S❤️Bandera Novels
February 20, 2025 at 06:24 PM
Gara wapinda muchannel uwane mamwe mabooks emunyori
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*SILLY MISTAKES*
💦🌹💦🌹💦🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
*CHAPTER 19*
Vimbiso
I wasn't blinded zvangu ndaitoona kuti Martin anoda Tamara kundidarika.
Ndakazongoti better ndichengete mari yandaishandisa for transport kunomuona.
The truth is ndaimudawo Martin and zvaindirwadza achindiratidza kuti haandide.
Imwe weekend ndakaenda kwatete vangu kuUzumba. She knew that I was a second wife so she asked kuti ndakagara sei.
"Makata tete maybe kana ndane Mwana he will change."
"Nanhasi here, haasi kana kukuyemedzawo sezvo nhumbu yakura kudai?"
"Haanzwisisike uyu mumwe musi anenge ari sweet mumwe musi iii haatangike. But kuna Tamara ndoona uri mutserendende ini."
Vakambonyarara sevanofunga vakati,
"Asi mumba anokupindira here achiita zvaanofanira kuita, ndabvunza pachikuru I hope wandibata?"
Ndakazviziva ndikati,
"Ehe ipapo hangu I can't complain asi mamwe maitiro ake ndotoona kunge anenge achifunga Tamara iye aneni."
Her: "Anokuda asi kuti zvinonetsa kuti munhu 1 Ade vanhu zvakaenzana. Kutokubvisira mari yakawanda kudaro it means anokuda."
She had no idea kuti imwe mari yaiva yangu.
"Dai aratidzawo kunyatsondida ka."
Vakambonyarara futi vakazoti,
"Zvimwe zvinhu zvatinozoita vakadzi zvinoita sehutsinye but varume ndivo vanotituma."
I didn't get well her statement so ndakarammba ndakavatarisa kuti vaenderere mberi.
"Anoda kudyiswa murume wako mupfuhwira chaiwo."
Me: "Uummm tete zvemupfuhwira zvinoshanda here?"
"Chaizvo zvakanyanya ini pano I'm a living testimony. Dai ndisiina kuita zvemupfuhwira ndingadai ndakarambwa kare asi parizvino ndigere. Hausati wakurohwa handiti akatanga kukurova uchaita action hako."
Yemupfuhwira yakandirovesa hana. Handina kana musi mumwe wandakambofunga kupfuhwira Martin.
"Pamwe inhumbu iri kupa kuti tivengane tete. Ndinozoona ndazvara kuti anoramba achidaro here?"
I said kuri kusada kuvabudira pachena kuti hana yangu haisi kuzvida.
"Hoo pauchadzingwa wakarivara uchaona kuti wakainonokera korogeti. Handiti wakati akati ukazvara muchaita DNA test?"
"Ehe and mwana ndewake hake handina mumwe wandakarara naye panguva yacho kunze kwake. Aiti chero akanzi ndewake achandidzosa but mazuvano anyarara nezvazvo pamwe akungoda kuti tigare tese."
"But ka murume haasi mwana wamai wako. Uchatangirwa kumudyisa kwacho zvikazoshya basa. Zvinozoda here kuva pabarika rekuti ndiwe unenge uchinyengerera murume?"
She convinced me kusvika ndatoona kuti shuwa ndikanonoka kumudyisa anogona kundiramba.
But zvakadaro ndaingonzwa kutya ini.
"Ko ndikabatwa ndichiisa mupfuhwira wacho?"
I asked vakaseka zvekundiseka chaizvo.
"Unobatwa Seiko newewo unennge wakapusa futi. Unoenda ka kucollege paya muri vaviri wobikira munhu wako modya mese. Uyu ndewekuti haadi kukushaya chero akatenga sweet anomedura achikuigira chipiece chako."
Ndakaseka ndikafunga kuti pamwe ndiwo waakapiwa naTamara nekuti maitiro ake ndaisamanzwisissa.
