TANYAE NOVELS
February 28, 2025 at 06:05 PM
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.*
https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z
NDIYE WANDAKADA
Wriiten By Tanyae
O712316667
O783295946
Chapter 21
*Chapter sponsored by +263 71 718 8734*
Lena
"Your co-wife is vomiting,"Lean akandidaro kwave kukwakuka pandaiva ndakagara ndichinodongorera nepa window. Ndakavhura curtain mbijana kwave kunyatsotarisa akati,"Iyo ndonhumbu iyo hapana chimwe. Nhaka tichaonerera ini drama ndorangu manje "
Ndakanyatsonzwa ndichipera Simba mumabhonzo. Mutsa ainge akamubata musana achimubhabhadzira achirutsa kuita sekuti Chenge wacho airutsa mweya mutsvene. Ndakaona ave kuvhura door remota kwave kubuditsa chigubhu che mineral water kwave kumupa. Akakuchukudza mukanwa kwave kugara pasi. Zvaitaurika zvaisanzwika nekuti vanga vari kure. Akazobatsirwa kusimuka ende kunge chituta iye Mutsa wacho akabva anotora mavhu mumaruva kwave kufutsira marutsi aye ipapo ndopandaka believer kuti Chenge ane zvaanga akapa murume wangu chete. Akageza kumeso nemvura iye ndakamira Lean akanditi,"Gore rino tichadzidza zvakawanda "
Akapfipfinyika kuseka kwave kumutarisa ndikati,"Saka chiri kusekesa ipapa chii?"
"The look on your face. Aa ndisiye zvangu usade kuitira inini hasha ndini ndadii?"
Ndakafamba kwave kunogara pasi.
"Ndimi moda marriage stereki ini puu handibate. Varume vari controlling zvekuzotanga kugara nekupfeka ndichida kufadza vanhu ain't my thing. Mwana wangu ndinaye mukomana akaroora ndane vana two zvotovharana ndozvarirei futi? Izvi zvekuitiswa stress nemwana waamwene ndazvidirei hangu? Ndoda kuzvigarira ndega zvekuti kunyangwe ndikapinda mumba pakati pehusiku hapana anondibvunza. Imboshingirirai marriage ana Lena muchaonda kusara musoro chete."
Akafamba achienda ndikasara ndega. Ndozvatainge taronga kuti akazouya aite nhumbu asi kuzoziva kuti anga ava nayo hazvina kana kundibata zvakanaka especially ne attention yaange ave kupiwa tisina kana kure kwataenda. Ndakasimuka futi ndikadongorera ndikaona vave three naFarai. Anga ave kufamba ega hake achiratidza kuti aive right kwave kubva vanopinda mu cottage ndiye nyaa varimo. Ndakafunga kuti Mutsa achabuda asi ndakaguma ndasiyana nekudongorera ndakunotsvaga Lean
"Aenda ku cottage," ndakamudaro kwave kubva anditarisa ndikati,"What should I do Lean handichade ini. Moyo wangu uri kurwadza I want my husband to myself. She's taking my husband away from me."
"Anga atorwa nguvai hanti pese Chenge paaisavepo Bamukuru maive navo?"
"But why am I feeling like anga aineni nekuti Chenge anga asipo? Izvezvi aenda ikoko kunoitei? I don't want polygamy inini Lean ndakuda murume wangu. Handizvigone kutaura chokwadi ndakundikana."
Akaturikidzanisa makumbo zvikanzi,"Saka pano ndakauya kuti uzondiudza ma problems ako here? Nditonewo stress Lena ipapa baby daddy vari kuramba kutumira mari yemwana yefees. Hanzi taura nemukadzi wangu Gaya Inini manje asi Kana afunga kurara neni anonditsvaga."
"Uchiti ndingatadze here kuzobhadharira mwana fees kana aramba? Iyo fees yeECD yakambowanda zvekudaro here pagara pachikoro pavo hapadhure. Apa handiti I promised kuzokupa $100 here pamari yako ye semester yandichapiwa naTembo?"
