🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 20, 2025 at 04:08 AM
*Follow This Channel For Previous Chapters* https://whatsapp.com/channel/0029Vawx8v090x2r09ObI93J *Join this group remacomments* Follow this link to join my WhatsApp group: https://chat.whatsapp.com/C4nMxk02pVx5WmVn9fSjSH *My Beautiful Humble Housemaid* *Written By* *Rejodah* *Read, Like and Share* *Free Book* *Chapter 23* *Kayden♥️* Handisi type inoda vanhu kubasa kwangu asi Annie kusvika kwaakaita kubasa kwangu ndakanzwa moyo wangu kufara. Vanhu vepabasa pangu vaingomutarisa ini handina kuita basa nazvo l introduce her to them vamwe ndovaifinyama vamwe vachingotarisa hazvina kundikanganisa nekuti vanhu vezhinji vepacompany yangu vaindida uye vamwe vacho vatombondiitira maActions asi kwandiri hazvishande. Sometimes ndinotombozvibvunza kuti sei Junior wangu asingasimuke even akaona munhukadzi asina kupfeka asi ndozongosiyana nazvo sezvo aine discipline plus inini wacho handitongwe nebhurungwa ndasiyana nevamwe vanofunga nekusiko. Vamwe venyu makutoti am not man enough, but chamusingazive ndechekuti pazvinhu zvese chandinokoshesa muviri wangu uye hutano chaihwo handingamhanyire kuita zvevakuru ini ndisati ndaroora hujaya wangu uchabviswa newandicharoora ende handinhongerere ini. Ndakazovhunduka Annie akuti akudzokera kumba apa ndaidawo kuspender my day with my new friend saka ndakatoita action ende haana kuramba . Takazoswera takutonakidzwa zvedu muoffice mangu. Ndakazonakidzwa nemadyiro aAnnie ndeekusatombogaya kuti kunze kunei ende ainyatsoshama zvekuti ndaitoona panodzika nasadza lol ndiye futi akazowinner game yataitamba. Pakutamba FIFA ndopaindinakidza manje Annie wacho aitove husiku hutatu zvake hapana kana 1 chaizivikanwa instead yekuti aende kumberi aitoreverser mota achitochinja direction. Ndakazopinda busy kumudzidzisa ahana kunonoka kubata zvake uye aive atove shasha kudarika ini teacher vake. Ndakazorwadziwa worse paakandikunda. Takazoenda kumba ndokumbobika naAnnie naTakue l really enjoy their company vanonakidza vanhu ava. Ndaive netest yaTakue akangogona chete ndakumupa basa pacompany yangu. Zuva iri rakandikasikira kunyura ko kana una Annie zvese zvinonetsa zvinombotiza kaa ende hapana chandakafarira that day sekuswera naye the whole day. Kuona kwese kwataita bhora yaive nyaya yekuti ndigare ndichiona Annie wangu ko atove wangu kaa hanty ishamwari yangu here. Ndakazomuseka team yake payakadyiwa ende ndakamufeeler nekuti vakazongodyiwa nguva dxaenda. Kungoti momz vaive vauya ndaitoda kumupa hug chaiyo ndichinyaradza mwana nekuti maziso ake aive atsvuka. Ndakazosara ndega team United yaenda kunorara l think vakatorara nebhutsu chete because mood yavaive naye kaaa it wasn't good at all. Ndatanga kuona mahighlights eEverton neUnited. Ndakatovarairwa ndakazonzwa kupinda kwemessage muphone yandisina kuziva kuti iripi uye ndiyani. Ndakazobaya phone iye ndokuona pic ramunhu akafanana naAnnie paScreenlock ndikaziva kuti ndivo Mai vake vaakauya navo paye ndiri kumusha. Asi message yacho handina kuiona because yaisaOpener pasina kuiswa password. Ndakazama ese andaifungira anoiswa