Nicegirl Guta's Stories
February 27, 2025 at 04:04 PM
*WHETHER YOU LIKE IT OR NOT !!* ๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ๐Ÿ’ž๐Ÿ™†๐Ÿปโ€โ™€๏ธ *A COLLABORATION STORYโค๏ธ* WRITTEN BY Nicegirl Guta 0712483943 And TINOH ๐ŸŽ“ MUTSINZE https://whatsapp.com/channel/0029VaGKiCcHwXb3ry2uSq0X CHAPTER 25 FEBBY Ndakange ndafara kuti tete vadzoka. Zvino matambiriro avakabva vandiita ndakatopusa ini. Nekushungurudzika kwese kwandainge ndaita nekushaikwa kwavo , iye munhu ototaura hake kuti ndainge ndazvironga--- "Na---- kkk am joking hangu Febby. Ndiri kunzwa kufara nekuti now ndadzoka kumba. Ndawana uri mupenyu Febby saka ndiri kufara---" ndakanzwa hana yangu kudzikama now. Andina kudavira nekuti ndainge ndofunga dande. Chandainge ndakatadza ndakachitsvaga ndikachishaya. Vakagara pasofa kwave kundibata mapendekete angu. Ndakabva ndanzwa kuti smell yavaibuditsa yaiva yekusageza. "Febby ndidairewoka mwana wehanzvadzi yangu." "Ndazvinzwa hangu vatete. Nditsanangurirei kuti zvakafamba sei?" Ndakadaro ndichinetseka. Vakabva vatura mafemo ndokutanga kudzungudza musoro wavo ndokuti--- "Zvakaoma mwana wehanzvadzi yangu. Wiseman muroi chaiye anoroya masikati machena. Ndainge ndamupa trust pakutanga , andina kuziva kuti kwaiva kunyorovera kutana senyama yemusoro. Mwana uyu azondigura kunorira rwendo runo. Chokwadi ndakange ndafa. Ndapona nenyasha dzaMwari---" ndainge ndakateerera tete vachitaura. Ndakanzwa kumuvenga chokwadi Wiseman. "Zvakaoma tete. Sei pakutanga makanditi Wiseman ndiye munhu kwaye. Tarisai kuti nhasi ndave kudemba. I played with the wrong peason." "Zvinowanikwa mwana wehanzvadzi yangu. Chiteereresa unzwe ndoda kuti ubate mashoko angu. Iwewe wave kufanirwa kusiyana naye Wiseman uite zvaMightman. Ndapota hangu muzukuru wangu andidi kuzopinzwa zvekare munyatwa." "Zvakanaka vatete ndinoita sekudaro nekti ndega ndakatoonawo kuti Wiseman muroi chaiye." ndakabva ndasimuka kwave kunopinda mukitchen. Ndaida kunyatsoita kudziisa mvura kuti vageze. Ndapedza kuisa mvura pastove ndakabva ndadzoka kudinning. Ndakasvika tete vakavarairwa vachiratidza kut vaifunga zvakawanda mupfungwa dzavo. Nguva iyoyo vakabva vatura mafemo ndokubuditsa mashoko , asi vaitaurira pasi pasi. HAAAYAS , MWARI NDIBATSIREI NEKUTI MIGHT AZONDIORORA. KANA KUCHECHI NDAVE KUSHAYA KUTI NDOENDA SEI? mashoko aya akandivhundutsa. Ndakabva ndakosora ndiko kuvhunduka kwavakaita. "Vatete mati kudii?" Ndakadaro ndichitaridza kuvhunduka. "Uumm Febby" "Yes ndoda kunzwa zvamareva. Might aitasei nhai." "Dai ndakaziva kare ndingadai ndakati ude iye pangadai pasina zvose izvi." "Hoo ok , ndaisa mvura yekugeza vatete" takataura zvimwe kusvika mvura yaita. Vakaenda kunogeza. Pavakapedza vainge vave kuratidza kuva munhu ane hutano. Takazoenda hedu kunorara natete. Moyo wangu waiita kufara. Ndakatoti Mightman andaimbomuudza parunhare. Ndaitoda kuti ndizoenda kumba kwavo sezvo ndakange ndave kukuziva. Ende ndaibva ndaramba Wiseman for good. Zvese izvi waingova mufungo. Zuva raitevera rachona ndakamuka kuseniseni ndikaita basa rangu rese kwave kupedza. Ndakabikira tete ndikaona kuti chokwadi munhu aifara. Kwaivawo kudya zvine hutano semunhu akange akavharirwa kwenguva refu chaiyo. Ndakabva ndaenda zvangu kunogeza. Ndapedza ndakapinda mubedroom kuti ndichinje. Pandakavhura muwadrobe ndakaona kapepa kakangodonha. Kuti ndizive kuti kakadonha pai andina kuona. Ndakakanhonga kwave kutanga kuverenga. Painge pakanzi *Ndanyora pasi. Date: 22/05.