TANYAE NOVELS
February 25, 2025 at 12:49 PM
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z
NDIYE WANDAKADA
Wriiten By Tanyae
O712316667
O783295946
Chapter 15
*Chapter sponsored by +263 77 245 3529*
Mutsa
Pakabuda Chenge padoor apedza kutakura zvinhu ndopandakaenda ku bedroom kwandakasvika Lena akatsamwa. Ndakamira ndakaisa maoko muhomwe ndichifunga kuti ndotaura naye here or ndimusiye akadaro. Ndakazotaura ndikati,"Ndichatanga kuchinjanisa. Ndichange ndichimbogarawo kuCottage kuna Chenge."
Akaseka zvikanzi,"Why? Because she's good in bed? Come on we both know that haumude urikungoda sex chete. Waneta ka nepangu pakati wave kuda variety."
"Because she's my wife."
"Wife? Come on give me a break Mutsa. Her coming into our lives was my idea. Instead yekutaura neni first wakungndigarisa pasi naChenge uchitisheyanisa grocery. Urikuedza kuda kuita sei? Zvinhu zvese tiri kufanira kungoronga tese kubva zvatakaita pakutanga. You were supposed to buy groceries ndomukamurira her share kwete kuda kundienzanisa naChenge. Urikuda kundidzikisira inini she will end up disrespecting me achifunga kuti takaenzana. That kid is 10 years younger than me. She's a second wife akauya kuzokuitira vana. You don't get to make us equal because we will never be equal . Nekuti ndakaita mistake ndiri mwana that doesn't mean you should insult me like that. That decision was made for me namai vangu. I was 15 Mutsa i had no say."
Akataura akuchema ndikati,"Apa iri kunyatsochema chii? Kuti ndakusheyanisai naChenge?"
"Wandidzikisira and you're acting as if wakuchinja. Hauchandiudze anything wakungonyarara. Grocery waindipa mari ndonotenga ndega zvandinoda but wakuita zvawafunga iwewe. Urikuda kuti ndinzwe sei? Now i feel like I'm competing naChenge. Does it hurt ukaita kuti ndiite ma decisions acho inini? Chenge wacho doesn't even mind asi iwewe wakuita sekuti wakutomunamata."
"Next time i will just give each one of you mari munhu onotenga zvaanoda handisi kuda zvekutemeswa musoro. Now it's either otora grocery iro kana usiri kurida ndotora ndonopa Mama otenga handiti unoshanda. Wataura kuti unotenga wega."
"Do you even still love me?" Akandibvunza ndikati,"Don't be naggy Lena. There was no need of throwing tantrums. Chakutadzisa kungotambira zvinhu ozondiudza ma concerns ako chii? Zvako zvekuti unoda kundiitira drama risiri necessary I'm not up for it. Mave two now and i will treat you the same. You work if you want extras tenga. Now you have everything hapana chisimo mumba. I'm not taking anything mumba muno ndichinopa Chenge. Ndichamutsvagira zvake zvekushandisa."
"Ubve watenga ne fridge yacho nekuti handisi kuda neyangu handiti mari yekutenga zvinyowani zvacho unayo," akadaro ndikati,"Fine ita zvinokuitira iwewe. Ndakuenda."
Ndakabva ndatobuda nekuti ndaitovawo nezvinhu zvakawanda zvandaida kuita. Ndaida kuona Taps ainge angonditi aiva nekwaaida kuenda neni then nekuzotenga futi zvinhu zvaChenge. Ndakamusiya akatsamwa kudaro kwave kubva ndatobuda. Vanhu vacho vaiita ma deliveries saka ndakangotenga ndikavapa adress yekunosiya zvinhu. Ndainge ndatenga four plates stove, bed ne couch one. Ndaitofunga kuti amboenda kunaMama nekuti zvinhu zvese zvaitoda time kuti zvikwane. Ndakazonoona Taps ainge auya asina mota. Akapinda mumota mangu zvikanzi,"Uchiri walagwinya wani?"
"Ndiri kufanira kudii?" Ndakabvunza zvikanzi,"Kupera zve handiti une vakadzi two? Asi yaaa wakashinga chokwadi ukati kunzungu oti kunyima uchakuvara musana usati wasvitsa 40."
Ndakangoridza tsamwa zvema jokes zvake ndaisatova hangu mu mood nazvo. Ndainge ndatotanga ku stresseka nekuda kwa Lena.
"Hauna kutaura nyaya yako wati urikudei?" Ndakabvunza zvikanzi,"Ko waitwa sei uri moody?"
Ndakapukuta kumeso neruoko kwave kungomutarisa. Akanditarisa achida kuseka ndikati,"Ukaseka ndiri kukumamisa."
Akasimudza maoko mudenga zvikanzi,"Handichaseka okay but seriously what's up?"
"Ma 1 aye anenge akutanga manje. I thought i had it underneath control but Lena ari kutoda."
Ndakamutsanangurira nyaya yacho zvikanzi,"Ndobarika manje kwete ma small small aya. Pavachatanga vese ndopauchaona kuti maguava haasi ma gooseberry. Iko zve cottage zviri nani hazvo asi zvaingoda kure nakure umwe neumwe uchimuitira zvake pasina azoona kuti waitirei umwe. Nekuti ukaita sewawandira ku one side they will always complain."