"Kana wadaro wakutaura manje," Akandidaro ndikati,"Ndine stress Lean ndoita sei nekuti chokwadi ka hameno."
"Kana usingamude chingomushusha chete. Iwewe Bamukuru siyana navo itovabata bho but what I noticed is uyo anenge ari weak. Uyo dai ane pekutemba napo aigona kuenda kana zvaoma. Akawana basa zvekuti she can sustain herself barika rikanyatsopisa anosiya uyo ndokubhejera ini."
"Saka ndomupa mari here kuti aende ndoita Seiko? Ndakatombotaura naye akabvunma kuti anoenda kana azvara mwana one asi nezvakuitwa naMutsa izvi ko akaguma akudawo murume wangu? "
"Ipapo manje apa Bamukuru vacho vagara vari hot haaa anogona kusenda uyo asi akaona kuti pakupisa kana aine plan chete anoenda. Dai achishanda or something I don't think aigara."
"Manje basa racho anogona kutorambidzwa kushanda especially kana iri nhumbu iyi?"
"Anobva aita nhumbu inoda baba nhaka anoyemedzwa wakaita dollar sign ndokuudza ini. Nemadiro anenge achiita Bamukuru mwana ka attention yese inoenda kwaari. Akangoti chakati oitirwa akati apa parwadza vomhanya mhanya kunyangwe akafona vari pamusoro pako vanoburuka."
"I never saw this coming," ndakataura ndichitonzwa kurwara.
"Iwewe wo wanga wakapusa. Dai wakaramba mhani kubvisiswa nhumbu naMama. Ini vakada kuzviita Ka ndamitiswa paye ndapedza form six ndichifanira kuenda ku university hanzi bvisa uite zvechikoro ndikaramba. Vakatanga kuti hee hee uri mumba mangu ndikati manje ndokusungisai mutemo haubvumidze kubvisa nhumbu ndopavakazondisiya. Ipapa vanogara vachichema nekukukanganisira kwavakaita hanzi dai ndakangomusiya atone vana vake."
"Iwewe uri nani wanga wakuto turner 18 ini manje I was 15 ndairambira ani and ndaiendepi?"
"Uchiti vaikudzinga here kwaingova kukutyisidzira kuye but anyway zvakatoitika. Dai wakatoita hako zviya zvekuitirwa mwana neumwe munhu momuisa mazai ako nema sperm abamukuru zvaitova nani mwana anenge ari wenyu nyangwe zviri expensive hazvo zvaiva nani nekuti you wouldn't stress about nyaya yekutorerwa murume wako manje apa yooo haaa yatova competition pachezvayo apa chibereko wakadyisa nambuya amurozvi. Ini hangu gogo handina kubvira ndanyatsokenerana navo vanenge vairoyawo vaye ayiwa. Pamwe vakatochidya zvavo chibereko chacho."
"Aaaa," ndakadaro kwave kunogara pasi ndatova ne stress. Ndaingoti pamwe any minute Mutsa achavhura door asi akatoratidza kuti zvaisave mupfungwa dzake kusvika ridoke. Ndakatadza kana kubika Lean ndiye akanobika ndikati,"Mutsa akati haaide dressing yako iyoyo Lean "
"Varipiko Bamukuru vacho handiti vari ku cottage here ndisiye zvangu ndirohwe nemhepo ini ndini ndadii?"
I wasn't in the mood of arguing ndakaguma ndangomusiya akadaro kwave kunanga kunorara chaiko. Ndakatanga kutaura natete Mira ndiri mugudza ndikati,"Teteka muroora wenyu kuno anenge ane nhumbu uyu manje hanzvadzi yenyu handichatoione. Ipapa vauya akarutsa vakatakurana vakanovharirana ku cottage haana kana kutsika kuno. Tete ka hameno kana Chenge asina kugadzira murume wangu ndatone stress ini. Ndakuita kunge ndisipo."
