🇿🇼🇿🇦PRINCE WASHE SHONA STORIES
February 22, 2025 at 05:09 PM
*The Infinity Drops* Written by Prince Washe Chapter 37 Chamunorwa Finally, ndakazobudira pachena Nokue kuti ndaimuda uye ndainge ndisina kumbobvira ndarega. Ndainge ndapedza pangu kana kuroora ndainge ndapedza kunyangwe ndainge ndakaroora nemari yedu tose. Ndichinovhara door iye akabva andichingura takasangana paive nespace yakanyatsonaka. I hold her back iye akandibata muhuro then takabva tatarisana mumaziso ndakabva ndati, "Nokue please, I don't want to be your number 1, because that means that there is a 2 and 3 but I want to be your only one!" " Ooh okay Chamu you are my passion, my life, my love. Without you I would have no reason to live. All the stars in the universe could not replace what we have together. I thank you for loving me please usandisiye." "I won't leave you darling, my love for you is a journey starting at forever and ending at never." Haana kuzopindura nekuti ndichipedza kutaura ndakabva ndatanga kumukisa. Zvaive zvitsva kwandiri asi nemamovie andaimboona hazvina kundinetsa kuzviita. Ndakabvisa pfungwa dzose kumwe kana zvekuti taive pakuchema takazvisudurutsa ndokuisa pfungwa pamwe. We started romancing each other till we left with no anything to cover our bodies. Nekusanyara kwake ndaitoona kuti pamwe akange akatombozviita hake nekuti she was craving for me zvekutodaro. "Chamu no more tears handiti let's make love." Akadaro andisira mukana wekuva baba kwaari, semunhu aivewo in the same spirit I didn't wait for long ndakabva ndaenda panzvimbo yababa chaiyo. "Chamu ndakati ndiri kurwadziwa undisiye please nekuti handisati ndambozviita." "Are you a virgin?" "Yes Chamu." Ndakafara kuti ndini ndaive wekutanga kuvhura road yekuUK. "Chamu chindisiyaa!" Yaive kikiri kikiri kuti ndizobudirira then we both lost our virginity. "Chamu wandikuvadza ndati ndisiye wani." "Newewo wandikuvadza, but it's okay zvatoita we're are now one." "Okay Chamu usazondirwadzise hako iwe wanditorera pride yangu." "Its okay my sister kkk." "Ibvapo handidi kuzvinzwa zvekunzi sister undikwanire." "Kkk akaa." We enjoyed the whole day tiri mushop ko chikafu chaivemo, toilet yaivemo saka dzaingove nyaya dzitsva sezvo tainge tajaira kutaura sehama nehama. Hatina kana kuzotengesa nekuti yakange yave nguva yedu yekupanana rudo. Nguva dzakafamba tirimo kusvika kunze kwazosviba ndopandakazotsvaga mota yekunotisiya kumba mumwe wangu aitoyema zvake achitadza kufamba. Takanosiya kumba ndakabva ndamubereka ndokunomuisa mutub in our bathroom. Ndakange ndave kutopenga nerudo ndini ndakatomugezesa ndokumutakura zvee kuenda naye muroom make ndomakange mave mubedroom medu. Hapana chakazobikwa sezvo tainge tadya kushop takazongorara hedu ndokuzomuka kudzokera kushop apa yakange tave serious nebusiness. Zvinhuu zvedu zvaifamba semazuva ose, mai Susan naTerry hatina kuzonzwawo nezvavo kusvika two weeks dzapera ndokuenda kuchipatara. Takasvika ndokusigner mapaper aida izvozvo ndokuzopihwa mwana. Ndangariro