TANYAE NOVELS
February 28, 2025 at 07:51 AM
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.* https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z NDIYE WANDAKADA Wriiten By Tanyae O712316667 O783295946 Chapter 20 Chenge Ndakamuka ndichinzwa kuti body yangu yakaneta kare. Semusana wanga usati wapora asi ndakavavarira. Tete vanga varipo vakandibatsira basa makuseni. Pakamuka Mama vakandiwana ndichihora marara andainge ndaunganidza panze vakafamba kusvika padhuze ndikavamukisa. I was surprised nemadairiro avakaita ipapo vaisidaira zvekuti zvivabve asi vakadaira vakateramira. Tete vakabuda time idzodzo vachiti vakunotsvaga chingwa. Zvavakataura ndizvo zvakazoita kuti ndione kuti sei vanga vataura vakadzikama. "Ndanzwa mudumbu nhasi husiku zvino ndazosara ndomuka zvatoshata. Ndokumbirawo kuwachirwa magumbeze acho atokanganisika." Ndakashama kwave kuramba ndakavatarisa after a while ndokuzoti,"Okay " "Otongowachira mutub yemu bedroom ukadzamara wabuda nawo magumbeze acho imba yese inganhuwa kuti kutu." "Okay," ndakadaro kwave kubva vafamba kuenda ndikasara ndakamira. Ndakapedzesa kubvisa marara kwave kuzonopinda mukati. I knocked on her door vakavhura zvikanzi,"Ndatoona kuti ndikati Mira aite haangambochene. Uzoisa sta soft asare achinhuwirira." "Okay," ndakadaro kwave kubva vanogara pamubhedha. Ndakavatarisa neziso kwave kusimukira vakasura vakaridza tsamwa zvikanzi,"Kutonzwa kuda kuita magoo chaiwo mudumbu macho hamusi kuita hameno kuti ndakadyei. Arimo mu bathroom umo." Ndakanopinda mu bathroom ndikaona ma blanket acho akaita zvekumonererwa. Imomo ndomaiva neyese manje ndakavanzwa vachibuda ndikabuda ndakunotsvaga ma plastic. Ndakawana echingwa ndikapfeka mumaoko ndikadzokera ndopandakavhura kunodai kuwana magumbeze akanamira madhodhi. Apa remunhu mukuru anodya all kinds of food rinoita kunhuwa zvekurevesa. Ndakaita rekubata ndikananamura nemaoko ndichikanda muchamber. Aisave manyoka akaita mvura asi anga akanamira nemagumbeze. Ndapedza kubvisa ndakaisa stopper mutub ndikavhurira mvura kwave kuzomaisa imomo ndikadira safe. Ndakatanga ndawacha panga panamira pacho ndapedza kwave kuzomasanganisa. Handina kumbotora nguva yakareba ndanga ndatopedza kwave kudzumburudza ndikasvina. Ndakazoisa imwe mvura yakachena kwave kuisa sta soft ndikadzumburudza futi. Ndaka flasher chamber ndikabva ndatongoikwesha ne domestos nekucleaner bathroom yese mukasara mane mweya urinani. Ndapedza ndakanoyanika panze ndopakadzoka Tete ndichitori panze zvikanzi,"Ko imi haasiwo ma blankets amakawacha musiuno here aya?" "Anga ane tsvina," ndakadaro zvikanzi,"Tsvina nguvai nhai maiguru!" Handina hangu kuda kutaura zvakawanda vakafamba vachinopinda mumba ndikasara ndakamira. Ndakasvipa mate anga awanda mukanwa mangu andanga ndakachengreta kwave kumhanya ndanzwa kuda kurutsa. Ndakanorutsira padhuze ne durawall kusvika mbabvu dzave kurwadza idzi ndikafushira. Ndakazofamba kunopinda mumba ndikanorara after ndakwesha mazino ndaitonzwa kufizika kunyangwe Tete pavakati ndidye ndakaramba ndainzwa kuti appetite handina maybe yaiva nyaya yetsvina yandanga ndabata yanga yave kundisvota ndanga ndakutotadza kana kumedza mate. "Hamunawo ma mint?" Ndakabvunza Tete vakati,"Handina ini ndine ma buble gum chete." "Ndokumbirawo," ndakakumbira vakanonditorera. Ndakatanga ndatokwesha mukanwa ndikazokwanisa kuwadya ende ndakabva ndatorara. Ndakapeputswa me voice ra Tembo randakanzwa richitaura. Vanoratidza kuti vaitaura naMama nekuti ndakavanzwa vachiti,"Dai mataura ndapinda mu pharmacy manje motongotuma vana venyu ivava. Ipapa ndiri pabasa handichatokwanise kudzoka kuno." Hameno kuti Mama vakatanga vatii ndakazongonzwa part yekuti,"Ko wave kuendepi ndichitaura newe. Ko