S❤️Bandera Novels
February 21, 2025 at 06:11 PM
Gara wapinda muchannel uwane mamwe mabooks emunyori https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX *SILLY MISTAKES* 💦🌹💦🌹💦🌹 *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *CHAPTER 20* Martin Pandakaona akuuya kwandiri ndakati ka ndanzwikwa pamwe kuuya kuzoyemerwa. "Be strong okay." I said but before I knew it second finger from the thumb yanga yatova mukanwa. "Iwe .....aizve...." Ndakamboda kushinga semurume but yoo munhu aitotsenga. I screamed but haana kusiya kusvika ndazamura mbama iri strong ndipo paakazondisiya. "Wandirova ini ndichirwadziwa?" She said akabata dama rake, yanga iri oversize yembama yandakamupa but I didn't regret. Manurse anga atoungana vachitarisa drama . I was bleeding mazino akaita kudhinda pachigunwe changu. "Saka ndauya kuti uzondiruma so?" I asked her ndichinzwa hasha nekuti ndanga ndakurwadziwa. "Ndiwe une zvese ndiwe wakandipa nhumbu iri kundirwadza. Ndiwe une mwana ari kundirwadza." Akada kundivinga akabatwa nemumwe nurse wechirume akanzi, "Uummm askana mimba yacho yabva yanyanya kurwadza sei zvaita kuti musazvidzore?" I regretted kuuya kuzomira naye panguva yandaingonzwa kuti yakaoma. Kutosiya Tamara achichema nemusana ndichiti ndimhanyire munhu ari mulabour izvo kumhanyira kunodyiwa chigunwe. Ndakatozoiswa bandage nurse wacho achindiseka. "Inonzi labour pain haina kumira fine tambirai kure bamunini." Ndakabhowekana ndikambofunga kudzokera. Pandakazodzokera kwaanga ari anga akuumburuka pasi achiti akamuka otanga kumhanya. Tumibhedha twemuchipatara twakasimba twuya twakaona nhamo naVimbiso. "Vimbiso uri kutambisa simba richazodiwa pakupusha mwana. Dai wangofamba famba hako sezviri kuita vamwe siyana nekusimudza simudza zvinhu." Akanzarwo nevamwe sister but haana kuteerera. Ungazomuziva kuti ndiye uya clerk Ari smart weave yanga yakuita kunge dendere reshiri. Ndanga ndakuti ndikaona akusebera kudhuze neni ndotiza. Ndanga ndakutya aigona kuzondibata iri mhino chaiyo ndikasara ndisina. Akasvika manheru achiita mafirimu ake ekusunda mibhedha. She was warned kakawanda kunzi Ari kupedza simba rekuzopusha mwana but aiita kunge anzwa nguva diki obva asimudzira futi. Akaswera achidaro anga akurambidzwa kusunda mibhedha but anga akungomhanya zvisina order. Kudya chaiko akaramba ndikaudzwa kunzi ndimunyengerere adye kuti azowane simba but akabva anditema kumesa neplate yacho hanzi idya iwewe. Pazvakazonyatsorwadza ndipo paakapfugama akati haachagona. Ndipo paakaiswa pawheechair tikaenda naye kwekuponera. "Gomera iwe mwana uyu ava apa uyu." Akanzarwo akataurira pasi hanzi, "Handisi kugona ini." Akasvika pakurohwa mambama muzvidya but aingoti haasi kugona. Aiita achivhara makumbo hake vaitosimba kumubata. "Tambozvitaura kakawanda usanyanye kutambisa simba hona manje hauchagone kupusha." One of the nurses said ndikamuti, "Pusha kani Vimbiso kwawabva ndiko kure ingoshinga." "Handisi kugona ini ah." Ndakaita kunge ndichagomera ndini. Manurse akaedza zvavaigona kusvika vati aendeswe kutheater. Paanga akuda kuendeswa kutheater ndipo paakati ane