Zimbabwe Online Novels๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ
February 26, 2025 at 05:15 PM
*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORY*โค๏ธ WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 22 WISEMAN Kuenda kwakaita Febby ndakasara ndakagara pavheranda. Ndainge ndaita kubata musoro wangu ndisisazive kuti ndodii? Milca akaedza kuda kundisimbisa , asi zvainge zvave kutoita kunge zvawedzerwa. Amai vangu ndainge ndisisazive kuti vari kufunga zvipi zvacho? Munhu wandakatoona kunge aisada kurerekera divi rimwe chete ndivo baba vangu. Nguva yaida kubuda Mightman , ndakaona vave kukakavadzana zvakasimba. Nguva iyoyo ndakazoona atorerwa makeys emota. Ndakatomboda kuti baba musadaro regai ayende , asi ndakashaya kana simba racho kwave kunyarara hangu. Ayenda ndakaona baba vave kuuya pandainge ndigere. Vakandibata mapendekete angu ndokuti---- "Wiseman , am your father. Please nditaurire zvose nemafambiro azvakaita---" "Father , i dont know how to explain zvamunganyatsonzwisisa hangu , asi chokwadi ndeche kuti i dont know anything about this. Hongu tete ndaiva navo zuva iroro tikatoparadzana pamashops zvakanaka vachiti vave kudzokera kumba." "Hooo kureva kuti ahuna zvaunoziva pakushaikwa kwavo?" "Yes father" "Ok , konyaya yekuti iwewe wakambobvunzwa naamai vako naiye Might iwewe wakaramba. Chii chakaita kuti urambe?" "Maida kuti ndiitewo sei baba? Nyaya iyi mamiriro ayo akatooma kubva kare. Mom vainge vasisade kunzwa kuti ndaenda kuna Febby again. Ndiko kusaka ndakavanza. Am sorry father , you know zvinoitika pama twins , asi Might ndiyo problem nekuti ave kuita kumanikidzira bhonzo muhari. One day ichatsemuka am telling you." Ndakadaro ndave kutobuditsa misodzi yeshungu. Mightman aisafanirwa kundidaro sezvo ndaiva mwana wababa vake. Dai taiva tisina kufanana , ndaizoti pamwe amai vangu vakachinjirwa mwana kuchipatara. Zvino tose zvatainge takafanana nhai--- "Its ok my son. Zvave kuda kuti ivo Mwari vaite kuda kwavo. Now ndaona huinnocent hwako i will see what to do kana Mightman adzoka. Ooh ma keys aya--" ndakabva ndadzungudza musoro wangu. Ndaisada kuita kunge kukaurisa mumwe wangu. "No father. Zvinobuditsa picture ipi izvi? Kwatiri tose kana kuna amai. Mota ndimi makatenga mukatipa sevana venyu. Kana matorera Might kureva kuti matorera neni tose. Kana mazofunga kutipa motipa tiri pamwe chete. Ndikamatambira makeys aya zvinoisa ruvengo pakati pedu rwakanyanya----" ndakaona vave kuratidza kunetseka. "Umm moyo wako Wise , dai Mwari vakutungamirira. Its ok my son----" vakabva vatanga kufamba kuenda. Ndainge ndisina kuita wrong decision apa. Ndakatogona chaizvo. Ndakazoti pave paye ndakangogara ipapo , ndakatoona kuti Mightman shall not look back. Ende aizoramba achienderera zvaigona kuzondiuraisa. Hongu Febby ndainge ndisisamude zvachose , asi Might aisadzora tsvimbo nekuti gudo rabata kumeso. Ndakaona zvakanaka kuti ndimboenda kuprayer in a mountain. Zvichida Mwari vaizondikomborera saTanaka uyaa akazopihwa mwana after a very long struggle muwanano yake naKing Shumba. I decided to go pasina wandainge ndaoneka wehukama. Munhu wandakazokwanisa kuudza chete ndiye Milca---- "Milca ndave kumbobuda. Ndinokuona mangwana ndadzoka. Kana ukabvunzwa iwe ingoti andina zvandinoziva" "Wafunga kuenda kupiko nhai Wiseman? Usatiza nyaya inotaurwa ichigadzirisika iyo---" "Anditize mhosva yandisina kupara ini. Ndiri kuenda kugomo kunonamata husiku hwanhasi wese." "Oooooh igood idea , asi zvakangonaka fut kuti tinamatire pano my dea. Kuenda kugomo uuummm Might anotofunga zvimwe chete mira uone apa--" "It will not work , but my prayer will work. Ndaenda ini ndokuona ndadzoka. Usaudza vanhu please." Ndakabva ndatobuda kwave kuenda. Andina kumbononoka kuwana macombi aipinda kutown. Ndave kutown ndakakwirwa mota dzaienda kwaMurehwa. Kune gomo randaida kuzonokwira rainzi gomo rembudzi. It was very huge apa raiyera. Ndakati nonokei kusvika zvekuti kuma 8 manheru ndaitodzika mota. Ndainge ndanonoka kufamba. Pane mashops aripo mbichana usati wasvika pagomo. Ndipo pandakadzikira kwave kutenga zvekudya. Kana iri nyaya ndakaita kuidyira ipapo nekuti ndaingonzwa kuti kugomo rinoyera kwaisaendwa nenyama. Ndakazotakura madrinks nezvimwewo---- Kukwira kwandakaita gomo iroro ndainzwa kuti ndiri panguva yakaoma. Rairwadza veduweee. Ndakashingirira chete kusvika zvaita. Ndave kumusorosoro ndaiita