plastic racho rawakabata rineiko ndatoti nderangu ini." "Siyanai nazvo Mama harisi renyu," ndakavanzwa vachidaro ndikazonzwa kuvhurwa kwedoor. Vakapinda vakabata plastic zvikanzi,"Hanzi hausikudya?" "Ndezvanhasi chete ndanga ndakaguta ini," ndakadaro ndichishama n'ai. He looked around zvikanzi,"Kugutei iwe usina kudya?" "Ndanga ndisina appetite," ndakadaro zvikanzi,"Manje ndangouya nema fruits chete ini ndoandafunga kutenga. Munema banana, ma apple nema grapes." Vakasvikoisa plastic pandiri kwave kumuka ndikagara. Ndakadongorera mukati ndikati,"Maita basa." "Saka uribho?" He asked ndikati,"Ndiribho murisei?" "I'm okay. Everything okay?" He asked ndikati,"Everything is okay." "Hapana ari kunetsa?" "Ayewa," ndakadaro ndichidzungudza musoro. "Okay ndiri pabasa." He checked time on his wrist watch zvikanzi,"Lunch yangu yatosarwa ne 30 minutes ndofanira kubata 2 ndine meeting." "It's okay maita basa." "Ndokutora Sunday handiti hanzi Monday kubasa? Manje uri kungoenda usina kutanga wataura nemunhu wacho?" "Ndonotaura naye pandiri kuenda pacho." "Okay it's okay ndakuenda ini.If you need anything use phone ya Christabel." "Okay," ndakadaro vakabuda vakuenda. Ndakanogeza ma fruits aye Ku kitchen Mama vakapinda zvikanzi,"Auya neiko?" Vachivhura paper bag. Vakatora zvimwe chinyararire kwave kubva vatoruma apple ndikati,"Anga asina kugezwa Mama." "Saka kundiudza uri kuzama ku prover chii?" Vakabvunza ndikati,"Ndiri kutongokuudzai kuitira kuti musazonzwa mudumbu futi. Zvinozokuomerai pakuwacha pamwe ndenge ndisisipo." Vakaridza tsamwa zvikanzi,"Usade kundinyenga mukanwa Chenge. Nekuti waigirwa ma fruits nemwana wangu usade kuita sekuti wave kuziva zvese. Zvinhu zvinotengwa maOk izvi zvinenge zvakazvichenera kare." Vakavhura futi kwave kutora kema grapes kese zvikanzi,"Zvema grapes ndezvedu tinoziva chirungu izvi. Dai ndiri mumwe ndatora zvese zvatengwa nemwana wangu izvi." Vakabva vabuda ndikasara ndichipedzesa kugeza zvanga zvasara. Ndakangotora apple nema banana three amwe ndikasiya mu kitchen imomo. Vana vatete vakazouya following day ne Saturday. Vaive three vese vari vasikana. Sunday vanhu pavainge vachigadzirira kuenda kuchurch ndakabva ndanzi naMama,"Mota yacho haikwane munhu wese otongosara uchibika tigowana zvekudya tadzoka " Handina kana kuramba ndakangoti it was okay. Vakabuda vakaenda Tete Christabel ndikangovati ndaisada kuenda kuchurch zvekuti Mama vanga vatii handina kana kuzvitaura. Tembo vakatozosvika kuma1 zvikanzi,"Ndanzwa kuti hauna kuenda kuchurch hauchade zvekunamata?" "Ndoenda Sunday," i said zvikanzi,"Saka toenda Ka?" "Ndisina kuoneka here?" Ndakabvunza zvikanzi,"Saka tomira hedu ka." Vakazosvika later on ndopandakazooneka Mama vakati,"Mopota muchiuya muchitidongorerawo kwete kungohwa nda kumba kwenyu. Zvino zvawakaita izvi zvakaipei handiti ndizvo zvinoitwa? Ndinotova mai vako ini. Mufambe mushe." "Maita basa Mama musare zvakanaka." Ndakatorerwa bag rangu rikaiswa kuboot. Ndakagara kumashure vakagara pa driver's seat kwave kumutsa mota tave kuenda after a while ndikazonzi,"Saka kumashure wagarirei?" "Aaa hanzi kumberi pakaita accident kuri dangerous." He chuckled zvikanzi,"Inga zvakaoma. Unenge uchitofunga kuti munhu anofa newe izvo ari kutogaya kuti ngazvife zvega kumberi ikoko." "Iii nhai Tembo ndambodaro here?" Ndakabvunza zvikanzi,"Aaa handiti kugara kumashure kutiza rufu uchindisiya kuno ndega." "Aaa kumberi handingokude chete." "Hooo nhai saka hautodrive mota yacho zve." "Aaa ndichigona here ndingasaswera ndabondera?" "Munhu anodzidziswa. Saka hautofunge kana kutenga mota one day?" "Aaaa nekudhura ikoko mari ndoiwanepi ini ndisina kana O level." "Saka unoti vese vano driver vane O level here nhai Chenge. Sometimes