"Eish sorry maiguru apa manje kuti nditaure naye Mutsa wacho haadi zvekuudzirwa."
"Tete zve barika handichazvide ini."
"Manje mosiya murume here nhai maiguru?" Vakandibvunza ndikati,"Murume wangu ndomuda. Aaa Mutsa ndomuda Tete iye ndiye anofanira kuenda. Kurara kwaakaita nemurume wangu akabhadharwa nemari yaakarooreswa nayo ne property yaakatengerwa. Ipapa akazadza cottage nezvinhu zvakatengwa naMutsa. All these years he was saving achiti aida kutenga mota manje mari yacho ndiri kuona kuti kunenge ndokwayakutoperera."
"Chenge chandakaona ndechekuti ari too soft I don't think anokwanisa kugara mukaramba muchinetsana. Imimi ingomunyon'orai chete kusvika abhowekana ayenda. Ndakanzwa kuti akawanirwa basa akangodzamara akushanda zvikaoma anoenda asi akaramba aripo manje anoguma akutodawo Mutsa wacho zvaingoda kuitika zvaizvezvi."
"Manje ndikamutokonya ko akaudza Mutsa?"
"One thing you should know maiguru Chenge haataure. Izvezvi mama vakamamira mumachira akamawacha haana kana kuzvitaura Mutsa akatouya kuno musi wacho haana kuzvitaura. Dai akamuudza Mutsa aibvunza chete. Akaita seachadambuka musana achiwacha kuno asi kana kuzviti bufu. Iye Christabel ndiye aida kuita dzvene achimbomubatsira."
Ndakagegedzera ndikati,"Nhaimi Tete mati akawachiswa chii?"
"Tsvina chaiyo maiguru Mama here hamusi kuvaziva kana vasisade munhu. Chero mukadii I don't think anomboudza Mutsa iyeka anenge achiti haadi kuparadzanisa vanhu so you can take advantage of that."
"Mutsa haabvume kuti aende nemwana wake," ndakadaro zvikanzi,"Haiwawo iyo yazombonyanyo kushamisira chiiko nhumbu yacho isu tinavo vana vatatu takashamisira kupi. Ipapa ndiri kutofunga kuti mari yaaida kutengesa mota dai iriyo yamakanoitisa artificial insemination plus iya 5k yaakanorooreswa nayo. Takangononoka kuzvifunga chete asi mukataurirana mogona kutozviita isati yapera. Imimi moshanda Mutsa anowana mari hazvimborambe Chenge obuda mulife menyu pane kuitiswa stress with a nobody arg. Mwana anotozongouya mukaita zve artificial insemination motsvaga surrogate mother."
"Ndakatorara izvezvi ndine stress hanzvadzi yenyu ichandiurayisa."
"Zvinopera maiguru musaitiswe stress nemunhu asina basa.
Chenge.
"Are you sure you don't need a hospital?" Tembo vakabvunza ndikati,"I'm okay ini handisi kurwara. Zvinhu zvandanga ndangodya chete."
"Uri kutosiririsa," he said kwave kusekerera mbijana ndikati,"Ndiri kungonzwa kuneta chete. Ndirikuda kurara ini."
"Chirara handiti waguta?" He asked ndakagutsurira musoro. Ndakarara and he layed on my side ndikati,"Asi hamusi kuenda?"
"Imbomira zvekuda kundidzinga."
Ndakavhara maziso kwave kubva ndanyarara. Ndaishaya kuziva kuti chii change chave kunyanya kundirarisa kudaro asi pandakamuka following day ndainzwa kuti ndave nani ndagwinya. Tembo vakabuda vakuenda kubasa following day racho ndikambobuda naFari tave kutenderera tichiona nzvimbo. Kubasa tete vainge vati anga achinja ati ndichiuya wednesday.
"Kwamaiva kwanga kuribho?" She asked ndikati,"She doesn't like me."
"Hanzii?"
"Aaa zvakawanda Fari handidi kutaura nezvazvo ini."
"Sisi ka," she said ndikati,"Serious ndopedzesera ndatoita stress let's just brush it off."