kunongedzera vari pasi semasvosve. Kwaiva nemwedzi saka ndaikwanisa kuona nzira. Ndakaerekana ndasangana neumwe murume---- "Hes mukomana wakadii hako?" "Ndinofara makadii baba?" "Uuum are you from Green's family?" "Aaah ko mandiziva sei husiku huno?" "Ndaona wena nekuti kune mwedzi uku. Kwakanaka here kuuya kuno wega kudai?" "Nhamo dzehupenyu. Ko , imi munogara kupi?" "Kumaraini kumwechete ikoko. Chete amhutauri nevanhu. Ngatibatanei hedu ndauyawo ndega" "Thanks mukoma wangu." "Its ok" takabva ndabatana kusvika tasvika paive nezidombo rakakurisa raiva rakamira ndokusiya bako muzasi. Takapinda imomo akati iye ndimo mainamatirwa nevanhu vanenge vakwira gomo. I was happy nekuti ndainge ndawana wekubatsirana naye. Takanamata kusvika moyo yave kunzwa kuti yagamuchira kupona. Ndipo pandakazobatidza fon yangu ndikaona ma msg hobho from my mom , dady na Mightman. Unoita kunge uchabviswa pana Mwari. Ndakazongomasiya akadaro ndisina kumavhura kwave kutotanga hangu kutaura naMilca---------- "Wise ndambokuudza kuti usaenda manje zvavakuno kana baba vako vakutofunga kuti watiza nyaya." Akadaro Milca ndokubva aisa zvimudhori zvaichema. Chokwadi Milca airwadziwa neni aiita sekutoti ndiye mwana waamai vangu. "Rega zvakadaro Milca chikuru Mwari wangu achiziva kwandiri. Anoziva kuti handina kutiza ndiye achandirwira muhondo yandakatarisana nayo " ndakanyora kudaro uku ndichinzwa misodzi yavakutoerera . Ndainzwa kurwadziwa zvandisati ndakamboita. Ndaiti kuda kumedza mate kudai ndonzwa kuti pano ndakadzipiwa nechinhu chisiri kuda kudzaka. Murume wandaiva naye anenge akazviona ndokubva andivhunza. "Chii nhai mwanakomana wa Green?" "Kudzamirwa neshoko ra Mwari mukoma, ndikafunga zvandinoitirwa na Mwari nezvandinomuitira ndinongochema ini " ndakadaro ndichinyepa and nechemumoyo ndakabva ndangoti Mwari ndiregerereiwo mwana wenyu murikuona kuti ndiri panguva yakaoma. Ndaida kuti kana Kuri kuzonzwa azozvinzwira kumaraini kwete neni. Ndakatanga kunamata ndokubva murume uya wandaiva naye atangawo kunamata. Pane pandakatanga kuchema neshungu zvekutadza kana kubudisa manzwi. Pandakapedzera munato iwoyo ndakatarisa foni yangu ndikaona yakazara ma missed calls, vanhu vekumba kwedu hapana anga asina kuzama kundifonera kunyangwe Molly chaiye ndakaona irimo missed call yake asi ndakangoti vachandiona ndasvika. Munhu wandakamboda kuisira msg ndiye Mightman. Ndaida kungomuisira three or four words chete dzaizomutadzisa kurara husiku hwese like kungoti HE IS DEAD. ndaiziva kuti aiita mudumbu chete------- "Nhaiwe Wiseman ko ukachindisunungura hako unobvei? Shuwa ndozvawaivinga kumba kwangu kuti unditambudze kudai?" I msge yakabva kunumber dzatete. "Wiseman , handife ndakakuregerera ndezvauri kundiita wanzwa uchakorera muvhu sembambaira mwana iwewe." Ndakangodzungudza musoro handina kuwana kana simba rekuvapindura. Handiti munongozivawo kuti kuvhunduka chati kwatara hunge uine katurikwa. Ndaiziva ndisina mhosva navo zvekuti ndakangozviisa kuna Mwari. Kunze kwakasvika pakuchena tichingoti tikanamata tomboimba toparidzirana. Ndakaonekana nemurume uya uyo akati iye haisadzika zuva iroro aizodzaka mangwana wacho zvekuti dai kwaisavawo nenyaya ndaitombobatana naye paminamato. Ndakamukumbira number akandipa ndokubva ndadzika mugomo muya. Ndaifamba ndichiita sendichadonhera mberi kurikushaya Simba mumakumbo ndakasvika pasi ndarwadziwa and ndakazviudza kuti pain iyoyi ndiyo yatondinunura munhamo dzangu dzese. Ndakakwira comb yangu ndokuenda. Pandakasvika pama shops ekwedu ndisati ndambofamba kuenda kure ndakabva ndabatwa nevanhu vaiva muhembe mumwe wacho akabva andiregedzera mbama uku vamwe vachindiisa chain. Panguva iyoyo kana foni yangu handina kuwana mukana wekuibata yakabva yatorwa nemumwe wevanhu ivavo. "Hello" akadaro mumwe murume achidavira foni yangu yanga yaringer akaiisa pa loud. Ndakanzwa riri inzwi ratete vachiti "Wiseman unonditambudzireiko ndibvise kwawakandiisa kuno izvozvi ndirikurepewa nevakomana vako ava." "Mother tirikusvika ikoko izvozvi Wiseman wacho tinaye.." "Hiiiii oky maita henyu huyai mundiyamurewo Ndiri panguva yakaoma." Vakadaro tete vaye vachikwetsura zimhere kunga vaishura. Vanhu vaya vakabva vatanga kundivhunza vachinditi ndivaudze kwaiva natete and pese pandaiti handizive vaindipa mbama dzaiita sedzichabva neganda...... End of chapter 22
โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 1.7K

Comments