Nicegirl Guta's Stories
February 20, 2025 at 08:40 PM
*SHADOWS OF MY HEART*
https://whatsapp.com/channel/0029VaGW1h9BPzjepVaTQI2V
_Written by King Lee_
~Lee Marzy~
+26377⁸⁶³4221
*CHAPTER 1*
*LISA*
Kubva pakafa mai vangu pamba panga pasisina mufaro.Baba vanga vakugara vakadhakwa vaibatika manheru chete.Zvakaita kuti ndigare ndichidzingwa kuchikoro nenyaya yekusabhadhara mafees.Mumhuri medu taingozvarwa tiri vaviri neka lil sister kangu Nokutenda kanga kava mugrade 7.Baba vakaramba kuti tinogara kwamainini vangu mai Ropa vaizvarwa namama vangu.Baba vakati vana vangu ndochengeta andide vagare neumwe munhu.Zvakatondibhowa asi zvekuita paiva pasina ndaida kunogarawo namainini kumusha.Ivo mainini ameno vakaitana sei nababa vangu vakabva vatiramwa even kuuya kumbotiona havachauye.Kana dziri hama dzababa dzaitofunga kuti tiri kugara zvakanaka kwaaniko mumba maiva musina mufaro.Noku aigara achichema achingoti ndasuwa mhamha zvaindibata bata.Makuseni takamukira kuita basa repamba naNoku tikaona baba vamuka vakuda kutobuda.
"Mamuka sei baba" ndakadaro.
"Ndamuka bhoo wamukawo sei mwanangu"
"Ndakasimba hangu"
"Muuraye kahuku ako ndaneta nemufushwa regai ndiende kubhawa uko tobatana manheru" vakadaro vakufamba.Baba vangu kubva kare vainwa asi mama vari vapenyu vainwa zviri nani asi iko zvino vakuita kunga vakaroiwa kuswerera doro zuva rese.Mari ikapera waiona munhu uyo otengesa mbudzi.Pamba pedu paiva nembudzi nemombe hazvina hazvo kuwanda zvatosara zvishoma zvikupedza kutengeswa naivo baba vanoita kunga vakakweshwa nhova nedoro.
"Yeeee nhasi tikudya nenyama ndanga ndaisuwa ini" said Noku achifara ini zvaisandifadza ndaitofunga zvemari yekuchikoro.
"Baba kuchikoro kwedu kukudiwa mari yekuregister takuda kuzonyora isu"ndakadaro ndakatarisa baba vangu.
"Hoooo zviya ndichakupa mangwana mwanangu izvozvi ndiri mumashure menguva" vakadaro vakabva vatoenda.
Takasara takamira naNoku baba vanga vasisina kana nguva nesu vana vavo.Noku aidawo mari yekuregister neniwo panga pakaipa.NaNoku takaenda kugarden kwatinova takaswera tikaona nguva dzekubuda kwevana vechikoro dzakwana.Misodzi yangu yakabuda ndichiona vamwe vana vachibva kuchikoro.Noku akaipukuta akandisimbisa zvake tikatanga kutaura dzimwe nyaya.Nguva dzakafamba tikatemha mavergi edu tikaenda kumba.Takasvika kubata huku yatanga tanzi tiuraye tikaigadzira zvedu.Noku ndiye akabva abika ini ndikabika sadza.Zuva iri baba vakakurumidza kuuya kubva kubhawa vanga vasina kunyanya kudhakwa zvavanosiita mazuva ese.Vakasvika tapedza kubika tikavapakurira sadza richiri kupisa vakadya zvavo.Isu taidyawo takapedza tikarongedza mandiro edu.
"Baba mazoti chii nenyaya iya" ndakadaro.
"Lisa ndiri kuzviziva andidi munhu anondimhanyira mberi" vakadaro baba vangu vari busy kubaya pakafoni kavo kambudzi kanga kakasungwa negata futi.
"Baba mukupindura sis rough vatadzei tikuda mari yekuregister isu tarisai vamwe vedu vari kuenda kuchikoro isu takagara" akadaro Noku.
"Izvozvi mari yacho apana vanangu ndichaona zvekuita"
"Baba week rino ndiro rekupedzisira hiiiii musatidaro" ndakadaro ndakuda kuchema.