zvaakunzwa achibva avhara makumbo nhai. "Iwe wakakwana here iwe?" Another nurse said achimuvhura makumbo kwakuona musoro wemwana watobuda kusvika mumutsipa. "Gomera ka1 chete." Vaitaura nani anga Ava busy kumuka kuti aone mwana achibuda. "Nhaiwe......" Akaita kurohwa achibva arara mwana akazobuda hake but haana kuchema. Ndakaramba ndakatarisa vachiedza kuti acheme. "Wadzvanya wega mwana wako iwe, we are trying our best kuti ararame." Ndanga ndazvionawo kuti pakumuka kwake mwana asati abuda pane zvakanganisika. Akaendwa naye kukasara vamwe vachigadzirisa Vimbiso uyo anga akutopfikura. TETE Maitiro ababa Gift so ndaimbofunga kuzvisiya zvemusha zvacho ini. Chaizondishingisa manje aindichengeta hake ipapo I can't complain. Ndaiita hangu zvekuruka majuzi evana vechikoro but yake mari ndaipiwa. Gift aiva kuboarding Mwana wangu achiitirwa zvese. Ndaiti kana ndamubatira zvipande aichema hanzi I don't know zvinoitika pandiri. Zvipiko zvaaiiti zvinoitika paari munhu kungotadza kundibudira pachena kuti ari kuda vana. Ndanga ndaneta kufamba mudzin'anga nemuma profita kuti pamwe second born ingauye but zvairamba. Kwese ikoko hapana akambobata kuti mazvokuda. Ndakaita decision ndakatsamwa. Chakaitika ndechekuti musi wandakapinda mumusha mekwa Muranzi ndichipembererwa semuroora munyowani that's the same day baba Gift cheated me. Kutowanikidzwa akakotamisa musikana waaidanana naye. From that day handina kuzombonakidzwa nemarriage kusvika ndazopona hangu Gift kwakufuririka kunojamba gwenzi kuti ndisazvare futi. Kana ndoda kuzvara ndakanzi ndaizojamba ndichibva the other side ndiko kupindinura kwacho. Handina kubvira ndanotarisa gwenzi riya kuti rava papi sezvo ndaizviudza kuti handichatode kumuzvarira futi nekuti anohura. I guess hwaiva huchildish nekuzokura ndakatoona kuti ndakabhaiza handiti vana waiva vangu here. Iwo mahure aizvariswa aya handiti aichengetwa. Baba Gift aiva mukuru weku ZINWA saka mari yaivapo iri nani zvayo. Ndiyo imwe yaimupa manyemwe ekuwanza vakadzi. Pandakazofunga kuda kunojamba gwenzi riya wange wava muti ndikatadza kujamba. Ndakazofunga plan after some years ndikanotema ndikazonojamba richatanga kufundira paya. Kwaingova kuedza hameno kana zvaizoita asi munhu akandiudza akati ndaifanira kurijamba from the other side ndisina kurigumha. Zvekuti rinotemwa izvo ndakaita zvemusoro wangu. The day randakabva kunojamba gwenzi ndakasvika baba Gift vachigeza. I was tempted kubata fone yavo. I knew he would take long vasati vapedza nekuti ndakataura navo vakati vachangopinda. Vaiti vakangwara kuisa fingerprint kuwhatsaap but ndanga ndakaisawo yangu vasingazive. Ndakavhura kuwhatsaap kuya kwakuona mashura. More than 5 magirlfriends vamwe vachitobvunza mari yerent vamwe vachitobvunza kuti anouya riinhi. Moyo wakatsva but ndakangozvidzikamisa. Ndanga ndaneta nekupopota nekuendera magirlfriends avo so ndakafunga imwe strategy. Ndakacreater group nefone yavo iyoyo ndikavaisa vese. Ndakazongosenda message yanga yakanzi, *Hie zvimhamha!! Muri sei mahure angu? Ndati muzivane abayiwa ngaabude handinyengerere ndine mukadzi wangu akanaka ane magaro kukunda mese.