Nicegirl Guta's Stories
February 27, 2025 at 07:46 AM
*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!*
๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ๐๐๐ปโโ๏ธ
*A COLLABORATION STORYโค๏ธ*
WRITTEN BY
Nicegirl Guta
0712483943
And
TINOH ๐ MUTSINZE
https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X
CHAPTER 23
WISEMAN
Ndainge ndaita kupererwa chaiko. Mwari vainge vandiregerera apa , kungodzika mota kubva kugomo nekubva ndatobatwa here veduwee? Ndaiita kudemba kufa sekunodzokwa.
"Chikomana , titaurire kuti zvakafamba sei? Kana usiri kuda kutaura chokwadi totoenda newe."
"Andina zvandinoziva ini pamusoro penyaya iyi. Iri idhiri rakarongwa. Chero imimi muri kutozviziva kuti idhiri. Manje regai ndikutaurire chinhu chimwe chete chamusingatange mafunga kana mave kuita mabasa enyu erima aya. Munhu anokohwa zvaakarima. Mhondi pinda zvako asi mangwana uchapondwawo. Munhu itira vamwe zvaunoda kuitirwawo panyika. Kana Mwari vanokutungamirira. Ende ndikanzi ndafa nhasi nekuda kwenyaya iyi , my ghost will fight you zvekuti mucharara parinda rangu calling my name muchifunga kuti ndichadaira. Inguva yengu naMightman itai , asi chandinoziva zvichapera-----." Ndakaona vaita kutarisana. Nguva iyoyo umwe wachona akaseka ndokuti---
"Haiwawo usada kutivhundutsira. Chero pfambi inopfeka gaments wani"
"Andisi kukuvhundutsirai ini. Ita zvamunoda neni its ok. Iyo imbori mariiko yaakakupai Mightman? Akanga aiwana kupi sezvinonzi ane kubasa kwaanoenda?"
"Kana usiri kuziva nyaya iyi wakatizei kumba? Izvozvi uri kutsvagwa kumba. Izvo zvekuti takapihwa mari here or not azvinei newe. We are working chete sebasa ratakaendera kuchikoro?"
"Basa rekubata vanhu vasina mhosva muchipumha mhosva? Hooo you will regret chete. Andina kutiza kumba ini handeika ataure munhu wacho ati ndakatiza iyeye---" avana kuzombodavira. Vakatanga kundindundurudza kuenda neni kumba. Apa ndaitoziva mumoyo kuti Jesu chaiye akatambunzwa kudaro kusvika pakurovererwa asina mhaka , ko kuzotiwo inini zvangu Wiseman. Miedzo ahiperi kuvatendi ndizvo zvandaifanirwa kuziva. Takafamba netsoka kuenda kumba. Ndakatanga kunyumwa , mapurisa rudzii anotoshaya kana mota nxaaa? Ndakamboda kubvunza , asi ndakazongoti amheno ivo Mwari vanoziva zvavari kuita. Nguva yatakasvika pamba ndakangosvikovhura gate sezvo makeys ndaiva nawo. Takabva tapinda uku ndakaona dady n mom vakagara kunze pavheranda. Vakabva vangoti kwanyamu kwave kumhanya kuuya-----
"Thank God. Wiseman you are still alive" vakadaro dady vachibata maoko angu aiva nechain.
"What is the meaning of this? Imi mapurisa chaita kuti musunge mwana wangu chii?"
"Anditi manga kuchimutsvaga? Atizirei pamba kura asipo?" Vakabva vatarisa kunamhamha zvikanzi
"Mai 2 did you report this kumapurisa?"
"No i did not----"
"So who reported nhai?"