negirls akaramba. Ndakazopedzisira kuisa her name ika unlocker. Ndakaramba ndakatarisana nepic rake raive wallpaper pake aive ariye akapfeka a blue dress that day reparty yake. Handina kutsvaga zvakawanda muphone make ndaitya kubatwa akaziva kuti asiya phone aidzoka oitora. Ndakaenda kucall log kwaingophonerwa Birth Giver chete saka handina kuzoita basa nayo asi ndisati ndamupa ndamazvisendera call me back nephone yake. Ndakatozviona kuti ndikaita zvekutamba inofira kwangu plus number dzake handaizodziwana so I utilize my time . Ndapedza kusenda call back iye ndanyatsomaker sure kuti zvaita ndakuzoenda kunomupa phone yake. Ndakaknocker door rake paakavhura l notice that her eyes were red but handina kuda kumunyaradza nekuti zvazoitika zvacho handina ruzivo nazvo saka ndakangomupa phone nekumupawo mashoko 1 2 esimbiso ndokuenda kuroom kwangu. Hope dzaitoramba kuuya ndakazoenda kugallery ndakuona mapics aAnnie ataitora tiri tese kuOffice amwe acho aive ari funny asi mamwe aive akabuda zvokuti. Paese atakatorwa naGuard pane one rakandinakira rataive takabana maoko. Ndakariisa paWallpaper then pastatus necaption yakanzi *Dear Friend Usandisiyewo* ndariposter within two mins ndaive ndatone 70 viewer nemalikes kuzoti macomments amwe handina kumakwanisa kumaverenga nekuti aive akawandisa asi ndakangoverenga two imwe yaive yakanzi *Couple of the year even thou gore risati rapera asi ukasiya mwana uyu wairasa* imwe yaive yakanzi *Zvichiri zveshamwari here izvi hanty akaenda unotsvaga mumwe here anyways you look good together like this mhani* Ndakazosiyana nemacomments evanhu ndokuenda kuchat raAnnie randaive ndasaver kuti A.n.n.i.e netwo tumaemoji kwelove . I have pure intentions guys hnty ishamwari yangu here. Ndakamusendera mapics ese ethat day nevideo racho. Ndakazosenda kasmall message kwaari asi akangopindura one word chete. I think aive achiri akatsamwira united yake . Ndakazorara dzehumambo zvangu ndakatozovhunduka alarm yairira kutarisa kudai dzaive dzatove past 6. Ndikati that day ndakageza ndinganyepe ndakangizvidira mvura nekutobuda apa ndaive netight schedule plus two mameetings. Ndakadzika downstairs ndakawana Annie akamira pamain door akabata food bag l think akaziva kuti ndanonoka. Ndakangomuti goodmorning nekutobuda kana zvaakazopindura handina kuzvinzwa ini. Ndakapinda mumota mangu ndiri bara zvekuti speed yandaifamba nayo kaaa aive isina zera neni. Ndakasvika kubasa nekutoita busy yakapenga semunhu asina kunyanya kushanda nezuro wacho. Ndakazoenda kumeeting kuma around 8:30 zvezuva iri zvaitove worse. Meeting yaifana kuita 2hrs yakazoita 4hrs taipikisana nemabusiness partners angu aida kuti tivakire imwe company kuZvishavane ini ndaisada ndaida kuCentenary kusina mamines akawanda saka taizoita mari yakanakisa zvikuru. Takazopedza meeting iya ini ndandatoneta ini. Ndakazonodya my food apa break time was already over saka ndakaita fast semunhu aive meeting after lunch. Ndakazogadzira imwe presentation ndega sezvo my P.A asipo. Hakuna kufara kunodarika zvandakaita pandakaphonerwa naSibanda achindiudza kuti meeting tacanceller sezvo vanhu vataida