dzaTine dzakadzoka pandainge ndakabata mwana wake ndichiona kufanana. Misodzi yakatanga kuita senzizi pamatama angu Ndainge ndakavenga mauyiro aakange aita asi mwana ndaitomuda zvakanyanya. Takaudzwa mabatiro ataizomuita uye nebottle milk yatakanzi titenge kusvika akura. Takadzokera kumba kwedu nemwana wedu Nyaradzo apa ngaanake. Zvaiendendeka zvakanaka pamba tave baba namai naNokue Nyaradzo ari mwana. "Nokue it's high time we have to buy our own car?" I said that to my beautiful wife Nokue "Okay hubby hapana chakaipa ndokutotanga kwacho tingarambe tichikwira dzevamwe here?" "Hazviite wena, ndiri kufunga kuchengeta nherera pandiri pano. Ndoitawo zvandokwanisa vanoda vachigara kumba kwangu kuya nekuti nherera dziri kusangana nezvakawanda mudzimba umu ndakazvionawo pahupenyu hwangu naTine." "Hmm apa wataura apa unoziva zvinonzi chipavhurire uchakodzwa, rudo rwakanaka hmm ndaisazvifungira ini." "Yeah ndochinhu chandaidzidziswa naMwari pose apa mari iyi haisi yangu asi ndeye nherera." "Okay mudiwa wangu zvinoita." Ndainge ndazvipira kuti ndichengete nherera ndaisada zvakaitika pana Tine zviitike kune vamwe nekuda kwekushaya vabereki. Ndaiita kuzvinzwa mumwoyo kuti ndozvandaifanira kuti ndokuziva kuti ndiMwari vaitaura kunyangwe taisanamata zvekudaro. Ndakazobva pamba ndokuenda kumba kwangu and I noticed all lodgers with a one month notice kuti vabve pamba pangu takawirirana. Ndivo vandainge ndamboisa kuti pamba pasazosare pasina munhu. Ndakazoenda kushop ndega ndokutanga kutengesa kusvika kwazouya mumwe murume wechikuru aive akapfeka short aine manyatera. Takamhoresana ndichimirira kuti vabvunze zvavaida asi vakazotanga kutaurawo zvimwe concerning my life then I found out kuti he was a red garment prophet. "Ndiri kuona iwewe uchichema kwenguva yakareba uye hausi kunzwisisa kuti chii chiri kuitika muhupenyu hwako. Zviri kuitika kuti vamwe vaparara iwe wasara une mudzimu unokutevera uri kuda kuti uushande nawo kuti uite n'anga." "What?" "Yeah ndozvandiri kuona, kana wada hako ndokuperekedza kuMatopos ukoo kunotrainwer n'anga kusvika wave kunyatsoona mumweya nekudzidziswa kurapa uye wopihwa certificate. Don't worry zvinoitwa nemazvo zvekuti kana mapedza panotorwa nduru kana yembudzi yovigwa imi makavharwa kumeso mozonzi tsvakai ukaiona zvinenge zvaita." "Aah I can't be a traditional healer no." "Manje ndocalling yako, tenga jira rered wouya ndikubatsire." "Hmm okay ndisirei number dzengu ndozokufonerai towana nguva yekuti mundiudze nyaya yenyu zvakanaka." Ndakasirwa number dzavo asi ndainge ndapindwa nekutya nenyaya yavo. How come kuti ndiite n'anga haa zvaisabuda. Terry "Mai Susan this life is not okay with me, ndakatadza hangu asi izvi zvazonyanya izvi." "Aah moda kuti ndidii hangu neniwo ndiri kupika mhosva dzangu saka ndakatoomerwawo ini ndakatarira pana Jesu ndinoziva ndinoita zvakanaka." "Haa ini pachokwadi ndoda kuenda kun'anga zvipere izvi, ndingatofa kaa ndakatarira." "Hmm bvunzai ini ndakambofamba nazvo zven'anga