S❤️Bandera Novels
February 22, 2025 at 04:12 PM
Garira muchannel uwane mamwe mabooks emunyori *SILLY MISTAKES* 💦🌹💦🌹💦🌹 https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX Bonus free Chapter 🔥 🔥 🔥 🔥 *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *CHAPTER 21* Vimbiso Ndakaita kunge ndichayedzesa kunze ndichichema. Ndaichema kuti ndafirwa nemwana plus kuchema kurambwa naMartin. Anga andibudira pachena pane manurse kuti its over and ndichingobuditswa chete akutondiendesa kwedu. Chainyanya kundirwadza ndechekuti vanhu vainditi ndini ndazviurayira mwana wangu. I didn't do it intentionally ndaitiwo ndoda kuona kuti kana mwana achibuda kunoshama zvakadii. Martin haana kana kuzoda kuziva kuti ndiri sei. Ndairwadziwa, labour pain haina kucheaper weduwee. Ndainyatsonzwa kuti ndagujunuka kubhowa kwavo kugujunukira mahara. Ndakangoisira mhamha vangu message yekuti ndasununguka mwana but mwana wacho ashaya. Masamples for DNA testing anga atorwa kare mwana akazoenda kumortuary zvese zvatorwa. Martin aipopota zvekuti dai ndakadaira aigona kundirova pane vanhu. *Nhaiwe hanzi wauraya mwana wanyadzisirei kudaro?* Hana yangu yakarova pandakaona message iyoyo from my sister. I didn't respond zvaitondiwedzera stress. Mhamha vangu vakazofonawo kuma late hours. Ndakatodaira ndichida kuwana wekuchemera. _"Mhamha ...."_ I said ndichichema vakanditi, _"Chii chawaita nhai Vimbiso? Kutadzawo kushinga semukadzi shuwa kuurayira mwana pamusuwo."_ Vanga vatozvinzwa kare so hapana pandaizoramba ndakati, Me: _"Mhamha handina kuziva kuti....."_ _"Tseki mhani iwe uri benzi wanga uchida kuonei kutadza kuteerera zvawaiudzwa nhaiwe?"_ Ndakaramba ndakanyarara vakati, _"Wandigumbura Vimbiso murume wako akaroora zvakatifadza tese womuurayira mwana wake une chokwadi. Zvino audza sisi vako kuti haachakuda."_ Ndakaramba ndakanyarara ndichichemera pasi. _"Imbomira zvekuchema hako uedze kutaura naye."_ Me: _"Hamusi kumuziva Martin mhamha but handisi kubvuma kurambwa hangu. Ndicharwira imba yangu. "_ _" Hameno Mwanangu asi tarisira zvese. Kana dai ndaiva ini Ari muroora wangu auraya Muzukuru wangu ndaisambomusekerera. Kana ukanzi wabudirira kugara ikoko ziva kuti hapana achakuda."_ Ndikati, _"Zvevamwe vanhu handina bass nazvo vanozongondijaira kana ndane vamwe vana."_ _"Hameno imboedza asi tete vako nasisi vako ndivo vachauya kuzoviga Mwana. Ndaifanira kuuya ini asi iii ndonyarira kupi better kuuye vasina nyadzi._" Hapana marambiro andaizoita zvarongwa. Pandakapedza kutaura navo macalls akatanga kunaya from my relatives. Some were blaming me vamwe vachindinzwira tsitsi. Ndakatozoisa fone yacho pasilent ndatoona kuti ndingamuka ndakwira BP. Kuseni kwacho my sister and my aunt ndivo vakatanga kupinda. Sisi vangu vakanditarisa zvekundishora chaizvo vakazoti, "Ende unonyadzisa Vimbiso. Saka apa kuzvimba maziso kuchemei?" Before I answered tete vakabva vati, "Mira izvozvo Mai Jay. Haisi nguva yekupopota kana kutongesa munhu. Tiri kuda way forward. Bamunini vari kudya gaka neminzwa yaro Vimbiso. Wakazenge wasota here order dziye?" I told her the truth kuti ndaishaya mukana. "Handisati ndaona munhu akapusa sewe Mwana iwe. Zvino unobatsirika sei kana uvhinzwira tsitsi munhu asiri Mwana wamai vako. Dzimba idzi Vimbiso dzinomiswa