S❤️Bandera Novels
March 1, 2025 at 01:01 PM
Pindai muchannel uwane mamwe mabooks emunyori
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
VALENTINE'S DAY💃
Written by S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
Chapter 1
BEAUTIFUL
Mumwe moyo wakanditi ndidzokere kumusha kwaMurewa ndikaona kuti hazviite baba vangu vanganditema nedemo.
Hakuna mubereki asingade zvakanaka kumwana wake and mwana akaita zvakaipa mubereki anototsamwa.
Zvangu zvanga zvanyaya first time I was wrapped nabamukuru baba Nyaradzo ndikaita nhumbu apo ndakaregererwa coz I was too young 14 years kutakura nhumbu.Mwana wacho handina kana kumuyamwisa ndakamuchengeterwa nasisi mai Nyarie vachiti ndiende kuchikoro and till now Ngonidzashe iyeye anoziva kuti ndiri mainini vake hapana kana proof inoratidza kuti mwana wangu.
Secondly ndakabvisa nhumbu ndiri form 2 ndikarohwa nababa kupotsa ndafa.
Thirdly ndapedza O level ndakaramba mukomana aida kundiroora and ndakamuramba the exact date remarooro ndikazopona nekutiza.Apa ndanga ndafurirwa nabamukuru kuti tidzokerane ndikanobviswa nhumbu yemukomana iyeye nadoctor wabamukuru but unfortunately that marriage was sour chokwadi chaicho bamukuru vaida sisi vangu kudarika ini.
Then my biggest mistake manje , ndakazoita nhumbu yemukomana uya wandanga ndamboramba and musi wandamuudza zvenhumbu ndiwo musi waandiudza kuti aisatombondida aingoda revenge chete.
Takudzwa Junior my second born nabamukuru ndakangoita wekusiya pagate paigara baba vake nasisi vangu ndikati mheno vanomuonawo hapana pavangamurasa.
Ndanga ndakufunga zvese zvandakaita kumashure uku ndichidzungaira ndiri muHarare ndakushaya kwekuenda uku fone ndanga ndatengesa.
Ndakazonzwawo mamwe mavendors aitaura zvekuti vanomboenda kuBotswana kunoshanda mumba vachizodzoka.
I gathered my confidence ndikataura navo.
Sometimes kunaka pachiso kwakaipa vanhu havakubatsire kana uri padambudziko they think uri kunyepedzera.
Ini ndaitonzi ndiri kudada until ndaita zvekuchema ndipo pavakazondipa attention ndikavaudza nyaya yangu sezvairi.
They were three ladies and one wavo akabva ati,
"So sad my dear some may judge you but no one is perfect everyone ane mamistakes aakaita in life
and we learn from them, as for me ndakatorerwa hubby nebest friend, I used to tell her ever weakness yemurume wangu zvese zvatainetsana ndaimuudza and she took advantage of that akatora murume wangu izvezvi vari vese ini ndine vana vangu kwangu ndega but I learnt a lesson from my mistake."
Eish ndakavanzwira tsitsi and vese waiva masingle mothers mumwe aitoti akabatwa nechikomba akasiiwa ane mbonje panhanza.
Mumwe wacho aiti akamitiswa akatongonzi handikudi zvese nenhumbu yako.
"Chengeta mwana wako dear , life is not easy but chengeta mwana wako usabvise nhumbu, kana uchida toenda kuBotswana but hatina mapassport tinojumper boarder."
Ndanga ndisina option but kutongoenda navo.
Ndakagara 1 week ndiri kumba kwamai Alice vaya vekuti hubby akatorwa nebest friend.
Life vaiita yekujoinidza kuti vararame nevana wavo 2.
Ini nekurutsa kwangu ndanga ndatova imwe burden pamba pavo.
Ndakatengesa hembe dzangu kuti ndiwane mari yebus plus kuti ndiisewo something patable kuti ndirerukirwewo kudya.
Ndakangosara nehembe shoma chete dzandakazoenda nadzo.
Ndaiti zviri nyore ini izvo ibasa.
First day takabatwa tisati tasvika tikambogara kucamp for a week kwakuchi depotwa.
"Ngatidzokerei askana ukaona zvakadai kumberi kune mari."
Ndimai Alice vakadaro ndikati hezvo ndiri kuti pamwe vanhu vachati tidzokere kumba ini.
Second time takabudirira asi takazoparadzana tasvika vamwe vangu vakawana basa remumba ini ndaishaya ndichinzi unozotora varume vedu , disadvantage yekunaka iya.
Ndakazowana remumunda kumusha chaiko .
Kukurukura hunge wapotswa kani ndakachiona chegore iro.
Ndaishandira chikafu chete mari yacho yaiva shoma zvakanyanyisa.
Ndairutsa ndirimo mumunda ndichirwara ndiriko.Maoko akaputika mhoni aya kusvika ajaira.
Skin yangu ndanga ndaita kakutindivara nezuva.Musoro ndanga ndakabva zvangu kuZimbabwe ndine short hair asi apa ndanga ndakuita kunge n'anga kutoshaya mari yekugerwawo.
Kana kuri kuwonda handichataure dumbu ndiro raingooneka kukura asi munhu wacho ndakaita kunge kamuti kamupuranga chaiko.