"I think ndi Mightman" akabva asvika Mightman wacho achitobva kunze kwegate. Paakaona ndakabatwa akaratidza kuvhunduka. Ndakabva ndanyemwerera ndikati-----
"Mightman wavhundukaka. Rangarira mashoko angu kwauri kubva kare. Ichakwana nguva mese muchakaura nezvimapurisa zvako zvauri kutuma kundisunga ndisina mhosva izvi. Ndiwe wakaisa nyaya kumapurisa vanhu vose pasina chavanoziva. Uri muroi Mightman wazvinzwa here?" Haana kudavira asi akangoratidza kuti ainge abatikana nezvandakataura.
"Mightman sei washandisa police zvisina mazita edu mukati? Nemiwo mapurisa makakwana here amhuoni kuti vanhu ava matwins? Asi mune mari yamapihwa? Aiwana kupi Mightman sezvinonzi anoenda kubasa"
"Izvo zvave zvenyu mega baba. Isu tiri kuita basa redu. Tichadzoka----" vakandibvisa chain kwave kubuda. Ndakanzwa hasha dzekuda kuvarova ndikazoita kubatwa. Mapurisa achona airatidza kuti ahadye achiguta. Kuita tudzaondera twevanhu ndaida kuvakiya.
"Wiseman where have you been?" Vakadaro mom
"Ndange ndaenda kwaMurehwa mhamha. Munganetsekere inini munhu mukuru akadai here?"
"Kwamurehwa kunodii nhai?"
"Kugomo kunonamata. Gomo riya ramakandiudza nezvaro nguva iya iya ndaona kuti rinondibatsira."
"Idambudziko rei rakupa kunokwira gomo?"
"Retwin brother yangu yave kuda kundikaurisa. Ndave kurara nemhandu mumba andizive zvaanondifungira----"
"Shut up Wiseman. Wakazviitira nyaya dzako wega usada kundipumha. Ndini ndaidanana naFebby here inini heee?"
"Hoooo , saka kana ndiri inini why uri kushandisa mapurisa?" Akangoridza tsamwa ndokubva atanga kufamba. Nguva iyoyo akabatwa mababa ndokudhonzerwa kumashure.
"Where are you going isu tichitaura newe? You are very stupid. Iko kwawakawana hubhuru uhu ndiko kwawakawana humhondi. Chinzwaka mashoko angu ekugumisira kwauri Mightman. Mangwana ndave kunotora Mr Chimuke vauye vashande nyaya iyi. Andidi zvinondinetsa pano. Unofanirwa kukauriswa kana uriwe benzi. Vakuru vema courts ndoda kuti vafesane netumapurisa twako utu benzi remunhu. Ndiwe imbwa iwewe i dont know wakahuwana kupi hunhu hwakadaro? Uchingodanana naFebby wako iyeye make sure you leave my house wonogara kwako wega. Mari yestart ndinokupa anditi wakura wave kuzviita gamba. Zvino kwete, inini ndini jongwe rinokukuridza pano wanzwa here?" Vakabva vafamba kuenda kunopinda mumba. Dady vainge vatsamwa manje. Takasara takatarisana ini hangu ndave kunyemwerera. At least Mr Chimuke yaiva shasha pakugadzirisa nyaya iyi.
"Waaaaw Mr Chimuke"
"Kudii kwavo Wise?" Akadaro Mightman ini ndakabva ndaroller maziso angu ndichisekerera
"Kkkk chikwapurozve chiya. Ukabvunza Delma anokuudza."
"Nxiiiii" ndakabva ndateverawo mumba ndikaona mhamha voteverawo. Iye akazotouya papera chinguva-------------
FEBBY
Wiseman wacho aitopindura zvairatidza kuti hapana chaanoziva. Nechemumoyo ndakatombofunga kuti arikunyeperwa ini , asi imwe pfungwa ndoyainditi sei akauya ndokuti anoda kuperekedzwa navo vega achisiya inini.? Takadii kungomuperekedza tose tiri pamwe chete? Kureva kuti ainge aine mission yake nhai.