kuita meeting yavo vaive vabuda zviri urgent zvaive zvatove zvenext week. Instead yekuti nditsamwe Kuti basa ririkuwanda ndakatofara kuti ndakutombonozorora zvngu semunhu aive aita over work semunhu waboss unenge usina kuzvijaira. Ndakazodzokera kumba ndakapinda mumba maitonhuwirira chikafu asi handina kuda kuonekwa. Ndakashamisika ndakushedzerwa chikafu ndakatadza kuziva kuti aive andiona sei ndakangofungira kuti anzwa mota hakuna chimwe. Ndakazozvigeza zvakanaka uye ndakatora nguva yangu semunhu aive aneta nebasa . Takazodya lunch yedu boe boe ini ndokumboenda panze kugarden kunoona maruva angu. Time dzakafamba ndiriko ndakazophonerwa naMike achindiudza kuti nhasi kune game kuNational Sports raitanga na3 apa dzaive kuma2. Saka ndakaudza Takue and Annie ahana kuramba saka ndakazovamirira vachiita zvavaiita. Ndakazoona kuuya achisekerera ndakatotadza kuzvibatanidza ini "Wow you look more beautiful when you smile" "Thank you so much friend" "So tell me ukufarei tifare tese" "I thought vakuudza vega" "Hezvo Ani kuudza ini inyaya yei nhai" "Ndandatove nestress yekubika manheru but mama vazondiphonera pandadzokera mumba kuti varikumboenda kugomo nevanhu vekuchurch uye vanodzoka vachidarikira kuenda kumusha kunoona vamwene vavo" wow saka nhasi ndoswera naAnnie ft.Handina kuda kuratidza kufara kaa ndakangomuti "Havana chavandiudza ko hanty vaudza iwe her favourite daughter here" "Hiiii Nhaiwe" "What" "Ungabva wandidaro here" "Ko kunyepa here, nhai Takue mama vambokuudza nezvekubuda kwavo here" ndini ndaitobvunza Takue paakauya achipedzisa kupfeka watch yake. "Nope" "Ohhh hanty ndakuudza kuti you are her favourite daughter infact her favourite child" ndakatodaro ndakuenda kumota ndakatoona kuti tingaswere zuva rese tichiri pamba. Ndakazotengera vanhu vangu matickets ekuti tipinde. Ndakafara pandakasvika game richangotanga. Annie aive achiita nyaya naTakue ini ndaive busy negame handina kuda kuterera nyaya dzavo ini. Bhora rakazosara ropera Annie naTakue vaive vasisipo. I called Annie vakatoti varipa gate ndakadinhiwa ini handidi kunyepa. Ndakazobuda naMike ndokuzopesana naye pagate. Ndakavaona vakagara zvavo apa vaive too close ndakanzwa kuda kudzipa Takue nekuti aive anyanya hucloseness hwacho. Vakazouya pandaive ndokupinda mumota ndokuenda kuNando's takazodya zvedu ndokuzovakumbira kuenda kumovie havana kuramba Annie akatofara. Ndakasvika ndokubhadhara everything ndozopinda. Pakugara manje ndopakanetsa. Munhu wese aida kugara pakati ndini ndakazopedza zvese nekuti mese muri vapfana vangu saka I have to protect you kaaa . Vese vakagutsurira kunyepera kunzwisisa . Ndakavaudza kuti ndini ndichagara pakati hapana akapikisana nazvo. Takangora kuback back sezvo vese vaida kuona movie nekure. Ndakazotenga mapopcorn ndini ndaive ndakamabata infact ndakamaisa pamakumbo angu. Move yakatanga yainzi *Everything everything* takatanga kuona movie tichidya mapopcorn zvedu. Saka ndakavarairwa ndokupa Takue mapopcorn aye kuti abate sezvo ndaive ndapindwa nemovie manje. Annie aive busy nemovie aisatarisa papopcorn aye aingotora chete. Ndakazonzwa Annie abata Junior wangu ndakavhunduka