"Kana zviri that serious you should tell Bamukuru though."
"Kuti ndivaparadzanise here Fari? Ndongotarisa ini zvagara I'm a second wife I don't matter that much."
"Asi Bamukuru values you havo. Pamwe hamusati makuzviona henyu but I think he cares for you. Inini ndotofeeler kuti besides me you have him zvekuti nyangwe ndisipo ivo varipo ndoziva kuti you're in good hands. He does care and it's comforting. Being honest maiguru venyu vakazozama kukusekererai zvinenge zvisiri genuine. Vakauya musipo vachitarisa zvinhu hanzi pamucharambwa mobuda nebag rehembe chete ndopamuchaona. Ini hangu sisi life seyenyu iyi haisi right. Ndaifunga kuti nekukura togona kuzofarawo but zvoramba zvichiita worse. I don't want you to be that person wekuti anongokurira mukutambura mosvika pakufa muchingochema. Sometimes ndotomboshuwira kuita fast forward time kusvika patime yandinenge ndatokurawo takukwanisa kusapotana manje ndichiri kuda kutochengetwawo."
"Zvinozongoita Fari don't worry much. I think we will live to tell a story. Zvimwe zvinhu ndezvekungotarisa zvinongodarika wani."
Takazodzoka taneta tikadzokera kumba. Basa ndakazoriwana ndikanzi vaizonditanga ne $100. Pekutanga ndaiita sendichati customer idzokere kuri kutotya chaiko kutaura nevanhu. Apa town yacho yaive busy sei ndaizoti kana ndapedza ndotanga kutenderera dzamara ndakutoziva nyangwe kwaikwirirwa maCombi. Mari ye transport yaisave included pa pay vaitokupa.
Takazonosiiwa umwe musi pataifanira kutsvagira Fari nzvimbo iri Saturday kwainzi kunenge kwakavhurwa. Ndakatoenda naye akawana nzvimbo haina kana kunetsa nekuti her form three results were good.
Ndakafonera Tembo tasvika kumba zvikanzi,"Saka waityei?"
Ndakangoseka zvikanzi,"Ukuona ka kuti unenge uchitya zvisina basa. Ipapa mangwana motongonotsvava ma uniforms nemabook nekuti time unozoishaya next week vari kuvhura."
Takabva tatogara tatenga ma uniforms sunday yacho zvese ne bhutsu dzacho dzekuchikoro paisave kure nekumba stereki aitokwanisa kufamba achienda nekudzoka.
Ndakatoti umwe musi ndichinzwa kuda maguru kwave kumuti tinotsvaga pamashops yaitova sunday makuseni vachivhura following day. She was so excited and nervous achiti ko kana vanhu vachitaura chirungu. Not that aisachigona asi kuti that feeling of being a new comer.
"Manje ndozopedzesa here kucover ma book angu?" She asked ndikati,"Ndokubatsira patodzoka kani Fari inga achiri makuseni wani?
"Ayewa sisi ko mukarara? Mazuvano muri kungorara zvinobhowa pese pamawanira mukana. Endai ndosara hangu ndega."
Ndakamudhonza ruoko akati,"Ndine nzara kani ndisiyei ndisare ndichidya porridge rangu randabika handiti mariramba?"
"Unobhowa," ndakadaro letting her go ndikabuda ndega. Ndakasvikomashaiwa futi maguru acho ndikasvotwa ndakufamba kudzoka. Taitongova tega pamba maiguru vairatidza kuti vanga vabuda early vachienda kuchurch Tembo hamenowo kwavaive. Ndakasvikopinda mumba and frowned ndichiona couch riri stained neropa
"Hezvo nhaiwe Fari asi wa spoila sofa ukasiya zvakadaro?" Ndakabvunza kwave kutoona futi ma drops of blood aibuda mu dining achienda kupassage.
"Fari!" Ndakamusheedza asi haana kudaira. Ndakamutsvaga ndikazomuwana mu bathroom akarara pasi achigomera.
