TANYAE NOVELS
February 26, 2025 at 10:31 AM
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.* https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z NDIYE WANDAKADA Wriiten By Tanyae O712316667 O783295946 Chapter 17 *Chapter sponsored by +263 77 254 4356* Chenge "Mazotifunga," Mama vakadaro tasvika padhuze. Ndakavamhoresa kwave kugarawo pasi painge pakagara vamwe. Paingova navo natete Mirabelle na maiguru chete. Tembo vakagara pachair ndopandakazoti,"Makadii henyu Mama." "Tiripo isu. Murisei wo imi?" "Ndiri right hangu. Tete makadii henyu?" "Ndofara zvekuti," Tete said ndikati,"Maswerasei maiguru?" "Ndaswera," maiguru vakadairawo pakabva paita runyararo. "Ndauya kuzokusiirai muroora wenyu uyu. Ndimi maiti handidi naye ndamuunza." "Aaa kuda ndiye aisada hakezve kuuya kuno. Kubva zvawaroorwa Chenge kana kufunga kundishanyirawo zuva one zvacho. Maiguru vako ava vanoshanya zvekuti. Ndizvo zvinoitwa kwete kubva wati zii zii sekuti wakaroorwa kusina hama. Ukada kudaro manje unoshaya anochema newe. Kunhamo chaiko hauna kana kufona takatozonzwa na Mazvimbakupa ivava kuti washaikirwa natete kuita sekuti ndivo vanga vafirwa. Munhu ndeanobatana nevamwe kwete kuda kuzviita manhingidaba. Ukaramba wakati chwii kumba ikoko usingaone vamwe tinongokutarisawo zvino tingadii?" "Pakapotseka Mama ruregerero," ndakadaro maiguru vakati,"Ndakuenda ndimbonozorora Mama ndichauya ndichikuoonai ndoda kudarika nekumba ndichiona anaMama " "Ofamba zvakanaka muroad umu mwanangu," Mama vakadaro maiguru kwave kuoneka vakaenda. Tembo havana kuzogarisa vakazoonekawo tikasara tave three. Nyaya dzacho ndainge ndisitorina and Ivo nekunyarara kwavowo ndaibva ndatopererwa. Mama ndovakazotanga kusimuka kwave kupinda mumba Tete vakateera ndikasara panze. Ndakashaya kuti ndochinanga kupi manje ndasiiwa ndega panze. Ndonguva dzakapinda Tete Christabel pagedhi. Ndakatombonzwa kunyevenuka mbijana vakanditi,"Ko imi mauya kuno nguvai?" "Ndava netime ini," ndakadaro zvikanzi,"Ko kuzogara panze manje?" She asked and I just smiled. Vakapinda neni mumba asi hapana watakaona. Vakazobuda havo after a while ndopandakanzi natete,"Otombotizorodzawo Ka nhai Chenge ombotibikirawo. Ndatofara kuti wauya." "Hakusi kuda kutinzwa here nhai sisi magara munogara makangozorora wani munobika here?" "Usade kungonzi wataura Christabel," Tete said Mama vakati,"It's her duty to work semuroora imbomirai zvekuda kunetsana nezvisina basa." Tete Mirabelle ndovakazonditi ndiende navo vandiratidze kwaiva ne kitchen. Kwanga kwatodoka vakandisiya ndega and semunhu anga ati jairei ndanga ndakutogona kubikawo nyama inonaka. Ndapedza ndakanopa vanhu ndikanzwa Tete Mira vakuseka Mama vakati,"Ko chii?" "Ndiri kutoseka hangu kuti muri kupfugamirwa. Second makhoti Ari kutsvaga ma marks." Havana kudaira Mama vakaramba vakanyarara kwave kugeza maoko. Ndakagezesa munhu wese kwave kuzouya nefood ndikavapa. We ate in silence ende ini hangu ndaitonzwa kuti dai nguva dzekurara ndangosvika ndarara. Ndakabatsirwa kusuka natete Christa vachidzumburudza. Patakarongedza ndiro takadzokera kune vamwe Mama vakaoneka vave kunorara. Ndakanorakidzwa kwangu kwekurara imba yacho yanga yakatokura iine ma rooms akawanda. Ndanga ndisati ndatokotsira pandakanzwa kuvhurwa kwe door. Ndakatofunga kuti nditete Christabel