handidi kunyepa. Ko chaa chiii futi ndakazofunga kuti ndini ndaive ndakonzeresa nekubvisa mapopcorn. Akavhunduka ndokunditarisa akanditi "Ko mapopcorn waisa kupi Kayyy" kamutauriro kake kaive kemunhu arikutya "Sorry l gave Takue by mistake" ndakadaro asi kutaura chokwadi junior akareactor fast nekungobatwa naAnnie chete. Hawanze kudaro asi apa zvakatondishamisa . Movie rakazopera ndokuenda kumba moroad mese hapana aitaura nemunhu Takue aive asina chaaona. Annie akaburuka fast ndokuenda kumba ndakasara kutevera iye aive atopinda muroom make. Ndakazozvibatsira neruoko ndokurara asi Annie aive achizama kudii chaizvo. Ndakazorara ndokurota baba vangu vakabata futi musikana vachisekerera. Ndakazovanzwa vakutaura neni "Handina mwana ane hutsinye ini ndoda uende kune musikana arikujeri umuburitse adzidza uyo musiye aite life yake" ndakanzwa hasha sure munhu akandirwadxisa opedza otengesa mota yangu. Vakazoenderera mberi vachiti "Mubata zvakanaka ndiye wako nxira ndakakura kare usatye hapana anokukanganisai as long ndiripo mulife menyu" vakauya naye asi aive akavharwa face ndokundibatanidza maoko edu ndokuzoti "You have my blessings" vakabva vatoenda Ndakapepuka ndokutanga kunetseka asi ndakazongonamata ndikasiyana nazvo. Ndakaenda kubasa as usual hapana chakanetsa. Ndakazofunga zvehope dxaNene ndakutoenda kumba ndakangoti ndomuona mangwana. Yaive ya Friday apa Tendai aiuya musi weMonday. I have to prepare her welcome party mwana wamai vangu. Ndakazodya supper tichiita nyaya naTakue asi Annie aive off mood. Ndakasiyana naye ndapedza ndakazoenda kuroom kwangu, pandakanzwa door raAnnie kuvhurwa ndakabva ndatomuphonera. Ndakaphona three times achisingadaire ndokuzodaira ndatodhiniwa. "Hello" nevoice riri very low "Hie friend how are you doing Annie" "Am better hangu Uricei" "Am not even fine ini " ko kuzodororotsa musoro searikundiona manje "What's wrong Kayy" ndozvandaida chaizvo "Hanty you are giving me cold shoulder here Annie zvirikurwadza to be honest" "Ndirkufeeler guilty ini Kayy yes am your friend but what l did yesterday handina kufara nazvo neni akadaro" "It wasn't your fault Amana ndini ndakatsvengesa mapopcorn by mistake ndaive ndakavarairwa, usafeeler guilty Hanty to be honest l miss you my friend " "Its oky Kayy l miss you more but ndandichitya kudzingwa basa after ndabata zvinhu zvevakuru " akadaro achitonzwika kuda kuseka "Usazvitye uri wangu hanty, can l see you kudinning horaiti " "Nooo hazviite zvinozobuda here " "You are my friend u have nothing to fear about it" "Fine ndakuuya" "Upfeke zvinodziya" Haana kupindura ndokuekata hake. Ndakaenda kudinning kuye ndokudzima tv zvese nelight ndaida kuti Annie auye . Rima raitove serious iroro Annie akabatidxa light akauya kuzogara paside pangu pasofa revanhu two. Ndakabatidxa TV ndokutanga kuona movie zvedu. Apa raive romantic one guys hamuna chamakaona. Ndakatanga kuona movie zvedu Annie aive angotarisa TV zvino ave tense sezvo raive rapa part yekukisana. Ndakazongoerekana ndamuhugger haana kureactor asi akanditi....... *End of Chapter 23* *Siya wareactor iwe like rako rakakosha*
😂 ❤️ 👍 🙏 😢 11

Comments