hazvina maturo kune anonzi Jesu." "Ndozviziva asi ndoda kukasira kubatsirwa handiti n'anga dzacho dzakasikwa naMwari here zvakangofanana rega ndimborara gumbo rangu rakaita zvakanaka ndoenda." "Okay bamwana itai zvamunoda ini hangu ndakapfidza handirambe ndichiita zvisina basa." Zvainge zvandiremera kana kunzi kurangwa kwacho kwaive kwakanyanya zvaitoda kumbofamba nguva ichiripo. Ndakazorara ndisina kuenda kutoilet ndokuzomuka zuva rave kunowira. Mai Susan vaive vakagara vachiverenga bible, pavakapedza vakabva vatanga kunamata vachichemaa. Ndakazama kufamba ndokuona ndave kukwanisa, "Eeh ndave kuenda kunobatsirwa imi sarai." Ndakadaro asi havana kundidaira vachingonamata ndakabva ndatora $5 mudrawer mavo. Ndakabuda ndichiseka kuti vaizvitambisira nguva nekuuraya kwavakaita Mwari aisavanzwa. Ndakakwira bhazi ndokuenda kuChegutu kwaamai vangu asi ndakatanga ndaenda nekun'anga. Ndakasvika ndokutaura dambudziko rangu kuti zvindifambire uye ndikasikewo kupora ndisanetswe nechipoko chaTine. Ndakapihwa mushonga wekunwira ipapo ndokuzopihwa kamudzi kekuti kana ave manheru ndaikaisa mukanwa kwe7 days ndozosiyana nazvo. Ndakazoenda kumba ndokuona mhamha varipo vachibva kugarden kwavo. "Nhaiwe ko waitwei zvekare kuzokuvara maoko ose kudai?" "AAh iaccident pandaienda kuNorton paya, ndakangoti handikuudzei maizofa neBP." "Hmm inga zvakaoma." "Moms kwave nemumwe mwana kaa." "Hee haa apa chindipawo muzukuru mumwe chete ndigare naye" "Okay ndichakupai uyo wandakasungirwa paya ndiye akapona mwanasikana, asi iye akabva afa pakuzvara." "Shame, okay ngaauye ndimbowana muvaraidzi." "Okay ndinonomutora kana maoko angu aita zvakanaka aya." Takatandara hedu kusvika kwasviba takadya kudya kwemanheru. Ndakaenda muroom mandairara ndokuisa kamudzi kaye mukanwa ndokurara zvakanaka hangu. Ndakazomuka mangwanani ndokuvabatsira mabasa ndokuzodzokera kumba kwamai Susan. Ndakashamisika kusvikoona vachifamba asi vakange vasati vakunyatsogona kufamba. "Mai Susan munozvikuvadza madii mamira mapora?" Ndakadaro ndichivabata. "Usandityire, handisi kuzogara pawheelchair zvekare, kana Mwari wandonamata ariiye akaita kuti mapofu aone, akarapa zvirema ndiri kuzorapwa." "Mai Susan Mwari vanobatsira vanozvibatsira izvi zvomoda kuita zvine misodzi kumberi." "Ehe zvine misodzi yemufaro." "Hoo tichaona mabika here?" "Handina ini ndiri pamutsanyo." "Hmm zvino tofa nenzara here " "Don't worry ndokubikirai ini." Ndakazopinda mumba asi zvainge zvandishamisa kuti mai Susan vakange vave kukwanisa kufamba zviri nani. Ndakanogara pawheelchair yavo ndokubatawo bible ndichida kuverenga ndakabva ndabatwa nehope ndokurara.. Ndakanomira pamusoro pemba ndokuona Tine ave kuuya kumberi kwanguu. Ndakatanga kudududza zvishoma nezvishoma kusvika ndaisvika kumucheto ndokumira. "Tine please don't do this to me, ndipewo mukana wekupora ndikwanise kureera mwana wedu." "Kureera mwana wandisina kuona ini, tainge tawirirana here kuti tiite mwana?" "Haa kana it was a mistake please ndiregerere." "Unofanira