"Ko pamwe akapiwa kare naTamara zvinozoshanda here?"
"Dai akapiwa ungadai wakarambwa kare. Ukamupa ziva kuti wakusara wega pamurume."
Ndakambonyarara ndichifunga. Martin ndaimuda kani. Tichiri kufara zvedu zvaTamara zvisati zvabuda ndainyatsofadzwa naye kusvika ndakubuda tumisodzi. ZvaTamara pazvakazouya ndanga ndakuita kunge ndinomumanikidza.
"Handisi kukumanikidza its by choice. Chandisingade kuti mwana wehanzvadzi yangu ushungurudzike ini tete vako ndichibatsira vamwe kuti misha yavo imire."
me: "Haazorutse here ndikapinda busy?"
"Anorutsa kuti unenge wamupa madhodhi kana ropa rekumwedzi here? Uyu mupfuhwira wekuti mudye mese hauna chakamboshata kana pane zvinozongosanganiswa zviri pauri kuti anyatsoita chiname newe akuteerere."
Takanzwa muridzo panze tikanyarara obvious waiva bamukuru.
"Ah muramu wangu."
Vakadaro vachiuya kuzondimhoresa.
Takabvunzana mufaro paya vachibva vazoswedzana nemukadzi wavo.
"Mai Mwana oi orange randatorera sahwira wangu anga achienda kunotengesa. Ndangotora one irori akati ndichamuitisa loss."
Rakatorwa muhomwe tete vakandichonya vakazotambira.
"Mirai ndikuchekereiwo half."
Vakadaro tete vachida kutotora banga.
"Aiwa haa chekera mainini wangu ava. Ndakumbonokutemera huni dzekuzoshandisa muzhizha zvinozoda here kuti uku uri kuita zvemumunda uku uri kunotsvaga huni."
Vakatora demo vakabuda ndikachekerwa orange tete vachiseka.
"Zvakaipa here izvi nhai Vimbiso?"
Ndakaavati hazvina vakaati,
"Ndaisazviziva izvi bamukuru vako ava vaisajairirwa zvekutemera mukadzi huni. Vairova zvese nekuhura asi pandakangoti tuma teaspoon chete zvakabva zvapera. Ndigere ini handizomuite kunge banzi hangu kumuwachisa hembe asi kuri kuda kuzviita ndozviita."
Ndakati hoo vakati,
"Wako anoda kutopfuhwirwa akudewo. Zvake zvekuti ukazvara achakudzosa ari kutorota hake achamuka kubva kuhope. Iwe ndiwe wekuitwa dasvawatasva uchisiiwa kuti wakaparei? Hakuna izvozvo kana zvanetsa tosunga chombo chacho kamwana ikako kakaona isisashande kanodzokera kumba kwako."
Vanga vatotsamwa tete but neni ndakazvinzwisisa.
Ini ndini ndoita wekushandiswa ndosiiwa vamwe vachigara manje.
"Ndokugadzirira here order dzacho?"
Ndakabvuma vachibva vatora kabadza vakanditi vachadzoka.
Ndakasara ndikabatwa nehope vakatozondimutsa vadzoka.
Vakandiudza zvekuita nezvekusanganisa zvacho vakati ndinoisa pazuva zviome.
Pazvakaoma vakakuya vakandipa.
"Unongoisa mbichana kunge uri kuisa salt usawanze zvinoshata akanyumwa."
Ndakagutsurira musoro vakati,
"Hatidi vazukuru vanodzokera kumba zvakapusa kudaro. Munhu ngaadzoswe achinzi ahura kwete kudzoswa kunzi handingokude iwe waikwirwa ah ndochii ichocho."
Ndakarara 1 night kumba kwavo ndichibva ndadzokera kwavamwene vangu.