Kare ndaiziva ndichidiwa nevarume but kuBotswana ndakapfimbwa ne2 chete nhumbu isati yakuoneka and apa ndakaramba ndega kutoramba kwekuti no zvevarume handichada.
Mafeelings andainzwa aye kana kuzombomanzwa pamwe kwaiva kushanda basa rinorwadza.
Ndakazoti nhumbu yava mu9 months kwakutaura nevamwe kuti tiitei round vakandinzwisisa ndikatanga kupiwa ndini mari.Pandakati ndiendewo mutown makacheaper kunotenga preparation ndakabva ndabatwa kwakudepotwa
Nhumbu yakarwadza ndichangopinda kuZim side apa ndanga ndisina kana kai zvako only my cheap handbag yaiva nevaseline yekuzora pamuromo nekajira kekupukutisa makumbo then kamari keround kandanga ndichida kutenga preparation neID yangu.
Ndakashooter mafirimu mufunge zvenyu kuzvarira pachena chena vanhu vachiona apa ndakati Mwari mandiseka kwakupiwa matwins a boy and a girl vana vakazvarirwa pasi pasina kana zambiya kana saga zvaro.
Ndakangopedzisira kuona vanhu vakandiunganira kwakuzopepuka ndiri muhospital.
"Fonerai vari kumba vauye nehembe dzevana vana havana kupfeka izvezvi."
One of the nurses akandidaro achindisvitsa handbag yangu.Ndofunga aifunga kuti ndimo mune fone.Kushanda kwese kwandakaita kuBotswana handina kana kuwana mari yekutenga fone yaingova yechikafu chete luck enough accommodation was free taigara papurazi ipapo Ndoona kunge muridzi wefarm aiona kunge aitotichengeta pakutipa pekugara kwaiita coz mari yataipiwa was valueless.
Ndakachema ini ndichitsanangura kuti handina kana chii ndatodepotwa kubva kuBotswana.
Ndakakumbirirwa tuhembe kune vamwe waiva nenhumbu tukawanikwa asi matauro haana kuwanikwa.
Ndakaita topic of the week pahospital ipapo coz ndakanzi ndimbogara nekuti vana vanga vapindwa nechando.
Manurse aiti munhu wese anenge apinda ane nhumbu vokumbira kuti vandipewo something but makumbiriro avaiita vaiita sekakundi mocker.
Week rakazopera vana vangu vane bag rehembe netauro rake rake.
Musi wekubudidzwa ndipo pandakaona kuti yaa hupenyu hwakaoma.Ndanga ndine mastitch kufamba kwainetsa apa vana 2 plus bag kwekuenda ndanga ndisina futi.
Ndakambopindwa nepfungwa yekutengesa one mwana ndikazviti futi "ndotengesera ani plus ndotengesa upi wacho nekuti vese zvavo ndaivada zvakafanana.
Imwe pfungwa yakanditi ndingosiya one muchipatara imomo ndikazviti "ko pamwe wandiri kusiya ndiye munhu kwaye ndichitakura benzi rinenge ini mai vacho."
Ndakati ndofa ndaedza hangu pane vana vangu ndipo pandiri.
Ndakaperekedzwawo nemumwe aitova nenhumbu ndikanosiiwa kugate ndikakwira mota ikanondisiya parank.
Ndakambofunga kukumbira fone kuti ndifonere bamukuru baba wevana vangu 2 kuti vandiudzirewo mai Nyaradzo kuti vauye vanditore but pandakangofunga mabviro andanga ndakaita kwaari ndakabva ndasiyana nazvo.
Kana ari Prince muridzi wevana handina kuda kuzvinetsa nekuti akanditi ibonus rekumba kwedu.
Ndakagara parank 4 days kukazouya mumwe murume anga akanaka chaizvo akanditi,
"Ndane nguva ndichikuona pano chii chiri kuitika care to share please."
Ndakangomuudza kuti handina kwekuenda ndakadepotwa kubva kuBotswana nhumbu ikarwadza so handina kana pekutangira.
"Hey so sad , I can help you but let's make a deal, nemukadzi wangu hatina mwana and mukadzi wangu haatoite mwana zvachose , so if you want wotitengesera 1 even a girl no problem."
Ndanga ndanzwa nekurara panze and kana nditi life yangu yaizochinja zvaita sei hameno coz my life was directionless.
"Ndazvinzwa hangu asi vana vangu..."
"Okay dear I'm not forcing you, was just trying to help you, kana zvisingaite no problem unogona kufamba uchitsvaga basa but machances ekuti uwane basa are very slim unoshanda sei nevana 2?"
Me: "It's okay ndokupai zvangu mukomana ini ndosara nemusikana."
Ndakatodzosera misodzi yanga yoda kubuda.
"Woow thank you by the way I'm Jason and you?"
"Ndonzi Beautiful."
Him: "Beautiful hey and you are beautiful for sure kungoti pane zviri kushota pauri , anyway what about baby boy's name."
Ndanga ndisina kuvapa mazita mufunge.
"Munomupa ramunoda asi musikana anonzi Princess."
"Woow its a nice name okay tichataura nemukadzi wangu, handei pamota iyo."
Akatakura ndiye mwana mukomana ini ndikatakura musikana but deep inside ndairwadziwa.
End of chapter 1
❤️
👍
😂
🙏
7