asi pandakacheuka ndakaona vari Mama. "Knock knock," vakadaro vatopinda ndikamuka kuti ndigare. Ivo vakanogara kumakumbo kwemubhedha zvikanzi,"Ndati nditaure newe vamwe varara saizvozvi. Ini handisi munhu anoreva munhu ndotaura munhu achinzwa kwete kuti ogozonzwa neumwe munhu kuti Mama vaiti zvakati." Ndakaramba ndakanyarara zvikanzi,"Ndakanzwa kuti munin'ina wako akauya kumba. Ko kumusha kwenyu hakuna here anokwanisa kumuchengeta nekuti mwana wangu ndiye wamava kuremedza. Oti kumufeeder uye achada kuenda kuchikoro. Mutsa Ava nevakadzi vaviri vanoda kuchengetwa naye. Ini Mai vake ndinoda kuchengetwa naye, hanzvadzi yake iri pano iyi nevana vake vaviri vanototarisira kubva kuna Mutsa. Uchiona zvese zvaanazvo zviya ndini. Ndakadzidzisa mwana wangu ndichibinduka kuti akwanise kusvika ku university iye zvino Ava kushanda. Akawanirwa nyasha akawana mukadzi wake anozvishandira. Pawakatorwa iye taitu ugomuberekera vana nekuti mukadzi wake mukuru mbereko yakaramba akanzi haakwanise kuita mwana zvino tave kuona kuti yava problem after problem. Mutsa akamira newe pa nhamo wave kutora advantage of his kindness wave kutora munin'ina wake kuti amuchengete futi. Mese hamushande makamirira kuombera maoko. Anogona kutadza kukubudira pachena nekuti wakafirwa asi chokwadi ndechekuti mave kumuremedza. Wave nemwedzi yakawandisa chaizvo asi Uri kutooneka kuti nhumbu yacho hauna. Chauri kuita kudya nekuenda Ku toilet wakagara kana pfungwa yekushanda handifunge kuti utombori nayo. Mukadzi akaroorwa naMutsa anozvishandira. Hupenyu hwemazuva ano ndewekubatsirana kwete kupeta maoko uchiti ndinochengetwa. Handizivi kana paine kushereketa kakaitika ndiwe unoziva nekuti kana ini Mai vake handichatonzwisise zviri kuitika. Iwe uri mukadzi wechipiri hauenzaniswe naLena hazvife zvakaitika. Lena anoshanda. Lena ndiye akaita kuti uvepo iwewe saka u ofanira kuzviisa pasi pake akakuti ita ichi woita. Zvekuita sekuti wave kukwikwidzana naye pamwana wangu hazviite. Iwe wakauya kuzozvara vana kwete kuzotonga nekuudzira mwana wangu zvekuita. Unoita semunhu akanyarara asi ndiri kuona kuti uri nyoka. Unogovaniswa zvinhu naLena wakamira sani?" Handina kudaira ndakaramba ndakanyarara ndikanzi,"Haufe wakaenzana naLena Chenge. Iwewe kana uchida kuti tiwirirane haikona kushungurudza mukadzi waMutsa. Zvekuti anouya achichema pano complaining about you kwete ndapota zvangu. Ndakumbira kana uchida kuti ndigwadame ndingasve ndakugwadamira. Kana uchiziva kuti haukwanise kuita mwana zviri nani ugare waenda pachiri pedyo. Zvave kuitika nezvataifunga kuti zvichaitika zvacho zvatosiyana nekure. Ini kuuya kwako ndakatozongobvuma nekuti Lena ndizvo zvaaida dai yaive pfungwa ya Mutsa handaimbogara ndabvuma. Kushaya mwana haisi choice zvakaramba wo. Ndingamuroverera nekuti akundikana kuita mwana here kwete." "Ndazvinzwa Mama," ndakadaro zvikanzi,"Kana wazvinzwa pakanaka. Ziva kuti murume ndewa Lena haikona kutarisira kuti Mutsa akuenzanise naLena. " "Ehoyi," ndakadaro zvikanzi,"Kana wanzwa zvakanaka. Osiya watiwachirawo magumbeze ne washen usati wadzokera " "Ehoyi," ndakadaro kwave kubva vabuda. Hapana kuita time Tete Christabel vakapinda zvikanzi,"Ndaona Mama vachiuya kuno ndaenda ku kitchen kunonwa mvura. Musanyanyozviisa henyu pahana maiguru. Inini hangu handizvigone asi if