"Munoti apana mari asi doro motenga everyday okay pasina mari ngatitengese mbudzi mari ivepo" said Noku.
"Apana mbudzi iri kuzotengeswa pano manzwa handidi anondiendera mberi"
Vakabva vatobuda kuenda kuroom kwavo.Noku akatanga kundichemera achiti sis dai mama vari vapenyu.Hama dzababa dzaiva kure zvekuti taiva tisina mafoni ekuvaudza zviri kuitika.Takanorara zvedu nemwana wamai vangu asi ndaiona tatadza kunyora zvaindirwadza pamoyo.Mangwana ndakamuka kupfeka uniform kwakuenda kuchikoro Noku ndakamusiya pamba anga akatsamwa.Ndakasvika ndikatodzoserwa zvichinzi wozouya nemari atleast kumbouya hako neshoma.Chikwereti chacho changa chanyanya.Ndakadzoka kumba ndikasvika Noku achiverenga hake.
"Ko madzingwa futi here sis"
"Ehe pakaipa shaa ko mudhara dzaendepi" ndakabvunza.
"Ameno dzangobuda padzapedza kunwa tea dzangoti Lisa aripi chete"
"Saka wadziti ndiripi"
"Ndadziti aenda kuchikoro adzina kuzopindura chingwa chenyu ndakachivhara mupoto yekango iya"
Ndakapinda mukitchen ndikabika tea ndikarova chingwa changu.Yanga isina mukaka hayo atleast shuga inayo.Ndapedza ndakatora book rangu ndikatanga kuverenga ndakagara kuseri kweimba.Ndakabva ndangobatwa nehope ndikazopepuka nemhere yakaridza Noku.
"Ko chiii Noku uri kuchemei huya ugare apa"ndakadaro ndaona akamira kure neni.
"Sis ibvai ipapo honai nyoka iyo sis tizai kani"
Ndakatarisa ndikaona hezvo nyoka yanga yava pedyo neni.Ndakajambira kuna Noku ndikatanga kudaidzira nyoka nyoka.Yanga isina kunyanya kukura zvayo nyoka iyoyo asi chinhu chonzi nyoka chongotyisa.Ini ndaidzitya andidi kunyepa.Vamwe vakomana vaifamba kuroad ndivo vakamhanya kuiraya.Takavatenda vakubuda vakasangana nababa vangu vachipinda gate.
"Ko makatanga rini kuita chihure heee ndoda kumbokurovai mese mofunga mukamera tumazamo makura here" vakadaro baba vangu.
"No baba tavadaidza kuti vatiuraire nyoka yanga ichida kuruma sis Lisa"said Noku.
Akavaratidza patanga tichipisa nyoka iya.Baba vakabva vadzikama vakapinda mumba vanga vakabata doro ravo.Vakatora chair vakauya kugara panze vachinzwa zvavo doro ravo.
"One wenyu ndiye achanyora gore rino ndangoona mari yemunhu umwe chete, umwe achanyora next year" vakadaro baba ndikarohwa nehana.Takabva tatarisana naNoku.
"Manje tese toda kunyora zvamuri kutaura hazviite dai matengesa henyu mbudzi baba ndokumbirawo"said Noku.
"Zvandataura mazvinzwa iwewe Noku mazuvano wakuda kunyepera kukura musoro unaona zvichakurovesa izvozvo wanzwa"
"Horaiti baba ndanyarara hangu"
"Achanyora ndiwe Noku mari iri apa wobhadhara kuchikoro ndoda upase,Lisa my daughter usatsamwe wonyora next year June" said baba.Kutaura chokwadi zvakandirwadza ndakaona kuti vaita favour havo hapana chandakataura ndakaramba ndiri zii.Even Noku haana kufara nazvo akati sis ngavanyore havo.
"No my lil sis nyora iwewe zvataura baba ndizvo chaizvo" ndakadaro ndichisekerera zvenhema asi zvakandibata bata hangu.
Ndakasimuka ndikaenda muroom matairara ndikatanga kuchema ndirimo.Sei baba vatadza kutengesa mbudzi kuti tingonyora tese ndakachema ndichidemba mai vangu vakafa.Noku akapinda akawana ndichichema zvakamubata bata.