Monday yacho ndakaudza Martin kuti ndiri kuuya weekend Tamara ngaadzoke. Iye kwakunditi,
*Dai wachirega kuwanza kufamba famba shaa unozvarira munzira.*
Dai taisava pabarika ndaiti kudiwa. Zvino apa ndakatoziva kuti haasi kuda kuti Tamara abve ikoko.
Dai kwaiva kundidisa aindivinga ka kuzondiona kuti ndisafambe fambe kwacho.
*Ndati ndiri kuuya ndichiri kure kuti ndizvare.*
Akazongoti okay ndikati bhoo.
Friday ndakanonoka kupedza basa ndikanzwa nungo dzekuenda kuna Martin nekuti ndaizosvika husiku.
Tamara akasvika ndatova kumba. She was glowing nhumbu yaimunakisa although yanga isati yakuoneka.
Yangu yaindishatisa vakomana ndanga ndine mazipundu kumeso mhino kukura kunge ndakachinjirwa husiku ndakarara. Iko kufuta ndanga ndaita chidrum chaicho.
Saturday morning ndakafumira kuenda kuNyadire.
Ndakasvika good time kutosvika Martin ari pakati pekubika.
"Welcome mai future."
She said while smiling. Aiita zvechinyamusi munhu wacho. Apa airatidza kufara hake.
"Ndauya baba future."
Akanditambira bag rangu akaisa pakanaka.
We greeted each other akaenderera mberi nekubika.
"Ndanonoka kubika ndanga ndichida kuti usvike uchidya."
He was romantic zvekuti ndakasekerera ndikati dai aingondida kudai pese apa handiti ndaisazvinetsa nekuda kumudyisa.
"Watofembera ndabva kumba ndisina kudya."
Akapedza kubika akapakura tikatanga kudya.
Ndanga ndaneta so ndakangoti kupedza kudya nekutokotsira.
Ndakazomuka atobika futi zvemaskati.
"Ko wakufarira kubika nhai mazuvano?"
I asked akanditi,
"Ndiri kukubikiraka I know kuti with your condition zvizhinji zvava kukunetsa. Handiti apa waneta."
"Ehe hazvo but ndodawo kubikira murume wangu. Thank you nekundizorodza manheru ndinobika ndini."
Papiko pandaizotaura kuti uri kundishayisa mukana wekukuisira mupfuhwira.
Anyway manheru ndakabika arimo kana kumbobuda sezvaiimboita. Ndizbo zvakaipira kuti bedroom ndiyo kitchen ndiyo dinning.
Akaramba arimo kusvika ndapedza. Ndakaita kunge ndichamutuma kuti imboendawo chero kutoilet nhaiwe.
Ndakashaya mukana wekuisa mupfuhwira wangu tikadya zvisina mupfuhwira.
Mangwana acho akabva ati ari kubuda nemashamwari ake.
Akazofona achiti Ava kubhora apa achiziva kuti ndiro zuva rangu rekudzokera.
*Saka ndichaenda usipo?*
I asked him akati,
*Unoenda mangwana kuseni unongofona kubasa uchivati uchati nonokei.*
Ndakambobatwa nepfungwa yekusiya zvemupfuhwira zvacho. Anenge anga akutondida zviri natural hake.
Pandakazofunga kuti anoita zvinyamusi ndakabva ndatosimbisa pfungwa yekumupfuhwira.
Ndakabika ndikasota sezvandakaudzwa.
Ndakamirira munhu wangu kuti achiuya tidye tese.
Ndakagara ndikasvika pakutosvotwa.
Akazosvika ndatotsamwa apa kutosvika achisekerera.
"Ndizvo zvaunoita kana una Tamara here zvekuenda uchinonoka kudzoka?"
Akandipindura zvisina hasha hanzi,
"Sorry ndazovarairwa nana boys."
"Kana uri kuno unotozviita mukomana ka. Kuswera ndega pano apa uchiziva kuti handigare kuno."