you're willing to stay just treat maiguru with respect. Kunyangwe munhu achida kuku illtreater anopedzesera anyara ega aona kuti hausi kuita Hondo naye. Nyaya dzandakanzwa vachiudza Mama hangu handizivi what's going on kumba kwenyu. I really don't think coming panapa was a good idea but still she's Mama. She's your mother in law mofanira kupota muchiuya. Just don't stay for long nekuti ini hangu achihera ndovaziva. You're still young for this drama if you don't want this garai maenda henyu nekuti kutaura chokwadi ka ini hangu ma barika andinosiona haapere mushe. Ndiri kutokunzwirai hangu tsitsi." Ndakatura mafemo vakati,"Kana muchida basa pane munhu anga achida munhu anotengesa mushop mutown inoita zvekutengesa bhutsu. Munhu wacho munhu wekuziva saka kana muchida henyu mogona kuenda. Kutaura chokwadi zvekuramba uchirangaridzwa kuti haushande it's not nice unenge wakuitwa kuti ufeele sekuti you're useless." "Basa ndorida tete asi ndoda kutanga ndabvunza Tembo vacho. Plus ndokumbirawo musaudze Tembo zvataurwa naMama handidi kuzoita sekuti ndave kuda kuvaparadzanisa naMama. The last thing I want is kupinda pakati pavo votanga kunetsana." "Musanetseke henyu maiguru muchiti zvatanga nhasi here. Kana muchida taurai naMukoma nekuti munhu wacho I'm not sure how urgent he is." "Phone ndakasiira Fari handina ini," ndakadaro zvikanzi,"Ndokupai yangu makuseni ndisati ndabuda kuenda kubasa mogofona." "Okay maita basa." Ndakanonoka kurara ndave kufunga kana ndaozozvikwanisa. Ndakakurumidza kumuka ndikaita basa Tete vakazomuka ndakutopedza vakati,"Dai mandimutsa nhaimi ndakubatsirai." Vakandipa phone kuti nditaure naTembo Ivo vakupedzesa kutsvaira. Ndakataura navo ndikambotanga ndanzi,"I thought uchambomira ozoenda after a while but if that's what you want it's okay. Manje if you're supposed kukurumidza kutanga hausi unenge wakufanira kudzoka kumba here?" "Handizivi asi hembe dzangu ndinadzo." "Unongoita zvaunoona zvichiita zvacho. Hanzi pay yacho imarii?" "Handisati ndaudzwa." "Uudze Christabel iyeye kuti hanzi neni kana dziri nzungu hauna kwauri kuenda." "Maita basa. Arisei Fari?" "Mainini varibho nditori navo tiri kupinda mutown pane zvinhu zvandirikuda kuti vandibatsire kutsvaga. Ikoko kuribho?" "Kuribho uku," ndakadaro. "Okay saka it's okay inzwai kuti zvakamira sei." Ndakaudza Tete kuti vainge vabvuma vakati vaizonotaura nemunhu wacho. Ana Mama vakatozobuda Tete vabuda vese natete. Vana vavo ndanga ndisina kuvaona hangu kuda hameno kwavainge vakaenda. Tete ndovakabuditsa zvinhu vakati Mama vainge vati ndiwache. Paiva ne washen yavo Ivo Mama natete nedzimwe hembe dzevana nema blankets. Zvekushanda hangu ndanga ndakakura nazvo ndakaswerera kuwacha asi pandakazopedza ndainzwa kuti musana hauchade wanga wave kurwadza. Ndakanonoka kupedza nekuda kwekuwanda kwanga kwakaita zvinhu zvacho ndikayanika. Ndapedza vakakumbira kubikirwa ndikabika ndapedza kwave kuzama kuti ndimbozorora asi ndakaona Tete Mira vauya vachiti Mama vainge vati ndi cleane ma windows nekupukuta madziro. "Madziro acho anenge achibatwa naivo vazukuru ivava zvino hapana anoita Ka Christabel anoenda kubasa iniwo handingambozvigona zvekuswera ndakamira miviri yacho yaora haichada." I didn't complain ndakangoita kunyangwe ndainzwa kuti body yangu yanga yava kuramba. Nguva