"Asi ndatadza here pakuti nditengere Chenge zvinhu handiti iye ndakamutengera kare?"
"No Lena ari insecure. Inyaya yekuti anenge akuona sewanyanya kuenda ku one side of which uyu achiri kutanga kuti 1. Uchatemwa nemusoro ukati baba."
"Arikuti since ariye akati nditore mukadzi anofanira kuronga zvese. Anoronga chiiko sekuti ndiye ari kurara naChenge wacho?"
"Yasvika nguva iya yandofarira. Saka how does it feel kumboti ku beef omboti ku chicken?"
Ndakaridza tsamwa ndikati,"Ndine zvandiri kuda kunoita ukasandiudza zvawandisheedzera ndakuenda."
"Pamela akandifonera. She didn't say much akangoti arikuda kundiona so ndirikuda wingman. I don't trust women ko kana arikuda kundi seducer?"
"Saka wandisheedzera kuti ndikuperekedze kuoona ex wife yako inini manje? Ko akauya akapfeka lingerie? Where are you supposed to meet her anyway?"
"Kumba. Ari kuuya kumba. She sounded serious on the phone. "
"Arikuda kuti mudzokerane obvious."
"Iiii ndiri munhu wemunhu shamwari," akandidaro ndikati,"Obvious munhu iyeye hausi serious naye dai waiva serious naye dai wakandiratidza. Plus dai usina kumbobvuma kusangana naPam."
"She said it's important ndosaka ndakatongobvuma."
Akatarisa time pa wrist watch yaanga akapfeka zvikanzi,"30 minutes away. Drive fast."
"Hayi hayi handingambokutukire munhu akaku cheater siyana neni."
Patakasvika kumba kwake we waited akatozononoka Pamela wacho. Paakasvika tainge takatogara pama garden chairs panze.
"What?" Takaitirana tete naTaps pakapinda Pamela pagate. He had this young boy with her aiva photocopy ya Taps pachezvayo.
"Where are we Mama?" The boy asked zvikanzi,"We're here to see daddy."
Takatarisana naTaps akasimuka akatarisa mwana uya anga atitarisawo.
"Are you my daddy?" Akabvunza Tapiwa ndofunga anga angoona an older version of himself nekuti vanga vakafanana zvekusatoda DNA.
"TJ," Pamela akadaro achimubata ruoko. Takamupa chair kuti agare akatimhoresa iye first. Taps haana kutodaira aioneka kuti he was in shock.
"Just speak Pamela," akazomudaro iye kwave kunditarisa zvekuti can you excuse us ndikati,"Ooh okay i can leave."
"No Mutsa stay. Don't go she can talk uripo."
"I have your son. I realised i was pregnant when i left. I moved in with the guy i cheated you with and told him that the pregnancy was his chero ndaisaziva kuti pakati penyu ndeyani. Ndakazoziva after giving birth ndaona kuti he resembled you but handina kumuudza and aisakuziva. TJ ane 8 years now doing grade 3."
"And you kept this secret why?" Taps akabvunza akanzi,"Because my ex husband believed he was his. Pane sister yake yakazongotaurawo ichiti mwana anga asina waakafanana naye mu family. Akaita ma DNAs behind my back akaziva chokwadi, told his brother tikanetsana kwave kubva tasiyana. Patone gore tasiyana but i thought you should know because i also need your support raising him. Handisisiri kushanda so zvinhu zvakandiomera. Kana uchida ma DNA tests it's okay. TJ this is your Dad."
"The real one?" Mwana Akabvunza akanzi, "Yes. The real one."
"Eight years and you thought zvaiva okay not telling me that i have a son?"
"I'm sorry."
"Regai ndimbonwa mvura," ndakadaro excusing myself mwana akati, "Can i please have water too?"
"Sure come with me," ndakadaro akanditeera. Ndakapinda naye mumba zvikanzi,"Who lives here?"
"Your Dad."
"Do you think he likes me? Mommy said he would be happy to meet me but he isn't."
"He's just shocked but i belive he loves you. What's your full name?"
"Tapiwa Junior."
Ndakamupa mvura kwave kumuti adzokere panze. Handina kuzodzokera ndakavasiya kuti vataurirane vari two. After a while Taps akazouya zvikanzi,"I asked her to leave him with me maybe i can get to know him. I don't even know where to start. I don't even know how to be a father. I'm still shocked the little guy is 8 years old Mutsa."
Akapinda Junior wacho ndisati ndapindura akamuti,"This is Uncle Mutsa."
"And uncle Mutsa was leaving. I will leave you two see you around TJ."
"See you Uncle Mutsa," akadaro TJ ndikabuda naTaps akabva anditi,"So you decided to leave me with that talkative dude all alone? Ndiri kutoshaya kuti ndotangira papi."
Ndakamuseka ndikati,"I hope you suffer. I hope Pamela comes with baby mana drama and ruin that secret relationship of yours. Kusvika wandiratidza that's when i will take back my words."