it's not about bepa. If this is what will make you think differently kutone vamwe vakatorongedza ma degree aya vari kutoshaya mabasa acho. Kune vakapedzesera kuona musiwo wechikoro ku primary but they made it in life. Zvinoda kushandisa pfungwa chete." "Aaaa hooo." Takambonyarara kwakubva ndazoti,"Ndokumbirawo kudarika ndichigerwa." "Kugerwa?" He asked vachinditarisa nepa mirror ndikati,"Ehe ndoda kugerwa." "Iya ko zvekurukwa zvatakawirirana zvadii?" "Handichade kurukwa ini bvudzi rinobhowa." "Aizve haya zvakaoma uri sure?" "Ehe ndoda kubvisa rese." Ndaitorevesa ndainzwa kuti zvebvudzi mumusoro mangu handisi kuzvida. Takadarika neku barber vakati kumunhu wacho,"Ndigererewo munhu uyu kwazvo kwete kunge uri kugera form four. Ukaita zvaari kutaura unofira mahara." Akaseka barber man wacho zvikanzi,"Ndapabata mukuru." Ndakaona achisiya rimwe bvudzi Tembo hameno kuti vanga vaenda kupi ndikati,"Ndibvisei rese please." "Iiii ambhuya mondiurayisa musandidaro ndofira mahara." Pavakadzoka vakasvkomira kuseri kwangu ndakavaona nepa mirror. I smiled zvikanzi,"Uri kusekerera chii?" "Zvakanaka," ndakadaro ndichireva magererwo avanga vaitwa. "Thank you," he said still smiling kwave kutarisa wangu musoro zvikanzi,"Ndozvandiri kutaura izvi kwete zvekubviswa bvudzi rese kunge unopenga." "Hamudi kugadzira here?" Akandibvunza ndikakurumidza kuramba zvepa chair pake ndanga ndisisazvide. Takazobuda kana neni ndakaonawo kuti zvanga zvakatonaka. "Pane chikoro chandirikufunga kuti mainini vaende. Chiri close nekumba panofambika ndichakuratidza mumbonoona nekutsvaga nzvimbo." "Aaaa inini? Handigone ini." "Kudii?" "Kutsvaga nzvimbo yacho. Zvikoro zvekuno zvasiyana nezvedu zvekumusha zvekuno zvinozezesa izvi ndosvika ndichiti chii?" "Ndokuti ujaire kuita zvinhu wega Chenge. Ndokutotanga kujaira kwacho you will figure it out. Chimwe chinhu paunopinda mutown pota uchimbotenderera. Kunyangwe ukazoshaya kwawabva nako unongofona ndouya ndichikutora paunenge uri. Ndokuti ujaire seipapa you've been here for how long asi haugone kufamba mutown. Hautozive kuti macombi ekumba anokwirirwa papi. Kunyangwe kuchurch chaiko waitokwanisa kuenda nemacombi kana tumota asi I know kuti hautozive kuti unodii. Jaira kuita zvinhu ujaire. Get out of your comfort zone and explore handiti? Handidi munhu ari slow anonoka kufunga zvinhu. Handisi kukutuka ndiri kutokudzidzisa." "Okay Tembo ndazvinzwa." Patakasvika kumba ndakazoita mumota mekubuda ndichimhanya ndave kurutsa. Ndakarutsira pa lawn Tembo vakazosara voburuka ndatokotama kare. Ndakatura mafemo ndikanzi,"Ko wadyei?" "Aaa hameno." I looked up ndikaona curtain reku main house richivhurwa hameno kuti ndiani anga akadongorera. So I've decided kukuwedzerai two more *free chapters* zvichireva kuti last free chapter yedu yave 22 and promotion yedu yekubhadhara nema $1 inopera musiwa 02 March 2025 musiwe Sunday. Momuwanepi umwe munyori anokudai seni nhaimi?? Garai mabata ma seat kuSub group Team Chenge zvaizvezvi ndimi murikutopisa 🔥🔥🤸‍♀️ Payment Details Promotion for *Ndiye Wandakada* chete👇 Ecocash usd : $1 Airtime Econet/Net1 : $1 Ecocash zig: 50 Airtime zig : 60 SA side : 25r Voucher Ott Voucher, 1 for you Voucher kana Blu voucher. Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Pa Airtime chero ma scratch card anoita munotumira ma number. Promotion yechitwo. Iyi ndeyevanoda ndiye wandakada nerimwe book rakanyorwa nemunyori mosarudza aripo akawanda. Ecocash $2.2 (two books) Ecocash Zig 100 (two books) SA side 50r Voucher (two books) Unfortunately pa second promotion iyi handisi kutora Airtime Ecocash nema Voucher chete. Team Chenge to the Weee 🔥🔥🤸‍♀️
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 👏 💃 🌹 💋 250

Comments