Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
February 21, 2025 at 02:49 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIVOnT7z4kgDHlGwd2J *FREE BOOK💥💥💥* kuti usapesane nemachapters ese kusvika ripere please follow my channel umu ndomaunoriwana from chapter 1 uye kumagroups groups unogona kutadza kuriona nekuda kwekuwandirwa kana warifarira pinda muchannel please. K.T MOVEMENTS PRESENT ❗❗❗ *2025 New book* LAST MISSION 🚓🚓🚓 WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS 📞+263776059151 📞+263713408299 CHAPTER 19 Kushowground zvinhu zvmainge zvisisisina kumira zvakanaka apo nguva inoregedzerwa bara naMabika Damian ainge akafuratira nguva iyoyo anonzwa voice richidedzera kuti Deee zvine noise nguva yakacheuka Damian ainge adya manonoko asi luck enough bara rainge rakamunanga mumusoro kucheuka kwaakaita ndiko kunzvengesa musoro kwaakaita asi anobva arohwa nechepabendekete apa ropa ndokubva ratanga kubuda achidonha pasi asi ziso rake rakatarisa kwainge kwabva Voice ndokuona riri Voice raPaida mwana wamai vake uyo ainge angonzwa hana yake kurova nguva dzavakanzi sarai ndokubva ati kubuda kwakaita mukoma vake namabika iye anobva ateverawo kumashure kusvika asvika apo paanoona Mabika achiregedzera bara kuna Damian ndokuzodeedza kuti Dee kunova kupona kwaakaita. Paida Hasha dzinomubata nekuona Mumwe wavaiti wavo ariiye arikutoda kuuraya Mukoma vake saka nguva yaakadeedzera kuti Dee ainge achitobuditsa pfutiwo yake yaiva silencer iyo yaiva isina kugadzirwa pane dzainge dzagadzirwa naMabika ndokuriregedzera Bara rakananga musoro waMabika uyo ainge asina kuzvitarisira ndokusvika richimurova pahuma richibudira seri ropa nehuropi zvichibva zvasangana ndokubva afira ipapo uye nguva idzi ndiyo nguva inobuda chikwata chainge chauya na Minister of Defence forces uye mamwe mapurisa aitoshanda pamuzinda waishanda Damian ndokubva vauya kukomba Paida naDamian apo Damian ainge angobata painge pachibuda ropa uyu Paida ainge achiita kunge asina kutsamwa sezvo face yake yainge yakasununguka asi mumoyo mukati kati chaimo hasha dzaainzwa dzainge dzakapfurikidza. *"Wow Wow Detective Damian tasangana manje bring my Family back right now munhu wese waurikuona ariapo uyo ari against imimi soo sarudzo ndeyenyu kundipa family yangu nekusiyana nenyaya iyi izvezvi my team isina chakaipa chayakuitai or toita zvatoda then after totora family yangu iyi asi haudeserv kurarama iwewe sure kuitisa mukadzi wangu bonde nemwana wake unofanirwa kutofa like now tell me mashoko ekupedzesera usati wafa mese nehanzvadzi yako muri kufa nhasi like uyu atouraya mwana waSahwira wangu"* anodaro Minister of Defence forces vachiratidza kunzwa hasha chaidzo. "Kufa ndakafa kare ndikamuka now muri kurwa nemacharangwanda akamuka kubva kumakuva sebasa randakapikira ndichazorora kana ndatora mitumbi yevatungamiriri venyika yaunayo kumba kwako uye iwewe ndakuparadza pamwechete nemhuri yako yausiri kuziva kuti irikupi iyi haisi mhuri yako yaurikuona saka sarudzo yava yako kuti kundiuraya kwauchandiita pano nemwana wamai vangu uyu ndizvo zvinongoitwawo mhuri yako izvozvo then you guys imimi vandindinoshanda navo makabvuma kunyengerwa kuita vavengi vanguka inini ndichizama kusunungura nyika kubva muhumbavha nemuhumhondi so mashoko angu aya andakataura kuti wese achapinda munzira mangu ndichatevera ndichiuraya uye kuparadza nguva yangu yakwana manje asi ndir..." haapedzise kutaura mushure mekunge anzwa pfuti yakarira yakananga paaiva asi nguva iyoyo anonzvenga zvaiva zvisina kutarisirwa neainge apfuura uyo aiva muchinda wechikwata chaMinister of Defence forces,, nguva iyoyo Damian anoburidza pfuti dzake mbiri idzo dzainge aisa mabara muroad sezvo ainge ava ne week atracker foni yaMabika saka zvese aizviziva kuti Mabika ava mutengesi asi aisada kuzviratidza aiva nepaaida kumuurayira manje apa ndiye ainge