S❀️Bandera Novels
March 1, 2025 at 10:09 AM
FOFOE AND THE FOUR BROTHERS πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸƒπŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚ By *James T* Follow the James T Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaNecW3BA1ey59eAhP3u Chapter 01 "Nhaiwe chikende sadza wadya here nemusoro wembeva ,nhaiwe chikende sadza wadya here nemusoro wembeva" Ndini hangu ndaitoimbirwa nziyo chiuno chichiita kunge chichamheduka .Tainge Titori patsime hedu seGirls ende ndopataiwanzosanganirana muzuva radoka ipapo tichiratidzana masimba ekukurunga chiuno nekutamba our traditional dance Sorry for not introducing myself ..My name is Fofoe haiwa ndiri musikana akagwinya uno munaku ane structure ndainge ndiri mupfupi saka zvinhu ndainge ndakazvipihwa .ndizvo zvandaizovengerwa nevanhu izvozvo kutsime .Zvino ini ndaizovazunzira svoto ko kuzunza ndokwainge kuri kwangu zveee magaro aya ayita kunge achataura kuti zvakwana .Am 23 years old ndogara mudunhu reMambo Makoni mmmmm mudunhu umu maityisa ayiwa tongoti maive strict ne our traditional vasikana sesu taisunga mazambia aya mapfupi wainyatsoripeta zvakanaka izvo zvaiita kundifita sei nestructer yangu then zambia riya raichekwa kuitira pakuvhara mazamu .varumewo ndivo vaingosungirawo muchiuno Kna kutopfeka nhembe chaiyo . Back to my story "Ndinonzi Fofoe ini ndorova here kubvura" Ndini ndaishedzera kuvanhu "kukubvura" yaive style yangu pakutamba .Chinzwa vanhu manje "Fofoe Fofoe Fofoe " Chinyararai munzwee Ndini ndaitodaro ndichigara kaDush kuisa rimwe gumbo uko rimwe uko magaro pakati ndakagara pasi zviya zvekugarira makumbo Ndakabva ndarova kaFinishing style kangu ndichiti "Ndinorimona ndigorimona. Pandaidaro ndendichitenderedza chiuno ndorikubvura ndinorikubvura "pandaidaro ndainge ndochimasimudza mudenga ndichimazunza manje chiona vanhu vakuita kuita kundidira mvura munoziva kuti kana wakadirwa mvura wakapfeka zambia rinoita kunamira nenyama sooo izvo ndozvandaisada kuisa mupunduru wangu pachena apa l was dark in complexion chiona maSexy eyes ndaiti ndikakuvhurira ziso l tell yu yu go mad nekunaka kwangu Ndichitopedza kutamba rarimwe round reshamwari yangu anesu takutomuimbira pakabva pasvika our future princess to be Musikana uyu ndainge ndakamuvenga ainge ane hutsinye husingate.Isu zvatoita mudunhu redu kunonzi Ana Prince or Princess vano choosirwa vanhu vekuroora or vekuroorwa navo sezvizvi musikana uyu ainge akasarudzwa kunzi ndiye acharoorwa paOne of maPrince ayigara kunze Mambo vedu vainge vane vana vainge vari kunze kwenyika hanzii vaita zvidzidzo what what ini ndaisanyanyo zviteerera and painotambwa kunzi ugosarudzwe kuti ugove musikana waPrince ini ndaisamboyenda ini fanenge apa painge pangosara mutambo one chete for Prince Daniel .ndiye ainge ari mukuru pamaPrince ese vamwe vainge vapedza kutsvagirwa kusara kwaiye. Future princess uya akasvikoti "Ndakuda kuchinja time dzinouyiwa kuno kuTsime redu rinoyera iri" Ehe vanhu mukushamiswa kuti rinoyera .Tsime iri rainge rakacheerwa nemadzitateguru edu sometimes waiti wakada kurotomoka wainzwa kunge wakuda kuzvuvirwa imomo mutsime kusvika wakumbira ruregerero kuvadzimu vedu vamwe vaitomboteterekera imomo kutoshaikwa zvachose asi mvura iyoyo yaingonwiwa zvakadaro . Vanhu vakashamiswa nezvainge zvaitaurwa naFuture princess apa munhu wese ainge akagodama to show respect .Ini hameno kuti simba ndakariwanepi ndakangoerekana ndasimuka ndokuti " Mwana wanezuro iwewe kuda kuchinja nguva dzatakasiiya taisa isusu manje unoswera waenda