kuC. I. O department yekuti hatisi serious so tell me chii chiri kunetsa uye update yakamira sei" anobvunza mukuru uya chiso chichibva chawira pasi kuratidza kuti mufaro haachisina ndokubva Damian ambokosora kosora hake ndokubva atanga kunyemwerera.
*"Musashushikane kana kunetsekana Boss zvinhu zvese zvava in Order pamba pevapari Vemhosva ndakupaziva uye Muridzi weChikwata so far ndi Minister of Defence forces uye mitumbi yevatungamiriri ndivo vanayo ndakaiona paya pandakambotsakatika chakaitika ndeichi"anodaro Damian ndokutanga kutsangangura zvese zvakaitika asina chaakasiya maroverwo aakaitwa uye kutora mifananidzo neWatch yemitumbi yevatungamiriri uye vanhu vakamurova zvese izvozov anotaura ndokuzopedzesera achiti "*. Chandiri kuda iBackup yenyu nhasi na 11.00pm tosangana pahouse number iyi ndiri kuda mapurisa anoita tikombe imba iyi nenguva idzodzo titore mitumbi uye kuparadza chikwata ichi zviri smart. ndozvega zvandirikuda nekuti chikwata ichi chakakurisa kune vamwe vemutemo varikutodya nemhondi idzodzo asi mashoko angu ndeanoti dai vagara vatendeuka nguva ichiripo nekuti kuchadyiwa sadza nemadhirofiyo" anodaro Damian ndokubva Mukuru wake atanga kuti.
*"Ndokuti Gentleman uku My Son ndanzwa nyaya yako yese soo zvandakuda right now ndoda kuti iwewe undipe information yese yawakawana nhasi then mifananidzo yese yawakatora yechikwata ichi iwewe time dzawataura 11.00hrrs dzanyanya vanhu vanenge vachiri vakagara asi munenge makuenda na 01.00hrs vanhu vabatwa nehope inini information mation iyoyo pamuchabata mhondi idzi nhasi inini ndinobva ndatopa Press conferance since zvese tava nazvo and ndazvitira kuti uite basa uri safe information yese ndinayo kunoki lm your Boss and ndini ndakakupa basa usafunge zvakaipa hako Mwanangu"* anodaro Boss uyu anova mashoko akafarirwa naDamian asi dai aiziva kuti mukuru wake arikuda kutanga awana infomation yese ouraya Damian information ava nayo uye apa aida kushandisa mwana wake Mabika kuuraya Damian zvekuti iye aisafungirwa saka Anotanga kunyemwerera hake ndokupa Damian 500 yelunch ndokubva aoneka hake uyo akabva aenda kubase ndokunotanga kugadzira infomation yese achiisa panzvimbo 1 nguva iyi pane imwe pfungwa yakamubata ndokubva atanga kuita copy information yese mune rimwe drive rake akatora zvese haana chaakasiya achipedza anobva atora zvimwe zvese ndokunopa mukuru wake information uyo anotanga kubvunza kuti.
*"I hop ndizvo zvese hauna imwe yawasiya my Son and camera watch yawakatoresa ndipe zvese kunoki nelaptop yawakaisa yaunoshandisa zvebasa ndipe"* anodaro mukuru uya ndokubva Damian amboda kuramba ne laptop asi anozopedzesera amupa hake asi mukuru uyu akaona kuti Damian aisatoda ndokubva Damian azoti.
*"Peter aiva Shamwari yaJesu mwanakomana waMwari yaaidisisa zvakaomarara asi rimwe zuva Jesu akati ndaona iwewe peter wandipandukira wandiramba katatu jongwe retatu risati rakukuridza Peter akati kana Maari wangu handikurambei kwatakabva tese kure asi Peter akazoramba Jesu mushure mekunge Jongwe retatu risati rarira totarisa kuna Judas iscariot naJesu vaitodya musame plate asi nyaya yemari yakaita kuti Judas ava mutengesi Jesu akabva auraiwa. Ndinotenda nemashoko angu aya kana mamanzwa mamanzwa ngatisanganei na 01.00hrs neteam randakumbira tipedze nyaya iyi"* anodaro Damian ndokubva atosimuka kubuda muoffice umu achienda kubase asi Mukuru wake akasara achizama kubatanidza mashoko aya asi akashaya kuti zvii zvaarikuda kumbozama kutaura vakazongosiyana nazvo ndokubva vafonera Minister of Defence forces vachimuudza kuti *"Information yese yechikwata chako kuti ndiwe une mitumbi yevatungamiriri venyika ndava nayo inini so pa million wedzera imwe 2 million dhiri ripere ndotanga ndakupa information then Damian nhasi ndandinaye iye ataura kuti arikuuya ikoko kuswokuparadza saka nguva dzaanga ataura anga ati 12am manje ndazoona kuti ndotime dzawaiti ukuda kushifter base saka akuuya na01. 00hrs nechimwe chikwata chekunoku saka iwewe ndiwo mumwe mukana wekusiya vanorwisa Vouraya Damian vangu ndichavaudza kuti vasarwise asi vauraye Damian ava mupanduki"* ndomashoko aakataura ndokubva Minister if Defence vataura kuti huya pahouse number yakati neinformation yese tipedze basa. zvakaita kuti Mukuru ava nekuda mari vabve vatopinda munzira kunanga ikoko.