* Ichingoisa tick ndakabva ndadzima data ndikaidzosera ndikaenda kukitchen kwava kunobika. Ndakanzwa yakufoniwa non stop ini zii zvangu asi ndichisekera mumoyo. Ndakanzwa kuti vabuda ndikatarisira kunzwa munhu achidaira macalls ake but handina kumunzwa. Anyway ndaibika zvangu ndine fone yangu ndichiimba masongs ekuchurch. Ndakaenda online just to check kuti manager Muronzi Ari online here kwakuona shuwa Ari online ndichibva ndaenda zvangu offline. Ndakaenderera mberi nekuimba maworship songs kunge ndisina zvandakonzeresa. Ndaiti achauya kuzobvunza but haana. Ndakapedza kubika ndikatoenda kubedroom. Ndakasvika munhu achiri akamonera drying towel akabata fone. Vakabva vaita kugara pabed vachipuruzira mhanza yavo. "Huyai tidye ndapedza kubika." I said ndichitambisa gumbo hangu. "Hoo hoo rega ndipfeke." Munhu akananga pamushonga wangu wemusoro kuda kuzora kuita mafuta nhai. "Hezvo ko chiiko?" Ndakadaro ndichida kuseka. Anga atobatwa neconfusion kare. Vakatovhunduka kwakutora mafuta chaiwo wakazora. Ndakanopakura vakazotevera after some time. Ndaingoona vachibira kunditarisa vachizunza musoro. Fone yangu yakabva yaringer ndikaona ari Martin. _"Hanzvadzi yangu. "_ Him: _" Sad news sisi Vimbiso abatsirwa mwana mukomana but mwana wacho ashaya."_ Ndakaridza mhere yekurwadziwa shuwa mwana wedangwe obva afa here. Ndakazonzwa kuti akata ndichabva ndaudza baba vaGift zvandanga ndaudzwa. "Ah shame saka motoenda ka ini ndozouya kuseni." Ndakanyara kuvaudza kuti muri kuda kusara muchinyengerera mahure enyu ka. "Ehe regai ndiende hhmm hanzvadzi yangu aita munyama chokwadi." Ndakanotora kabag kadiki ndikaisa hembe yekuchinja netumwe tumwe ndichibva ndabuda. Nguva dzanga dzafamba kare so ndakasvika kuchangotanga kusviba. "Huyai kuno mai Muranzi." Mhamha vakandidaidza kumba waiva kumba kwaVimbiso. Ndakasvika Martin achirongedza zvinhu zvaVimbiso. Vimbiso wacho anga asimo. Before I asked mhamha vakabva vati, "Dzorawo hanzvadzi yako hanzi haachada mukadzi nekuti mwana afirei." Ndakamuti, "Nhai Martin hanzii ko hakuchafiwa here?" Akamira zvaaiita akati, "Sisi Vimbiso auraya mwana zvisiri zvekunzwa asi zvandaona. Ngarove pasi ipapo I'm serious kana mukataura nemutauro upi handisi kudzoreka. Mangwana achiuya arikubva ananga kwavo." Ndakatoshamisika achibva azonditsanangurira zvese zvanga zvaitwa naVimbiso. "Kunofiwa yes but Vimbiso atouraya mwana nekuda kwenharo plus kuzviita vanoziva. Ngaaende hake." Mama: "Wazonyanya hasha Martin plus ungati munhu achangofirwa wobva wamuramba here?" Haana kupindura akaramba achirongedza chete. End of chapter 20 This is the last free chapter Book is now on sale 2 dollars kana 120 zig Vari SA R30 voucher ott, blue voucher kana 1 voucher Ecocash and innbucks 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣Bandera Proof of payment moisa ipapo futi. Any day price yema zig inochinja saka tangai mabvunza musati masendai mari NB BOOK RAKAPERA KARE KUNGOISA PONDO WOTOWANA BOOK RESE. RIRI PABOOM APPLICATION NO PDF OR SINGLE CHAPTERS
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 95

Comments