"Sis Lisa mukachema ndozodii inini chinyorai henyu sis"
"Handisi kuchema zvekunyora ini ndikufunga mama dai varipo pasina zvese izvi hona mainini mai Ropa havachatide because of baba"ndakadaro Noku akabudisa musodzi.Ndakaona kuti ndanga ndabhaiza ndamurangaridza zvamama.Ndakachinja nyaya tikatanga kutaura dzimwe mangwana akamukira kuchikoro hake.Ndaipota ndichimubatsira pamabook apa.
Mazuva akafamba ndichingogara pamba ndanga ndava home defender ndisingachaendi kuchikoro.Asi kuverenga ndaiverenga hangukuitira next year June wacho.Pachimiro ndingori musikana ane muviri unongoenderana neni usingashooresi.Ndiri mutema kwete zvakanyanya pari pakunaka handizive kuti ndiri papi hangu apana akambondiudza kuti ndakanaka kunze kwaNoku namai vangu vachiri vapenyu.Ndanga ndisati ndakura zvakanyanya ndakadya makisimusi 20 hangu.Noku anga adya makisimu 14 aiva nebody hombe zvekuti ukamuona unozviramba kuti kagrade 7.
"Baba shuga yapera nemafuta ekubikisa" ndakadaro.
"Okay ndichauya nazvo manheru"
"Manheru kure kwese uko todyei masikati inga mozviziva toda kudya isu" ndakadaro.
Vakabudisa mari vakandipa ndikamhanya kuenda kumagirosa kunotenga zvakashotapamba.Babavaimboshanda kune rimwe purazi andizive sei vakasiya basa tikada kuvabvunza tinoitwa rough.
"Lisa wakudada mazuvano sei usiri kuuya kuchikoro vamwe takapedza kuregister isu" akadaro Fadzie wandaidzidza naye.
"Ndakashaiwa mari sahwira ndaitodawo kunyora ko ukupinda neipi" ndakadaro.
"Kushaya mari makadii kutengesa mbudzi or huku chaidzo kuti muwane mari"
"Aaah iwe unodawo nyaya"
"Pindura zvandabvunza Lisa" said Fadzie
"Go and ask my father question iyoyo" ndakadaro ndichiseka zvangu.Fadzie ndaimuziva aida zvinhu too much ndaisada kumuudza ,kuti azoparidzira vanhu kuchikoro manje no.Zvinhu zvekumba or maproblems emumba haudzwe vanhu vekunze ungatoudza hama dzepedyo dzogadzirisa nyaya.
Ndakamhanya kumba ndikasvika kubika kasadza mudhara vanga vasisipo maybe vaenda kubhawa.Ndakadya ndikasiya chaNoku.Noku akabva kuchikoro akadya sadza rake akandiudza zvaaswera achiita kuchikoro.
"Sis ndasangana naFadzie andibvunza kuti sei sis vako vasiri kuenda kuchikoro"
"Wamuti chii"
"Ndangomuti enda unobvunza Lisa wacho" akadaro.
"Wagona musikana uya anoda zvinhu maproblems epano haudzwe munhu ndimbokunzwa kuti waudza vanhu zvoitika pano ndokurova" ndakadaro.
"Sis handiudze munhu,kana baba vadzoka ndoda kuvakumbira foni ndoda kutaura natete ndavasuwa"
"Siyana navo Noku havatide dai vaitida vaifona vachitaura nesu kana kuuya kutionawo vamwe vanhu vainyepera kutida mama vari vapenyu ndakuzviona hangu"
"Taurai henyu manje vachanyara vaona tabudirira vanofunga kuti tichiramba tiri wepasi" akadaro Noku.
Takabuda kuenda kurwizi tikanogeza heduikoko.NaNoku taiwirirana ndingatoti ndiye anga atori bestfriend yangu tainzwisisana nemwana wamai vangu.Paanenge asingaendi kuchikoro tinenge tiri tese taisasiyana.Baba dzimwe nguva vaisatouya kumba ameno vairara kupi.Taisambovabvunza hedu taingosiyana nazvo as long chikafu chiripo pamba pedu....
*Watch out for chapter 2*
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
394