Anosvika kumba kwaaive apihwa house number ndokuona akatomirirwa naMinister of Defence forces ndokubva vakwazisana mushure mechinguva ndokubva vazotanga kuti.
*"Right Juru information yese iyi but ndakuda imwe mari kuti deal rako uye nyaya yako ndiitsike tsike ndotaura kuti ndaitadza uye Damian anenge afa saka isa imwe 2 million"* anodaro mukuru waDamian.
"Chamunorwa wakapusa mumwe wangu kunze kwekuti dai wataura kuti unoda mashares muchikwata tova nemari isingapere kwete zvima 2 million izvi its ok oh mari yako iyi ndipe information yese then wozonyatsofunga unofanirwa kuvs mumwe wangu kuno mari haisi problem iyi kwete zvekuda kufadza nyika" anodaro Juru aiva Mukuru wemauto uye mukuru wechikwata ichi.
*"Wakutaura manje Juru ndipe mashares nyika ndeyedu iyi handina chandinotya mumwe wangu mari ndiyo yatiri kuraramira nzungu dzehurumende dzinozongouya hadzo but tinenge tine zveduwo ngative partner"* anodaro OIC Chamunorwa zvinova zvakafadza Juru ndokubva vatopanana macontracts form ndokuwirirana zuva rese iri rakazoswera vava kufamba kuma premise avo achiratidza vashandi vavo kuti uyu mumwe mukuru wavo panozovira zuva O. I C vanobva vafonera mwana wavo Mabika vachimuudza zvavaida kuti aite ndokubva vakata havo foni yavo.
Damian anosvika kumba ndokubva adeedza Paida na Thisa ndokuvatakura kuenda navo kuneimwe hide out uko kwaakanotenga nyaya yekugocha uye mumwe nemumwe bvaamupa 100 yekuti tenga zvimwe zvamukuda timbodya tichifara so nguva iyi Paida ndiye akatanga kusimuka kubotsvaga hake zvimwe zvaaida ndokubva Damian naThisa vasara vari 2 vakagara vakatarisana nguva iyi Damian anotanga kunzwa muviri wake kufambwa fambwa nemasvosve uye kuona runako rwese rwaiva pana Thisa icho ichokwadi chaicho Thisa aiva akazvarwa moyo nenyoka zvichida murume wese ari normal kumuona tsvimbo yaifanirwa kuvhuta vhuta aiva nebody yakanaka uye iye wacho aivs munaku ari mushava apa ane bvunzi rinoita kunge renjuzu rinoerera nguva iyi Damian anoramba akatarisa Thisa mumazizso chaimo kusvika Thisa azviona ndokubva atanga kutarisa kudivi asi paaidzosa msziso aiona Damian akamutarisa uye maziso aDamian anjenga misodzi zvakaita Thisa azoti.
*"Nhai Detective Dee kunditarisa kudaro musingabwaire apa misodzi yatonjenga asi mune zvamurikundigaira kani handichakunzwisisei ini"* anodaro Thisa zvinova zvakazoita Damian avhunduke uyo ainge atova muofungwa dzake ega arikunzvimbo irikure kure ane mudiwa wake Thisa waaiona apa.
"Ah imbomira kundivhundutsa mhani pfungwa dzangu dziri kumafura mhepo kwandiri nemudiwa wangu tichinakidzwa hedu iwewe wakundibvisa muhappy time yangu ah usadaro hako"?
*"Wow congratulations ko wane musikana here Dee wausingambotiratidzewo here nhai amana ko kusatiudzawo unotya kuroiwa here"*? anobvunza asi mumoyo make mane kakurwadziwa, sezvo iye aitodawo Damian zvake nechekare asi Damian wacho airatidza kuda zvebasa kudarika vanhu.
"Ah ndaiti kana nguva yakwana ndichakuratidza hangu uye Paida mwana wamai vangu aripo asi zvisinei ndine hurombo Thisa unoziva ndichitanga kukuona kusvika nhasi ndati ndizvipire ndikuudze kuti ndakakuda from day 1 uye ipapa ndachiyeverwa nerunako rwako kusvika ndatova mundangariro ndiwe munhu wandanga ndinaye kumafura mhepo l love you with all my heart Thisa ndingafare ukandibvumawo" anodari Damian asi haana kuziva kuti ainge atodiwa kare apo Thisa anobva atanga kunyara ndokutarisa kuside ndokubva ati.