nezvakawanda Wanda." Me: "Aiita seanonyumwa munhu wacho tete ndakamboedza.Pamwe pacho airamba kudya pamwe pacho aibva aramba Ari mumba ndichibika kana kutobva abika iye." Vakatura mafemo vakati, "Rega timboedza zvimwe ask dai waiva serious hako nekuda kumudyisa waiisa musalt mushonga wacho. Anyway Iwe ramba kurambwa nhasi ita ndichazobva madna results abuda. By that time unenge uchisota munhu. Ndine wandinawo ndewekuwacha hembe dzake uchitaura zvaunoda zvese sekuti Martin ndiwe murume wangu handidi mumwe. Rambana naTamara ude inini chete chirega kuramba wakanditsamwira vana tinoita vamwe." Sisi vangu vaifinyama vachiratidza kusafarira zvaitaurwa natete. "Ini hangu I don't believe in mishonga. Chimwe chinhu zivai kuti vamwe vangu havadyiswe." "Imi sister holy nyararai tibatsire vanoda help. Ini I'm a living testimony dai ndisina kuita zvemupfuhwira dai ndiri return soldier kana kuti dai ndakaroorwa kechipiri.." Vakandipa mushonga wacho wanga uri mukapaper keblack ndichibva ndaisa muhandbag. "Hauramwe zvekudaro manyoni kuita sewabatwa nechikomba here." Mai vaMartin nasisi vake vakasvika tapedza mwinyi mwinyi dzedu. Process yekuti ndibude yakaitwa chop chop ndikabuditswa tichibva tananga kunoviga mwana. Martin anga avepo taiti tikatarisana ndaiona akanditarisa neziso raityisa. "Martin akatsamwa zvekusadzoreka mufunge." Tanga tasaririra ini nasisi vake. "Taurai naye tete andiregerere. Ndakatadza nekusaziva shuwa." Vakabva vati, "Zvinonetsa anozondipandukira mangwana." That was that kusvika tasvika kumota kwaiva nevamwe. Mota yakanotisiira pagedhi tikadzika. Patakapinda mukati ndakapera simba kupotsa ndagara pasi. Twangu twese twaiva panze kudhuze negedhi. Ini nehama dzangu takatarisana tikataura nemaziso zvandakangofunga kuti tese taiti inga zvakaoma. Takanopinda mudinning and tisati tambodii Martin akabva ati, "Ndinotenda hama dzangu nekutibatsira kuchengeta mwana. Ndanga ndichikumbirawo tete nemi maiguru mubva matakurana naVimbiso sezvandakakuudzai nezuro paye." Hana yangu yakarova ndikatsikitsira pasi. "Hamusi mamhanya here bamunini? Dai mati azouya kana maDNA results abuda maona kuti Mwana aiva wenyu here asi Vimbiso ane chokwadi chekuti aiva wenyu." Nditete vangu vakadaro Sisi vangu vakabvumira. "Panobuda maresults ndinomufonera Vimbiso tonotora tese. Vimbiso agara hake anga achadzokera kwavo kana dai Mwana anga askna kufa. Ndizvo zvandakamuudza kubva musi waauya pano achiti ane nhumbu." "Nhai bamunini hamusi kunzwawo tsitsi kuti munwe wenyu Ari kuchema?" Akabva ati, "Anochemei iye Ari ndiye akauraya Mwana?" Tete vakaombera maoko vakati, "Dai makamusungira akaenda kuna Mai cake dai pasina zvese izvi. Dai Mai cake vakamushingisisa vakamuudza kuti zvinoitwa sei. Zvino imi hamusi kutoona kuti mine mhosva yekusasungira munwe wenyu." Ndaiti achazvipeta otaurawo zvakanaka manje akabva ati, "Zvekuti dai hazvichashanda tete. Takuranai nemunhu wenyu handichada." Tete vakanditarisa vakatarisa Martin vakati, "Saka Vimbiso ndewekungoshandiswa hake osiiwa nhai?" Martin akati, "Musawanze nyaya tete takurai Mwana wehanzvadzi yenyu." "Pindurai ndati uyu ndiye wekushandiswa kuzvariswa ofirwa orambwa handiti?" Martin akabva aturikidza makumbo akapindura zvinyoro nyoro akati, "Handiti akabvuma hake kushandiswa