* ndakashaya kuti zvairevei? Ndakangokapeta ndichibva ndakanda muhembe dzatete. Ndakapfeka hembe dzaiva special ndichibva ndatobuda kunooneka tete---- "Tete ndave kuenda kwaana Mightman." "Kwakanaka here?" "Uuumm tete , you dont understand henyu asi ndiri kungonzwa kuda kunomuona ndobva ndamuudza kuti madzoka. Ndinovimba kuti anofara nazvo" "Hooo enda hako" vakadaro tete ndichibva ndabuda. Ndakati ndave pamashops , ndakaona mota yandakaziva. Mota iyi yaiwanzofamba naMightman pese paaiuya kumba nemota. Ndakabva ndaimisa kwave kumira. Pandakangoona face chete ndakanzwa kufara. "Hie my love---" ndakadaro ndichimhanya kuda kuvhura but the door was locked. Ndakazoona ave kudzikisa mawindow ndokudongorera----- "What can i do for you?" Ndakabva ndatonzwa voice kuti ndainge ndapisira. Aiva Wiseman "Oooh am sory my dea. I was thinking kuti ndiMightman" "Kkkkk une nhamo yerombe kuramba kunamata nekuda kudhakwa nekuita chipfambi. Zuva rauchaziva zvaari Mightman uchademba hako , but inenge yadeuka isisaorereki am telling you---" akabva amutsa mota kwave kuenda ndisina kana kupindurawo angu mashoko. Ndakarwadziwa kwave kutanga kutevera netsoka. Nguva yandakasvika pagate ndakabva ndaona baba vake vakagara pagate amheno kuti vaiitei? "Good morning father?" "Am fine" "Aripo here Mightman" "Who are you to him?" "Uuumm father. He is my boy friend?" "Your boy friend? Usingazive kuti baba vanomhoreswa sei munhu oratidza hunhu? Nway he is not around--- " nguva iyoyo gate rakabva ravhurwa. Mightman akabuda achiita kunyemwerera. Saka baba ava vaindinyepera kut zvidii? "Hie bby , ndanzwa voice rako. Dont mind him bby pinda mukati. Baba munganyepa kuti andipo ini ndiripo?" "This is my house. Kana ndiri mupenyu chete ahungamupindi umu naFebby wako. Tsvagai kumwe kwamungaende. Uri kutonzwa moyo wako kufara so nezvese zvawakaita here? Unonyepera kungwara wanzwa ndataura zvaVaChimuke ukati regai ndinodzosera kumba. Uri imbwa Might wanzwa here? Ndatoozviziva ahuoni mufaro waainawo. And iwewe wachinja" Ndakabva ndapererwa. Baba ava vaiedza kutii chaizvo? "Might ndange ndichida kukuudza kuti tete vadzoka kumba. Ndave kudzokera" hapana chandaigarira apa. Ndakanzwa misodzi yave kuda kubuda. Mightman akasara akangonditarisa dady vake vapinda mugate. Ndakazoona ave kutura mafemo zvikanzi---------- MIGHTMAN Tashia aitoshura zvake nxaa kuda kundibhowa ndokwaiva ada kutanga manje. Ndakagara pamba ndiri zii hangu semunhu aiva asina chaanoziva. Chandanga ndangomirira kuudzwa na Febby kuti tete vadzoka and ndaibva ndangofara kuita sendisingazive kuti vaiva kupi? Hapana kana msge yake yandakaona zvekuti ndakarara ndakabatira hana mumaoko ndichiti zvimwe tete vazobuda musaga vakaudza Febby chokwadi. Ndakatanga kuronga mazano angu ndichizviudza kuti kana vangobuda musaga chete havaizopararama and ndaitovauraya chete nyaya yavo isina kwayaenda. Ndakazobiwa nehope Ndiri mumifungo yangu. Mangwana makuseni ndakamuka ndokungozvigarira zvangu pamba ndiri zii semunhu aifunga zvakawanda. Shungu dzangu dzaiva dzekuda kuziva zvaiva mupfungwa mababa vangu nema amai ndongoti vose zvavo vanhu vepamba asi ndaiishaya kuti ndaizozviona sei isu taisataudzana zvakanaka. Ndakabuda ndikaona Dad vangu vachienda kugedhi ndokubva vangobuda kunze kwaro zvavo. Ndakavatevera mbijana mbijana ndichinyepedzera kudzura dzura zvikasora zvaiva mumaruva aiva akatevara durawall. Ndakanzwa kutaura and voice raiva ra Febby. Hana yangu yakaita kutsemuka ndokubva ndanzwa zvaakavhunza. Mutauriro wake wakatondiudza kuti anga asina kutsamwa zvekuti ndakabva ndangobudikira. Dad vangu ndovaipindura zvavo mishonga and yaisava mhosva yavo vaiva vakatsamwa zvekurevesa. Munongozivawo verse iya iri mubhaibheri ine mashoko anoti baba vebenzi havana mufaro. Ndaitova