"Fari nhaiwe ko waita sei?" She had bled ropa rakazara pasi pese. Akagomera and i panicked ndikati,"Fari kani mhani ndidaire urikuita seiko ko waita seiko nhai?"
Ndakamhanya kunotora phone kwave kuzama kufonera Tembo. Havana kudaira ipapo ndakadzokera ku bathroom ndichimhanya ndikati,"Fari chiiko chaitika iperiod pain here ropa rese iri riri kubva paiko?"
Akazama kutaura akatadza. Ndakatanga kuchema ndichifonera Tembo vachingodaira ndikati,"Hameno zvaaita uyu Tembo ari ku bleeder ndoita sei haasi kutaura ari kungogomera. Tembo kani mwana wamai vangu."
"Ko chii eish apa uri wega. Apa kwandiri kwacho ndiri kure handikurumidze kusvika. Mhanya unotsvaga transport kuroad umhanye kuchipatara ndakutouya."
"Okay," i said kwave ku cutter ndikati,"Ndakunotsvaga mota Fari shingirira please. Please shingirira Fari usandiurayewo."
Akandidhonza ruoko kwave kudzunguza musoro. Akaita seainongedzera sekuti aiza kutaura something. Akaita seakudhonza mweya ndakamutarisa akaita seamira kufema ari mumaoko mangu.
"Usandidaro mhani Farai chiiko nhaiwe aah."
Ndakabuda ndichimhanya ndikawana mota yaitobuda pa next door. Munhu wacho achioma kuchema kwandaiita akakurumidza kuburuka akapinda neni achimhanya. Aiva mukadzi akati achimuona zvikanzi,"Asi aita miscarriage? Kana kuti abvisa nhumbu?"
"No haana nhumbu uyu."
"Ko ropa rese iri chii?" Akabvunza achimubata nechepahuro apa . Akaita time akamubata kwave kuzocheuka kwandiri. Ndakaruma muromo zvikanzi,"Sorry hako haasisiri kufema."
Ndakabata muromo neruoko ndikati,"Nhai Mama kani. Ndokumbirawo please timuendese kuchipatara haana kufa anga achitozama kundiudza something."
"She doesn't have a pulse I'm sorry, " vakandidaro ndikati,"No mwana wamai vangu uyu haana kufa vari kutovhura mangwana. Anga achitocover mabook ake haana kufa please musandidaro."
"Dear...dear," she said vachizama kundibata ndikati,"Please tikanonoka anofa ndokumbirawo."
"Okay okay...It's okay but do you have someone i can talk to?"
"Nguva iri kupera," ndakadaro ndichizama kumusimudza ndega uku ndichiyeredza misodzi nechemumoyo ndichiti Mwari ndakambokukumbirai presence yenyu asi apa ndiri kurevesa.
****kumagumo kune nyaya****
So I've decided kukuwedzerai two more *free chapters* zvichireva kuti last free chapter yedu yave 22 ndiyo yasara kuuya and promotion yedu yekubhadhara nema $1 inopera musiwa 02 March 2025 musiwe Sunday. Momuwanepi umwe munyori anokudai seni nhaimi??
Payment Details
Promotion for *Ndiye Wandakada* chete👇
Ecocash usd : $1
Airtime Econet/Net1 : $1
Ecocash zig: 50
Airtime zig : 60
SA side : 25r Voucher
Ott Voucher, 1 for you Voucher kana Blu voucher.
Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Pa Airtime chero ma scratch card anoita munotumira ma number.
Promotion yechitwo.
Iyi ndeyevanoda ndiye wandakada nerimwe book rakanyorwa nemunyori mosarudza aripo akawanda.
Ecocash $2.2 (two books)
Ecocash Zig 100 (two books)
SA side 50r Voucher (two books)
Unfortunately pa second promotion iyi handisi kutora Airtime Ecocash nema Voucher chete.
❤️
😢
👍
🙏
😭
💔
😂
😮
🥹
🌹
287