kumbotambura kuti mweya wangu uzororeeeee!" Akadaro achindisundidzira pasi ndakabva ndadonha pasi ndichirovera nemusana. Ipapo ndakabva ndapepepuka ndichivhunduka. Ndakada kusimuka ndokunzwa musana wangu usingade nekurwadza. "Amaaiiiii!" Ndakaridza mhere mai Susan vakabva vauya. "Ko chiiko?" "Musana wangu mai Susan uri kurwadza handichagone kusimuka pano." "Imi handiti makaenda kun'anga here nezuro ko chii chave kuitika? Musatiitire dambe imi mazogarawo sei pawheelchair ipapo?" "Ndaida kuverenga bible nekunamata zvamaiita nezuro." "Inga hamurevese baba imi, moda kusanganisa mushonga nechinamato kuti zvidii mirai panzvimbo imwe." "Ndomira sei musana wave kusada?" "Hayaa ndiri kuti itai chinhu chimwe." "Haa mai Susan hupenyu uhwu hauchanakidze, ndarota Tine achindisundira pasi ndiri pamusoro pemba ndopandamuka ndichirwadziwa." "Hmm pedzeranai makaramba Jesu imi muchiziva kunaka kwake." "Ndinonamata mai Susan regai ndipore." Ndakaedzazve kuda kusimuka asi musana waiita kubanda zvekuti kana kuseka ndaisakwanisa. Ndakademba chandakazvarirwa zvangu, kuzvarirwa kutambura kwakadaro. Ndakazoramba ndiripo kusvika kwasviba, mai Susan vakandipa chikafu ndakadya madyiro echirema ndakapedza nguva refu. Ndakazoda kuisa kamushonga kangu mukanwa ndokukashaiwa, ndakabva ndarangarira kuti pandainge ndamuka ndiri kuChegutu ndainge ndisina kukabvisa mukanwa. Zvakandiomesa mate mukanwa zvese nekukanda mapfumo pasi hupenyu hwarema. "Eeh baSusan ndakumbonorara kugomo nevamwe ndodzoka mangwana." "Hmm muchindisiya ndega here ndakadai muri kuendera kupi?" "Ukoo opposite paSunny Yiefeng pamaChina." "Ndoshuwa kuti dai ndaifamba ndaendawo hupenyu hwangy huri kurwadza." "Mazvokuda aya mavanga enyora. Ndambakuudzwa akaonekwa nembonje pahuma ndaikuudzai kuti ngatinamatei sarai muchizorora bamwana ndinokudai asi kwete kupfuura Mwari ndichakunamatirai." Vakabva vabuda vachifamba zvishoma nezvishoma havo vakabata Susan ruoko vakaenda. Ndakasara musoro uchitema ndichiziva kuti ndaizochema usiku hwose. Ndakange ndiri pawheelchair yangu wee ndokuzonzwa yave kufamba yega. Hana yakarova ndichicheuka handina wandakaona. Yakanorovereswa kumadziro ndakabva ndarovera kumadziro nemakumbo angu. "Tineee sorry dai zvaikwanisika tadzokera kumashure ndaisadaro ndapfidza." Ndaingotaura ndega sezvo ndaiziva kuti hapana chimwe aive Tine. Handina kuzorora wheelchair ichingosundwa kusvika ndave kubuda ropa kumakumbo. "Tine wave kufarisa manje ndakumbira ruregerero wani, ndakatadza ndakakurara ndokuparadza humhandara hwako nekukumitisa ukazofa sorry." Ndakadaro ndichiti ndagona ndaizivei kuti ndainge ndazvigokera moto muziso. "Ukasafa handisi kukusiya." Ndakanzwa inzwi raTine richidaro. Ndakademba chandakaitira zvakaipa. Zvaiita kunge ndairota asi zvaiitika, ropa rakayerera kubva kutsoka dzangu nekumakumbo rainge rakawanda. "Help!" Ndakadedzera asi izwi racho raisasvika kure. Ndakatanga kupera simba ndichitadza kufema plus marwadzo emuviri wose. End of chapter
❤️ 😂 🙏 😮 12

Comments