*"Hauzondirwadzise here Damian ndikakupa moyo wangu nekuti inini ndoda kudiwa, uye kana ndada, ndinenge ndadawo please usazondirwadzise ndakakudawo kubva kare as...."* haapedzise kutaura mushure mekunge ambundirwa nguva iyoyo ndokubv vatanga kukisana inovawo nguva yakasvika Paida ndokutanga kuombera maoko uye nyemwerero iri kugotsi chaiko ndonguva yavanozosiyana rinova zuva revaviri ava kudanana uye vese kaiva kokutanga kupinda murudo hapana ainge akamboziva murume kana mukadzi zvemakiss vaitozvionera mumamove iri ndozuva ravakatanga kudada uye Paida anoudzwa zvaivapo nyangwe ainge azviona hak uyo akafara zvekuti apa naThisa vainge vagara vari maFriends, vanozotaura dzakasiyana siyana vakufara nekudya nekumwa ndokuzoenda havo kubase uko kwavakasvika nekurara hope dzehumando uye Damian akazomuka day remangwana racho kuma 6 zuva rakutanga kutopisa ndopaanotanga kurangarira kuti aiva nemission nhezuro yekuenda nechiwata kumba waMinister of Defence kunoparadza chikwata ichi nguva iyi anoona message mufoni make emukuru waje achipopota zvekuti kuti unondishandisa ndine zera newe here zvipere nhasi"? mamessage acho ainge akwanda uye ipapo Damian anokumbira ruregerero akazvininipisa sezvo akazviona kuti ndiye ainge akanganisa, nekudaro anobva arangarira kuti na8 arikuenda kushowground kunosangana nemukuru wemauto nemitumbi yevatungamiriro venyika. akabva, atanga kutogadzirira uye Mabikawo anomuka uyo ainge anzi pamuchaenda ikoko iweww usarwise Damian anofanirwa kufa zvadaro Damian achipedza anobva ataura kuti.
*"Nhasi tiri kuenda kuHondo chaiyo kushowground mukadzi wemutungamiriri wemauto nemwana wake hatina kwatiri kuenda navo isusu tiri kuenda kunotora mabody yevatungamiriri venyika saka Paida newe Thisa uko kwatiri kuenda hamusi kuenda muri kusara kuno ndichainda naMabika uyu chete , Bro lets goo l hope pfuti dzese makagadzira ndipei dzangu dziya tiende hedu muve very alert kwatiri kuenda uku pfungwa dzangu dzirikundiudza zvakawanda ndakamuti unouya nenguva dzakati uye wega asi ndirikuona kuti kurongerana so isusu tichatsvaga mukadzi nemwana vesera rimwechete iri vatichaisa mumota toenda navo takavavhara kumeso kuitira kuti tibudirire"* anodaro Damian ndokubva vabuda avo vanoenda nekumashops ndokunotora rimwewo benzi rechikanzi raiva nemuviri wakafanana newemukadzi waMinister then ndokuborigezesesa uye mukomana vakatora Hwindi ndokubva varova havo pasi uyu Thisa akasara achifunga mudiwa wake sure ainge apinda nemoyo.
Chikwata cheMagamba Chainge chasvika kare chatodyarana kars uye vamwe vaitova mapurisa ainge aiswa na Chamunorwa mukuru waDee kuti vanzi ibackup yana Dee apa varikutodawo kuuraya Dee nekudaro vanosvika ndokubva vapaker mota yavo vakanangana neyaiva nemukuru wemauto uyo aiva asina kana mitumbi yevatungamiriri venyika mumacoffin aiva mumota yake maiva nemitumbi yainge yatorwawo kumortuary isina anoziva mazita avo. Saka kusvika kwakaita ana Dee vanomisa mota ndokuburuka uye kuvhurira Madoor vaxhiburutsa mukadzi nemurume wavaiva, vakapfekedza masaga mumusoro Minister anoburukawo ndokuudza vamwe vanhu 2 kuti vaburutse macoffin 2 ndokufamba nawo kunomaisa nechekwaiuya nana Des vakabata mukadzu nemukomana uyo apa Minister vairwadziwa vachiona mhuri yavo iri muhusungwa apa vaiti vakafunga video ravainge vaona mukadzi wavo nemwana vachirara vese saka nguva yaifamba Dee Mabika ainge asara nechekumashurs nguva iyoyo Mabika anoona uriiwo mukana mukana wekuchiuraya Dee sekudzwa nababa vake sezvo vese vaiva apa vainge vaudzwa kuti Mwana wangu ndiye wandapa basa iroro and iye wacho anga agara anemaprevious akewo anobva aikoka pfuti ndokubva atiregedzera triger kuna Damian akananga musoro chaiwo ropa ndokutanga kubuda zvaro mhere ichibva yanzikwa kamwechete.
*END OF CHAPTER 18🫶*
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
😭
🇿🇼
🥰
🥹
212