kwacho." Tete vangu vakasunga face vakati, "Watii Martin?" Akadzokorora tete vakati, "Bamunini ndinokunyarai kuti ndakadya Mari yehutete pamakaroora Vimbiso." Mart: "Handisi kuda kukuudzai kuti makadyira Mari iyoyo mahara nekuti hamuna kumurayira Vimbiso wacho. Dai makamurayira kuti no sex before marriage dai tisiri patiri nhasi." Tete vakada kusimuka vakabatwa nasisi. "Iwe wakarayirwa here Martin zera rako iri watova nebarika." "Ndaiva nebarika but now handisisina barika. Imi satete hamuna kurayira Vim Tete: "Iwe Martin ...." Tete vangu vaida zvehondo but vaibatwa nasisi. Mai vaMartin nasisi cake kuita zvitoy havo kana kutaura anything. Ndaingopfikura ndiri pandaiva pasina aindinyararidza. Ndakabvumirana namai vangu pavakandinditi kana ndikabudirira kugara hapana anenge achindida. Vakakandidzirana mashoko Martin natete vangu kusvika ndatoona ndega kuti hapana pandichahwinha. Ndakazoti, "Ndinobvuma zvangu kurambwa asi Martin ngaandipe Mari yangu 600 US ndiende." Vanhu vese were shocked kusanganisira iye Martin wacho. "Mari...wakandichengetesa mari yako?" "Ndakakupa Mari pawakanondiroora martin ndakakupa 600 US." Hama dzangu dzakashamisika nekuti hapana wandanga ndakaudza. Ndanga ndangomupa kwete kuti ndakamukweretesa. Asi nemamiriro anga aita nyaya ndakati better nditi ndakamukweretesa andidzosere zvake. "Asi kamwana kawakauraya kakutokunukira zvekukupengesa? Wakandipa mari iwe zvingaite izvozvo? Usade kunditsvagira nyaya ends kumba kwengu zvichakanaka." Tete vangu vakabva vaitenga vakati, "Dzoserai munhu Mari yake bamunini. Kana pasina mari then Vimbiso haasi kubva pano." Akaseka martin akati, "Goods rake mariona panze handiti? Imba yatopinda mulodger so kana mati agare pano zivai kuti anenge achigara panze." Tete vakabva vati, "Ngaagare zvake tinenge tichiziva kuti Ari pano pamba penyu." Mart: "Idzi inharo ka idzi. Let me show you the other side of me." Akabva abuda panze Martin tikasara takatarisana. Sisi vangu vakabva vataurira pasi vakati, "Askana ini hangu zvekuzoitwa kunge imba handidi. Handei zvichakanaka." Takasimuka tikaona Martin achibva kugedhi akabata rope. Ndakatarisa room yandaishandisa ndikaona pane curtain risiri rangu muchibva matobuda murine aiva nekamwana. "Saka sure nhai kuti imba yangu yatoiswa lodger." Ndakataura ndega Martin achibva asvika. "Mazofunga kubuda mega. Ndanga ndichida kukusungai 1 by 1 ndichikuisai mumota." Hapana akamupindura takadungamidzana tikasvika kunze tikaona kune mota open truck. Zvinhu zvangu zvanga zvaiswa zvese. "Pindai umu ndabhdhara kuti munosiiwa kwenyu." Akaita munyai pandakaroorwa akabva asvika. Akatambidzwa dollar US akanzi, "Munovaudza zvakaita Mwana wavo movati hanzi neni tadya taguta gupuro iro." Ndakada kuchema, ndakarwadziwa ndikati, "Dollar here Martin?" Akandicheuka akati, "Pane change yangu 90 cents ndaifanira kutoendesa 10 cents." Akabva afuratira hake Mwana wekwa Choto tikasara tichipinda mumota kuenda kwedu. End of chapter 21 In God we trust Kumberi kwane 🔥 🔥 🔥 2 dollars kana 120 zig kana R30 voucher 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera Confirmation moisa ipapo. Book rakapera kare rese kungobhadhara nekupiwa rese. Only available on boom application Thank you for your love and support.
❤️ 😂 🙏 👍 😢 😮 177

Comments