benzi ravo ndaizviziva but pavaindiwanikidzira hubenzi hwangu ndopavaishaya. Ndakataura na Febby uku dad vachitaura zvavo. Akandiudza kuti tete vaiva vadzoka and Dad vangu vakabva vaita kakukatyamara ndokubva vangopinda mugedhe vakanyarara. Mashoko ese avainge vataura ndaishaya kuti vaimawana kupi chaiko?. Ndakatura mafemo ndokuti kuna Febby "ummmm thank you God . Tete vadzoka vari bhoo zvavo here hanzi ndanga ndiripi.?" Ndaida kunzwa kuti akaudzwa kutiii chaizvo. "Ummm havasi kutaura zvinonzwisisika ava vanenge vachiri ne confusion. Vanomboti Wise mhondi vapedza ndombonzwa vachitaura zita rako saka pakaipa sweet. Rega vambonyatsoisa pfungwa panhu one tozovataudza. Plus hanzi ku church ndokwavachapupura here hameno zvavarikungotaura vakutoita sevakurashika njere" "Shame kuvhiringika vakatambudzwa babe, anyway rega vazotiudza kuchurch kwacho kuti vaiva kupi. Byeee swty" Ndakadaro ndichipinda ndichivhara gedhe. "Whaaaat? Tete ava kaaa vavakuda kutotamba namaisva. Kuita mutserendende pa razor chaiko ndokwavakuda kuita. Vanoti vakati Wise voti Might sei? Handiti vanofana kungotaura iye Wise kitira nyaya ingopera achinzi ndiye? Manje mangwana zvairi Sunday kuchurch kwacho vachaitanga sei?. No rega ndibate Tashia ndiye achatoenda ondiudza zvichaitikako zvese ini handingaende." Mivhunzo nemhinduro zvaingobikana mupfungwa dzangu zvekuti kuenda kundopinda mumba kwakanditorera nguva. Ndakati ndapinda mukitchen ndokuwana musina kana benzi zvaro , ndakaenda mu dining ndikaona muina Molly chete... "Mollly vanhu varipi? " "Kubedroom kwana Mhamha ndangonzwa zvichinji Wise nditevere naaamai vako hameno vaenda kundodiii?" Ndakabva ndaona sekuti Nyika iri kutenderera ipapo. Ko I secret yei vega ikoko? Vadii kusheedza na Molly pamwe ndiye aizondiudza." Ndaitaura mupfungwa dzangu ndichizvipindura ndega. Ndakamboda kuteverako asi ndakangoti ngandisiyane nazvo. Nekuvhiringika kwandaiva ndaigona kuzovhotomoka. Ndakaenda muroom medu ndokubva ndarara zvangu. Pasina nguva ndakanzwa ndavakusheedzwa. "Yeah Might hanzi tete va Febby vadzoka kaa uko saka ndavhunza kuti maivepi vakati..." "Vakati chiiiii----?" ndakadaro ndiine kakutya. "Aiwa kaa handiti ndini ndakusheedza mira nditaure uri kumhanya mhanya chii?" Ndakabva ndawedzera kutya ipapo asi ndaingozvishingisa hangu. "Vakati vachataura kuchurch mangwana kuti vaiva kupi. Saka mangwana mukasire kugeza tiende kuchurch ikoko and hapana anoti inini handiendi. Sewe Might ukangoona tete vakati ndiwe une nyaya yose kaa chokwadi ndinokubvisa chiri kumeso." Vakadaro Dad vachisimuka kuenda. "Musananga mwana baba two tozongozviona mangwana wacho " Vakadaro mama vavhibudawo kuenda kwaiva kwaendwa na Dad. "Handiti uri kuona mabasa ako kaa Wise." Ndakadaro ndokubva iye aramba akanyarara achibuda. Ndakangosara futi ndava na Molly and Molly wacho aitova busy nemabks ake anenge aitarisa zvekuchikoro kwavo hameno. Tashia wandaida kuudza kuti aende kuchurch kundoterera handina kuzombomutaudza ndakabva ndangozvisimbisa nditi "kana tete va Febby vakangondinanga chete ndaizoiramba nyaya yacho kuti vaiva ne proof here. Uye ndaitoitsiva futi zvekuti vaisararama. Manheru akasvika vanhu vangori zii ziii pamba kunga pamariro. Kana chikafu chemanheru hapana akambochidya. Mangwana wacho takamuka tose tikagadzirira kuenda kuchurch. Takasvika pachiri nevanhu vashoma kusanganisira na tete na Febby. Dad na mom vakabva vatorana na Tete va Febby ndokuenda kuseri kwe church. Vachidzoka vakabva vatisheedzaa tose inini, Febby na Wise ndokuti------- End of chapter 25 Nicegirl๐Ÿƒ
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 2.3K

Comments