atangirwa hake kunyangwe Paida akazomuuraya. Paidawo kudivi rake anodzibatawo mbiri ndokubva vamira vakagumana misana vachidududza mbichana mbichana kuenda kumota kuti vazokwanisa, kuwanda asi vanoti vasati vasvika vanonzwa bara rakasworovera padivi pavo chaivo inova yainge yapfuurwa nemumwe mupurisa pane vainge vauya apa asi chakashamisa Damian na Paida vanonzwa kurira zvekare kwepfuti bara Richirova uya uya nyakuda kuvapfuura ndokutarisa ikoko ndokuona ari mukomana wechidiki ainzi *Else more* muchinda uyu kubva Damian vachishanda vese pa CID Homicide ainge asati ambomuona ane shamwari asi aingoita zvinhu zvake ega saka nguvs yaakapfuura mumwe wake pane aida kuuraya ana Dee anobva atarisa kwaiva naPaida naDamian ndokubva agutsurira musoro achinyemwerera uye kutobva paainge akamira achinohwandawo nemota ndokubva hondo yachitanga manje apa paida munhu kuzvionera ega nekuti camera chaiyo ndaitodedera ndakaibata Damian, Else more na Paida vari vs chikwata chaiva nevanhu more than 20 kana ndisingakanganise vaiva 24 then Minister of defence forces vechi 25. Muface ainzi Else More uyu mukomana ainge akangoenzanawo na Damian zvekutoti kukura kwake kwese munhu uya akakura hupenyu hwairwadza uye hwaiva nekudzvinyirirwa kwakanyanya saka kupinda kwaakaita hupurisa kwaiva kudawo kupedza hudzvinyiriri uye kumisa huori munyika nekudaro musi wazouya OlC vachivaudza kuti vaende kushow ground munobatsira munhu ariko kuuraya mukomana achauya ikoko and ingoitai shoot to kill nekudaro havana kuudzwa mhosva yake kana kuti ndiyani asi chavakaudzwa akanzi akauraya mapurisa uye ndiye akauraya vatungamiriri venyika zvinova zvakaita kuti Else abvumewo kupinda pachikwata ichi achida kuratidza hunyanzvi hwake asi nekuzosvika nekuona munhu wacho ari mumwe wavo aiita nyaya akabva abatanidza zvinhu zvakawanda ndokubva asara ane rimwechete rekuti mukuru wavo arikudya nemhondi uye itoriwo mhondi mumwe wevamwe arikudya nehuori zvinova zvakaita abve aenda kudivi raDamian nyangwe zvazvo mumwe nemumwe pachikwata chavo ainge avimbiswa 50 000 kana vakakwanisa kuuraya munhu aavainge vatumwa anova Damian haana kuda kubatwa neruchiva zvinova zvaitwa nevamwe vavo avo vaitoona vava nehupenyu hunoshamisa sezvo uchienzanisa nemari dzechipurisa ma200 dollers kana 300 unotoona kuti imari dzaunoshandira kusvika wakuda kufa nekudaro vaitoona vava vapfumi zvekuti munhu wavatumwa mumwe wavo vakazvirasira kure kusara kwa Else more. Rungwanani rumwechete rwafumirwa naDamian naMabika kuenda kushoground Agent Gracebye kana kuti doctor vaya vanomukira kupfeka hembe dzavo dzaiva nebullet proof pamisoro ndokubva vazopfeka dzavo dzehuchiremba pamusoro ndokupinda mumota yavo avo vanotanga kutracker paiva nefoni yaDephine sezvo zuva rainge ratrekwa phoni yaMabika ndiro rakabva ratreckwawo yaDephine nguva iyi yairatidza kuti Dephine arimumota arikufamba neDomboshava road ndokubva Gracebye vairova mota kunanga ikoko zvekuti vaiona mota iyi vaitofunga kuti pamwe iri kudzingirirwa sezvo yaiovertaker mota 8 kamwechete zvekuti in less than hour anoibata mota iya ichangodarika hetcliff ndokubva aiovertaker nekunoivharira kumberi ndokubva aidzima hake uyu Dephine kana kumborota kuti kunze kunei anobuda nemurume waaiva naye aifamba akamuchengetedza ndokusvika vachiknocker mamahwindo emota yaGracebye zvehasha zviya ndokubva Gracebye wacho adzikisa hwindo rake mbichana mbichana zvake nguva iyoyo anoerekana apihwa mbama iri strong naDephine ndokubva Gracebye avhura door ndokubuda panze achibva amira. *"Who are you unovharira mota yehurumende road munyika matinotonga midzimu yako yakurasa munobvirei kumba musina kunamata urikudei sei wativharira road"* anobvunza Dephine achisimudza ruoko kuda kurovs futi Gracebye asi anobva abatwa ruoko rwuya ndokubva ratanga kudzvanywa. "Im Here to kill you Dephine and you Gentelman handina zvakawanda