"Ko , ndakakutadzireiko Wise, Inga ndinokuda wani kubva kare ndozvawakazondidirawo here kuti uuraise Tete vangu?" ndaingodaro mumoyo mangu uku misodzi uchiita kuyerera semapopoma eku Vic falls. Ndaiva ndotya kuti ikazosvika kumusha zvaizonziii kana vakaudzwa sezvairi.
"FEBBY hausi wakunyanya here , Buda uende anokutsvagira Tete vako akauya nawo kumba kwenyu sekubuda kwaakaita navo." Akadaro Mightman ndokubva mai Two vandiregedza kwavakudzoka kumba. Hameno vakasara vakazoitana sei ikoko sezvo Dad vavo ndakasiya vakanyarara.
Manheru akasvika ndaiva ndonzwa hope ipapo mazuva ose ndaisanyatsorara ndakabva ndati ndifonere Tashia ndokubva ndangomuudza zvese zvaiva zvaititika. Ndokubva iye andiudzawo mashoko enyaradzo. But pane paakazoti kana Might angoti vanouya Tete vako vanouya. Ndakashaya kuzwisisana napo ini ndokubva ndamuvhunzisisa...
"FEBBY, Might ane moyo wakanaka wena so atosara achinyengerera Wise iyeye kuti akudzosere Tete vako. "
"Ok Tashia , gud nyt."
Ndakabva ndatopinda mumagumbezi. Hope hadzina kunonoka kundibata ipapo ndokutorara zvangu . Mangwana acho ndakazomutswa ne knock ndakabuda ndikaona ari Tashia
"Shamwari yangu ndauya kuzokuona kuti warara sei wena? Moyo wangu unorwadza kuona shamwari yangu ichitambudzika ini." Akabva andimbundira zviri tight zvekuti ndakanzwa moyo wangu kudavirira kuti shuwa anondifarira Tashia.
" Ndanga ndakatorara ini ndamutswa ne knock yako.."
"Zvakaoma dear, handei zvedu mumba tinogara ndimbokutandadza wanzwa nehushoma but hope dzandarota kaa ndatoti ndichasvika Tete varipo ini."
"Ihope dear , hope dzinonyaradzaka kkkkk unogona kutorota uchichata wani kukamuka kuine rufu or kuzotonzwa kuti kwawaichatira kuine rufu."
Takabva taseka zvedu nhamo serugare ndokundogara mu room mangu tichiita nyaya tichiseka. Hameno Tashia nyaya dzevakoma akadzitanga sei ipapo ndakangoerekana tavakutotaura zvevakomana and ndakabva ndarangarira zuva randakakisa Might ndichiti ndi Wise. Nemusi wandakazonzi na Wise ndimukise sezvandakaita Might pamberi pake.
"Ummm rudo ma one Tashia izvozi hona pazviri nhasi inyaya yerudo iyoyi, ndafunga hangu kuu...."
"Kudanana na Might kaaa? Yeah unenge wagona. Might munhu boe uya dai akandinyenga inini ndaitodanana naye zvangu." Akadaro ndisati ndambopedza kutaura zvandaida kutaura ndokubva ndazongoti
"Ini hangu ndanga ndangofunga kuvasiya vose ini coz hazviite kudanana na Might ndakambodanana na Wise."
"Haaa iwee zvine basa rei, Inga wani wanga wakudanana nemhondi iyi Wise asi Might ariye akatanga. "
Takataura naTashia zvakawanda ndikatombotsamwa nezvimwe zvacho akandi softa kusvika tazongodzoka mu geer remafaro. Paakazooneka nguva dzaiva dzatombofambawo. Musi uyu ndakasara ndakarara hapana chandakaita . Ava manheru ndaitonzwa husimbe hwekubika zvangu ndakagara ndokubva ndangonzwa knock pa door . Pandakandovhura ndakaona hezvoooo------------
End of chapter 23
โค๏ธ
๐
๐
๐
๐ข
๐ฎ
1.6K