neNyika kana kufuga rakol wega " Imi ndakangoerekana ndadaro .Ende vanhu vakashamisika nazvo nezvandainge ndaita ku derespector princess. Pandakapedzawo kutaura ndakanzwa kunge pane something chabuda mandiri so l wasn't in myself that time ndakazvinzwa . Ivo Princess vacho handina kuona kuti vakasvika nguvai ndokurohwa mbana yakandionesa nyenyedzi ndiye zii zvakadaro Ndakatozomuka ndiri parukukwe gogo Vangu vakagara paSide neni .ehe ndivo vandaigara navo ndivo vaindichengeta .Cause my mother died giving birth to me and my father hanzii vakangotiza pavakamitisa amai Vangu zvichireva izvo kuti ndaigara naamai vamai Vangu .Mbuya vanhu ndaivada zvisingaite .She was like my mother to me .lvowo vaindida kwazvo Ndakatomukandokunditi "Wasei muzukuru wangu " "Mmmm haaaa future princess anorova gogo " " Anga akuda kundirovera muzukuru wangu .the chosen one " "Mmmmm munorevei kana muchiti the Chosen one ambuya Vangu" Ndakatotaura ndichinyatsogara zvakanaka Vakabva vanditi nditarise pabendekete rangu .ndakatarisa ndokuona pane tattoo reBird iya inonzi eagle rinotyisa zishiri riya imi nndakavhunduka ndichiribata soo rakabva rabaka blue imi ndakajamba ndiye futi zii zvakazoitika handina kuzoziya ini Ndakazomuka atova manheru ndokubuda muNhanga mangu ndakananga kuimba yekubikira .Ndakatosvika ambuya Vangu vapedza kubika vakutopakura .l joined her ndokutotanga kudya .Tapedza vakabva vati "Muzukuru wangu huya ugare apa ndikurume nzeve nguva ichipo" Ndakaenda kunogara ndokunditi "Muzukuru wangu kubva uri mwana mudiki waive une chipo chakanyanyisa chinova icho kuimba nekutamba izvo zvakafarirwa nevadzimu vedu vemuno .Vakakuda uri mutorwa kudaro vakakugamuchira .now wakura ndosaka ukuona tattoo rabuda nhasi cause zuva ranhasi ndopawatanga kubatsirwa nevadzimu hanty ukuona pane zvamboitika masikati " Imi nndakavhunduka ko vazviziva sei ivo vanga vasiko .kasi vaudzwa naAnesu yaa ndiye suspect chete .Ndakabva ndagutsirira musoro kuri kubvumirana navo "Ehe vadzimu vemuno vakakusarudza huye vachakurwira havauye variivo hautombofe wakavaziva whether vanouya mubody mako or Shiri inouya ichikubatsira .uye nhasi ndopauchazivana nayo ichairota shiiri iyoyo and zihombe kwete zvekumbofungira .Vakanditsanangurira zvese kuti Kna ndichida help kana Shiri isina kuSencer trouble yangu ndongodzvanya chitattoo kusvika chabaka blue . Ndakatenderana navo asi pavainge vakutaura zvaPrince wat wat vachiti ane tattoo same neRangu ndandakusazviteerera ini aaaah zvekuroorwa handidi l want to be Fofoe chete Takazoparadzana takunorara kwake kwake Ini ndakasvika ndokurara parupasa pangu "Mmmmm nhasi muneka mhepo ndichatoisa mamwe mahuswa kupfirira imba yangu kuti mumba macho mudziye zveee" ndaitotaura hangu ndega kkk Ndainge ndakutofunga hangu zvainge zvaitika masikati zvino KaTariro aka future princess ndoraive zita rake .Achandiona ndakunzi Fofoe the bird . Ko Hnty zishiri rachok ratorangu ranzi richandibatsira cause hanzii zvandichasangana nazvo to get my prince zvakawanda . But zvekuzorwira munhu ndozvandisingade Prince iyeye anotozozvionaka kunge munhu ari special kaa ehe ari special but not kwandirika uyo ndiye wandichazunzira magaro but haambofe akamabata achaita ekumarotera kuhope .Ndava zvekuroorwa naPrince ndaida hangu . Ndakazongobatwa nehope ndiripakati pemufungo wangu Ndakabva ndarota.... Imi zvakandirovesa nehana...... End of chapter1 β˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈβ˜˜οΈπŸ€πŸ€πŸ€πŸ€πŸ€ πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚πŸ‚
❀️ πŸ™ πŸ˜‚ 9

Comments