and zvandiri kuda kunzwa from you because haa..." haapedzise kutaure mushure mekunge angobuditsa sold rake raiva mubhachi ndokubva acheka huro musoro nemutumbi zvichiparadzana Dephine achibva atofa uyu murume waaiva naye anonzwa hasha ndokubva ada kusimudza kick panova paakairasa anobva abatwa gumbo iroro kusimudzwa mudenga then raova pasi rakabva ratsikwa mdokuramba achivhurwa raiva rakasimuka nyama. mdokutanga kurira mbichana mbichana kusvika rimwe nerimwe gumbo raenda kwaro mabhora netsvimbo ndokusara pazvo zvega achipedza izvi Gracebye anotora maphotos ndokubva asimudza mitumbi miviri iya iya achiisa mumota yaivo ana dephine then musoro waDephine anoutora ndokuuisa musaga achipedza anobvirisa mota iya iya achibva atora mapictures futi ndokubva apinda mumota yake ndokurova pasi uye nguva iyi anotarisa paiva netracker yaDamian ndokurohwa nehana achibva atomutsa mota yake kuendawo kushowground kana totaura nezvevanhukadzi vaiva nehutsinye ndivo ana Gracebye ava nguva yaakasvika kuShowground anorohwa nehana achiona zvinhu zvaaisatarisira misodzi yake ndokubva yatanga kubuda. Kuchiweshe Sabhuku nevanhu vake vakazoroverera padombo ndokuunganidza munhu wese pamusha pake uye kutsvaga mubatsiri uyo akauyiwa naye kuri kuda kuudzwa nzira yavangaite kuti dunhu richeneswe uye mweya yevafi itsipikwe saka dare rakatanga ndokubva mubatsiri uya azosimuka ndokubva atanga kuti, ndisati ndaenda kure mubatsiri uyu aisava mubatsiri wemunzvimbo iyi asi aitova mubatsiri aigara chinhambwe zvekuti haana kana chimwechete chemuvillage umu chaaiziva saka vanhu vaungana mubatsiri anobva aimuka ndokubva atanga kurira ndendimi dzake mushure mechinguva anobva atanga kuti. *"Kundideedza kwamandiita muno ndauya uye ndasvika ndakazara kwete kuuya kuzokunyeperai ndaona muno maita mweya yevafi yakawandisa asi pane vaviri vandaona wekutanga akaurairwa nyaya dzekurima asi makazonomuripa kumusha kwake asi mazuva ainetsa murandakadzi uyu makazouraya mumwe mukadzi muchiita zvekumupisa anova anemweya wandiri kuona uri kutenderera muno uye ane simba nehasha kwazvo mashoko ake aarikutaura uye aarikundiudza ndeekuti bvunza vakaungana avo kuti vakandiurairei inini ndakatourairwawo vana vangu mava kundiuraya mhosva yangu ndeyei zvino mashoko ake aya arikuti kutsipika kana kukuudzai rwendo handina asi ndiri kuda kutanga ndapedza shungu dzangu nekuuraya wese anoziva kuti akaisa ruoko pakufa kwangu kune uyo aion asina kundiuraya aiwa ndichakuregerera asi vaudze vese vauye kune guva rangu mumwe nemumwe achitaura zvaakita, asina chakaita wotaura ndiwo chete mashoko emufi aarikutaura ndine hurombo kuti handikwanise kutsipika mweya uyu handiti maizviita makapenga kuuraya munhu pangu ndasakura ndazunza ndikada kuita zvido zvenyu kana kundiripa Hongu mari ndoida sekuwirirana kwatainge takaita asi hupenyu ndichiri kuhuda zvekare ndinouraiwa nekuti hasha dzake dzakwawandisa mese muri apa izvezvi endai kuguva nevana venyu vamunawo uye munhu wese wemudunhu rino ndiko kwatichanopedzesera nyaya iyi handei handidi kubvunzwa mubvunzo"* anodaro muporofita uya achibva atotanga kufamba kutungamirira vanhu akananga kumakuva asi nguva iyi aiita kunge munhu agarwa nezvimwewo zvinhu vanofamba kusvika vasvika paguva vachisvika vanoona mukadzi uya wekufa akagara pamusoro perinda achiita kunge munhu anofema zvekuti aitotarisa kwaiuya nevanhu uye aibwaira muporofita uya achisvika vamwe vano vanotanga kuda kudududza kudzokera kumashure asi muporofita akataura kuti musadzokere kumashure huyai kuno kumberi vanhu vanouya havo asi hana dzaiva mumaoko panova ipo pakatanga kuchiitika mashiripiti, zvinotyisa zvinoera Mukadzi uya anotanga kubuda moto mumaziso uye demhe remusoro rainge rakuoneka kubvira moto ndokubva atanga kutaura kuti.... *END OD CHAPTER 19*🤝
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 😭 🇿🇼 🎉 👏 227

Comments