"Dai waiziva usiri kundidaro. Ipapa ndanga ndichitozvifunga kuti achabvuma here knowing kuti pane mwana."
"Dai usingandiseke Taps ndaikunzwira tsitsi manje whatever ndakuenda ini."
"Yeah pakaipa," akadaro ndikamusiya akaisa maoko muhomwe.
Pandakasvika kumba Lena ainzi anga abuda and I just figured kuti anenge anga aenda kuchurch.
"Vanhu vauya nezvinhu Tembo vakanditi ndiise signature kuti vasiya zvinhu. Ndakuisirai message ndichibvunza kuti ndi signe here hamuna kudaira," Chenge akandidaro ndikati,"Handina kuiona ini waisa pa WhatsApp? Ko wadii kufona?"
"Muphone manga musina airtime umu. Tambozama kurongedza asi hatina ma poto ekubikira Tembo."
"Shit ndazvikanganwa."
"Tine mari yatakasiirwa natete ndogona kunotenga mapoto neiyoyo asi handisati ndakugona kuenda mutown ndega ini."
"Mapoto ndichataura na Christabel ndomuti akuperekedzei kunotenga mutown. Pane pamokwanisa kutenga zvekudya handei ndinokuratidzai panofambimba netsoka. Saka hamuna kudya kuseni?"
"Tanotenga chingwa nema boiled eggs kumusika nedrink tikanwa."
"Mainini varipi?"
"Ari mumba arara anga achitamba ma games paphone pangu akabva akotsira."
Ndakafamba kupinda naye mukati ndikati,"Ndirikuda kuti umbonoona Mama. Kunyangwe for a week it's fine. You can get to know everyone ana Tete vako ndiko kwavari."
"Okay saka ndoenda rinhi?"
"Mangwana pandinobuda ndichienda kubasa. Mainini vangatadze kusara Vega here?''
"Anosara ndomusiira phone kuti asabhowekane."
"Saka bedroom racho nderipi?" Ndakabvunza zvikanzi,"Ndangofunga kuti iyi ine bathroom mukati ndoinoita. Kana isingaite ndochinja."
Takapinda zvikanzi,"Mubhedha wacho wakanaka. Hanzi naFari ndoda hangu kurara pasi pandakajaira."
I looked around ndikati,"Hameno havo vachadonha kubva pamubhedha."
"Saka munenge muchiuya kuzorara kuno here?" Akandibvunza ndichigara pasi. Ndakamutarisa ndikati,"Asi handidiwe kuno?"
"Handina kudaro kungodawo kuziva. Musangoita zvinotsamwisa maiguru chete."
"Saka kana kuuya kuno kuchitsamwisa ndatodzingwa kaapa?" Ndakabvunza zvikanzi,"Aaa handina kumboti musauye ini."
"Saka urikutii?" I asked zvikanzi,"Ndirikuti mupote muchiuya wo kana muchida."
"Huya pano," ndakamusheedza akafamba akasvika achimira pamberi pangu. Ndakamumisa pakati pemakumbo angu ndikati,"Wati mainini vakarara kupi?"
Iyi room iripa next neinoyi," she said ndikaona kuti zvandaida zvaisabuda. Ndakamuregedza ndikati,"Okay."
"Maita basa matitengera zvekushandisa."
"You're welcome," ndakamudaro ndichivhara maziso zvikanzi,"Tembo."
Ndakamutarisa zvikanzi,"Hakuna here nyangwe mabasa asingadiwe O level. Ndoda kuendawo kubasa."
"Why urikuda kuenda kubasa?" Ndakabvunza zvikanzi,"Nekuti ndoda kupota ndichibhadharirawo Fari. Hazvizoite kuti muite zvese. Plus kungogara kunobhowa. Handidi kungokumbira zvese."
"Urikuda basa rei?"
"Chero. Nyangwe remumba."
"Mukadzi wemunhu akanoshanda mumba kumba kunenge kunani?"
"Handiti mune vakadzi two here ndouya weekend," she said ndikati,"Ukwane."
*Book redu richatanga kutengeswa kutangira pa chapter 21 zvichireva kuti ma chapter asiri kubhadharwa anogumira pa chapter 20. Tinotanga ne promotion asi inopera kana chapter 20 yauya saka garai mabhadhara book risati rakwira mutengo.*
*This time tirikuti munhu ari kutumira mari yaanokwanisa tichitangira pa $1 zvichikwira ingava Ecocash kana innbucks. Tiri kuitira kuti book rive affordable for munhu wese. Kune vaya vanoti munyori ini hangu ndirikunzwa kusundwa book renyu deserve more than a $1 mongowedzera chero ikaita $1.20 kana $2 zvakanaka zvikadii ko handiti ndokundipa manyawi kwacho😹😂🤭.*
Ecocash usd : $1⬆️
Airtime Econet/Net1 : $1⬆️
Ecocash zig: 50⬆️
Airtime zig : 55
SA side : 25r Voucher ⬆️
Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba.
Mapayments akatanga nezuro........
❤️
😂
🙏
👍
😢
😮
🔥
☑️
💋
💔
320