Akaramba akanyarara zvikatowedzera kundibhowa ndikati,
"Kuramba kukura ka uku murume mukuru kuenda kubhora nevana vadiki? Ndipo panobvira hurombe ipapa."
Ipapo akandipindura hanzi,
"Wakuzozvinyanya manje handina zera nababa vako ka ini zvekuti ungatonditi handingatambe bhora."
Ndakazvidzora ndafunga mupfuhwira wangu.
"Ndanga ndakakumirira kuti tidye tese saka ndakunopakura. "
Akabva anditi,
"Aiwa ndaguta ini ndingasadzipwa here kudya chikafu chabikwa nemunhu ambondituka."
"Martin sorry its only kuti ndangobhowekana chete sorry hako."
Him: "Besides that ndadya hangu patanga takuuya ndizvo zvatondinonotsa zvaizoita here kuti vamwe vachitenga sadza ini ndongobwaidzika."
Ndakatoona kuti zvadhakwa ndikaedzawo kunyengerera ndikati,
"Ii nhai apa ndanga ndakakumirira Martin. Mwana ari kuda kuti tidye tese ingoti mbichana kani."
Akaramba achiti aguta kusvika ndatozotsamwa.
"Kuramba chikafu chandabika ndiko kuita sei. Kwandiri ita a sign yekuti haundide."
Akaita kakushamisika kwakuti,
"Usade kutsvaga zvakawanda iwe ndati ndaguta."
Me: "Ndizvo zvaunoita kana Tamara abika here? Hazvisi fair Martin ndichaita sei chikafu chandanga ndabika ndichiti ndechevanhu 2. Iwe haudi chimunya."
"Unoziva kundimanikidza kwauri kuita kuti ndidye kwakundipa question mark. Munhu kana ati aguta unomumanikidzirei handisi kurwara ka ini zvekuti ungandimanikidze kudya."
Ndakatozozviona kuti ndakunyanya and akunyumwa ndichibva ndati,
"Rega ndidye ndega zvangu ndingazonzi ndaisa mupfuhwira."
Ndakadya ndega but ndanga ndatsamwa. Kureva kuti ndanga ndafambira mahara zvese nekutambisa mari yangu yebhazi.
Anyway ndakadzokera kwaMurewa Tamara akaendawo kuNyadire.
Next week yacho ndiye akabva auya Martin wacho. Hapana pandaizoisa mupfuhwira mupoto yandaiziva kuti mai vake vachadyawo.
Ipapo ndipo paakandibudira pachena kuti haakwanise kunondisungira haana mari yacho.
Ndakapopota hangu but hazvina zvazvakachinja.
Zvekumuisira mupfuhwira zvakaramba zvichingonetsa kusvika ndatozvisiya ndazviudza kuti ndichaisa kana tava kwedu tega.
Mwedzi yangu yakaendedzana kusvika ndatora maternity leave.
Pakarwadza nhumbu Martin aiva kuNyadire Teacher's college akafonerwa akauya.
Musatambe nekurwadza kwenhumbu ndainzwa kuti ndogona kupenga.
Pakasvika Martin ndanga ndakupusha mabeds ekumaternity ward. Ndakaita kunge ndisina kumuona ndikaramba ndichiita zvandaiita.
"Vimbiso!"
He said aona ndakusimudza mumwe mubhedha ndaitoda kuutsiga chaiko.
Pandakamucheuka ndakafambisa kuenda kwaanga ari ndaida kutomudimbura chigunwe.
End of chapter 19
In God we trust🙏🙏🙏
To be on sale from chapter 21
2 dollars kana 120 zi
Vari SA R30 voucher kana R40 airtime yeku SA inopinda kwese. Kana kutaura nehama dziri kuno kuti vakutengerei.
Ecocash, Omari or innbucks 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera
Confirmation moisa ipapo futi.
Tinenge tichishandisa boom reader application.
Thank you for your love and support.
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
266