dzacho dzandakatozopedza kwanga kwatodoka ndikabva ndangobatanidza nekubika kuti ndigozorora ka1. Zvanga zvatongova zvekuvavarirawo hazvo kuti ndipedze ndimbozorora. Tete vakatozodzoka vachibva kubasa ndatorara. Vakangondisweresa kwave kubva vatobuda vachienda kwavo after vandiudza kuti ndaizotanga next week racho ne Monday Ndaitoti ndichazorora next day asi tete Mira vakabva vakumbirawo kuwachirwa avo magumbeze. Amwe acho anenge aiva evana ainhuwa weti kuti kutu. Ndakangotambira ndikavawachira ende waizongoona kuti kugara kwacho hapana waizongoswera wakamira wakubatanidza nekubika. Apa maoko angu anga asvuuka pa wrist apa nepamusoro peruoko kuzvigunwe I think itype ye washing powder yandanga ndashandisa kana kuti yaive nyaya yekuti ndanga ndatsokota zvinhu zvakawanda. Zvese zvandainzi ita ndaitongoita hangu ndakanyarara I never complained kuti ndakaneta ende varisatete vaisavanza havo kuti she didn't like me. Sometimes ndaivanzwa vachitaura naMama vachiseka pane pandakazonzwa Tete vachiti,"Ndozvazviri muroora musalad haagare abata washen ungati maiguru Lena vawache magumbeze? Plus zvebasa azvijaira kumusha kunosakurwa uko Mama ipapa hapana kana chaanenge achinzwa. Ndozvaachapfidzira zvekushusha muroora murungu." "Hameno hako akakunzwa Mutsa uchidaro anokurova,"Mama vakadaro vachigegedzera kuseka zvikanzi natete,"Achirova ani ini ndiri muhombe kwaari ndomudzosera ini haiwa. Ipapa ndiri kutogaya kuti ko kana asingazvare isu takaroora kare? Ma months ese aya by now dai ave nenhumbu." "Inogoita nepaiko handiti chake kupaka nekuenda kunobuditsa kuchimbuzi. Atova pamutambarakede kunyangwe zvemwana handioni kana achiri kuzvifunga ini. Akaona kuti Mutsa ane mari ndaiwanira pano kwave kunozvuzvurudzana nemunin'ina wake." "Dai vakangoti atange atariswa nana Chiremba." "Makaroora akaroyiwa kare. Idzo hama dzacho dziri kukundikana kuchengeta mwana handiti zvinonzi vakarerwa natete. Ndakanzwa tete vachidaro kumusha vachiti aitonzwirwa godo. Anodaro akaroyewawo vati agarika. Vanhu here zvino isu topindawo papi anongodzoserwa zvino tingadii." "Pamwe mukoma vakumuda," Tete said zvikanzi,"Kumuda wei? Iye anozviziva Mutsa kuti handidi zvisina basa. Akanzi atore mukadzi wekuita naye mwana kwete wekuti aite zverudo naye. Apedza kupa Lena rudo ave kuda kuita zvaChenge?" "Aaa Mama hatizozivi hedu matauriro akaita maiguru hazvichanzwisisike." "Rega tigoona kunowira tsvimbo nedohwe." *Book redu richatanga kutengeswa kutangira pa chapter 21 zvichireva kuti ma chapter asiri kubhadharwa anogumira pa chapter 20. Tinotanga ne promotion asi inopera kana chapter 20 yauya saka garai mabhadhara book risati rakwira mutengo.* *This time tirikuti munhu ari kutumira mari yaanokwanisa tichitangira pa $1 zvichikwira ingava Ecocash kana innbucks. Tiri kuitira kuti book rive affordable for munhu wese. Kune vaya vanoti munyori ini hangu ndirikunzwa kusundwa book renyu deserve more than a $1 mongowedzera chero ikaita $1.20 kana $2 zvakanaka zvikadii ko handiti ndokundipa manyawi kwacho😹😂🤭.* Ecocash usd : $1⬆️ Airtime Econet/Net1 : $1⬆️ Ecocash zig: 50⬆️ Airtime zig : 55 SA side : 25r Voucher ⬆️ Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Mapayments akatanga nezuro........
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 ☑️ ❣️ 💋 💔 373

Comments